Unoyeuka Here?
Wakawana magazini eNharireyomurindi enguva pfupi yapfuura achikubetsera here? Ipapo kuregerei kuedza pfungwa dzako nemibvunzo inotevera:
◻ Ndeipi mibvunzo miviri yakabetsera vaKristu vakawanda vaifanira kusarudza basa kuti vazvisarudzire?
Mubvunzo wokutanga unokosha ndouyu: Basa racho rokunyika pacharo rinoshorwa neBhaibheri here? Mubvunzo wechipiri ndouyu: Kuita basa iri kungaita kuti mumwe ave mubetseri muzviito zvinoshorwa here?—4/15, peji 28.
◻ ‘Zvisikwa zviri vanhu zvakaiswa pasi pokusava namaturo’ munzirai? (VaRoma 8:20)
Taka‘iswa pasi pokusava namaturo’ pamusana pezvakaitwa navabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha. Izvi hazvina ‘kuitika nokuda kwedu’ kana kuti nemhaka yokuzvisarudzira kwomunhu oga. Takazvigara nhaka. Kunyange zvazvo zvino vabereki vokutanga vakanga vopfuudza kusakwana, chivi, uye rufu chete, nengoni, Jehovha akangovabvumira kuti vabereke vana. Rufu rwakasvika kuvanhu vose, saka mupfungwa iyoyo Mwari “akais[a zvisikwa] pasi pokusava namaturo.”—5/1, peji 5.
◻ Nei zvichinzwisisika kutaura kuti kuchava noku“mir[a] panzvimbo tsvene” kunoitwa ne“nyangadzi” munguva yemberi? (Mateo 24:15)
Mune zvakaitika kare, ‘nyangadzi yakamira panzvimbo tsvene’ yakanzi yaireva kurwisa kweRoma ine Mutungamiriri wemauto Gallus muna 66 C.E. Kurwisa kwanhasi kwakafanana nakwo—kutanga “kwekutambudzika kukuru”—kuchiri mberi. (Mateo 24:21) Saka “nyangadzi yokuparadza” ichigere kumira panzvimbo tsvene.—5/1, mapeji 16, 17.
◻ Baba namai vanoshanda vangawana sei nguva yokuva nevana vavo?
Mai vanonzwa vaneta pakupera kwezuva rekushanda, vangakumbira vana vavo kuti vagadzire vose zvokudya. Baba vane zvinhu zvakawanda zvokuita pakupera kwevhiki, vangaita mamwe amabasa acho nevana vavo.—5/15, peji 6.
◻ ‘Vanofamba munzira yaJehovha’ vanofanira kuitei? (Jeremia 7:23)
Kufamba munzira yaJehovha kunoda kuvimbika—kutsunga kumunamata iye oga. Kunoda kuvimba—kutenda zvakakwana kuti vimbiso dzaJehovha ndedzechokwadi uye dzichaitika. Kufamba munzira yaJehovha kunoda kuteerera—kutevera mitemo yake pasina kutsauka nokuchengeta mirayiridzo yake yakakwirira. (Pisarema 11:7)—5/15, peji 14.
◻ Mabasai anokosha mana anogona kuitwa ne“zvipo zviri varume”? (VaEfeso 4:8, NW)
Zvinogona kutigadziridza nounyoro, kutivaka norudo, kubatsira kubatana kwedu neungano uye kutidzivirira noushingi. (VaEfeso 4:12-14)—6/1, peji 14.
◻ Tingadzidzei pakushamwaridzana kwaPauro nevanenge vanhu zana rimwe vanodudzwa muna Mabasa nemutsamba dzake?
Kuti tinofanira kushanda nguva dzose nesangano raMwari, neungano yemunharaunda medu, uye nevatinonamata navo. Tinoda kubetserwa navo, kutsigirwa, uye kunyaradzwa munguva dzakanaka nemunguva dzinotambudza.—6/1, peji 31.
◻ Mitooi mitatu yokurangarira ingashandiswa mukubetsera vamwe kuti vafunge pamusoro poMusiki?
Kurongeka pane zvakasikwa zvose zvakawanda kwazvo, kwakabva upenyu pasi pano, nokusiyana kweuropi hwemunhu kusina anopokana, kusanganisira zvakawanda-wanda zvaunokwanisa kuita.—6/15, peji 18.
◻ Nei kunzwisisa zvinorehwa nezita roMusiki kuchikosha kwazvo?
Zita raMwari rinoreva kuti “Anokonzera Kuva” uye rinosimbisa kuti anoita chinangwa uye anoita chiito. Nokuziva kwedu nokushandisa zita rake, tinganzwisisa zviri nani kuti anoita zvaakavimbisa uye anoita kuti chinangwa chake chiitike chaizvo.—6/15, peji 21.
◻ Vana vanogona kubatanidzwa sei mufundo yeBhaibheri yemhuri?
Pazvinoita, rongai kuti mwana oga oga ave neBhaibheri nebhuku rinodzidzwa zvake pachake. Muduku angakumbirwa kuti atsanangure mufananidzo uri pane zviri kudzidzwa, uye mwana angafanoudzwa kuti azorava rumwe rugwaro. Ati kurei angapiwa basa rokuti azotaura mikana iyo mashoko ari kudzidzwa anoshanda.—7/1, peji 15.
◻ Mhuri ingabatanidza vavariro dzipi painogadzirira misangano yeungano?
(1) Kuti munhu oga oga ari mumhuri ave akagadzirira kutsinhira pamisangano; (2) kuti munhu oga oga ashandire kutsinhira nemashoko ake; (3) kubatanidza magwaro mutsinhiro; uye (4) kuongorora mashoko nechinangwa chokuashandisa iwe pachako.—7/1, peji 20.
◻ Chii chiri chinhu chinokosha kuti vakaroorana vafare?
Kuti vakaroorana vavhure ndokuwana mufaro unokosha, chimwe chinokosha kukurukurirana zvakanaka. Izvi zvinosanganisira kupanana pfungwa nemaonero. Uye kukurukurirana zvakanaka kunoreva zvinhu zvinovaka, zvinozorodza, zvakanaka, zvinorumbidzwa, uye zvinonyaradza. (VaEfeso 4:29-32; VaFiripi 4:8)—7/15, peji 21.
◻ ‘Nzira yaJehovha’ chii? (Pisarema 25:8, 9, 12)
Nzira iyoyo inzira yorudo. Yakavakirwa pakuita zvakarurama maererano nezvinodiwa naMwari. Maererano neBhaibheri kushandiswa kweurwu rudo rwune nheyo kunonzi nzira “inopfuura dzose.” (1 VaKorinte 12:31)—8/1, peji 12.