Kumirira “Nemwoyo Wose”
“Zvisikwa zviri kumirira nemwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.”—VAROMA 8:19, NW.
1. Chii chakafanana pakati pemamiriro ezvinhu avaKristu nhasi neavaKristu vomuzana rokutanga ramakore?
MAMIRIRO ezvinhu avaKristu vechokwadi nhasi akafanana neevaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Uporofita hwakabetsera vabatiri vaJehovha vomumazuva iwayo kuti vazive nguva yaizofanira kuoneka Mesiya. (Dhanieri 9:24-26) Uporofita humwe chete ihwohwo hwakafanotaura nezvekuparadzwa kweJerusarema asi hwakanga husina zvinhu zvaigonesa vaKristu kufanoziva paizoparadzwa guta iroro. (Dhanieri 9:26b, 27) Nenzira yakafanana, sezvineiwo uporofita hwacho hwakaita kuti vadzidzi veBhaibheri vakatendeseka vomuzana ramakore rechi19 vakarire. Kupfurikidza nokubatanidza “nguva nomwe” dzaDhanieri 4:25 ne“nguva dzavaHedheni,” vaikarira kuti Kristu aizogamuchira simba roUmambo muna 1914. (Ruka 21:24, King James Version; Ezekieri 21:25-27) Kunyange zvazvo bhuku raDhanieri rine uporofita hwakawanda, hapana humwe hwaihwohu hunogonesa vadzidzi veBhaibheri vomuzuva ranhasi kuti vaverenge kuti gadziriro yose yezvinhu yaSatani ichaparadzwa rini chaizvoizvo. (Dhanieri 2:31-44; 8:23-25; 11:36, 44, 45) Zvisinei, izvi zvichakurumidza kuitika, nokuti tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.”—Dhanieri 12:4.a
Kurinda Munguva Yokuvapo kwaKristu
2, 3. (a) Chii chinoumba uchapupu hukuru hwokuti tiri kurarama munguva yokuvapo kwaKristu musimba roumambo? (b) Chii chinoratidza kuti vaKristu vaifanira kuramba vakarinda munguva yokuvapo kwaKristu?
2 Chokwadi, uporofita hwakaita kuti vaKristu vakarire Kristu asati apiwa simba roUmambo muna 1914. Asi “chiratidzo” chakapiwa naKristu chokuvapo kwake uye nezvokuguma kwegadziriro yezvinhu chairatidzira zviitiko. Uye zvakawanda zvaizvozvi zvaizoonekwa pashure pokunge kuvapo kwake kwatanga. Zviitiko zvakadai—hondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, zvirwere, kuwedzera kwokusateerera mutemo, kutambudzwa kwavaKristu, uye kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo munyika yose—zvinoshanda soufakazi hukuru hwokuti zvino tiri kurarama munguva yokuvapo kwaKristu musimba roumambo.—Mateo 24:3-14; Ruka 21:10, 11.
3 Nepo, zvaingorehwa nezano raJesu rokuparadzana kuvadzidzi vake zvaiva zvokuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, . . . rambai makarinda.” (Marko 13:33, 37, NW; Ruka 21:36) Kunyatsorava mashoko akapoteredza ekurudziro idzi dzokurinda kunoratidza kuti Kristu akanga asiri kungotaura nezvokunyatsorinda chiratidzo chokutanga kwokuvapo kwake. Panzvimbo pezvo, akanga ari kurayira vadzidzi vake vechokwadi kuti varambe vakarinda munguva yokuvapo kwake. VaKristu vechokwadi vaifanira kuramba vakarindira chii?
4. Chiratidzo chakapiwa naJesu chaizoshandei?
4 Jesu akataura uporofita hwake hukuru semhinduro yomubvunzo wokuti: “Zvinhu izvi [zviitiko zvinotangira kuparadzwa kwegadziriro yezvinhu yechiJudha] zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?” (Mateo 24:3, NW) Chiratidzo chakafanotaurwa chaizoshanda kuti chizivise kwete bedzi kuvapo kwaKristu asiwo zviitiko zvaizotanga gadziriro yezvinhu iripo zvino isati yaguma.
5. Jesu akaratidza sei kuti paanenge aripo mumudzimu, aizova achiri “kuuya”?
5 Jesu akaratidza kuti munguva yo“kuvapo” kwake (chiGiriki, pa·rou·siʹa) aizouya nesimba nembiri. Pamusoro po“kuuya” kwakadaro (kunomirira zvimiro zveshoko rechiGiriki rokuti erʹkho·mai), akazivisa kuti: “Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. . . . Dzidzai pamuonde mufananidzo wawo: Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedyo. Saizvozvo nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti [Kristu] wava pedyo pamukova. . . . Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. . . . Garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yomusingamutariri.”—Mateo 24:30, 32, 33, 42, 44.
Nei Jesu Kristu Achiuya?
6. Kuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru” kuchaitika sei?
6 Kunyange zvazvo aripo saMambo kubva muna 1914, Jesu Kristu achiri kufanira kutonga gadziriro navanhu asati atonga vaanowana kuti vakaipa. (Enzanisa na2 VaKorinte 5:10.) Jehovha achakurumidza kuita kuti vatongi vezvematongerwo enyika vafunge zvokuparadza “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 17:4, 5, 16, 17) Muapostora Pauro akataura zvakananga kuti Jesu Kristu achaparadza “munhu wokusateerera mutemo”—vafundisi vechiKristudhomu vakaramba kutenda, rutivi rukuru rwe“Bhabhironi Guru.” Pauro akanyora kuti: “Asingateereri mutemo acharatidzwa, uyo Ishe Jesu achaparadza nomudzimu womuromo wake uye waachaparadza nokuoneka kwokuvapo kwake.”—2 VaTesaronika 2:3, 8, NW.
7. Panosvika Mwanakomana womunhu mumbiri yake, achatonga sei?
7 Munguva yemberi iri pedyo, Kristu achatonga vanhu vamarudzi zvichienderana nokuti vakabata sei hama dzake dzichiri pasi pano. Tinorava kuti: “Kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. . . . Ishe uchati ku[makwai]: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni. . . . [Mbudzi dzi]chaenda kukurohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.”—Mateo 25:31-46.
8. Pauro anorondedzera sei kuuya kwaKristu kuzotonga vasingadi Mwari?
8 Sezvinoratidzirwa nomufananidzo waJesu wamakwai nembudzi, Jesu anotonga vose vasingadi Mwari kekupedzisira. Pauro akavimbisa vaaitenda navo vaitambura nezve“kuzorora pamwe chete nesu pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu; ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake, kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake.” (2 VaTesaronika 1:7-10) Zvatine zviitiko zvose izvozvi zvinofadza mberi kwedu, hatifaniri kuva nokutenda ndokuramba takarindira nomwoyo wose kuuya kwaKristu here?
Kumirira Nomwoyo Wose Kuonekwa kwaKristu
9, 10. Nei vakazodzwa vachiri pasi pano vachimirira kuratidzwa kwaJesu Kristu nomwoyo wose?
9 “Pakuonekwa kwaShe Jesu Kristu kana achibva kudenga” hakuzongopariri kuparadzwa kwavakaipa asiwo kupa mubayiro vakarurama. Vakasarira vehama dzaKristu vachiri pasi pano vangatambura Kristu asati aonekwa, asi vanofara netariro yavo ine mbiri yokudenga. KuvaKristu vakazodzwa, muapostora Petro akanyora kuti: “Farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru.”—1 Petro 4:13.
10 Vakazodzwa vakatsunga kuramba vakatendeka kusvikira Kristu ‘avaunganidzira kwaari’ kuitira kuti “kuidzwa kwokutenda” kwavo “kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.” (2 VaTesaronika 2:1; 1 Petro 1:7) NezvavaKristu vakatendeka kudaro vakaberekwa nomudzimu, zvinogona kunzi: “Sokusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu pakati penyu, zvokuti hapana chipo chamunomboperevedza, pamunenge muchimirira nemwoyo wose kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.”—1 VaKorinte 1:6, 7, NW.
11. Pavanenge vakamirira kuratidzwa kwaJesu Kristu, vaKristu vakazodzwa vanoitei?
11 Vakasarira vakazodzwa vanonzwa zvakafanana nezvaiita Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.” (VaRoma 8:18) Kutenda kwavo hakufaniri hako kutsigirwa nokuverenga nguva. Vanoramba vakabatikana mubasa raJehovha, vachigovera muenzaniso wakaisvonaka kushamwari dzavo, “mamwe makwai.” (Johane 10:16) Ava vakazodzwa vanoziva kuti kuguma kwegadziriro ino yakaipa yezvinhu kwava pedyo, uye vanoteerera zano raPetro rokuti: “Zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.”—1 Petro 1:13.
“Zvisikwa Zviri Kumirira Nomwoyo Wose”
12, 13. Chisiko chavanhu chaka“iswa pasi pokusava nematuro” sei, uye mamwe makwai anoshuva chii?
12 Mamwe makwai anewo chimwe chinhu chaanofanira kugara achimirira nomwoyo wose here? Zvechokwadi anacho. Pashure pokutaura nezvetariro ine mbiri yeavo vakadanwa naJehovha sa“vanakomana” vake vakazodzwa nomudzimu uye “vadyi venhaka pamwe chete naKristu” muUmambo hwokudenga, Pauro akati: “Zvisikwa zvi[no]tarisisa kuratidzwa kwevanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokusava nematuro, kwete nokuda kwazvo asi naiye akazviisa pasi pakwo, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:14-21, NW; 2 Timotio 2:10-12.
13 Kupfurikidza nechivi chaAdhama, vazukuru vake vose vaka“iswa pasi pokusava nematuro,” vachiberekerwa muutapwa hwechivi norufu. Havana kukwanisa kuzvisunungura muutapwa hwakadaro. (Pisarema 49:7; VaRoma 5:12, 21) Haiwa, mamwe makwai anoshuva sei ku“sunungurwawo muuranda hwokuora”! Asi izvozvo zvisati zvaitika, zvimwe zvinhu zvinofanira kuitika maererano nenguva nemwaka zvaJehovha.
14. Chii chichabatanidzwa mu“kuratidzwa kwavanakomana vaMwari,” uye izvi zvichaguma noku“sunungurwa [kwavanhu] muuranda hwokuora” sei?
14 Vakasarira vakazodzwa ve“vanakomana vaMwari” vanofanira kutanga ku‘ratidzwa.’ Izvi zvichabatanidzei? Munguva yaMwari yakafanira, zvichava pachena kumamwe makwai kuti vakazodzwa vazo“iswa chisimbiso” pakupedzira ndokupiwa mbiri yokutonga naKristu. (Zvakazarurwa 7:2-4) “Vanakomana vaMwari” vakamutswa vacha‘ratidzwawo’ pavanogoverana naKristu mukuparadza gadziriro yezvinhu yakaipa yaSatani. (Zvakazarurwa 2:26, 27; 19:14, 15) Ipapo, munguva yoKutonga kwaKristu Kwamakore Ane Chiuru, vachazo‘ziviswazve’ senzira dzavapristi dzokupa nadzo betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaJesu ku“zvisikwa” zviri vanhu. Izvi zvichaguma noku“sunungurwa [kwavanhu] muuranda hwokuora” uye pakupedzisira kupinda mu“rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21; Zvakazarurwa 20:5; 22:1, 2) Achikarira zvakawanda kudaro, zvinoshamisa here kuti mamwe makwai ari “kumirira nemwoyo wose [a]chitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari”?—VaRoma 8:19, NW.
Kushivirira kwaJehovha Kunoreva Kuponeswa
15. Chii chatisingambofaniri kukanganwa nezvokuronga nguva kwaJehovha?
15 Jehovha ndiye Muchengeti Wenguva Mukuru. Kuronga kwake nguva kucharatidza kuva kwakakwana. Zvinhu zvingasaratidzika sezviri kuitika nguva dzose nenzira yatinokarira somunhu oga. Zvisinei, tinogona kuva nokutenda kwakazara kuti zvakavimbiswa naMwari zvose zvichaitika. (Joshua 23:14) Angava achibvumira zvinhu kuti zvipfuurire kwenguva refu kupfuura zvaikarirwa navakawanda. Asi ngatiedzei kunzwisisa nzira dzake ndokuyemura kuchenjera kwake. Pauro akanyora kuti: “Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi. Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe? Ndianiko akanga ari murayiri wake?”—VaRoma 11:33, 34.
16. Ndiani achabetserwa nokushivirira kwaJehovha?
16 Petro akanyora kuti: “Vadikanwa, zvamunotarira zvinhu izvi [kuparadzwa kwe“denga” rekare ne“nyika” yekare nokutsiviwa kwazvo ne“denga idzva” ne“nyika itsva”], shingairai kuti muwanikwe naye [pakupedzisira, NW] mune rugare, musina ruvara, musina mhosva; muchiti, mwoyo murefu waShe wedu ruponeso.” Nemhaka yokushivirira kwaJehovha, mamiriyoni akawanda ari kupiwa mukana wokuponeswa pa“zuva ra[Jehovha, NW],” richauya risingakarirwi “sembavha.” (2 Petro 3:9-15) Kushivirira kwake kuri kubvumirawo mumwe nomumwe wedu kuti ‘arambe achishandira kuponeswa kwake nokutya nokudedera.’ (VaFiripi 2:12) Jesu akataura kuti tinofanira ku‘zvingwarira’ ndoku“rinda nenguva dzose” kana tichida kutenderwa ndokubudirira ku“mira pamberi poMwanakomana womunhu” panguva yaanouya kuzotonga.—Ruka 21:34-36; Mateo 25:31-33.
Rambai Makamirira Nokutsungirira
17. Tinofanira kuteerera mashoko api omuapostora Pauro?
17 Pauro akakurudzira hama dzake dzomudzimu kuti dzisatarise, “zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi.” (2 VaKorinte 4:16-18) Akanga asingadi kuti pave nechinhu chinodzikatidza kuona kwavo mubayiro wokudenga wavakanga vakaisirwa. Tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana kuti tiri vamamwe makwai, ngatiyeukei tariro yakaisvonaka yatakaisirwa uye tisarega. Ngati‘rambei takamirira nokutsungirira,’ tichiratidza kuti “hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.”—VaRoma 8:25; VaHebheru 10:39.
18. Nei tichigona kusiyira nguva nemwaka mumaoko aJehovha nechivimbo?
18 Tinogona kusiyira nguva nemwaka mumaoko aJehovha nechivimbo. Kuzadzikwa kwezvipikirwa zvake “ha[ku]ngaiti nguva huru” maererano nenguva yake yaakaronga. (Habhakuki 2:3) Parizvino, zano raPauro kuna Timotio rinonyanya kushanda kwatiri. Akati: “Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake; paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; . . . bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.”—2 Timotio 4:1-5.
19. Ichiri nguva yokuti vanhu vaJehovha vaitei, uye nei?
19 Upenyu huri pangozi—hwedu isu nehwavavakidzani vedu. Pauro akanyora kuti: “Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.” (1 Timotio 4:16) Nguva yegadziriro ino yezvinhu yakaipa yava pfupi zvikuru. Patinenge takamirira nomwoyo wose zviitiko zvinofadza zviri mberi kwedu, ngatirambei tichiziva kuti ichiri nguva nemwaka zvaJehovha zvokuti vanhu vake vaparidze mashoko akanaka oUmambo. Basa iroro rinofanira kuitwa kusvika agutsikana. “Ipapo,” sezvakataura Jesu, “kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona maganhuro 10 ne11 ebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Kuhwirudzura
◻ Migariro yedu yakafanana sei neyavaKristu vomuzana rokutanga ramakore pamusoro pokuverenga nguva?
◻ Nei vaKristu vachifanira “kurinda nguva dzose,” kunyange munguva yokuvapo kwaKristu?
◻ Nei zvisikwa zvavanhu zvichikarira “kuziviswa kwavanakomana vaMwari” nemwoyo wose?
◻ Nei tichigona kusiyira nguva nemwaka mumaoko aJehovha nechivimbo?
[Mufananidzo uri papeji 17]
VaKristu vanofanira kuramba vakamuka vachikarira kuuya kwaKristu
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakasarira vakazodzwa vanoramba vakabatikana mubasa raJehovha, vasingavakiri kutenda kwavo pakuverenga nguva