KuNamibia Kune Mabwe Mapenyu Anokosha!
NAMIBIA yakareba anoda kusvika makiromita 1 500 nechekumhenderekedzo yekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica. Mhenderekedzo yose yenyika iyi ine michinjiziri yejecha, nezvikomo zvine mabwe, uye mapani makuru azere neivhu. Pakati pamabwe emumhenderekedzo dzine jecha dzeNamibia panewo mabwe anokosha ane mavara ose aungagona kufungidzira. Kunyange madhaimani anowanikwa nguva nenguva ikoko. Asi nyika iyi ine chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupinda mabwe iwayo. Namibia ine mabwe mapenyu anokosha—vanhu vemapoka emarudzi ayo akawanda.
Vanhu vekutanga kugara muNamibia vaitaura mitauro yakada kufanana yainzi Khoisan. Kutaura kwavo kwaizivikanwa nokurira kwakwo. Pakati pevanotaura chiKhoisan nhasi pane vaDamara vatema, vanhu vatsvuku vane miviri miduku vanonzi vaNama, uye vavhimi vakakurumbira vechiBushman. Marudzi echitema akawanda akauyawo muNamibia mumazana emakore achangopfuura. Ava vari mumapoka matatu emarudzi makuru: vaOvambo (runova ndirwo rudzi rukuru muNamibia), kwozouya vaHerero, nevaKavango. VaRungu vakatanga kugara muNamibia muzana remakore rechi19. Vanhu vakawanda vakatamira munyika iyi vakasvika pashure pokunge madhaimani awanikwa mujecha remurenje.
Vagari vemuNamibia vanokosha nemhaka yokuti ndevamwe vevanhu vemunyika iyo Mwari akapa Mwamakomana wake, achizarura nzira youpenyu husingaperi. (Johane 3:16) Mazana evanhu vokuNamibia vanobva kumarudzi akawanda vakatobvuma mashoko eruponeso. Ava vangafananidzwa nemabwe mapenyu anokosha nokuti vari pakati pe“zvose zvinodikanwa nendudzi dzose” zvino zviri kuunganidzwa muimba yaJehovha yokunamatira.—Hagai 2:7.
Kutanga Kwekuchera Kwemudzimu
Maiva muna 1928 umo kuchera mabwe anokosha emudzimu eNamibia kwakatanga. Mugore iroro bazu reSouth Africa reWatch Tower Society rakatumira mabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana 50 000 kuvanhu vakapararira munyika iyoyo yose. Gore rakatevera racho mumwe muKristu akazodzwa wekuSouth Africa ainzi Lenie Theron akadzokerera vose vakafarira. Mumwedzi mina akabvongodza nyika yose oga, akagovera mabhuku eBhaibheri 6 000 muchiAfrikaans, chiNgezi, nechiGerman. Basa rose irori zvechokwadi rakanga risiri pasina.
Somuenzaniso, funga nezvaBernhard Baade, mushandi wemumugodhi wekuGerman. Muna 1929 aiwana mazai kubva kune mumwe murimi uyo aiputira zai rimwe nerimwe papeji yebhuku reWatch Tower. Bernhard nokudisa akarava peji imwe neimwe, achishamisika kuti ndiani akanga anyora bhuku racho. Akazowana peji yokupedzisira, iyo yaiva nekero yekuGermany yeWatch Tower Society. Bernhard akanyora achikumbira mamwe mabhuku uye akava munhu wekuNamibia wekutanga kutsigira chokwadi.
Vashandi Venguva Yakazara Vanosvika
Muna 1950, vafundisi vana vakarovedzwa paWatch Tower Bible School of Gilead vakasvika muNamibia. Nhamba yevafundisi yakakwira kusvika kuvasere muna 1953. Vaisanganisira Dick naCoralie Waldron, vakaroorana vekuAustralia avo vachiri kushanda kuno nenzira yokutendeka. Vamwe vazivisi veUmambo venguva yakazara vakawanda vekuSouth Africa nevokunze kwenyika vakagoveranawo kuchera mabwe anokosha emudzimu muNamibia. Vamwe vafundisi, pamwe chete nevakapedza kudzidza paChikoro Chokurovedza Vashumiri, vakatumirwa kuNamibia.
Zvimwe zvinhu zvave zvichiita kuti kukura mumudzimu kuitike muNamibia zvave zviri kushandurwa nekubudiswa kwemabhuku eBhaibheri mumitauro mikuru yemunharaunda imomo, yakadai sechiHerero, Kwangali, Kwanyama, Nama/Damara, neNdonga. Kubvira muna 1990, hofisi yeshanduro yakaisvonaka nemusha wevashandi vekuzvidira venguva yakazara zvaishanda muguta guru, Windhoek. Karen Deppisch, uyo akanga agoverana nemurume wake mubasa renguva yakazara rokuparidza evhangeri munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeNamibia, anoti: “Vakawanda vanoshamisika patinovapa mabhuku mumutauro wavo pachavo, zvikurukuru apo mabhuku mashomanana erumwe rudzi anenge achiwanikwa mumutauro iwoyo chaiwo.”
Kunatsiridza Mabwe Anokosha
Mamwe emabwe chaiwo anokosha eNamibia akanatsiridzwa nekufamba kwemasaisai nejecha kwezviuru zvemakore. Chokwadika, asi kuita kwakadaro kwomusikirwo hakuiti mabwe mapenyu anokosha. Zvinoda nhamburiko kuti vanhu vasina kukwana va“bvise munhu wekare” ndokupfeka munhu mutsva akafanana naKristu. (VaEfeso 4:20-24) Somuenzaniso, kunamatwa kwamadziteteguru akafa itsika yakasimba pakati pemarudzi akawanda emuNamibia. Avo vasinganamati madziteteguru vanowanzotambudzwa nenhengo dzemhuri uye nevavakidzani. Vanhu pavanodzidza kubva muBhaibheri kuti vakafa “havana chavanoziva,” zvinova muedzo kwavari. (Muparidzi 9:5) Munzirai?
Chimwe chapupu chechiHerero chinotsanangura kuti: “Chaiva chinetso chikuru kuti nditeerere chokwadi. Ndakabvuma kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, asi zvakanditorera nguva kuti ndishandise zvandaidzidza. Kutanga, ndaida kuva nechokwadi kana zvaisava nengozi kuti ndirege zvitendero zvetsika. Somuenzaniso, ndaityaira ndichipfuura nepane nzvimbo dzakati muNamibia ndisingamiri kuti ndiise ibwe paguva kana kuti kusimudza heti yangu ndichimhoresa vakafa. Zvishoma nezvishoma, ndakava nechokwadi chokuti hapana chaizoitika kwandiri ndikasanamata madziteteguru akafa. Ndinofara sei kuti Jehovha akakomborera nhamburiko dzangu dzokubetsera mhuri yangu nevamwe vaifarira kudzidza chokwadi!”
Kudikanwa Kwevacheri Vomudzimu
Vafundisi vasati vasvika muna 1950, kwaingova nemuparidzi mumwe wemashoko akanaka muNamibia. Nhamba yacho yakawedzera zvishoma nezvishoma kusvika ku995. Asi basa rakawanda richiri kuda kuitwa. Chaizvoizvo, mamwe matunhu haana kumbobatwa. Unokwanisa kushanda uko kunodikanwa zvikuru vazivisi veUmambo vanoshingaira here? Ipapo, tapota, yambukira kuNamibia uzotibetsera kuwana nekunatsa mamwe mabwe anokosha emudzimu akawanda.—Enzanisa naMabasa 16:9.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AFRICA
NAMIBIA
[Mifananidzo]
Namibia inyika yemabwe anokosha akaisvonaka
[Kwazvakatorwa]
Mapu: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.; Madhaimani: Courtesy Namdek Diamond Corporation
[Mifananidzo iri papeji 26]
Mashoko akanaka ari kuparidzwa kumapoka emadzinza ose eNamibia
[Mufananidzo uri papeji 28]
Ungashanda kunodiwa vazivisi veUmambo zvikuru here?