RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 7/1 pp. 26-29
  • Chakaitika Chisingakanganwiki muFrance

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chakaitika Chisingakanganwiki muFrance
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Jehovha Anoita Kuti Zvikure
  • Kuungana Kunokosha
  • “Mvura Mugwenga”
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 7/1 pp. 26-29

Chakaitika Chisingakanganwiki muFrance

“HATIDI GUTA RAJEHOVHA!” zvakazivisa kudaro zvikwangwani zvakaratidzirwa mutaundi rose. “Pamwe Chete Ngatidzivisei Basa raJehovha” rakarayira kudaro rimwe boka raishora. Chaizvoizvo mazana enyaya aiva mumapepanhau akaita kuti nhau yacho izivikanwe navanhu vose. Zvikumbiro zvakasayinwa, uye maturakiti akawanda anopfuura hafu yemiriyoni aidudza nezvebasa racho akazadza mabhokisi etsamba omunzvimbomo. Chii chakanga chiri basa iri rakavhiringidza rugare rwetaundi ringadai rakanyarara zvaro reLouviers, riri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweFrance? Kuvakwa kwakanga kwakarakadzwa kwehofisi yebazu idzva uye nzvimbo yokugara yeZvapupu zvaJehovha.

Jehovha Anoita Kuti Zvikure

Mubato weZvapupu zvaJehovha muFrance unodzokera shure kuzana ramakore rechi19. Nzvimbo yokutanga yokuchengetera mabhuku eBhaibheri yakavhurwa muna 1905 muBeauvène, kumaodzanyemba kweFrance, uye muna 1919, hofisi duku yakanga iri kushanda muParis. Hofisi yebazu yakavhurwa zviri pamutemo muguta racho muna 1930, uye gore rakatevera racho vashandi vomuhofisi vakatanga kugara mumusha weBheteri waiva muEnghien-les-Bains, kuchamhembe kweParis. Pashure peHondo yeNyika II, mhuri yeBheteri yakatamirazve kuParis, uye muna 1959 bazu rakatamisirwa kuchivako chine nhurikidzwa shanu muBoulogne-Billancourt, kumucheto wokumadokero kwedzimbahwe racho.

Nemhaka yokuwedzera kwebasa rokuparidza Umambo, muna 1973 nzvimbo dzokudhindira nokutumira zvinhu dzakatamisirwa kuLouviers, makiromita 100 kumadokero kweParis, nepo vanoshanda mumahofisi vakaramba vari muBoulogne-Billancourt. Zvisinei, kuwedzera munhamba yevaparidzi muFrance kwakaita kuti nzvimbo yomuLouviers isakwana, pasinei zvapo nokuwedzera kwakaitwa muna 1978 na1985. Naizvozvo kwakasarudzwa kuwedzera ndokuita kuti mhuri yose yeBheteri ive pamwe chete munzvimbo imwe. Basa iri harina kufarirwa navose, sezvadudzwa pakuvamba. Pasinei zvapo nechishoro chakadaro, nzvimbo yakawanwa kiromita imwe nehafu chete kubva panzvimbo yokudhindira. Makore matanhatu ebasa rakaoma akatevera, uye pakupedzisira, pashure pamakore 23 okuva munzvimbo dzakasiyana, mhuri yose yeBheteri yakabatanidzwa muLouviers muna August 1996.

Nokudaro boka ravanhu vanofara 1 187, kubatanidza mitezo 300 yemhuri yeBheteri yeFrance, uye nhume 329 dzaibva kune mamwe mapazu 42, dzakaungana nomufaro mukuru nomusi weMugovera, 15 November, 1997, kuti vateerere hurukuro yetsauriro yakapiwa naHama Lloyd Barry, mutezo woMutumbi Unodzora. Zvisinei, nemhaka yeidi rokuti tsauriro iyi yakanga ichiitika pasinei zvapo noutsinye uye kutaura kwakawanda, kwokuchera kwamapepa nhau mukupesana neZvapupu zvaJehovha muFrance yose, zvakarangarirwa kuti Zvapupu zvose zvomuFrance zvinofanira kukwanisa kugoverana mukupemberera rukundo urwu. Somugumisiro, nomusi weSvondo, 16 November, musangano chaiwo waiva nomusoro waiti “Rambira Murudo rwaKristu” wakarongwa paVillepinte Exhibition Center, kuchamhembe kweParis. Zvapupu zvaJehovha zvose zvomuFrance pamwe chete neZvapupu zvinotaura chiFrench zvomuBelgium neSwitzerland zvakakokwa, pamwe chete neungano dzomuBritain, Germany, Luxembourg, uye Netherlands.

Kuungana Kunokosha

Kugadzirira kuungana kwakavamba mwedzi mitanhatu pachine nguva mberi. Ipapo, mavhiki maviri bedzi kutsaurira kusati kwaitwa, vatyairi vemarori vokuFrance vakaramwa basa, vachivhara migwagwa mikuru nomunochengeterwa peturu. Zvigaro nezvimwe zvishandiso zvaizopinda pachine nguva here? Marodhibhuroku aizodzivisa hama kuuya here? Zvakazorodza vose ndezvokuti, mukati mevhiki imwe kuramwa basa kwakanga kwapera, uye motokari dzakanga dzava kufambazve mumigwagwa. Musi weChishanu manheru kupera kwevhiki yetsauriro kusati kwasvika, marori 38 akaunza zvigaro 84 000 kuhoro mbiri huru dzakarendwa nokuda kwechiitiko chacho. Hama nehanzvadzi dzinopfuura 800 dzakashanda zvakaoma nousiku kusvikira na9:30 mangwanani eMugovera kuti dziise zvigaro, chikuva, gudzanzwi, uye masikirini evhidhiyo mahombe mapfumbamwe.

Na6:00 a.m. nomusi weSvondo mangwanani, masuo akazarurwa, uye mapoka akavamba kudirana. Hwerengedzo yezvitima 17 zvakahayiwa zvakaunza Zvapupu zvinopfuura 13 000 kudzimbahwe racho. Hama nehanzvadzi dzomunzvimbomo dzinopfuura mazana maviri dzakanga dziripo muzviteshi zvechitima kuti dzigamuchire vafambi ndokuperekedza mumapoka kunzvimbo yekokorodzano. Imwe hanzvadzi yakataura kuti iyi gadziriro yorudo yakavapa “murangariro wokuchengeteka uye wokugadzikana.”

Vamwe vakauya kuParis nendege kana kuti nemotokari. Zvisinei, voruzhinji, vakauya namabhazi 953, nepo Zvapupu zvakabva kunharaunda yeParis zvakashandisa zvifambiso zvavose kuti zviende kuExhibition Center. Vakawanda vakanga vave vachifamba usiku hwose kana kuti vakanga vasiya misha yavo mangwanani-ngwanani, asi mufaro wavo wokupinda musangano uyu wakanga uchioneka. Kudanidzira kwokufara uye kumbundirana kwoushamwari kwakaratidzira kuonanazve kweshamwari dzakanga dzisati dzaonana kwamakore akawanda. Zvipfeko zvine mavara akanaka zvorudzi zvakaita kuti boka rinofara rifare namarudzi akawanda. Pasina mubvunzo, chimwe chinhu chinoshamisa chakanga chiri kuitika.

Pakasvika nguva yakatanga purogiramu, na10:00 a.m., pakanga pasisina zvigaro zvakanga zvasara, nepo mazana avanhu akanga ari kusvika paminiti yose. Kupi nokupi uko munhu aitarisa, aiona zviso zvakawanda zvainyemwerera. Zviuru zvakaramba zvakamira kana kuti zvimwe zvakagara pauriri hwekongiri. Vachiratidzira mudzimu womusoro wekokorodzano, vaduku vakawanda vakamira nenzira yorudo kuitira kuti vakwegura vakwanise kugara. “Takafara sei kupa zvigaro zvedu kuhama nehanzvadzi dzatakanga tisingazivi, asi dzataida zvikuru!” vakanyora kudaro vamwe varoorani. Vakawanda vakaratidza murangariro wokurega zvimwe zvinhu wakaisvonaka: “Takamira zuva rose tiri pedyo nezvigaro zvatakanga tabetsera kuronga usiku hweChishanu. Asi kungovapo, kwakatiparira kuti tizadzwe nokuonga Jehovha.”

Pasinei zvapo nokuneta kana kuti kusagadzikana, nhume dzakateerera nokungwarira mishumo yaibva kune dzimwe nyika uye hurukuro dzakapiwa naLloyd Barry naDaniel Sydlik, ariwo mutezo woMutumbi Unodzora. Hama Barry vakakudziridza nhau yaiti “Jehovha Anopa Simba Rakawanda,” uye vakasimbisa zvikuru nzira iyo Jehovha akakomborera nayo vanhu vake nokuwedzera pasinei zvapo nemiedzo yakasiyana-siyana. Hurukuro yaHama Sydlik yakanga ine musoro waiti “Vane Mufaro Vanhu Avo, Mwari Wavo Ari Jehovha!” Hurukuro dzose dziri mbiri dzakanga dzakakodzera nguva zvikuru nemhaka yechishoro icho Zvapupu zvaJehovha zviri kusangana nacho zvino muFrance. Hama Sydlik vakaratidza kuti mufaro wechokwadi hautsamiri pazvinhu zvokunze asi paukama hwedu naJehovha nomurangariro wedu woupenyu. Mubvunzo wavo kuvateereri, “Muri kufara here?” wakapindurwa nokuombera maoko kukuru.

Imwe hanzvadzi yakanga “yarasikirwa nomufaro wayo” yakanyora pashure pacho kuti: “Kamwe kamwe ndakaziva kuti ndaigona kuwana mufaro. Ndakanga ndichinangidzira nhamburiko dzangu munzira isiriyo, uye kupfurikidza nehurukuro ino, Jehovha andiratidza kuti ndaifanira kuchinja sei.” Imwe hama yakazivisa kuti: “Zvino ndinoda kurwisa kuti ndifadze mwoyo waJehovha. Handidi kurega chinhu chipi nechipi chichibvisa mufaro wandakavamba kunzwa mukati-kati.”

Sezvo musangano wacho wakaswedera kumagumo, sachigaro akazivisa chiverengero chavapindi nembavarira huru: 95 888—kuungana kukurusa kwati kwamboitika kweZvapupu zvaJehovha muFrance!

Pashure porwiyo rwokuvhara, rwakaimbwa navakawanda vane misodzi yomufaro mumeso avo, uye munyengetero wokugumisa, hama dzakatanga kufamba rwendo rwokuenda kumba dzakazadzwa nemirangariro yakavhengana. Mhoteredzo inofadza, youshamwari yokuungana kwacho haina kurega kucherekedzwa. Tsinhiro dzakawanda dzakanaka pamusoro pomurangariro wenhume dzakaitwa navatyairi vemabhazi. Vakaororwawo nokurongeka kwakaita kuti mabhazi ose 953 abve paExhibition Center mumaawa maviri pasina kutsvikinyidzana kwemotokari kupi nokupi! Mufambiro wenhume dzacho wakaongwawo zvikuru navashandi vapachiteshi nevezvifambiso zvavose. Kurukurirano dzakaisvonaka dzakawanda dzakatevera, uye uchapupu hwakanaka hwakapiwa.

“Mvura Mugwenga”

Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu biyake kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, . . . tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Zvirokwazvo, uyu musangano chaiwo wakanga uri manyuko ekurudziro kuna vose, “mvura mugwenga” sokurondedzera kwakaita imwe hanzvadzi. “Takaenda tapiwa simba, takurudzirwa, tasimbiswa, uye tatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuti tifare mubasa raJehovha,” dzakanyora kudaro hama dzebazu rokuTogo. “Avo vakanga vakaodzwa mwoyo vakaenda kumba vafara,” akadaro mumwe mutariri wedunhu. “Hama dzakanyandurwa ndokusimbiswa,” yakazivisa kudaro imwe yacho. “Hatisati tambonzwa taswedera pedyo nesangano raJehovha zvakadaro,” vamwe varoorani vakasundwa kunyora kudaro.

“Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano,” akazivisa kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 26:12) Kuungana kwechiKristu kwakadaro kunogonesa vose kuwanazve simba romudzimu rechokwadi pasinei zvapo nemhinganidzo. “Api naapi angava matambudziko,” yakasimbisa kudaro imwe hanzvadzi, “idzi nhambo dzakatanhamara dzakanyorwa zvakadzama mumwoyo yedu uye dzicharamba dziripo kuti dzitinyaradze.” Nenzira yakafanana, mumwe mutariri anofambira akanyora kuti: “Nguva dzakaoma padzinosvika, yeuko youku kuravira Paradhiso ichatibetsera kubata nadzo.”

“Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,” rinorayira kudaro Pisarema 96:7. Pasina mubvunzo, kutsaurirwa kwezvivako zvitsva zvebazu muFrance rukundo rukuru nokuda kwaJehovha. Iye bedzi aigona kunge akaita kuti basa riitwe pasinei zvapo nechishoro chakasimba uye chakapararira kudaro. Zvapupu zvaJehovha muFrance zvakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose ku‘ramba zviri murudo rwaKristu’ uye kuita ‘kuti chiedza chazvo chipenye.’ (Johane 15:9; Mateo 5:16) Vose vakapinda purogiramu yetsauriro vanogoverana zvizere kunzwa kwowezvamapisarema: “Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; zvinoshamisa kana tichizviona.”—Pisarema 118:23.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Lloyd Barry

[Mufananidzo uri papeji 26]

Daniel Sydlik

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vane 95 888 vakapinda purogiramu chaiyo paVillepinte Exhibition Center

[Mifananidzo iri papeji 28]

Zviuru zvaavo vakapinda zvakamira kana kuti zvimwe zvakagara pauriri kuti zviteerere

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe