RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 10/15 pp. 25-29
  • Apo Mwoyo Yakaoma Inogamuchira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Mwoyo Yakaoma Inogamuchira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Kutanga Basa Racho
  • Chirongwa Chokudzidza Chinobudirira
  • Magungano Chaiwo Anounza Mufaro
  • Kuchinja Kunoshamisa Kwakaitwa Kuti Kubudirire
  • Dzvinyiriro Inobva Kune Dzaimbova Shamwari
  • Kuva Vashumiri vaMwari Vakazvitsaurira
  • Kubvuma Kwakaitwa Nezviremera Zvejeri
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 10/15 pp. 25-29

Apo Mwoyo Yakaoma Inogamuchira

MUNA 1989, ZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUPOLAND zvakaitwa kuti zvizivikanwe zviri pamutemo sesangano rechitendero. Zvapupu zvakanga zvasungwa nemhaka yokusatora rutivi kwazvo kwechiKristu zvakasunungurwa zvishoma nezvishoma, zvichisiya vasungwa vakawanda mujeri vaishuva kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri kubva kwazviri. Heino imwe nhoroondo yenzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kubetsera nayo vaimbova nemwoyo yakaoma kuti vagamuchire simba reShoko raMwari, parimwe jeri rakadaro.

MUWOŁÓW, dhorobha rinogarwa navanhu 12 000 riri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwePoland, mune jeri rava nemakore 200 rinochengeterwa mamwe matsotsi emakoko omuPoland. Kubvira pakazivakanwa basa razvo zviri pamutemo, Zvapupu zvaJehovha zvakaedza kuendesa mashoko akanaka oUmambo kuvasungwa ikoko, uye zvinoita kudaro nokushingaira zvikuru.

Chakazarura nzira yacho itsamba yakapiwa vatarisiri vose vejeri muPoland neMinistry of Justice muna February 1990. Tsamba yacho yakataura kuti “havafaniri kunetsa” vasungwa chero vapi zvavo vaida kugamuchira mabhuku eWatch Tower kana kuti kusangana neZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvacho, zvimwe zvakatenge zvapedzera makore akareba mujeri reWołów, zvainyatsoziva vasungwa vakawanda vakanga vakaoma mwoyo imomo. Zvisinei, zvakavimba naJehovha kuti akomborere nhamburiko dzazvo dzokuita kuti chokwadi cheBhaibheri chipfavise mwoyo yakaoma yevamwe vasungwa.

Kutanga Basa Racho

“Zvakanga zvakaoma kuita kuti chirongwa chacho chitange,” vanodaro Hama Czesław vanobva kuguta reWrocław, makiromita anenge 40 kubva ipapo, vakapiwa maruramiro okushanyira jeri romuWołów. “Takakurukurirana kwenguva refu kakawanda nevakuru vakuru vejeri racho kuti vazobvuma kuti mabasa edu echitendero anobetsera vasungwa.”

Aishanda pamwe chete naCzesław, Paweł, anoyeuka kuti, kuti aomese zvinhu, “mukuru mukuru ane nzvimbo yapamusoro akaomerera pakuti vasungwa vacho vakanga vachingoshandisa havo mabasa echitendero acho senyengedzo dzokuti vawane zvavanoda.” Asi pakabhabhatidzwa vaichimbova matsotsi ane ngozi muna 1991, zviremera zvejeri racho zvakachinja mafungiro azvo, uye kubatira pamwe kwakavandudzika.

“Takatanga nokuparidzira vasungwa, mhuri dzavo dzaiuya kuzovashanyira mujeri, pamwe chete nevashandi vepajeri racho,” anotsanangura kudaro Czesław. “Ipapo takabvumirwa kuparidza mashoko akanaka kubva mune rimwe kamuri revasungwa kuenda mune rimwe kamuri revasungwa, zvakanga zvisingambowanzoitwi. Pakupedzisira, patakawana vanofarira vokutanga, takapiwa mvumo yokuitisa fundo dzeBhaibheri nokuita misangano yechiKristu mukahoro kaduku.” Hungu, Jehovha akazarura nzira yokusvika nayo mwoyo yakaoma yevasungwa.

Chirongwa Chokudzidza Chinobudirira

Nokukurumidza kahoro kaye kakava kaduku zvikuru. Sezvo vasungwa vakabhabhatidzwa uye hama dzaibva kunze dzakaitawo basa rokuparidza, vasungwa vanosvika 50 vakatanga kupinda misangano. “Kwamakore anopfuura matatu, takaitira misangano yose imomo, uye vasungwa vakapinda misangano yevhiki nevhiki nguva dzose,” anotsanangura kudaro mumwe wavakuru vomunharaunda yacho. Nokudaro muna May 1995 vakanzi vashandise horo yakati kurei.

Hama dzinotarisira dzinosarudza sei vanogona kuuya kumisangano inoitirwa mujeri? “Tine mazita evasungwa vanoratidza kunyatsofarira chokwadi,” vanotsanangura kudaro Hama Czesław naHama Zdzisław. “Kana musungwa asingafambiri mberi kana kuti achipotsa misangano pasina chikonzero chakanaka, nokudaro achiratidza kusakoshesa gadziriro dzakadaro, tinodzima zita rake pandaza yacho ndokuzivisa mukuru mukuru wejeri [mutarisiri wejeri].”

Pafundo dzavo dzeBhaibheri, hama dzinodzidzisawo vasungwa nzira yokugadzirira nayo misangano zvakanaka nenzira yokushandisa nayo mabhuku edu zvakanaka. Nokudaro, panouya vasungwa kumisangano, vanenge vakanyatsogadzirira uye vanopindura vakasununguka. Vanotaura zvinovaka, vanoshandisa maBhaibheri avo nounyanzvi, nokuita kuti zano racho rishande kwavari, vachiwanzobatanidza mutsinhiro dzavo kutaura kwakadai sokuti, ‘Ndinoona kuti ndinofanira kuita ichi kana kuti icho.’

“Pamwe chete, fundo dzeBhaibheri 20 dziri kuitwa mujeri reWołów. Vasere vavo vari kufundiswa nevaparidzi vatatu vari vasungwa,” anodaro munyori weungano yacho. Vakavawo nemigumisiro yakanaka pavaiparidza kubva murimwe kamuri revasungwa kuenda mune rimwe kamuri revasungwa uye pavakafamba-famba mukomboni yejeri racho. Somuenzaniso, mumwedzi gumi, kubva muna September 1993 kusvikira muna June 1994, vakaparadzira mabhuku 235, mabhurocha anoda kusvika 300, uye magazini 1 700. Nguva pfupi yapfuura, vakuru vakuru vaviri vejeri racho vakakumbira kufundiswa Bhaibheri.

Magungano Chaiwo Anounza Mufaro

Pashure penguva yakati, chimwe chinhu chakawedzerwa kuchirongwa chedzidzo mujeri iroro, kureva kuti, magungano chaiwo. Vatariri vanofambira nedzimwe hama dzine unyanzvi vaipa mativi makuru epurogiramu dzegungano redunhu negungano chairo rezuva rimwe mukamuri rokutambira. Gungano chairo rokutanga rakaitwa muna October 1993. Vasungwa makumi mashanu vakapinda, uye “mhuri dzose, kubatanidza vakadzi nevana vaduku, vauya vachibva kuWrocław,” rakashuma kudaro pepanhau rinonzi Słowo Polskie, nokuda kwenhamba yevose vakapinda 139. Kumbomira papurogiramu yegungano racho kwakabvumira mukana wokudya zvakabikwa nehanzvadzi, pamwe chete nenguva yokusonganirana kwakaisvonaka kwechiKristu.

Mamwe magungano chaiwo manomwe akaitwa kubva panguva iyoyo, uye akabetsera kwete bedzi vari mujeri asiwo vari kunze. Apo imwe hanzvadzi iri Chapupu yakashanyira aichimbova musungwa kuWołów zvino ava kugara mudhorobha, pakutanga aiti panikirei. Asi paaudzwa kuti mumwe musungwa akanga ava Chapupu, murume wacho akashama achiti: “Mhondi iya yava Chapupu?” Somugumisiro, murume wacho akabvuma kufunda Bhaibheri.

Kuchinja Kunoshamisa Kwakaitwa Kuti Kubudirire

Ko chirongwa chikuru ichi chedzidzo chakanyatsopfavisa mwoyo yakaoma yevasungwa here? Regai vazvitaurire.

“Handina kubvira ndaziva vabereki vangu nokuti vakandiramba pandakanga ndichiri muduku, uye ndakasvika pakushayiwa pfungwa yokudiwa nenzira inorwadza zvikuru,” anobvuma kudaro Zdzisław, mumwe murume anofunga nenzira yomuzvarirwo. “Pakuvamba muupenyu hwangu, ndakapara mhaka, ndikapedzisira ndaponda munhu. Pfungwa yokuva nemhaka yakandisunda kuti ndifunge kuzviuraya, uye ndakanga ndava kutsvagisisa tariro chaiyoiyo. Ipapo, muna 1987, ndakawana magazini yeNharireyomurindi. Ndakadzidza nezvetariro yerumuko neyoupenyu husingaperi mairi. Ndichiziva kuti tariro yakanga ichipo, ndakarasa pfungwa yokuzviuraya ndokutanga kufunda Bhaibheri. Zvino ndadzidza zvinoreva rudo rwaJehovha nerwehama.” Kubvira muna 1993, yaimbova mhondi iyi yave iri mubatiri anoshumira uye piyona webetsero, uye gore rapera akava piyona wenguva dzose.

Ukuwo, Tomasz akagamuchira fundo yeBhaibheri nyore nyore. “Zvisinei, iyoyo yakanga isi nhanho yechokwadi,” anobvuma kudaro. “Ndakanga ndichidzidza nemhaka bedzi yokuti ndaida kuvhaira pandinenge ndichitsanangurira vamwe zvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Asi ndakanga ndisiri kuita zvakawanda nezvechokwadi cheBhaibheri. Rimwe zuva, ndakafunga zvakanaka ndokuenda kumusangano wechiKristu. Vasungwa vakabhabhatidzwa vakanditambira noushamwari. Ndakaziva kuti panzvimbo pokuedza kuvhaira nezivo, ndaifanira kupfavisa mwoyo wangu wakaoma ndokuchinja ndangariro yangu.” Tomasz akavamba kupfeka unhu hutsva hwechiKristu. (VaEfeso 4:22-24) Nhasi, Chapupu chakazvitsaurira, chakabhabhatidzwa uye anofara kuparidza kubva murimwe kamuri ravasungwa kuenda kune rimwe kamuri ravasungwa.

Dzvinyiriro Inobva Kune Dzaimbova Shamwari

Vakadzidza chokwadi cheBhaibheri vari mujeri vakadzvinyirirwa zvikuru nedzaimbova shamwari mukamuri ravasungwa uye nevakuru vakuru vejeri. Mumwe wavo anoyeuka kuti: “Ndaigarotsoropodzwa nokusekwa. Asi ndakaramba ndichiyeuka mashoko anokurudzira ehama. ‘Ramba uchinyengetera kuna Jehovha,’ dzakandiudza kudaro. ‘Rava Bhaibheri rako uye uchava norugare rwomukati.’ Izvozvo zvakabetsera chaizvo.”

“Vandakanga ndakasungwa navo vakanga vasingazezi kunditaurira mashoko anorwadza,” anodaro Ryszard, hama yakasimba yakabhabhatidzwa. “Unogona kuenda hako kumisangano yako, asi usaedze kushamisira sezvinonzi uri nane, wazvinzwa?’ vaindinyevera kudaro. Pandakachinja upenyu hwangu nemhaka yokushandisa mitemo yeBhaibheri, ndaitofanira kutamburira izvozvo. Vakapidigura mubhedha wangu, vakarasa-rasa mabhuku angu eBhaibheri, ndokusvibisa rutivi rwangu rwekamuri revasungwa. Ndakanyengetera kuti Jehovha andipe simba rokuzvidzora ndokugadzirisa hangu zvinhu chinyararire. Pashure penguva yakati, kunetsa kwacho kwakaguma.”

“Vatakasungwa navo pavanoona kuti taita chisarudzo chakasimba chokunamata Jehovha,” vanorondedzera kudaro vamwe vasungwa vakabhabhatidzwa, “kunetsa kwacho kunochinja. Vangangoti, ‘Yeuka, hauchafanirizve kunwa, kuputa, kana kuti kunyepa.’ Rudzi irworwo rwekudzvinyirira runobetsera munhu kuti azvidzore, achikurumidza kubvisa uipi chero hupi zvahwo kana kuti kupindwa muropa. Runobetserawo munhu kuti ave nezvibereko zvomudzimu.”—VaGaratia 5:22, 23.

Kuva Vashumiri vaMwari Vakazvitsaurira

Kubhabhatidza kwokutanga kwakaitwa muimba yemitambo muchirimo cha1991, kwatenderwa nezviremera zvejeri. Zdzisław ndiye mudzidzi aifara. Vasungwa gumi nevaviri vakanga varipo, uye hama nehanzvadzi 21 dzakabva kunze dzakauya kuchiitiko chacho. Musangano wacho wakanga une mugumisiro unokurudzira pavasungwa vacho. Vakati wandei vavo vakafambira mberi zvinoshamisa zvokuti vamwe vasungwa vaviri vakabhabhatidzwa gare gare gore iroro. Makore maviri gare gare, muna 1993, kubhabhatidza kwakanga kwava kuitwa kaviri, uye vamwe vasungwa vanomwe vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha!

Richishuma nezvokubhabhatidza kwakaitwa muna December, pepanhau rezuva nezuva romunharaunda macho, Wieczór Wrocławia, rakatsinhira kuti: “Vanhu vanoramba vachidirana muhoro yemitambo, vachikwazisa vose nokubatana navo maoko. Hapana muenzi pano. Vanoumba mhuri imwe yakakura, yakabatana mukufunga, mumararamire avo, uye mukunamata Mwari mumwe, Jehovha.” “Mhuri imwe yakakura” iyoyo panguva iyoyo yaiva nevanhu 135, kubatanidza vasungwa 50. Ngatisanganei nevamwe vavo.

Jerzy, akabhabhatidzwa muna June, anorondedzera kuti: “Kunyange zvazvo ndakatanga kuziva chokwadi cheBhaibheri makore apfuura, ndakanga ndine mwoyo wakaoma. Kunyengera, kurambana nomudzimai wangu wokutanga, kudanana naKrystyna zvisiri pamutemo, kuva nomwana nomumwe mukadzi, uye kudzoka ndadzokazve kujeri—ndizvo zvakanga zvakaita mararamiro angu.” Achiona kuti vamwe vapari vemhaka vakaoma mwoyo vakanga vava sei Zvapupu vari mujeri, akatanga kuzvibvunza kuti: ‘Handigoniwo kuva munhu ari nani here?’ Akakumbira kufunda Bhaibheri ndokutanga kuuya kumisangano. Zvisinei, nguva yokuchinja chaiko yakasvika paakaudzwa nomurevereri wemhaka kuti Krystyna akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha makore matatu akanga apfuura acho. “Ndakashamiswa zvikuru!” anodaro Jerzy. “Ndakafunga kuti, ‘Zvakadini neni? Ndiri kuitei?’ Ndakaziva kuti kuti nditenderwe naJehovha, ndaifanira kugadziridza upenyu hwangu.” Somugumisiro, kubatanidzwazve kunofadza kwakaitika mujeri macho—naKrystyna nemwanasikana wavo aiva nemakore 11, Marzena. Pasina nguva yakareba, vakanyoresa roorano yavo. Kunyange zvake achiri mujeri uye achine zvinetso, nguva pfupi yakapfuura Jerzey akazvidzidzisa mutauro wamasaini uye anokwanisa kubetsera vasungwa vari matsi.

Mirosław akanga ava kutoita mabasa outsotsi paakanga ari muchikoro chepurayimari. Akayemura zvikuru zvakanga zvichiitwa neshamwari dzake, uye pasina nguva akatanga kuita zvakafanana. Akabira kana kuti kurova vakawanda. Ipapo akapinda mujeri. “Pandakazviwana ndava mujeri, ndakatsvaga kubetserwa nomupristi,” Mirosław anobvuma kudaro. “Asi ndakaodzwa mwoyo zvikuru. Nokudaro ndakafunga kuti ndaizozviuraya kupfurikidza nokunwa muchetura.” Pazuva chairo raakaronga kuzviuraya, akachinjirwa kune imwe kamuri yavasungwa. Ikoko akawana kopi yeNharireyomurindi yaitaura nezvechinangwa choupenyu. “Mashoko acho akapfava uye akajeka ndiwo andaida chaizvo,” anowedzera kudaro. “Zvino ndakanga ndava kuda kurarama! Nokudaro ndakanyengetera kuna Jehovha ndokukumbira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.” Akafambira mberi nokukurumidza mukufunda kwake Bhaibheri uye akabhabhatidzwa muna 1991. Zvino anoshanda sapiyona webetsero mujeri, ane ropafadzo yokuparidza kubva mune rimwe kamuri ravasungwa kuenda kune rimwe kamuri ravasungwa.

Kusvikira panguva ino vasungwa 15 vakabhabhatidzwa. Mitongo yavo yakabatanidzwa inosvika makore anoda kusvika 260. Vamwe vakasunungurwa vasati vapedza mitongo yavo. Mumwe musungwa akadimurirwa mutongo wake wemakore 25 nemakore 10. Uye vanoverengeka vakafarira pavaive mujeri vakava Zvapupu zvakabhabhatidzwa pashure pokusunungurwa. Mukuwedzera, pane vamwezve vasungwa vana vari mujeri vari kugadzirira kubhabhatidzwa.

Kubvuma Kwakaitwa Nezviremera Zvejeri

“Kuchinja kwemafungiro evasungwa kwave kuchinyatsooneka,” unodaro mushumo wejeri. “Vakawanda vanorega kusvuta, uye vanochengeta makamuri avo akachena. Kuchinja kwakadaro kwomufambiro kuri kuoneka muvasungwa vakawanda.”

Pepanhau rinonzi Życie Warszawy rinoshuma kuti vanotarisira jeri muWołów vakabvuma kuti “vasungwa vacho vane tsika; havapariri varindiri vejeri zvinetso.” Nyaya yacho inopfuurira kutsinhira kuti vanosunungurwa vasati vapedza mitongo yavo vakanyatsobatanidzwa neZvapupu zvaJehovha uye havadzoki kunzira youtsotsi.

Uye ndezvipi zvinofungwa nomutarisiri wejeri racho? Anoti: “Basa reZvapupu zvaJehovha mujeri rino rinodiwa zvikuru uye rinobetsera.” Muchengeti wejeri racho anobvuma kuti “mukufunda kwavo Bhaibheri [neZvapupu], zvinhu zvinokosheswa nevasungwa uye mitemo zvinochinja, zvichivapa simba idzva rinotungamirira muupenyu hwavo. Vanongwarira mufambiro wavo uye vane tsika dzakanaka. Vashandi vanoshingaira, vasingambowanzoparira zvinetso.” Chokwadika, tsinhiro dzakanaka dzakadaro dzinoitwa nezviremera zvacho dzinofadza Zvapupu zvinoshanda pamwe nevasungwa mujeri reWołów.

Zvapupu zvinoshanya zvinonzwisisa zvakazara mashoko aJesu anoti: “Ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini. . . . Achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johane 10:14, 16) Kunyange madziro ejeri haagoni kudzivisa Mufudzi Akanaka, Jesu Kristu, kuti aunganidze vakafanana nemakwai. Zvapupu zviri muWołów zvinofara kuti zvine ropafadzo yokuva nechokuita mubasa iri rinofadza. Uye zvinotarira kuna Jehovha kuti apfuurire kupa chikomborero mukubetsera imwe mwoyo yakawanda yakaoma kuteerera mashoko akanaka oUmambo mugumo usati wasvika.—Mateo 24:14.

[Bhokisi riri papeji 27]

CHINETSO CHO“MUNHU MUKURU ANOITA SOMWANA”

Zvapupu zviri kushanda mujeri reWołów zvinotsinhira kuti: “Pashure pokuva mujeri kwenguva yakati, musungwa anowanzotadza kuziva kuti zvinorevei kurarama akasununguka, kana kuti kuzviraramira. Zvikurukuru tine chinetso cho‘munhu mukuru anoita somwana,’ munhu asingazivi nzira yokuzvitarisira nayo paanobudiswa mujeri. Ndicho chikonzero nei basa reungano richipfuura kungomudzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Tinofanira kumuita kuti agadzirire kuva rutivi rwenzanga, tichimunyevera nezvengozi itsva nemiedzo yaangatarisana nayo. Kunyange tichingwarira kusanyanyomudzivirira, tinofanira kumubetsera kutanga upenyu hutsva.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe