Chinonyatsobetsera Mhuri
“Zvakarurama kutaura kuti mhuri dziri kuomerwa muAmerica. Hazvibviri kutaura neimwe nzira nemhaka yekuwanda kwekurambana, nhamba yavana vanozvarwa vabereki vasina kuroorana, [uye] mhaka dzokubatwa zvisina kufanira kwavana navadzimai.”
MASHOKO aya akataurwa nomushamarari weterevhizheni wokuUnited States Tom Brokaw angashanda munyika dzakawanda zvikuru. Kuomerwa uku kunorevei?
Munzira dzakawanda mhuri ndiyo chivako chinokosha chenzanga. Kana mhuri iri panguva yakaoma, nzangawo iri panguva yakaoma. Uyezve, mhuri ndiyo inotsigira manzwire evana nokuvatsigira nemari. Ndimo mavanodzidza zvidzidzo zvokutanga nezvinokoshesesa zvoupenyu. Kana mhuri iri panguva yakaoma, vana vari kudzidzei? Vachachengeteka sei? Vachava vanhu vakuru vorudzii?
Mhuri inogona kubetserwa munguva ino yakaoma here? Hungu. Mhuri ukama hwakatangwa naMwari pachake. (Genesi 1:27, 28) Uye akapa nhungamiro yemhuri inokosha muShoko rake, Bhaibheri. (VaKorose 3:18-21) Chokwadi, hatigoni kuchinja nzanga yose zvayo, asi tinogona kushandisa zano reBhaibheri mumhuri dzedu pachedu. Tingada kukuudzai nezvevamwe vanhu vakaita izvi uye nezvemigumisiro yakanaka yavakazowana.
Kudzivisa Kurambana
Munyika dzakati wandei, roorano dzinenge 50 muzana dzinoguma nokurambana. Ikoko kukundikana kukuru muukama hwavanhu! Chokwadi, vakawanda vanoguma vava vabereki vari voga nechikonzero ichi vanoita basa rakaoma mukurera vana vavo. Asi vakawanda zvechokwadi vangabvuma kuti zviri nani kana vakaroorana vachigona kupedza zvinetso zvavo ndokugara pamwe chete.
Muchato wavaroorani vokuSolomon Islands wakanga wava kunoparara. Murume wacho, mwanakomana washe, aiita zvechisimba uye aiva nemiitiro yakawanda yakaipa. Upenyu hwakanga hwakaomera mudzimai wake kwazvo zvokuti akatomboedza kuzviuraya. Ipapo, murume wacho akabvuma kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akadzidza kuti munhu upi noupi anoda kufadza Mwari haangofaniri bedzi kuziva zvakaipa asiwo ‘kuvenga zvakaipa.’ (Pisarema 97:10) Izvozvo zvinobatanidza kuvenga zvinhu zvakadai sokureva nhema, kuba, kuita chisimba, uye kudhakwa. Akateerera izvi uye nenguva isipi akarega miitiro yake yakaipa nehasha dzake dzechisimba. Mudzimai wake akashamiswa nokuchinja kwacho, uye roorano yavo yakavandudzika zvikuru, nemhaka yesimba reShoko raMwari.
MuSouth Africa mumwe mukadzi ari Chapupu chaJehovha akanzwa kuti waaishandira nomurume wake vakanga vari kufunga zvokurambana. Chapupu chacho chakataura nowachaishandira pamusoro pemaonero anoita Mwari roorano ndokumuratidza bhuku rine musoro unoti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Bhuku iri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rinosimbisa nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda muroorano, richinyanyosimbisa kuti Bhaibheri rinobetsera sei vakaroorana kuti vapedze zvinetso. Waaishandira wacho nomurume wake vose vakarava bhuku racho ndokuedza nemwoyo wose kushandisa zano raipiwa neBhaibheri. Somugumisiro, vakasarudza kusarambana—imwe roorano yakaponeswa nokushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri.
Zvitendero Zvakasiyana
Zvakadini neroorano ine varoorani vane zvitendero zvakasiyana? Chaizvoizvo Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti varoore kana kuti kuroorwa “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Zvisinei, pane dzimwe nguva mumwe wawakaroorana naye anochinja chitendero. Ipapo ndipo panofanira kuperera roorano yacho here? Nyangwe.
MuBotswana mumwe mukadzi akava Chapupu chaJehovha munguva pfupi yapfuura akabvunzwa kuti kutenda kwake kutsva kwakanga kwamuchinja sei. Akakumbira murume wake kuti amupindurire, uye izvi ndizvo zvaakataura: “Kubvira mudzimai wangu paakava Chapupu chaJehovha, ndakaona zvakawanda zvaakachinja zvakanaka. Zvino ava nesimba rokunyarara, rokuchenjera raakanga asina. Akava nesimba nokutenda kuti arege kusvuta, chinhu chandisati ndagona kukurira. Mudzimai wangu ava nerudo zvikuru uye ava kururatidzira kwandiri nokuvana vangu, pamwe nokuvamwe. Ava kushivirira zvikuru, kunyanyanyanya kuvana. Ndinomuona achipedzera nguva muushumiri hwake, achiedza kubetsera vamwe kuti vavandudze upenyu hwavo. Iniwo ndakachinja zvakanaka. Ndinodavira kuti izvi zvose imhaka yomuenzaniso wake.” Nheyo dzeBhaibheri dzakachinja zvakanaka zvakadini roorano iyi! Vakawanda vasiri Zvapupu vakataura zvakafanana pamusoro pevavakaroorana navo vari Zvapupu.
Baba Pavanorega Kuita Mabasa Avo
Ukama huri pakati pababa navana vavo chinhu chinokosha pakuvaka mhuri dzakasimba. Muapostora Pauro akapa zano rokuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Saka, hazvishamisi kuti nyaya yomuThe Wilson Quarterly yakati zvinetso zvakawanda zvenzanga zvinoparirwa navanababa vasingaiti basa ravo. Nyaya yacho yakati: “Pakati pa1960 na1990, chikamu muzana chavana vasingagari navanababa vavo chaivo chakapetwa kanopfuura kaviri . . . Kuderera kwokuva vanababa chinhu chikuru chinoparira zvinetso zvinovhiringidza zvakawanda zvinotambudza nzanga yeAmerica.”
Izvi zvinoreva here kuti vana vane madzibaba asingavatungamiriri vakarongerwa kuti vakundikane? Aiwa. Munyori wePisarema wekare akati: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Mumwe mukomana ane makore mapfumbamwe muThailand akazoziva kuti ichi ichokwadi. Akafirwa namai vake paakanga achiri mucheche, uye baba vake, vasingamudi, vakamusiya ana mai vavo. Achifunga kuti haadiwi, mukomana wacho akapanduka uye akava nomukurumbira wokuva mushushi. Akatotyisidzira mbuya vake. Vaparidzi vaviri venguva yakazara vari Zvapupu zvaJehovha, vachicherekedza kuti aiwanzomira panze peHoro yoUmambo yomunzvimbo imomo, rimwe zuva vakamukoka kuti auye kumba kwavo.
Vakamuudza nezvaMwari—kuti Iye, kufanana nababa, anoda vana vake. Vakataurawo nezveParadhiso yapasi iyo Mwari akavimbisa vanhu vakatendeka. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvose izvi zvakafadza mukomana wacho, uye akadzoka mazuva ose kuti azodzidza zvakawanda. Zvapupu zvakamuudza kuti aizofanira kurega kuva mushushi kana ainyatsoda kuti Mwari ave Baba vake. Izvi zvaiwirirana namashoko aPauro kuvaRoma okuti: “Pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Aifanirawo kuva nemutsa kuna mbuya vake. (1 Timotio 5:1, 2) Nenguva isipi, akanga ava kushandisa nheyo dzeBhaibheri—pasina mubvunzo achivandudza zvikuru upenyu hwake hwemhuri nambuya vake. (VaGaratia 5:22, 23) Vavakidzani vakaororwa zvikuru nokuchinja kwavakaona paari zvokuti vaida kuti vana vavowo vadzidze Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha!
Kuva Norugare
Muapostora Pauro akanyorera vaKorose kuti: “Fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa. Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu.” (VaKorose 3:14, 15) Kuva norugare norudo rwunobva pamwoyo hakukundikani kubatanidza mhuri pamwe chete. Uye zvinogona kugadzirisa kupesana kwenguva refu kwemhuri. Rukia, anogara muAlbania, akanga asingatauri nehanzvadzi yake kwemakore anopfuura 17 nemhaka yokusawirirana kwemhuri. Paakafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akadzidza kuti vashumiri vaMwari vose vanokurudzirwa kuva norugare navamwe. “Ngaatsvake rugare, arutevere.”—1 Petro 3:11.
Rukia akaziva kuti aifanira kuita rugare nehanzvadzi yake. Akanyengetera usiku hwose, uye mangwanani akatevera acho, hana yake ichirova, akafamba achienda kumba kwehanzvadzi yake. Mwanasikana wehanzvadzi yaRukia akavhura musuo ndokubvunza achishamisika kuti: “Muri kutsvakei pano?” Rukia akakumbira kuona hanzvadzi yake akadzikama, achitsanangura kuti aida kuita rugare naye. Nei? Nemhaka yokuti zvino aiziva kuti izvi ndizvo zvaida Mwari. Hanzvadzi yake yakamugamuchira zvakanaka, uye kuwiriranazve kwavo kwakaratidzirwa nekumbundirana nemisodzi yomufaro—mhuri yakabatanidzwazve nemhaka yokuti nheyo dzeBhaibheri dzakateverwa.
Songaniro Dzakashata
“Nhasi, mwanawo zvake anoona terevhizheni maawa manomwe pazuva. Paanopedza chikoro chepurayimari, aona kuponda kunopfuura zviuru zvisere uye zviito zvechisimba zvine mazana ane churu.” Ndizvo zvinotaura bhuku rinonzi The 7 Habits of Highly Effective Families. Kuona zvinhu zvakadaro kunotapura sei mwana? “Nyanzvi” hadzibvumirani idzo dzoga pamusoro peizvozvo, asi Bhaibheri rinonyevera zvakasimba nezveshamwari dzakashata. Somuenzaniso, rinoti: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Rinotiwo: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Upenyu hwemhuri hunogona kuvandudzika kana tikaona nheyo iyi nokuchenjera seyechokwadi kunyange kana songaniro dzakashata dzingava vanhu chaivo kana kuti dzingava papurogiramu yeterevhizheni.
Vamwe mai muLuxembourg vaifunda Bhaibheri nechimwe Chapupu chaJehovha. Rimwe zuva vakaudza Chapupu chacho kuti munguva dzamanheru vanasikana vavo vaviri vane makore manomwe uye masere vakanga vachiitirana nharo zvikuru uye vachiita zvechisimba. Chapupu chacho chakabvunza kuti vasikana vacho vaiitei munguva dzamanheru. Mai vacho vakataura kuti vaiona terevhizheni ivo pavanenge vachichenesa mukicheni. Purogiramu dzipi? “Ah, mamwe makatuni,” mai vacho vakapindura. Mushanyi wavo paakataura kuti mapurogiramu akadaro anowanzoratidza zvechisimba, mai vevasikana vacho vakavimbisa kuti vaizovatarisa.
Zuva rakatevera racho chairo, mai vacho vakataura kuti vakarohwa nehana pavakaona makatuni aionekwa navanasikana vavo. Airatidza zvimhuka zvinotyisa zvisiri zvomunyika ino izvo zvaiparadza zvinhu zvose zvazvaiona. Akatsanangurira vanasikana vake kuti Jehovha anovenga zvechisimba uye haafari patinoona utsinye hwakadaro. (Pisarema 11:5) Vasikana vacho, vachida kufadza Jehovha, vakabvuma kuita zvokudhirowa nokupenda panzvimbo pokuona terevhizheni. Nenguva isipi, maitiro avo okuva nechisimba akachinja, uye zvaiitika mumhuri yacho zvakavandudzika.
Iyi inongova zvayo mienzaniso mishomanene inoratidza kuti kushandisa nheyo dzeBhaibheri kunovandudza upenyu hwemhuri. Zano reBhaibheri rinoshanda mumamiriro ezvinhu amarudzi ose. Rinoshanda uye rine simba rokuchinja zvinhu kuva zvakanaka. (VaHebheru 4:12) Vanhu pavanofunda Bhaibheri ndokuedza kushandisa zvarinotaura nomwoyo wose, mhuri dzinosimbiswa, unhu hunovandudzwa, uye mhosho dzinodziviswa. Kunyange kana mutezo mumwe wemhuri uchitevera zano raMwari, zvinhu zvinova nani. Zvechokwadi, muupenyu hwedu hwose, tinofanira kuona Shoko raMwari sezvakaita munyori weMapisarema akanyora kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Zvinetso zvemhuri zvakapedzwa nokushandisa nheyo dzeBhaibheri