RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 2/15 pp. 24-25
  • Kurwira Nzvimbo “Tsvene”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwira Nzvimbo “Tsvene”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorevei Kuva Mutsvene?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuzivisa Mudzimu Mutsvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chikamu 15: 1095-1453 N.V.—Kutendeukira Kumunondo
    Mukai!—1990
  • Jerusarema Rinomiririra chiKristu Chenhema Here?
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 2/15 pp. 24-25

Kurwira Nzvimbo “Tsvene”

MUSI wa15 July 1099, Hondo yavaKristu Yokutanga, yakabvumirwa napapa wokuRoma, yakaita chinangwa chayo chokudzora Jerusarema. Kuuraya kwacho kwaityisa! Vanhu vaigaramo vakapukunyuka bedzi vakanga vari gavhuna nomurindi wake, pashure pokunge chiokomuhomwe chakakura chabhadharwa. Mubhuku rake rinonzi The Crusades, mufundisi Antony Bridge anoshuma pane zvakaitika kuvaMuslim vose navaJudha vaigaramo: “Varwi vechiKristu pavakangobvumirwa kuita zvavaida muguta, vakadeura ropa zvikuru uye zvinotyisa. . . . Vakauraya varume vose, vakadzi navana vavaigona kuwana muguta . . . Papakanga pasisina mumwe munhu wokuti vauraye, vakundi vakaenda vakadungamidzana vachifamba nomumigwagwa yomuguta . . . kuChurch of the Holy Sepulchre kunoonga Mwari.”

Kubva pakakunda varwi vechiKristu, kuvapo kwechiKristudhomu muJerusarema kunooneka nokusawirirana pakati peRoma Katurike, Eastern Orthodox, nezvimwe zvitendero zvinonzi zvechiKristu. Muna 1850 gakava pakati pavatungamiriri vakasiyana-siyana vechechi pamusoro penzvimbo tsvene dzomuJerusarema nemakaripoteredza rakanga riri chinhu chikuru chakaparira Hondo yeCrimean. England, France, neOttoman State dzakarwa neRussia pakafa vanhu vane hafu yemiriyoni.

Hondo yacho haina kupedza kusawirirana kwechiKristudhomu pamusoro peJerusarema nenzvimbo dzaro tsvene. VaOttoman, vaitonga nyika yacho panguva iyoyo, vakaedza kuunza rugare nokugovanisa nzvimbo tsvene dzacho pakati pezvitendero zvakasiyana. “Nheyo iyi,” anotsanangura kudaro Dr. Menashe Har-el mubhuku rake rinonzi This Is Jerusalem, “yakagamuchirwa . . . neUnited Nations nePartition Resolution yaNovember 1947. Saka mutemo wamarudzi ose.” Somugumisiro, Church of the Holy Sepulchre yakagovewa pakati pavaRoma Katurike, Greek Orthodox, vaArmenia, vaSiria, uye vaCopt. Pakupedzisira, vaEthiopia vakaratidza kuti chechi yaiva yavo nokuita kuti mimwe mitezo igare mudzimba dzaiva padenga. Vakawanda vanoona Church of the Holy Sepulchre senzvimbo tsvene-tsvene yechiKristudhomu. Yakazadzwa nenzvimbo tsvene, zvifananidzo, nezvidhori. Imwe inonzi nzvimbo tsvene, Gordon’s Calvary, inoyereswa navamwe vaPurotesitendi senzvimbo yakaurayirwa nokuvigirwa Jesu.

Kare kare Jesu akaudza mumwe mukadzi aidavira zvenzvimbo tsvene kuti: “Nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema. . . . Vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:21-24) Saka, vaKristu vechokwadi havayeresi nzvimbo tsvene. Kuparadzwa kweJerusarema risina kutendeka namauto eRoma muna 70 C.E. inyevero kuchiKristudhomu. Kunamata kwaro zvidhori, kusabatana, uye mhaka yeropa zvinopesana nezvarinotaura kuti nderechiKristu. Saka, richatambura nhamo yakafanotaurwa naMwari nokuda kwezvitendero zvose zvinoumba Bhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 18:2-8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe