RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 3/8 pp. 30-31
  • Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoona Sei?
  • Mutemo Wechitatu
  • Ko Zvine Basa?
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Maziviro Aungaita Mwari Nezita
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 3/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?

KWEMAZANA emakore chiJudha chakadzidzisa kuti zita raMwari, Jehovha, rinoera zvokuti harifaniri kutaurwa.a (Pisarema 83:18) Nyanzvi dzakawanda dzezvitendero dzakataura kuti kudana Musiki ane mbiri nenzira inozivikanwa zvakadaro kusamuremekedza kana kuti kutoputsa mutemo wechitatu weMitemo Ine Gumi, unorambidza ‘kureva zita raMwari pasina.’ (Eksodho 20:7, King James Version) Muzana ramakore rechitatu C.E., Mishnah yakataura pachena kuti “uyo anotaura Zita raMwari sezvarinopereterwa” ha“ana nzvimbo munyika iri kuuya.”—Sanihedrini 10:1.

Zvinotofadza zvikuru, vadzidzi vakawanda muchiKristudhomu vanotevedzera uyu muitiro wamagamuchidzanwa echiJudha kana vachishandura Bhaibheri. Somuenzaniso, The New Oxford Annotated Bible rinoti pamashoko okutanga: “Kushandiswa kwechero zita zvaro raMwari mumwe iye oga, sokunge kuti kwaiva navamwe vamwari vaifanira kusiyaniswa naMwari wechokwadi, kwakatanga kuregedzwa muchiJudha nguva yechiKristu isati yasvika uye hakuna kufanira kutenda kwose kweChechi yechiKristu.” Naizvozvo, mukushandura shoko rokuti “ISHE” rinotsiva zita raMwari.

Mwari Anoona Sei?

Asi mafungiro avashanduri ava uye nyanzvi dzezvezvitendero anoratidza kufunga kwaMwari here? Pashure pezvose, Mwari haana kusarudza kuvanza zita rake kuvanhu; asi akarizivisa kwavari. Muchikamu cheBhaibheri chechiHebheru, chinonyanya kunzi Testamente Yekare, zita raMwari, Jehovha, rinowanikwa kanopfuura ka6 800. Zviri muBhaibheri zvinotaridza kuti vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, vaiva pakati paavo vaiziva uye vakashandisa zita raMwari. Paakazvara mwana wake wokutanga, Evha akati: “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.”—Genesi 4:1.

Mazana amakore gare gare, apo Mwari akadana Mosesi kutungamirira rudzi rwaIsraeri kubva muuranda muEgipita, Mosesi akabvunza Mwari kuti: “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsraeri, ndikati kwavari: Mwari wamadzibaba enyu wakandituma kwamuri, ivo vakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndichatiyi kwavari?” Mosesi angangova akashamiswa kana Mwari aizozvizivisa nerimwe zita idzva. Mwari akati kuna Mosesi: “Undoti kuvana vaIsraeri: Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, wakandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.” (Eksodho 3:13, 15) Nenzira yakajeka, Mwari wechokwadi haana kufunga kuti zita rake raiera kwazvo zvokusataurwa nevanhu vake.

Chaizvoizvo, vashumiri vaMwari vakatendeka vezvizvarwa zvose vakataura zita raMwari vakasununguka uye nekuremekedza. Bhoazi, muranda akatendeka waMwari, aigaromhorosa vashandi vake mumunda namashoko aya, “Jehovha ave nemi.” Ko vashandi vakashamiswa here nokumhoresa uku? Aiwa. Nhau yacho inoti: “Ivo vakapindura, vakati kwaari: Jehovha akuropafadzeiwo.” (Rute 2:4) Panzvimbo pekuona kumhoresa uku sokutadzira Mwari, vakakuona senzira yokumupa nayo mbiri nerukudzo mumagariro avo ezuva nezuva. Achiitawo saizvozvi, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe neutsvene.”—Mateo 6:9.

Mutemo Wechitatu

Asi zvakadii nechirambidzo chinotaurwa mumutemo wechitatu weMitemo Ine Gumi? Eksodho 20:7 inosimbisira kuti: “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva unoreva zita rake pasina.”

Chaizvoizvo zvinomborevei kureva zita raMwari “pasina”? The JPS Torah Commentary, yakabudiswa neJewish Publication Society, inotsanangura kuti shoko rechiHebheru rashandurwa pamusoro apa kuti “pasina” (lash·shaw’ʹ) rinogona kureva kuti “zvenhema” kana “pasina, pasina maturo.” Bhuku iroro rinopfuurira kuti: “Uku kunzwisiswa kuviri [kweshoko rechiHebheru] kunobvumira kurambidza [kudzivisa] kupika kwenhema nevanhu vanopikisana padare redzimhosva, vachipika zvenhema, uye kushandisa Zita raMwari zvisina kufanira kana kuti zvenhando.”

Iyi tsananguro yechiJudha inonyatsosimbisira kuti ‘kureva zita raMwari pasina’ kunobatanidza kushandisa zita racho munzira isina kunaka. Asi kutaura zita raMwari pakudzidzisa vamwe nezvake kana pakunyengetera kuna Baba vedu vekudenga mumunyengetero kunganzi kurishandisa “zvisina kufanira kana kuti zvenhando here”? Jehovha anoratidza pfungwa dzake nemashoko ePisarema 91:14: “Zvaakandida ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira nokuti wakaziva zita rangu.”

Ko Zvine Basa?

Shanduro yazvino uno yeChingezi inonzi The Five Books of Moses, yakanyorwa naEverett Fox, inosiya gamuchidzanwa. Shanduro iyi haishandisi, “ISHE,” wegamuchidzanwa asi “YHWH” kumirira zita raMwari “nemhaka yechishuvo chokujekesa zvazvingareva kumunhu anorava muchiHebheru.” Fox anosimbisira kuti: “Muravi achakurumidza kuona kuti zita chairo raMwari weBhaibheri rinowanika mubhuku rino sa‘YHWH.’” Anobvuma kuti muravi “angasabvumirana” nokuona zita raMwari. Asi pashure pekuedza kunorumbidzwa kwokusaviga zita raMwari mushanduro, anowedzera kuti: “Ndinorumbidza kushandiswa kwegamuchidzanwa ‘ISHE’ pakurava zvinonzwika, asi vamwe vangada kutevedzera tsika dzavo pachezvavo.” Zvisinei, inongova nhau yekuzvisarudzira kwomunhu, gamuchidzanwa, kana kutevedzera tsika dzako here?

Aiwa. Bhaibheri haringokurudziri kushandiswa kwakafanira kwezita raMwari asi rinokurayira! Pana Isaya 12:4a, vanhu vaMwari vanotaridzwa sevanodanidzira nokusingaperi vachiti: “Ongai Jehovha, paridzai zita rake.” Mukuwedzera, munyori wepisarema anotaura nezvaavo vakakodzerwa nerutongeso rwaMwari rwakaipa achiti: “Dururai hasha dzenyu pamusoro pavahedheni vasingakuziviyi, napamusoro poushe huzhinji husingadani zita renyu.”—Pisarema 79:6; onawo Zvirevo 18:10; Zefania 3:9.

Saka kunyange zvazvo vamwe vachiramba kutaura zita rine mbiri raJehovha nokuda kwekusanzwisisa mutemo wechitatu, avo vanonyatsoda Mwari vanotsvaka kudana pazita rake. Hungu, pamukana uri wose wakafanira, ‘vanozivisa mabasa ake pakati pavanhu, vachiudza vanhu kuti zita rake rikudzwe’!—Isaya 12:4b.

[Mashoko Omuzasi]

a Muchikamu chemagwaro eBhaibheri echiHebheru (Testamente Yekare), zita raMwari rinomirirwa nemabhii mana anonyorwa seizvi YHWH. Nepo kududzwa chaiko kwezita raMwari kusingazivikanwi, muchiShona rinowanzodudzwa kuti “Jehovha.”

[Mifananidzo iri papeji 30]

Chikamu chebhuku reMapisarema chakabva muMipumburu yeGungwa Rakafa. Zita raMwari, Jehovha (YHWH), rinooneka riri mukunyorwa kwechiHebheru chekare kare kupfuura mupumburu wose

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of the Shrine of the Book, Israel Museum, Jerusalem

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe