RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/15 p. 3
  • Tingararama Kwenguva Yakareba Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingararama Kwenguva Yakareba Zvakadini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ichokwadi Here Kuti Vanhu vomuBhaibheri Vairarama Makore Akawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Takasikwa Kuti Tirarame Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Vakwegura Chikomborero Kuvaduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/15 p. 3

Tingararama Kwenguva Yakareba Zvakadini?

Vanhuwo zvavo vari kurarama kwenguva yakareba zvikuru, zvichiita kuti vakawanda vashamisike kuti, ‘Tingararama kwenguva yakareba zvakadini?’

MAERERANO neThe New Encyclopædia Britannica (1995), munguva yakapfuura, Pierre Joubert ndiye aifungidzirwa kuti akanga ararama nguva yakarebesesa. Muna 1814 akafa ava namakore 113. Chokwadi, vamwe vanonzi vakararama kwenguva yakareba, asi mazera avo haana kunyorwa zvingadavirika. Zvisinei, kunyora zvakarurama, kwakaratidza kuti vanhu vakati wandei vakararama kupfuura Pierre Joubert.

Jeanne Louise Calment akaberekwa muArles, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweFrance, musi wa21 February 1875. Rufu rwake rwakaitika musi wa4 August 1997—kwapera makore anopfuura 122—rwakazivikanwa navakawanda. Muna 1986, Shigechiyo Izumi wokuJapan akafa ava namakore 120. MuGuinness Book of Records 1999 makanyorwa Sarah Knauss aiva nemakore 118 somunhu akura kupfuura vamwe vose panguva yarakanyorwa. Akaberekwa musi wa24 September 1880, muPennsylvania, U.S.A. Apo Marie-Louise Febronie Meilleur wokuQuebec, Canada, akafa muna 1998 ava namakore 118, akanga ari mukuru kuna Sarah namazuva 26.

Zvechokwadi, nhamba yevakura zvikuru yakawedzera zvinoshamisa. Nhamba yavane makore 100 kana kupfuura inofungidzirwa kuti ichawedzera kupfuura mamiriyoni 2,2 muhafu yokutanga yezana ramakore rinotevera! Zvakafanana naizvozvo, nhamba yavanhu vane makore 80 navanopfuura yakawedzera kubva pamamiriyoni 26,7 muna 1970 kusvika pamamiriyoni 66 muna 1998. Ikoko kuwedzera ne147 muzana, zvichienzaniswa nokuwedzera kwenhamba yavanhu vose vari munyika ne60 muzana.

Uye hakusi kungoti vanhu vari kurarama makore akawanda. Vakawanda vari kuita zvinhu zvisingakwanisi kuitwa nevane makore 20 vakawanda. Muna 1990, John Kelley aiva namakore 82 akapedza mujaho—mujaho wemakiromita 42.195 (mamita 42.195)—mumaawa mashanu nemaminiti mashanu. Muna 1991, mbuya vane vazukuru chibvi Mavis Lindgren vaiva namakore 84 vakamhanya chinhambwe ichocho mumaawa manomwe nemaminiti mapfumbamwe. Uye munguva pfupi ichangopfuura, murume ane makore 91 akapedza Mujaho weNew York City!

Izvi hazvisi kureva kuti vakura munguva yakapfuura havana kuita zviito zvinoshamisa. Pamakore 99 ezera, tateguru womuBhaibheri Abrahama “akamhanya kundosongana” navaenzi vake. Ava namakore 85 ezera, Karebhi akazivisa kuti: “Sezvarakanga rakaita musi iwoyo [makore 45 akanga apfuura], ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.” Uye Bhaibheri rinotaura nezvaMosesi kuti paakanga ava nemakore 120 ezera, “meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.”—Genesi 18:2; Joshua 14:10, 11; Dheuteronomio 34:7.

Jesu Kristu akataura nezvomunhu wokutanga, Adhama, uye muvaki weareka Noa sevanhu vakanga vakakurumbira. (Mateo 19:4-6; 24:37-39) Bhuku raGenesi rinoti Adhama akararama makore 930, uye Noa 950. (Genesi 5:5; 9:29) Chaizvoizvo vanhu vakararama zvakareba kudaro here? Tingararama makore akatoreba here, zvichida nokusingaperi? Tapota ongorora uchapupu huri munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe