RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/1 pp. 23-26
  • Kumira Pamavambo Ebasa Rakakura Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kumira Pamavambo Ebasa Rakakura Zvikuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zano Rokuparadzana Kubva Kuvarayiridzi
  • Vafundisi Vagara Nebasa Vanofara
  • Kubva Kuvadzidzi Vanobudirira Kukuva Vafundisi Vanobudirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mwoyo Unoda Ndiwo Unounza Vanhu kuGiriyedhi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zvikomborero Zvedzidzo yeGilead Zvinopararira Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/1 pp. 23-26

Kumira Pamavambo Ebasa Rakakura Zvikuru

“PAIVE pasina zvokukwikwidzana. Munhu wose aida kuti vamwe vose vabudirire,” vakadaro Richard naLusia, vachitsanangura vavaidzidza navo vekirasi yechi105 yeWatchtower Bible School of Gilead. “Tose takasiyana zvikuru, asi kwatiri, mudzidzi woga woga anokosha.” Mumwe wavaidzidza naye, Lowell, akabvumirana nazvo, achiwedzera kuti: “Kusiyana kwedu kwakatiita kuti tiwirirane.”

Kirasi yacho, yakapedza kufunda musi wa12 September 1998, yakanga yakasiyana zvechokwadi. Vamwe vadzidzi vacho vakanga vapayona munharaunda dzaida vaparidzi voUmambo vakawanda; vamwe vakanga vashanda vakatendeka vari pedyo nokumusha. Vashomanene, vakaita saMats naRose-Marie, vaifanira kushanda nguva yakawanda uye zvakasimba kuti vavandudze chiNgezi chavo vasati vauya kuchikoro. Vadzidzi vakawanda vakanga vachifunga nezvebasa roufundisi kubvira pavakanga vachiri vaduku. Vamwe vakaroorana vakanyorera basa racho ka12; vakafara zvikuru kukokwa kukirasi yechi105!

Mavhiki 20 okunyatsorovedzwa akamhanya zvikuru. Vadzidzi vachakavarayirwa, vakanga vadzosera basa ravakanga vanyora rokupedzisira, vakanga vataura mushumo wavo wokupedzisira, uye zuva rokupiwa zvitupa rakanga rakasvika.

Sachigaro wepurogiramu yacho, Albert Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, akayeuchidza kirasi yacho kuti vakanga vaka“mira pamavambo ebasa rakakura zvikuru mumunda wedzidzo yeBhaibheri,” vachitevera vamwe vanopfuura 7 000 vakanga vavatangira kuuya kuGilead. Akataura kuti muchirimo chacho, vadzidzi vakanga vawana mukana usingawanzowanika navakawanda wokuonana nevafundisi vagara nebasa pavakashanyira dzimbahwe renyika nemhaka yemagungano amarudzi.

Hama Schroeder vakazosuma Max Larson weDare Rokushanda reBheteri. Akatsanangura musoro waiti “Dzidzo Inoita Kuti Uve Noupenyu Husingaperi.” Hama Larson vakataura mashoko ari pana Zvirevo 1:5, iyo inoti: “Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; nomunhu wenjere awane mano akanaka.” Zvinoda mano kuti uve mufundisi anobudirira. Vanhu vane mano vanomira pamberi pamadzimambo. (Zvirevo 22:29) Vapedza kurayiridzwa kwemwedzi mishanu, vadzidzi vakanga vashongedzerwa kuti vamiririre Madzimambo makurusa, Jehovha Mwari naKristu Jesu.

David Olson weDhipatimendi Rebasa akazotsanangura musoro waiti “Betsera Kufadza Mwoyo waJehovha.” Akabvunza kuti: “Vanhu vasina kukwana vangaitei kuti vafadze mwoyo waMwari?” Mhinduro yacho? Vanogona kumunamata vakatendeka, vakavimbika, uye vachifara. Jehovha anoda kuti vanhu vake vafare mubasa ravanomuitira. Patinoita zvinoda Mwari tichifara, tinofadza mwoyo wake. (Zvirevo 27:11) Hama Olson vakarava tsamba yakabva kuvafundisi vakaroorana vakapedza kufunda mukirasi yechi104 yeGilead. Vari kufarira mugove wavo mutsva here? “Tine vaparidzi vanenge 140,” vakanyora kudaro nezveungano yavo, “neavhareji yavanopinda misangano ye250 kusvika ku300. Basa romumunda ndiro rinonyanya kunakidza. Tine fundo ina ina, uye vamwe vava kutouya kumisangano.”

Lyman Swingle, mumwe woMutumbi Unodzora, akataura nezvomusoro unoti “Nguva Yokumira Ndokutanga Kufunga Zvikomborero Zvako.” Kurovedzwa neGilead kwakaparira zvikomborero zvakawanda. Kwakanga kwabetsera vadzidzi kuti vawedzere zivo, vanyanye kuonga sangano raJehovha, uye vatange kuva namavara anokosha, akadai sokuzvininipisa. “Kuuya pano ndokupedza nguva uchiteerera mirayiridzo chiitiko chinoninipisa,” vakadaro Hama Swingle, vachiwedzera kuti: “Munobva pano mashongedzerwa zviri nani kuti mukudze Jehovha.”

“Mufaro Wenyu Wakakura Zvikuru—Saka Munonetsekerei?” ndiwo waiva musoro wehurukuro yakapiwa naDaniel Sydlik, woMutumbi Unodzora zvakare. Zvinetso pazvinovapo, tsvaka nhungamiro muMagwaro, akakurudzira kudaro. Vachishandisa ndima dzakasarudzwa muganhuro rechitanhatu raMateo, Hama Sydlik vakaenzanisira kuti izvi zvingaitwa sei. Kusava nokutenda kungatiita kuti tinetseke pamusoro pezvinhu zvenyika, zvakadai sezvokudya nezvokupfeka. Zvisinei, Jehovha anoziva zvatinoda. (Mateo 6:25, 30) Kunetseka kuchangowedzera bedzi zvinetso zvinovapo zuva roga roga. (Mateo 6:34) Asiwo, kuronga kunodikanwa. (Enzanisa naRuka 14:28) “Zvinorambidzwa naJesu, hakusi kufunga kwokuchenjera nezvenguva yemberi, asi kunetseka kusiri kwokuchenjera pamusoro payo,” vakatsanangura kudaro Hama Sydlik. “Kuita chiito ndiwo mumwe wemishonga yakanakisisa yekufunganya. Patinofunganya, zvakanaka kana tikatanga kutaura pamusoro pechokwadi.”

Zano Rokuparadzana Kubva Kuvarayiridzi

Kwakazopiwa hurukuro nhatu nemitezo mitatu yechikoro cheGilead. Karl Adams akatanga kutaura, pamusoro waiti “Uchabhadharei Jehovha?” Hurukuro yake yaibva muPisarema rechi116, ringava rakaimbwa naJesu usiku hwaakazourawa. (Mateo 26:30, NW) mashoko omuzasi) Chii chakafungwa naJesu sezvaaiimba mashoko okuti: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri”? (Pisarema 116:12) Angava aifunga nezvemuviri wakakwana waakanga agadzirirwa naJehovha. (VaHebheru 10:5) Zuva rakatevera racho, aizopa muviri iwoyo sechibayiro, achiratidza kudzama kworudo rwake. Vadzidzi vekirasi yechi105 vakanga varavidza kunaka kwaJehovha kwemwedzi mishanu yakapfuura. Zvino vaizoratidza kuda kwavo Mwari nokushanda zvakaoma mumigove yavo youfundisi.

Mark Noumair, murayiridzi wechipiri kutaura weGilead, akarayira vadzidzi kuti “Rambai Muchiita Zvakarurama.” Josefa, atengeswa somuranda muEgipita, akatsungirira makore 13 okubatwa zvisina kufanira. Akabvumira kuti kukanganisa kwavamwe kumuregedzese kunamata Mwari here? Aiwa, akaramba achiita zvakanaka. Nguva yaMwari yazokwana, Josefa akanunurwa mumiedzo yake. Pakarepo, akarega kugara mujeri ndokutanga kugara munzvimbo youmambo. (Genesi, maganhuro 37-50) Mudzidzisi wacho akabvunza vadzidzi vake kuti: “Kana zvamuri kutarisira mumugove wenyu woufundisi zvikasaitika, mucharega here? Muchabvuma kuora mwoyo here? Kana kuti muchatsungirira, sezvakaita Josefa?”

Pakupedzisira, mukuru weGilead School, Wallace Liverance, akakurukura nemitezo yekirasi yacho musoro waiti “Zivisa Mambo noUmambo.” Vamwe vadzidzi vakataura zvakaitika pavakanga vachiparidza paimba neimba, pachitoro nechitoro, uye mumigwagwa. Vamwe vakataura kuti vakaparidza sei kuvanhu vanotaura mumwe mutauro. Vamwezve vakaratidza nzira yokuparidza nayo kuvanhu vane zvitendero zvakare zvakasiyana. Vadzidzi vose vakanga vachidisisa kuita basa roushumiri mumunda woufundisi.

Vafundisi Vagara Nebasa Vanofara

Hurukuro yakatevera, yaiva nomusoro unoti “Migumisiro Inofadza Inobva Mubasa Roufundisi,” yakapiwa naRobert Wallen uye yaibatanidza kubvunzurudza hama ina dzinoshanda padzimbahwe dzakanga dzichangobva kukurudzirwa navafundisi vagara nebasa. Vafundisi ava vakanga vakurumidza kubvuma kuti zvakanga zvisiri nyore kuti vadzidze mutauro mutsva, kuti vachinje kuti vawirirane nedzimwe tsika, kana kuti vawirirane nemamiriro okunze akasiyana. Vaizofanirawo kubata nokurwadziwa nokufunga kumusha. Pane dzimwe nguva, utano hwainetsa. Asi pasinei neizvi zvose, vafundisi vacho vakaramba vachiona zvinhu nenzira yakanaka, uye kutsungirira kwavo kwakakomborerwa. Vamwe vakanga vaita kuti vanhu vakawanda vazive Jehovha. Vamwe vakanga vabetsera nenzira dzakasiyana-siyana kuwedzera kwebasa roUmambo munyika dzavo.

Akapedzisira kutaura akanga ari Carey Barber, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora. Akahwirudzura mifungo mikuru yepurogiramu yekokorodzano ye“Nzira yaMwari Youpenyu.” “Purogiramu yekokorodzano yakatapura sei ukama hwako naJehovha?” akabvunza vaiva vakamuteerera. Mukurukuri wacho akasiyanisa migumisiro ine zvikomborero yokutevera nzira yaMwari nemigumisiro ine ngwavaira yeavo vanotevera nzira yenyika. Achitaura nezvekutadza kwaMosesi paMeribha, akanyevera kuti: “Kunyange kana munhu ashanda kwamakore akawanda akatendeka, Jehovha haarerutsi kunyange kungoputswa zvishoma kwemitemo Yake yakarurama. (Numeri 20:2-13) Dai vanamati vaMwari vose kwose kwose vakaramba vakabatisisa ropafadzo dzavo dzebasa dzinokosha!

Nguva yakanga yasvika yokuti vadzidzi vagamuchire zvitupa zvavo. Mumiriri wekirasi yacho akazorava tsamba yokuonga kurovedzwa kwakanga kwaitwa vadzidzi. Rwiyo rwokugumisa rwaimbwa nomunyengetero womwoyo wose waitwa, purogiramu yokupedza kufunda yakabva yapera. Asi, nokuda kwekirasi yechi105, aya akanga achingova mavambo, nokuti vafundisi vatsva vakanga vaka“mira pamavambo ebasa rakakura zvikuru.”

[Bhokisi riri papeji 23]

Mashoko Nezvekirasi Yacho

Nhamba yenyika dzakamiririrwa: 9

Nhamba yenyika dzavakanzi vaende: 17

Nhamba yevadzidzi: 48

Nhamba yevakaroorana: 24

Zera repaavhareji: 33

Avhareji yemakore muchokwadi: 16

Avhareji yemakore munguva yakazara: 12

[Bhokisi riri papeji 24]

Vakasarudza Basa Renguva Yakazara?

“Pandakanga ndichiri muduku, ndakanga ndisingamborongi kupayona,” anodaro Ben, akapedza kufunda wekirasi yechi105. “Ndaifunga kuti vane mano chaiwo bedzi nemamiriro ezvinhu akanaka ndivo vaigona kupayona,” anowedzera kudaro. “Asi ndakadzidza kuda basa romumunda. Rimwe zuva ndakazofunga kuti kuva piyona kunongoreva kuita ushumiri zvakawedzerwa. Ndipo pandakaziva kuti ndaigona kupayona.”

“Vashumiri venguva yakazara vaigarokosheswa zvikuru pamusha pedu,” anorondedzera kudaro Lusia. Anoyeuka kufara kwaisara kuchiita ungano yake nguva yoga yoga yaiuya vafundisi kuzoshanya. “Pandakanga ndichikura,” anodaro, “zvainzwisisika kuti ndaizoronga kupayona.”

Mai vaTheodis vakafa paakanga achingova namakore 15 okukura. “Panguva iyoyo, ungano yakanyatsonditsigira,” anodaro, “saka ndakazvibvunza kuti, ‘Ndingaitei kuti ndiratidze kuonga kwangu?’” Izvi zvakamuita kuti apinde mubasa renguva yakazara uye zvino mubasa roufundisi.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kirasi Yakapedza Kufunda yechi105 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mumazita ari pasi apa, nhamba dzemitsetse ndedzokubva kumberi kuenda kumashure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe

(1) Sampson, M.; Brown, I.; Heggli, G.; Abuyen, E.; Desbois, M.; Pourthié, P. (2) Kassam, G.; Lindberg, R.; Dapuzzo, A.; Taylor, C.; LeFevre, K.; Walker, S. (3) Baker, L.; Pellas, M.; Woggon, E.; Böhne, C.; Asplund, J.; Haile, J. (4) Pourthié, T.; Whittaker, J.; Palmer, L.; Norton, S.; Gering, M.; Haile, W. (5) Walker, J.; Böhne, A.; Groenveld, C.; Washington, M.; Whittaker, D.; Abuyen, J. (6) Gering, W.; Washington, K.; Pellas, M.; Desbois, R.; Heggli, T.; Asplund, Å. (7) Woggon, B.; LeFevre, R.; Taylor, L.; Brown, T.; Groenveld, R.; Palmer, R. (8) Norton, P.; Sampson, T.; Baker, C.; Lindberg, M.; Kassam, M.; Dapuzzo, M.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe