“Ndianiko Akazvara Madonhedza Edova?”
MUMWE munyori wenhau womuzana ramakore rechi19 akarondedzera madonhwe edova se“zvishongo zvapasi zviri muchimiro chemvura, zvinoumbwa nemhepo.” Musiki wedu akabvunza tateguru vakare Jobho kuti: “Ndianiko wakazvara madonhedza edova?” (Jobho 38:28) Mwari akanga ari kuyeuchidza Jobho nezvemavambo aMwari edova rinokosha.
Kunze kwounaku hwaro hunopenya, hwakaita sechishongo, dova muBhaibheri rine chokuita nechikomborero, kubereka, kuwanda, uye kuchengetedzwa kwoupenyu. (Genesi 27:28; Dheuteronomio 33:13, 28; Zekaria 8:12) Munguva yomwaka waIsraeri unopisa, usinganayi, “dova reHermoni” rakachengetedza zvirimwa zvenyika yacho, uye naizvozvo, vanhu vayo. Nzvimbo dzakakwirira dzeGomo reHermoni dzine miti nesinou dzichiri kubudisa mvura inochinja kuva dova rakawanda. Wezvamapisarema Dhavhidhi akaenzanisa kuzorodzwa kunounzwa nedova iri nechiitiko chinofadza chokugara pamwe chete mukubatana navanhu vaainamata navo Jehovha.—Pisarema 133:3.
Mirayiridzo yomuporofita Mosesi kuna Israeri yakanga yakapfava uye ichizorodza, kufanana nemadonhwe edova. Akati: “Kutaura kwangu kuchayerera sedova, seguti pabumhudza nyoro, sokupfunha kwemvura pauswa.” (Dheuteronomio 32:2) Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa mashoko akanaka anopa upenyu pamusoro poUmambo hwaMwari kumigumo yapasi. (Mateo 24:14) Mwari ari kukokera kuti: “Uya! Uye wose anonzwa nyota ngaauye; wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17, NW) Mamiriyoni avanhu vamarudzi ose ari kugamuchira uku kuzorodzwa mumudzimu kubva kuna Mwari, kunogona kutsigira upenyu nokusingaperi.