Hondo Yakaparadza Zana Remakore rechi19
1914
ACHIFUNGA nezvechiuru chamakore chitsva, Charley Reese, munyori wechikamu chomupepanhau reThe Orlando Sentinel, akanyora kuti: “Hondo ya1914-18 yakaparadza zana remakore rechi19 haina kupera.” Airevei? Akatsanangura kuti: “Nhau haidzorwi nemisi. Zana remakore rechi19—rinorondedzerwa segadziriro yezvitendero, fungidziro, mafungiro netsika—harina kuguma pana January 1, 1901. Rakaguma muna 1914. Ndipowo pakatanga zana remakore rechi20, rakarondedzerwa nenzira yakafanana. . . .
“Dzinenge hondo dzose dzatave tichinetseka nadzo muupenyu hwedu hwose dzakabva muhondo iyoyo. Anoda kuva mafungiro ose ouzivi neetsika atakararama nawo akabva muhondo iyoyo. . . .
“Ndinofunga yakakuvadza zvakadaro nokuti yakaparadza zvaidavirwa navanhu zvokuti vanhu vanogona kudzora nguva yavo yemberi. . . . Hondo yacho yakaita kuti vanhu varege chitendero ichocho. Kumativi ose hapana munhu aifunga kuti zvaizoita nenzira yezvakaitika nayo. Yakaparadza umambo hweBritain neFrance. Yakauraya varume vakanakisisa vechizvarwa chose veBritain, France neGermany. . . . Munhambo pfupi yenguva, yakauraya mamiriyoni 11 avanhu.”
Kwemakore anopfuura 120, Zvapupu zvaJehovha zvakanongedzera kuna 1914 sokuguma kwedzakanzi naJesu “nguva dzavahedheni.” (Ruka 21:24) Mugore iroro, Jesu Kristu akanga atomutswa uye atopiwa mbiri akagadzwa pachigaro choUmambo saMambo woUmambo hwokudenga. Kupfurikidza noUmambo ihwohwo, Jehovha Mwari achabvisa kutambura kwose kwakazara muzana rino ramakore zvachose.—Pisarema 37:10, 11; Muparidzi 8:9; Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
U.S. National Archives photo