“Simbisai Mwoyo Yenyu”
“Munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.”—VAHEBHERU 10:36.
1, 2. (a) Chii chakaitika kuvaKristu vakati wandei muzana rokutanga ramakore? (b) Nei zviri nyore kuti kutenda kunete?
PAVOSE vakanyora Bhaibheri, hapana akataura nezvokutenda kakawanda kupfuura muapostora Pauro. Uye panguva nenguva, aitaura nezveavo vaiva nokutenda kwakanga kwaneta kana kuti kwafa. Somuenzaniso, Himenio naAreksandro “vakarashikirwa nokutenda.” (1 Timotio 1:19, 20) Dhemasi akasiya Pauro nemhaka yokuti “akada nyika yazvino.” (2 Timotio 4:10) Vamwe, nemaitiro avo asiri echiKristu, okusakendenga vaka“rasha kutenda.” Vamwe vakanyengedzwa nokuchenjera kwenhema ndoku“rashika pakutenda.”—1 Timotio 5:8; 6:20, 21.
2 Nemhaka yei vaKristu ivavo vakazodzwa vakakundikana nenzira idzi? “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” (VaHebheru 11:1) Tinova nokutenda mune zvatisingagoni kuona. Hakuna basa pazvinhu zvinoonekwa. Zviri nyore kushandira pfuma inooneka kupfuura pfuma yomudzimu isingaoneki. (Mateo 19:21, 22) Zvinhu zvakawanda zvinooneka—zvakadai se“kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso”—zvinofadza nyama yedu isina kukwana zvakasimba uye zvinogona kunetesa kutenda kwedu.—1 Johane 2:16.
3. MuKristu anofanira kuva nokutenda kworudzii?
3 Asi, Pauro anoti, “unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” Mosesi akanga ane kutenda kwakadaro. A“katarira mubayiro” uye “wakatsungirira somunhu unoona usingaonekwi.” (VaHebheru 11:6, 24, 26, 27) MuKristu anoda kutenda kworudzi urwu. Sezvakataurwa munyaya yakatangira ino, Abrahama akanga ari muenzaniso wakaisvonaka munhau iyi.
Muenzaniso waAbrahama Wokutenda
4. Mararamiro aAbrahama akachinjwa sei nokutenda kwake?
4 Abrahama akanga ari muUri paakagamuchira vimbiso yaMwari yokuti aizova baba vembeu yaizokomborera vanhu vamarudzi ose. (Genesi 12:1-3; Mabasa 7:2, 3) Achifunga nezvevimbiso iyoyo, Abrahama akateerera Jehovha, achitamira kuHarani ndokuzoenda kuKanani. Ari ikoko, Jehovha akavimbisa kupa nyika yacho kumbeu yaAbrahama. (Genesi 12:7; Nehemia 9:7, 8) Zvisinei, zvakawanda zvakavimbiswa naJehovha zvaizofanira kuitika Abrahama afa. Somuenzaniso, Abrahama pachake haana kumbova muridzi wechikamu chipi nechipi cheKanani—kunze kwebako reMakpera, raakatenga senzvimbo yokuviga. (Genesi 23:1-20) Kunyange zvakadaro, aitenda shoko raJehovha. Kunyanyanyanya, aiva nokutenda mu“guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.” (VaHebheru 11:10) Kutenda kwakadaro kwakamuchengetedza muupenyu hwake hwose.
5, 6. Kutenda kwaAbrahama kwakaedzwa sei pamusoro pevimbiso yaJehovha?
5 Izvi zvinoonekwa kunyanyanyanya mune zvine chokuita nevimbiso yokuti mbeu yaAbrahama yaizova rudzi rukuru. Kuti izvi zviitike, Abrahama aifanira kuva nomwanakomana, uye akamirira kwenguva refu kuti amupiwe. Hatizivi kuti akanga ava nemakore mangani paakatanga kunzwa vimbiso yaMwari, asi paakaita rwendo rwurefu rwokuHarani, Jehovha akanga asati amupa mwana. (Genesi 11:30) Akanga ari muHarani kwenguva yakareba zvakakwana kuti ‘aunganidze pfuma nokuva navana,’ uye paakatamira kuKanani, akanga ava namakore 75 uye Sara akanga ava ne65. Asi, vakanga vasati vava nomwanakomana. (Genesi 12:4, 5) Sara paakasvitsa makore epakati pema70, akagumisa kuti zvino akanga akurisa zvokusagona kupa Abrahama mwana. Saka, achitevedzera tsika yenguva yacho, akapa murandasikana wake Hagari kuna Abrahama, uye akava nomwanakomana naye. Asi uyu akanga asiriye mwana akavimbiswa. Hagari nomwana wake, Ishmaeri, vakazoguma vadzingwa. Zvisinei, Abrahama paakavakumbirira, Jehovha akavimbisa kuti aizokomborera Ishmaeri.—Genesi 16:1-4, 10; 17:15, 16, 18-20; 21:8-21.
6 Munguva yaMwari yakafanira—kwapera nguva refu refu kubvira pavakatanga kunzwa vimbiso yacho—Abrahama aiva namakore 100 naSara aiva namakore 90 vakava nomwanakomana, Isaka. Zvinofanira kuva zvakanga zvakazonaka! Kuvaroorani ava vakanga vakwegura, zvakanga zvakada kufanana norumuko apo miviri yavo yakanga ya“tofa” yakabereka munhu mutsva. (VaRoma 4:19-21) Vakamirira kwenguva refu, asi pakazoitika vimbiso yacho, vakanga vamirira zviripo.
7. Kutenda kunobatanidzwa sei nokutsungirira?
7 Muenzaniso waAbrahama unotiyeuchidza kuti kutenda hakungofaniri kuva kwenguva pfupi. Pauro akabatanidza kutenda nokutsungirira paakanyora kuti: “Munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa. . . . Hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.” (VaHebheru 10:36-39) Vakawanda vakamirira kwenguva refu kuti vimbiso yacho iitike. Vamwe vakamirira kwoupenyu hwose. Kutenda kwavo kwakasimba kwakavachengetedza. Uye, kufanana naAbrahama, vachagamuchira mubayiro kana nguva yaJehovha yakwana.—Habhakuki 2:3.
Kuteerera Mwari
8. Tinoteerera Mwari sei nhasi, uye nei izvozvo zvichasimbisa kutenda kwedu?
8 Zvinhu zvingasvika zvina zvakasimbisa kutenda kwaAbrahama, uye zvinhu izvozvo zvinogona kutibetsera. Kutanga, akaratidzira ‘kudavira kwake kuti Mwari uripo’ nokuteerera Jehovha paaitaura. Saka, akanga akasiyana nevaJudha vomuzuva raJeremia, vaidavira Jehovha asi vasingatendi mashoko ake. (Jeremia 44:15-19) Nhasi, Jehovha anotaura nesu nomumapeji eBhaibheri, Shoko rake rakafuridzirwa, iro Petro akati rakaita se“mwenje unovhenekera mune rima . . . mwoyo yenyu.” (2 Petro 1:19) Patinorava Bhaibheri takamuka, tiri ku“rerwa namashoko okutenda.” (1 Timotio 4:6; VaRoma 10:17) Uyezve, mumazuva ano okupedzisira, “muranda wakatendeka, wakangwara” ari kugovera “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira,” nhungamiro yokushandisa nheyo dzeBhaibheri uye kunzwisisa uporofita hweBhaibheri. (Mateo 24:45-47) Kuteerera Jehovha tichishandisa nzira idzodzi kunokosha kana tichizova nokutenda kwakasimba.
9. Chii chichaitika kana tichinyatsotenda tariro yechiKristu?
9 Kutenda kwaAbrahama kwaiva nechokuita zvikuru netariro yake. “Wakatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji.” (VaRoma 4:18) Ichi ndicho chinhu chechipiri chingatibetsera. Hatimbofaniri kukanganwa kuti Jehovha ndiye “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” Muapostora Pauro akati: “Ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu.” (1 Timotio 4:10) Kana tichinyatsotenda tariro yechiKristu, mararamiro edu ose acharatidzira kutenda kwedu, sezvakanga zvakaita Abrahama.
Kutaura naMwari
10. Munyengetero uchasimbisa kutenda kwedu ndeworudzii?
10 Abrahama akataura naMwari, uye ichi ndicho chinhu chechitatu chakasimbisa kutenda kwake. Nhasi, isuwo tinogona kutaura naJehovha, tichishandisa chipo chokunyengetera nokuna Jesu Kristu. (Johane 14:6; VaEfeso 6:18) Jesu apedza kutaura mufananidzo waisimbisa kudikanwa kwokuramba tichinyengetera, ndipo paakabvunza mubvunzo wokuti: “Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?” (Ruka 18:8) Munyengetero unovaka kutenda hausi wokusafunga kana kuti unongoerekana waitika. Une zvaunonyatsoreva. Somuenzaniso, munyengetero unobva pamwoyo unokosha kana tine zvisarudzo zvinokosha zvatinofanira kuita kana kuti kana tichinetseka zvikuru.—Ruka 6:12, 13; 22:41-44.
11. (a) Abrahama akasimbiswa sei paakavhurira Mwari mwoyo wake? (b) Tingadzidzei kune zvakaitika kuna Abrahama?
11 Abrahama paakanga ave kukwegura uye Jehovha akanga asati amupa mbeu yakavimbiswa, akataura naMwari nezvezvaimunetsa. Jehovha akamuvimbisazve. Chii chakazoitika? Abrahama “akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.” Zvadaro, Jehovha akagovera chiratidzo chokusimbisa mashoko ake okuvimbisazve. (Genesi 15:1-18) Kana tikavhura mwoyo yedu kuna Jehovha tichinyengetera, kugamuchira vimbiso dzaJehovha dziri muShoko rake, Bhaibheri, uye kumuteerera nokutenda kwakazara, Jehovha achazosimbisawo kutenda kwedu.—Mateo 21:22; Judhasi 20, 21.
12, 13. (a) Abrahama akakomborerwa sei paakatevera nhungamiro yaJehovha? b) Zviitiko zvorudzii zvichasimbisa kutenda kwedu?
12 Chinhu chechina chakasimbisa kutenda kwaAbrahama kwaiva kutsigirwa kwaakaitwa naJehovha paakatevera nhungamiro yaMwari. Abrahama paakaenda kunonunura Roti pamadzimambo aitora nechisimba, Jehovha akamuita kuti akunde. (Genesi 14:16, 20) Abrahama paaigara somugari wechinguvana munyika yaizogarwa nhaka nembeu yake, Jehovha akamukomborera mune zvokunyama. (Enzanisa naGenesi 14:21-23.) Jehovha akatungamirira nhamburiko dzomutariri wake dzokuwana mudzimai akakodzera Isaka. (Genesi 24:10-27) Hungu, Jehovha “wakanga aropafadza Abrahama pazvinhu zvose.” (Genesi 24:1) Kutenda kwake kwakapedzisira kwasimba zvikuru uye akava noukama hwapedyo zvikuru naJehovha Mwari zvokuti Jehovha akamuti “shamwari yangu.”—Isaya 41:8; Jakobho 2:23.
13 Isu nhasi tingava nokutenda kwakasimba zvakadaro here? Hungu. Kana isu, saAbrahama, tikaedza Jehovha kupfurikidza nokuteerera mirayiro yake, achatikomborerawo, uye izvozvo zvichasimbisa kutenda kwedu. Somuenzaniso, kutarira paMushumo Wegore Rebasa ra1998 kunoratidza kuti vakawanda vakakomborerwa nenzira yakaisvonaka pavakateerera murayiro wokuparidza mashoko akanaka.—Marko 13:10.
Chinyorwa Chokutenda Nhasi
14. Jehovha akakomborera sei nhimbe yeturakiti reMashoko oUmambo Nha. 35?
14 Kare muna October 1997, nhimbe yomunyika yose yeturakiti raMashoko oUmambo Nha. 35 yakabudirira zvikuru, nemhaka yokushingaira nembavarira zvamamiriyoni eZvapupu. Muenzaniso ndewezvakaitika muGhana. Makopi anoda kusvika mamiriyoni 2,5 akaparadzirwa mumitauro mina, uye fundo dzeBhaibheri dzinoda kusvika 2 000 dzakakumbirwa somugumisiro. MuCyprus Zvapupu zviviri zvaiparadzira Mashoko oUmambo zvakacherekedza mumwe mupristi aizvitevera. Kwapera chinguva, zvakamugovera kopi yaMashoko oUmambo. Akanga atowana kopi uye akati: “Ndaororwa zvikuru neshoko raro zvokuti ndanga ndichida kukorokotedza vanhu vakarigadzira.” MuDenmark, makopi mamiriyoni 1,5 eMashoko oUmambo akaparadzirwa zvichiguma nezvakaisvonaka. Mumwe mukadzi aishanda mubato rinoona nezvekugarisana zvakanaka kwevanhu ikoko akati: “Turakiti racho rine shoko romunhu wose. Riri nyore kunzwisisa, uye rinokuita kuti ude kuita chimwe chinhu, rinokupa chishuvo chokuda kuziva zvakawanda. Rinonyatsobaya dede nomukanwa!”
15. Zviitiko zvipi zvinoratidza kuti Jehovha akakomborera nhamburiko dzokuwana vanhu kwose kwose?
15 Muna 1998 nhamburiko yokuparidza kuvanhu kwete bedzi mumisha yavo asi kwose kwose yakaitwa. MuCôte d’Ivoire vamwe vafundisi vakaroorana vakashanyira ngarava 322 padzinomirira. Vakagovera mabhuku 247, magazini 2 284, mabhurocha 500, nemazana amaturakiti, pamwe nemavhidhiyo nokuda kwavafambi kuti vafambe vachiona vari mugungwa. MuCanada chimwe Chapupu chakaenda kuchitoro chinogadzira mota. Muridzi wacho akafarira, uye hama yacho yakagara maawa mana nehafu, kunyange hazvo nguva yakapedzwa achipupura yakangosvika awa bedzi kana kuti kupfuura pakanga pasingauyi vatengi. Pakupedzisira, fundo yakarongwa nenguva dza10:00 p.m. Zvisinei, pane dzimwe nguva yaisatangwa kusvikira pakati pousiku uye yaizopera na2:00 a.m. Rudungwe rwacho rungangodaro rwainetsa, asi migumisiro yakanaka yakawanwa. Murume wacho akasarudza kuvhara chitoro chake neSvondo kuitira kuti apinde misangano. Nenguva isipi iye nemhuri yake vakanga vava kufambira mberi zvakaisvonaka.
16. Zviitiko zvipi zvinoratidza kuti bhurocha raAnodei nebhuku raZivo zvishandiso zvine simba mubasa rokuparidza nokudzidzisa?
16 Bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? nebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi anoramba ari zvishandiso zvine simba mubasa rokuparidza nokudzidzisa. MuItaly mumwe mukadzi akapikira usisita akanga akamirira bhazi akagamuchira kopi yeMashoko oUmambo. Zuva rakatevera racho, akataurwa naye zvakare ndokugamuchira bhurocha raAnodei. Zuva nezuva pashure paizvozvo, akafunda Bhaibheri kwemaminiti 10 kusvika ku15 panomirirwa bhazi. Kwapera mwedzi nehafu, akafunga kubva pamusha wavakapikira ndokuenda kumusha kuGuatemala kuti apfuurire nokufunda kwake. MuMalawi mumwe aishingaira kuenda kuchechi anonzi Lobina haana kufara vanasikana vake pavakatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanasikana vacho vakataurirawo mai vavo chokwadi cheBhaibheri pavaigona kuita kudaro. Muna June 1997, Lobina akaona bhuku raZivo uye akafadzwa nemashoko okuti “Zivo Inotungamirira.” Muna July akabvuma kufunda Bhaibheri. Muna August akapinda kokorodzano yoruwa ndokunyatsoteereresa purogiramu yacho yose. Pakapera mwedzi iwoyo, akanga asiya chechi yake uye akwanirisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Akabhabhatidzwa muna November 1997.
17, 18. Mavhidhiyo eSosaiti akaratidza sei kuva anoshanda mukubetsera vanhu kuti va“one” zvinhu zvomudzimu?
17 Mavhidhiyo eSosaiti akabetsera vakawanda kuti va“one” zvinhu zvomudzimu. MuMauritius mumwe murume akasiya chechi yake nemhaka yokusabatana kwaiva ikoko. Mumwe mufundisi akamuratidza kubatana kweZvapupu zvaJehovha, achishandisa vhidhiyo inonzi United by Divine Teaching. Aororwa, murume wacho akati: “Imi Zvapupu zvaJehovha munotova muParadhiso!” Akabvuma kufunda Bhaibheri. Imwe hanzvadzi muJapan yakaratidza murume wayo asingatendi vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name, uye zvakamuita kuti ade kufunda Bhaibheri nguva dzose. Apedza kuona United by Divine Teaching, akada kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nhevedzano ine zvikamu zvitatu ine musoro unoti The Bible—A Book of Fact and Prophecy yakamubetsera kuti ashandise nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwake. Pakupedzisira, Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault yakamuratidza kuti Jehovha anosimbisa vanhu Vake pavanodenhwa naSatani. Murume wacho akabhabhatidzwa muna October 1997.
18 Iyi inongova mienzaniso mishomanene chete yezviitiko zvakawanda-wanda zvakaitika mugore rebasa rapfuura. Zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine kutenda kunoshanda uye kuti Jehovha ari kusimbisa kutenda ikoko nokukomborera basa razvo.—Jakobho 2:17.
Wedzera Kutenda Kwako Nhasi
19. (a) Tiri nani kupinda Abrahama pakudini? (b) Vangani vakaungana gore rapera kuti vachengete rufu rwokuzvibayira rwaJesu? (c) Inyika dzipi dzakanga dzine nhamba yakakura yevakapinda Chirangaridzo gore rapera? (Ona chati riri pamapeji 12 kusvika ku15.)
19 Isu nhasi tiri nani kupinda zvakanga zvakaita Abrahama munzira dzakawanda. Tinoziva kuti Jehovha akaita vimbiso dzake dzose dzaakavimbisa Abrahama. Vana vaAbrahama vakagara nhaka Kanani, uye vakava rudzi rukuru. (1 Madzimambo 4:20; VaHebheru 11:12) Uyezve, makore anenge 1 971 Abrahama abva Harani, muzukuru wake, Jesu, akabhabhatidzwa mumvura naJohane Mubhabhatidzi uye ipapo nomudzimu mutsvene naJehovha pachake kuti ave Mesiya, Mbeu yaAbrahama mupfungwa yakazara, yomudzimu. (Mateo 3:16, 17; VaGaratia 3:16) Musi waNisani 14, 33 C.E., Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro nokuda kwaavo vaizotenda maari. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Mamiriyoni zvino aigona kuzvikomborera naye. Gore rapera, 13 896 312 vakaungana musi waNisani 14 kuti vachengete ichi chiito chakaisvonaka chorudo. Kurevererwa kwakadini kwaJehovha, Muchengeti Mukuru wevimbiso!
20, 21. Vanhu vanobva mumarudzi ose vakazvikomborera sei neMbeu yaAbrahama muzana rokutanga ramakore, uye vari kuzvikomborera sei nhasi?
20 Muzana ramakore rokutanga, vakawanda vanobva kumarudzi ose—kutanga naIsraeri wokunyama—vakatenda muMbeu iyi yaAbrahama uye vakava vanakomana vaMwari vakazodzwa, mitezo ya“Israeri [w]aMwari” mutsva, womudzimu. (VaGaratia 3:26-29; 6:16; Mabasa 3:25, 26) Vaiva nekariro yakavimbiswa youpenyu hwomudzimu husingafi mumatenga savatongi pamwe chete muUmambo hwaMwari. Vane 144 000 bedzi vaizokomborerwa nenzira iyi, uye kwasara vashoma vavo. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:4) Gore rapera, 8 756 vakapupurira kudavira kwavo kuti vakanga vari venhamba iyi nokudya zviratidzo pakachengetwa Chirangaridzo.
21 Zvinenge Zvapupu zvaJehovha zvose nhasi ndezve“boka guru” rakaporofitwa pana Zvakazarurwa 7:9-17, NW. Nemhaka yokuti vanozvikomborera naJesu, vane tariro youpenyu husingagumi mupasi riri paradhiso. (Zvakazarurwa 21:3-5) Vane 5 888 650 vakaita basa rokuparidza muna 1998 uchapupu hwokuti boka iri zvechokwadi i“guru.” Zvaifadza zvikuru kuona Russia zvose neUkraine dzichishuma vaparidzi vanopfuura 100 000 kokutanga. Mushumo waibva kuUnited States wakanga wakatanhamarawo—vaparidzi 1 040 283 muna August! Idzi dzaingova nyika nhatu pa19 dzakashuma vaparidzi vanopfuura 100 000 gore rapera.
Tariro Ichakurumidza Kuitwa
22, 23. (a) Nei tichifanira kusimbisa mwoyo yedu nhasi? (b) Tingaratidza sei kuti takafanana naAbrahama, kwete kufanana nevasina kutenda vakataurwa naPauro?
22 Vakapinda Chirangaridzo vakayeuchidzwa kuti tava kure zvakadini mukuitika kwevimbiso dzaJehovha. Muna 1914, Jesu akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga, achitanga kuvapo kwake musimba roUmambo. (Mateo 24:3; Zvakazarurwa 11:15) Hungu, Mbeu yaAbrahama zvino inotonga kudenga! Jakobho akati kuvaKristu vomuzuva rake: “Tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.” (Jakobho 5:8) Kuvapo ikoko zvino kuri kuitika! Chimwezve chikonzero chinoita kuti mwoyo yedu isimbe zvakadini!
23 Chivimbo chedu muvimbiso dzaMwari ngachirambe chichimutsidzirwa nokufunda Bhaibheri nguva dzose nomunyengetero unobva pamwoyo. Ngatisamboregai kuwana chikomborero chaJehovha sezvatinoteerera Shoko rake. Tichazova vakafanana naAbrahama, kwete saavo vane kutenda kwakaneteswa kukafa, sezvakataurwa naPauro. Hapana chinhu chichatiparadzanisa nokutenda kwedu kutsvene-tsvene. (Judhasi 20) Tinonyengeterera kuti izvi zvive chokwadi kune vashumiri vaJehovha vose mugore rebasa ra1999 uye kupfuurira kupinda munguva yemberi isingagumi.
Unoziva Here?
◻ Tinogona sei kuteerera Mwari nhasi?
◻ Ndezvipi zvinobetsera zvinoparirwa neminyengetero yemwoyo wose kuna Mwari?
◻ Kana tikateerera nhungamiro yaJehovha, kutenda kwedu kuchasimbiswa sei?
◻ Ndezvipi zvikamu zvemushumo wegore (mapeji 12 kusvika ku15) zvawakaona zvichinyanya kukufadza?
[Chati iri papeji 12-15]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1998 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(For fully formatted text, see publication)
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kana tikateerera Shoko raJehovha, chivimbo chedu muvimbiso dzake chichamutsiridzwa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kutenda kwedu kunosimbiswa patinoitawo ushumiri navamwe