RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/15 pp. 27-28
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Anofanira Kusarudza Ukuru Hwemhuri?
    Mukai!—1996
  • Kuronga Mhuri Murangariro wechiKristu
    Mukai!—1993
  • Kuzvarwa Kwevana Vakawanda Pachishandiswa Zvinobatsira Kubata Pamuviri
    Mukai!—2004
  • Chikamu 21: 1900 kuchipfuurira—Nguvo Dzakasvipiswa Neropa
    Mukai!—1991
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/15 pp. 27-28

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Kuvharwa kubereka zvakwava kunzi kungachinjwa kana ukakumbira, muKristu angakuona seimwe nzira yokudzora kubereka yaangasarudza here?

Kuvharwa kubereka kwazova nzira yokuronga mhuri iri kushandiswa zvakanyanya kwose kwose. Kune vanhu vakawanda, kugamuchirika kwayo kunoenderana netsika nedzidzo, pamwewo nemaonero echitendero. Pfungwa yezvinodavirwa muchitendero inoshanda kuZvapupu zvaJehovha, zvinewo chishuvo sechemunyori wepisarema chokuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; mundifambise panzira yakati chechetere.” (Pisarema 27:11) Zvii zvinobatanidzwa pakuvharwa kubereka?

Kuvharwa kubereka kwevarume kuti vadzore kubereka kunonzi vasectomy. Tutambo tuviri, kana kuti tumachubhu tunofambisa mbeu yomurume, twuri mumanhu twunodimburwa twovharwa. Izvi zvingaitwa munzira dzakasiyana-siyana dzokurapa, asi vavariro ndeyokuita kuti mbeu yomurume isapfuure ichibva mumanhu. Kuvharwa kubereka kwevakadzi kunonzi tubal ligation. Kunowanzoitwa nokudimbura nokusunga (kana kuti, kupisa) machubhu avharwa, anotakura mazai kubva muzvizvaro kuenda kuchibereko.

Kwenguva yakareba zvainzi nhanho idzi dzaiva dzechigarire—kuti dzinoita kuti munhu avharwe kubereka zvisingachinjiki. Asi vamwe vanhu, nemhosva yokudemba zvavakaita zvichikonzerwa nemamiriro ezvinhu matsva, vakatsvaka rubatsiro rwokurapa kuti vachinje vasectomy kana kuti tubal ligation. Nokutangwa kwezvishandiso zvakagadzirirwa chinangwa ichocho uye microsurgery, kuedza kuchinja kwakabudirira chaizvo. Tinozvirava kakawanda kuti nevanhu vakasarudzwa panogona kuva nokubudirira kune 50 kusvika ku70 muzana pakuchinja vasectomy nokubatanidzazve mativi akachekwa etumachubhu twacho. Zvinonzi kuchinja tubal ligation yevakadzi kunobudirira ne60 kusvika ku80 muzana. Vamwe vakaziva izvi vakafunga kuti kuvharwa kubereka hakuchafanirizve kuonekwa sekwechigarire. Vangadavira kuti vasectomy netubal ligation dzingaonekwa sedziri muchikamu chakafanana nemapiritsi anodzivisa kubata pamuviri, makondomu, nemadiaphragm—nzira ingaregwa kana pamuviri pava kudiwa. Asi, pane zvimwe zvinhu zvisingafaniri kurega kufungisiswa.

Chimwe ndechokuti tarisiro dzokuchinjwa dzingatadziswa nezvinhu zvakadai semakuvadzirwe akaitwa machubhu paivharwa munhu kuti asabereka, kukura kwakaita chubhu yakabviswa kana kuti ine mavanga, makore apfuura kubva zvaakavharwa, uye kana iri vasectomy, kana pane zvinorwisana nembeu yomurume zvakaitika. Uye chinofanira kufungwa nezvazvo ndechokuti nharaunda dzakawanda dzingava dzisina nzvimbo dzinoitirwa microsurgery, kana kuti mari yacho ingava isingatangiki. Saka, vakawanda vangadaro vachifirira kuti dai kuvharwa kubereka kwachinjwa vangasakwanisa kuita kudaro. Kwavari imvura yomuguchu yadeuka, haichabviri kuorera.a Saka uwandu hwadudzwa pamusoro apa hwokuchinja chaizvoizvo ndehwokufungidzira chete, kwete hwokutovimba nahwo.

Zvimwe zvinhu zvinoshanda maererano nezvinonyatsoitika. Imwe nyaya yakabudiswa muUnited States yaitaura nezvekuchinja vasectomy yakati pashure pokuvhiyiwa kwe$456 000, “varwere 63 muzana chete ndivo vanogona kuitisa vadzimai vavo pamuviri.” Uyezve, “6 muzana [chete] yevarume vanoitwa vasectomy inopedzisira yava kuda kuchinjwa.” Pane kumwe kuongorora kwakaitwa muGermany nechepakati peEurope, inenge 3 muzana yevarume vakasarudza kuvharwa kubereka yakazoda kuchinjwa pave paya. Nyange dai hafu yekuedza ikoko yaigona kubudirira, zvaizoreva kuti nokuda kwe98,5 muzana, kuitwa vasectomy kwakanga kwakafanana nokuvharwa kubereka zvechigarire. Uye nhamba yacho yaizokwira munyika dzine vanachiremba vemicrosurgery vashomanana kana kuti dzisina.

Saka, hazvina kunaka kurerutsa kuvharwa kubereka kwevarume kana kuti vakadzi, sokuti kudzora kubereka kwechinguvana. Uye kuvaKristu vechokwadi, pane zvimwe zvinhu zvokufunga nezvazvo.

Chinhu chinokosha zvikuru ndechokuti masimba okubereka chipo chinobva kune Musiki wedu. Chinangwa chake chokutanga chaibatanidza kubereka kunoitwa nevanhu vakakwana, vaizo‘zadza nyika, nokubata ushe pairi.’ (Genesi 1:28) Mafashamo aderedza vagari vepasi kusvika kuvanhu vasere, Mwari akadzokorora mirayiridzo iyoyo inokosha. (Genesi 9:1) Mwari haana kudzokorora murayiro iwowo kurudzi rwaIsraeri, asi vaIsraeri vakaona kuva nevana sechimwe chinhu chakanga chakanaka zvikuru.—1 Samueri 1:1-11; Pisarema 128:3.

Mutemo waMwari kuna Israeri waiva nezvairatidza kufunga kwake kuberekwa kwevanhu. Somuenzaniso, kana murume akanga akaroora aifa asati abereka mwanakomana aizopfuudzira dzinza rake, munin’ina wake aifanira kuberekera mukoma wake mwana namaiguru vake. (Dheuteronomio 25:5) Mutemo waitaura nezvemudzimai aiedza kubatsira murume wake pakurwa ndiwo wakanga wakanyanya kukosha. Kana aibata nhengo dzakavandika dzeairwisana nomurume wake, ruoko rwake rwaifanira kudimburwa; zvinokosha kuti, Mwari haana kuda kuti aitirwe zviya zveziso neziso kune nhengo dzake dzokubereka nadzo kana kuti dzomurume wake. (Dheuteronomio 25:11, 12) Mutemo uyu waizoremekedza zviri pachena nhengo dzokubereka nadzo; idzodzi dzakanga dzisingafaniri kukuvadzwa nhando nhando.b

Tinoziva kuti vaKristu havasi pasi poMutemo waIsraeri, saka murau uri pana Dheuteronomio 25:11, 12 hauvasungi. Jesu haana kumborayira kana kureva kuti vadzidzi vake vanofanira kuroora kana kuroorwa ndokuva nevana vakawanda sevanobvira, zvakafungwa nevakaroorana vakawanda pavaisarudza kana vachifanira kushandisa dzimwe nzira dzokudzora kubereka. (Mateo 19:10-12) Muapostora Pauro akakurudzira ‘chirikadzi duku [dzine chishuvo] kuti dziroorwe ndokubereka vana.’ (1 Timotio 5:11-14) Haana kududza kuvharwa kubereka kwevaKristu zvechigarire—vachirega kuva kwavo vanokwanisa kubereka vana nokuzvidira.

VaKristu vanoita zvakanaka kuyera izvi zvinoratidza kuti Mwari anokoshesa kukwanisa kwavo kubereka. Vakaroorana voga voga vanofanira kusarudza kana vachifanira kushandisa nzira dzakakodzera dzokuronga mhuri uye kuti rini. Chokwadi, chisarudzo chavo chinganyanya kukosha kana vanga vataurirwa zvakajeka navanachiremba kuti mai kana mwana vangangorwara chaizvo, nyange kutofa, kana vakazoita pamuviri. Vamwe vari mumamiriro ezvinhu akadaro vakabvuma kuvharwa kubereka vasingadi sezvatsanangurwa pakutanga kuti vave nechokwadi chokuti hapazovi nepamuviri pangangozouraya mai (vangadaro vachitova nevamwe vana) kana kuti mwana angazoberekwa ane dambudziko routano rinouraya.

Asi vaKristu vasina dambudziko rakadai risina kujairika chokwadi vangada kushandisa ‘pfungwa dzakanaka’ ndokuumba mafungiro avo nezviito nokukoshesa kwaMwari kukwanisa kubereka. (1 Timotio 3:2; Tito 1:8; 2:2, 5-8) Izvi zvingaratidza kufunga zvinoratidzwa neMagwaro kwomunhu akura. Asi, zvakadini kana zvikazivikanwa nevanhu kuti muKristu akafuratira zvinokosheswa naMwari nokusafunga? Vamwe vangarega here kunetseka kana iye akanga ari muenzaniso wakanaka, ane mukurumbira wokuita zvisarudzo maererano neBhaibheri? Kukanganiswa kunovhiringidza kwomukurumbira womunhu kwakadaro, kutaura chokwadi, kungatapura kukwanisa kuita maropafadzo chaiwo ebasa kwomushumiri, nyange zvazvo zvingasadaro kana munhu akaita kuti izvi zviitwe asingazivi.—1 Timotio 3:7.

[Mashoko Omuzasi]

a “Kuedza kuvhiya kuti vabatanidzezve [tuchubhu] kunobudirira kanenge ka40 muzana, uye kune uchapupu hwokuti kubudirira kwakakura kungaitika nounyanzvi hwemicrosurgery hwakavandudzwa. Nyange zvakadaro, kuvharwa kubereka pachishandiswa vasectomy kunofanira kuonekwa sekwechigarire.” (Encyclopædia Britannica) “Kuvharwa kubereka kunofanira kuonekwa sekwechigarire. Pasinei hapo nezvingadaro zvakanzwiwa nemurwere nezvekuchinjwa, kubatanidzwazve kwezvakanga zvadimburwa kunodhura, uye hazvigoni kuvimbiswa kuti kuchabudirira. Nokuda kwevakadzi vanochinjwa kuvharwa kubereka kunoitwa muchubhu, ngozi yekuva nemimba muchubhu yakakura.”—Contemporary OB/GYN, June 1998.

b Mumwe mutemo ungaita sounokosha waiti hapana murume ane nhengo dzokubereka nadzo dzakanga dzakakuvadzwa zvakanyanya aigona kuuya paungano yaMwari. (Dheuteronomio 23:1) Zvisinei, Insight on the Scriptures rinotaura kuti zviri pachena kuti izvi “zvakanga zvine chokuita nokucheka nemaune nokuda kwezvinangwa zvounzenza, zvakadai soungochani.” Saka, mutemo iwoyo wakanga usingabatanidzi kucheka kana zvakaenzana nokudzora kubereka. Insight rinotizve: “Jehovha akafanotaura nenzira yokunyaradza nezvenguva apo ngomwa dzaizogamuchirwa naye sevashumiri vake uye, kana dzaiteerera, dzaizova nezita riri nani kupfuura revanakomana nevanasikana. Nokugumiswa kwoMutemo naJesu Kristu, vanhu vose vanotenda, pasinei zvapo nezvavaimbova kare, vanogona kuva vanakomana vaMwari vomudzimu. Kutsaurana kwenyama kwakabviswa.—Isaya 56:4, 5; Johane 1:12.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe