Kurarama Nokutenda Zvakavimbiswa naMwari
“Ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa.”—ISAYA 46:9, 10.
1, 2. Mafungiro api akasiyana pamusoro pokubatanidzwa kwaMwari munhau dzepasi?
MWARI anobatanidzwa zvakadini munhau dzenyika? Mafungiro anosiyana-siyana. Imwe pfungwa ndeyokuti haatombobatanidzwi zvachose. Zvaakatosika vanhu, haachadi kana kuti haachakwanisi kutiitira chinhu. Mupfungwa iyi, Mwari akaita sababa vanoisa mwanakomana wavo pabhasikoro idzva, voritsigisa, vobva varisunda kuti mwanakomana wavo atange kukunguruka achidzika nomugwagwa. Vadaro, baba vacho vanobva vaenda. Mukomana wacho ari oga; angadonha, kana kuti angasadonha. Chero zvichaitika, baba havachinei nazvo.
2 Imwe pfungwa ndeyokuti Mwari ndiye ari kutungamirira chinhu chose muupenyu hwedu uye kuti anobatanidzwa zvakananga nezvinhu zvose zvinoitika muzvose zvaakasika. Zvisinei, kana izvi zvirizvo, vamwe vangaguma vati Mwari haangokonzeri zvinhu zvakanaka zvinoitika chete asiwo utsotsi nenhamo zvinotambudza vanhu. Kuziva chokwadi pamusoro pezvinoitwa naMwari kuchatibatsira kuziva chokutarisira kwaari. Kuchasimbisawo kutenda kwedu mune kumwe kuzadzikiswa kwezvaakavimbisa.—VaHebheru 11:1.
3. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha ndiMwari wechinangwa? (b) Nei Jehovha achitaurwa nezvake se‘anoumba’ uye ‘anogadzira’ chinangwa chake?
3 Chinokosha pamubvunzo wokubatanidzwa kwaMwari munhau dzevanhu ndechokuti Jehovha ndiMwari wechinangwa. Izvozvo zvinojekeswa nezita rake chairo. “Jehovha” zvinoreva kuti “Iye Anokonzera Kuvapo.” Nechiito chinopfuurira, Jehovha anozviita kuti ave Muzadzikisi wezvose zvaakavimbisa. Saka, Jehovha anoguma ataurwa nezvake se‘anoumba,’ kana kuti anogadzira chinangwa chake chezviitiko kana kuti zviito zvomunguva yemberi. (2 Madzimambo 19:25; Isaya 46:11) Mashoko aya anobva mushoko rechiHebheru rokuti ya·tsarʹ, rine chokuita neshoko rinoreva kuti “muumbi.” (Jeremia 18:4) Kungofanana nomuumbi ane unyanzvi anogona kuumba bundu revhu kuti rive vhasi rakanaka, Jehovha anogona kuumba, kana kuti kushandisa zvinhu, kuti aite zvaanoda.—VaEfeso 1:11.
4. Jehovha akagadzirira sei pasi kuti rigarwe nevanhu?
4 Somuenzaniso, Mwari akaita chinangwa chokuti pasi rizova nzvimbo yakanakisisa kuti rigarwe nevanhu vakakwana, vanoteerera. (Isaya 45:18) Kare asati asika murume nomukadzi vokutanga, Jehovha akavaitira gadziriro yorudo. Zvitsauko zvokutanga zvebhuku raGenesi zvinorondedzera kuti Jehovha akaita sei kuti masikati nousiku, nyika negungwa zvivepo. Apedza akasika zvinomera nemhuka. Uku kugadzirira pasi kuti rigarwe nevanhu kwakatora zviuru zvemakore. Chirongwa chacho chakapedzwa norubudiriro. Murume nomukadzi vokutanga vakatanga upenyu hwavo muEdheni, paradhiso inofadza yakanga ine zvose kuitira kuti vanakidzwe noupenyu. (Genesi 1:31) Saka Jehovha akanga achibatanidzwa zvakananga munhau dzepasi, achienderera mberi kugadzira mabasa ake kuti awirirane nechinangwa chake chikuru. Kukura kwemhuri yemunhu kwakachinja kubatanidzwa kwake here?
Jehovha Anoganhurira Kubata Kwake Nevanhu
5, 6. Nei Mwari achiganhurira kubata kwake nevanhu?
5 Jehovha haatungamiriri nokudzora zvinhu zvose zvinoitwa nomunhu, nyange zvazvo ane simba rokuita kudaro. Pane zvikonzero zvokuita izvi. Chimwe ndechokuti vanhu vakasikwa mumufananidzo waMwari, vane rusununguko, vari vanhu vakasununguka. Jehovha haatimanikidzi kuita zvaanoda; uye hatisi zvinhu zvinodzorwa nerimwewo simba. (Dheuteronomio 30:19, 20; Joshua 24:15) Nyange zvazvo achititongera zvatinoita, Mwari akatipa norudo rusununguko rwakati kuti tisarudze kuti ticharonga sei upenyu hwedu.—VaRoma 14:12; VaHebheru 4:13.
6 Chimwe chikonzero nei Mwari asingatungamiriri zvinhu zvose zvinoitika chine chokuita nenhau yakatangwa naSatani muEdheni. Satani akaramba kuti Mwari ndiye changamire. Akapa Evha waiita semukana wokuzvimirira—chinhu icho iye uye gare gare murume wake, Adhama, akabvuma. (Genesi 3:1-6) Saka, Mwari akabvumira vanhu kuti vazvitonge kwenguva yakati kuti zvakataura Satani zviratidzwe kuti zvakanga zvakarurama here. Nokuda kwechikonzero ichi, zvinhu zvisina kururama zvinoitwa nevanhu nhasi hazvigoni kunzi ndiMwari anozvikonzera. Mosesi akanyora nezvevanhu vanopandukira kuti: “Vakamuitira zvakashata, havazi vana [vaMwari], ndiko kuremara kwavo.”—Dheuteronomio 32:5.
7. Chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi nevanhu ndechipi?
7 Zvisinei, paanobvumira kuzvisarudzira nokuedza zvinhu mukuzvitonga, Jehovha haana kutanga muitiro wokusapindira muzvinhu zvepasi, zvingatisiya tisina tariro yokuti achazadzikisa zvaakavimbisa. Nyange zvazvo Adhama naEvha vakapandukira uchangamire hwaMwari, Jehovha haana kuchinja chinangwa chake chorudo nokuda kwepasi uye nokuda kwevanhu. Haazotadzi kuchinja pasi rino kuti rive paradhiso inogarwa nevanhu vakakwana, vanoteerera, uye vanofara. (Ruka 23:42, 43) Zvakanyorwa muBhaibheri kubva kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa zvinorondedzera kuti Jehovha ave achienderera mberi sei kushanda kuti aite zvaanovavarira.
Jehovha Anoshanda Kuti Aite Zvaanoda
8. Chii chaibatanidzwa nokuunza vaIsraeri kuNyika Yakavimbiswa?
8 Mumabatire aaiita norudzi rwaIsraeri, Mwari akaratidza kuti achaita chinangwa chake. Somuenzaniso, Jehovha akavimbisa Mosesi kuti Iye aizonunura vaIsraeri muEgipita ndokuvapinza muNyika Yakavimbiswa, nyika inoyerera mukaka nouchi. (Eksodho 3:8) Ichi chakanga chiri chiziviso chinokosha uye chinopa chivimbo. Chaizobatanidza kusunungura vaIsraeri ivavo—pamwe neshamwari dzavo vaiva mamiriyoni anenge matatu—kubva murudzi rwaiva nesimba rwaipokana zvakasimba nokuenda kwavo. (Eksodho 3:19) Nyika yavaizoendeswa yaigarwa nemarudzi aiva nesimba aizodzivisa zvakasimba kuuya kwavo. (Dheuteronomio 7:1) Pakati paiva nerenje umo vaIsraeri vaizoda zvokudya nemvura. Aya akanga ari mamiriro ezvinhu aizobvumira Jehovha kuratidza simba rake guru nokuva kwake Mwari.—Revhitiko 25:38.
9, 10. (a) Nei Joshua akanga achikwanisa kupupurira kuti zvakavimbiswa naMwari ndezvechokwadi? (b) Zvakakosha sei kuti tigutsikane kuti Mwari anogona kupa vakatendeka mubayiro?
9 Mwari akatungamirira vaIsraeri kubuda muEgipita nezviito zvesimba zvinotevedzana. Chokutanga, akaunza matambudziko gumi anoparadza parudzi rweEgipita. Zvadaro, akapatsanura Gungwa Dzvuku, achiita kuti vaIsraeri vapukunyuke uku uto reEgipita rakanga richitevera richiparadzwa. (Pisarema 78:12, 13, 43-51) Izvozvo zvaitika, akatarisira vaIsraeri mumakore 40 avaiva murenje, achivadyisa mana, kuvapa mvura, nyange kuona kuti zvipfeko zvavo hazvina kusakara uye kuti makumbo avo haana kuzvimba. (Dheuteronomio 8:3, 4) VaIsraeri vapinda muNyika Yakavimbiswa, Jehovha akavaita kuti vakunde vavengi vavo. Joshua, akanga achitenda zvakasimba zvakanga zvavimbiswa naJehovha, akanga ari chapupu chakaona zvinhu izvi zvose. Saka, aigona kutaurira varume vakuru vomuzuva rake nechivimbo kuti: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona. [Zvose zvakaitika kwamuri, NW.]”—Joshua 23:14.
10 Kufanana naJoshua wekare, vaKristu nhasi vanonyatsovimba kuti Mwari ari kuda uye anokwanisa kushandira vanomushumira. Kugutsikana uku chinhu chinokosha pakutenda kwedu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye . . . unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.”—VaHebheru 11:6.
Mwari Anofanoona Nguva Yemberi
11. Zvinhu zvipi zvinoita kuti Mwari akwanise kuita zvaakavimbisa?
11 Iko zvino, taona kuti nyange Mwari achibvumira kusununguka nokuzvitonga kwomunhu, ane simba nechido chokushanda kuti aite chinangwa chake. Nepo, pane chimwe chinhu chinobatsira kuti zvakavimbiswa naMwari zvive nokuzadzika kwakati. Jehovha anogona kufanoona nguva yemberi. (Isaya 42:9) Achishandisa muprofita wake, Mwari akati: “Rangarira zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare kare zvinhu zvichigere kuitwa ndichiti: Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda.” (Isaya 46:9, 10) Murimi ane ruzivo anoziva kuti odyara mbeu rini uye kupi, asi pangangoramba pasina chokwadi chokuti zvinhu zvichaita sei. Zvisinei, “Ishe usingaperi” ane zivo yakarurama yokufanoona kuti ndirini chaizvo uye ndokupi chaiko kwaanofanira kuita chiito kuti aite chinangwa chake.—1 Timotio 1:17.
12. Jehovha akaratidza sei kufanoziva mumazuva aNoa?
12 Cherekedza kuti Mwari akaratidza sei kufanoziva zviri munguva yemberi mumazuva aNoa. Pamusana pouipi hwakanga hwazara munyika, Mwari akasarudza kuparadza vanhu vakanga vasingateereri. Akaronga nguva yaaizoita izvi, makore 120 munguva yaiva mberi. (Genesi 6:3) Pakuronga nguva iyoyo chaiyo, Jehovha akafunga zvinopfuura kuparadza vakaipa, chimwe chinhu chaaigona kuita chero nguva ipi zvayo. Nguva yaJehovha yakaitawo kuti vakarurama vadzivirirwe. (Enzanisa naGenesi 5:29.) Nouchenjeri hwake, Mwari akafanoziva kuti ndirini paaizopa basa raizoita kuti izvozvo zviitike. Akapa Noa mashoko akakwana zvakaringana. Noa aifanira kuvaka areka “kuti aponese mhuri yake,” uye vakaipa vaifanira kuparadzwa neboporodzi renyika yose.—VaHebheru 11:7; Genesi 6:13, 14, 18, 19.
Chirongwa Chikuru Chokuvaka
13, 14. Nei kuvaka areka raiva basa rakaoma?
13 Funga nezvebasa iri nemaonero aNoa. Pamusana pokuti Noa akanga ari munhu waMwari, aiziva kuti Jehovha aigona kuparadza vakanga vasingadi Mwari. Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika, paiva nebasa raifanira kuitwa—basa raida kutenda. Kuvakwa kweareka chaizova chirongwa chikuru. Mwari akanga ataura zvakananga makuriro ayo. Areka yaizova yakareba kupfuura dzimwe nhandare dzemitambo dzemazuva ano uye yakakwira mudenga sezvakaita chivako chine nhurikidzwa shanu. (Genesi 6:15) Vavaki vaizova vasina ruzivo rwebasa racho uye vari vashoma. Vaizova vasina maturusi emberi nezvinhu zvokushandisa zvinowanikwa nhasi. Uyezve, zvaakanga asina mano akafanana neaJehovha okuziva nguva yemberi, Noa akanga asina nzira yokuziva nayo kuti mamiriro api ezvinhu aizovapo mumakore aizotevera aizobatsira kana kuti zvimwe kudzongonyedza chirongwa chacho chokuvaka. Noa angangodaro akafungisisa pamusoro pemibvunzo yakawanda. Zvinhu zvokuvakisa zvacho zvaizounganidzwa sei? Aizounganidza sei mhuka dzacho? Zvokudya zvaizodiwa ndezvipi, uye zvakawanda sei? Iri Boporodzi rakafanotaurwa raizoitika rini chaizvo?
14 Zvadaro paizova nemigariro yomunzanga. Uipi hwakanga hwakawanda. VaNefirimi vaiva nesimba—vana vakaberekwa nengirozi dzakaipa nevakadzi—vakazadza pasi nechisimba. (Genesi 6:1-4, 13) Uyezve, kuvaka areka kwaisazova chirongwa chaigona kuitwa pachivande. Vanhu vaishamisika kuti Noa akanga ari kuitei, uye aivataurira. (2 Petro 2:5) Vaizotarisirwa kuti vataure kuti zvakanga zvakanaka here? Kana! Makore akawanda izvozvo zvisati zvaitika, Enoki akanga akatendeka akanga azivisa nezvekuparadzwa kwevakaipa. Shoko rake rakanga risingadiwi zvokuti Mwari “wakamutora,” kana kuti akadimburira upenyu hwake panzira, sezviri pachena kuti amudzivise kuurayiwa nevavengi Vake. (Genesi 5:24; VaHebheru 11:5; Judhasi 14, 15) Noa akanga asingangofaniri kuparidza shoko raisadiwawo kudaro asi aifanirawo kuvaka areka. Areka iyoyo zvayakanga ichivakwa, yaizoshanda sechiyeuchidzo chakasimba chokutendeseka kwaNoa akatarisana nevanhu vakaipa vaairarama panguva imwe navo!
15. Nei Noa akanga ane chivimbo chokuti aigona kuita basa rake?
15 Noa aiziva kuti chirongwa chacho chaitsigirwa uye chaikomborerwa naMwari Wamasimba Ose. Jehovha pachake haasiriye here akanga apa basa racho? Jehovha akanga avimbisa Noa kuti iye nemhuri yake vaizopinda muareka yakanga yapera ndokuchengetwa vari vapenyu munguva yose yeMafashamo. Mwari akatosimbisa kuti izvozvo ndezvechokwadi nechibvumirano chaicho. (Genesi 6:18, 19) Zvimwe, Noa aiziva kuti Jehovha aitarisira uye aiziva kukosha kwezvose zvaibatanidzwa asati apa basa racho. Uyezve, Noa aiziva kuti Jehovha akanga ane simba rokupindira kuti amubatsire pazvakanga zvakafanira. Saka kutenda kwaNoa kwakamuita kuti aite chiito. Somuzukuru wake Abrahama, Noa akanga “achiziva kwazvo, kuti icho [Mwari] chaakapikira, wakanga ane simba rokuchiitawo.”—VaRoma 4:21.
16. Kuvakwa kweareka zvakwakanga kuchipfuurira, kutenda kwaNoa kwakasimbiswa sei?
16 Makore zvaakapfuura uye areka yakanga yava kuonekwa zvairi, kutenda kwaNoa kwakasimbiswa. Matambudziko okuvaka neekufunga akapedzwa. Miedzo yakakurirwa. Hapana chishoro chaigona kumisa basa racho. Mhuri yaNoa yakanzwa ichitsigirwa nokudzivirirwa naJehovha. Noa zvaakapfuurira, ‘kutenda kwake kwakaidzwa kwakabereka kutsungirira.’ (Jakobho 1:2-4) Pakupedzisira, areka yakazopedzwa, Mafashamo akauya, uye Noa nemhuri yake vakapukunyuka. Noa akaona zvakavimbiswa naMwari zvichiitika, sezvakazoita Joshua pave paya. Kutenda kwaNoa kwakawana mubayiro.
Jehovha Anotsigira Basa Racho
17. Nguva yedu inofanana nemazuva aNoa munzira ipi?
17 Jesu akafanotaura kuti zuva redu raizofanana nemazuva aNoa. Mwari akatsungazve kuparadza vakaipa uye akaronga zuva rokuti izvi zviitike. (Mateo 24:36-39) Akagadzirirawo kuchengetedzwa kwevakarurama. Nepo Noa aifanira kuvaka areka, vashumiri vaMwari nhasi vanofanira kuzivisa zvinangwa zvaJehovha, kudzidzisa Shoko rake, nokuita vadzidzi.—Mateo 28:19.
18, 19. Tinoziva sei kuti kuparidza mashoko akanaka kuri kutsigirwa naMwari?
18 Kudai Jehovha akanga asina kuva naNoa kuti amutsigire nokumuraramisa, areka ingadai isina kumbovakwa. (Enzanisa naPisarema 127:1.) Zvakangofanana, pasina kutsigira kwaJehovha, chiKristu chechokwadi chingasararama, hachingatombobudiriri. Izvi zvakazivikanwa muzana remakore rokutanga naGamarieri, muFarise aikudzwa nomudzidzisi woMutemo. Dare rechiJudha paraida kuparadza vaapostora, akarayira dare iroro kuti: “Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza.”—Mabasa 5:38, 39.
19 Kubudirira kwebasa rokuparidza, muzana remakore rokutanga uye nhasi, kwaratidza kuti iri harisi basa revanhu, asi nderaMwari. Nyaya inotevera ichakurukura mamwe mamiriro ezvinhu anofadza nezvinhu zvakaitika zvakabatsira kuita kuti basa iri ribudirire zvakakura kudaro.
Usamborega!
20. Ndiani anotitsigira patinoparidza mashoko akanaka?
20 Nyange zvazvo tiri kurarama mu“nguva dzokutambudzika,” tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ari kudzora zvinhu zvose. Ari kutsigira nokuraramisa vanhu vake sezvavanoshanda kuti vapedze kuparidza mashoko akanaka nguva yakarongwa naMwari yokugumisa gadziriro ino yezvinhu yakaipa isati yasvika. (2 Timotio 3:1; Mateo 24:14) Jehovha anotikumbira kuti tive “vabati pamwe chete” naye. (1 VaKorinte 3:9) Tinovimbiswawo kuti, Kristu Jesu anesu mubasa iri uye kuti tinogona kuvimba nokutsigira uye kutungamirira kwengirozi.—Mateo 28:20; Zvakazarurwa 14:6.
21. Hatifaniri kufa takarega kugutsikana nechii?
21 Nemhosva yokuti Noa nemhuri yake vakaratidza kutenda zvakavimbiswa naJehovha, vakaponeswa mumafashamo. Vaya vanoratidza kutenda kwakafanana nhasi vachaponeswa mu“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14) Tiri kurarama munguva inofadza zvechokwadi. Zviitiko zvinofadza zviri pamberi apa! Nenguva isipi, Mwari achaita chiito kuti aunze matenga matsva ane mbiri nepasi idzva muchagara kururama. (2 Petro 3:13) Usambofa wakarega kugutsikana kuti chero chinotaurwa naMwari, anokwanisawo kuchiita.—VaRoma 4:21.
Pfungwa Dzokuyeuka
◻ Nei Jehovha asingadzori zvinhu zvose zvinoitwa nomunhu?
◻ Kukwanisa kwaJehovha kuita chinangwa chake kwakaonekwa sei mukubata kwake naIsraeri?
◻ Kukwanisa kwaJehovha kuona nguva yemberi kwakaratidzwa sei muzuva raNoa?
◻ Tingava nechivimbo chei mune zvakavimbiswa naMwari?