Muchato Chaiwo
KUCHAMHEMBE kweMozambique kune mupata wakasvibirira wakatenderedzwa namakomo akaisvonaka—mamwe ane matombo akawanda, mamwe akafukidzwa nezvinomera zvakawanda zvikuru. Uku ndiko kune musha weFíngoè. Muusiku hwechando hwakajeka, matenga anopenya nenyeredzi, uye mwedzi wakajeka kwazvo zvokuti unojekesa misha yakapfirirwa nouswa yavanhu vanogara mumisha. Muchato wechienzi wakaitika mune aya mamiriro ezvinhu akaisvonaka.
Mazana avanhu akafamba kwamaawa akawanda, kunyange mazuva, kuti apinde ichi chiitiko chinokosha. Vamwe vakayambuka nharaunda dzisina kunaka uye dzine ngozi dzinogarwa namapere, shumba, uye nzou. Kunze kwenhumbi dzomunhu oga, vashanyi vakawanda vakaunza huku, mbudzi, uye miriwo. Pashure pokusvika mumusha wacho, vakaenda kunzvimbo isina kuvakwa inowanzoshandisirwa kokorodzano dzechiKristu. Kunyange zvazvo vakanga vaneta norwendo, vaifara, uye zviso zvavo zvainyemwerera zvairatidza kariro yokudisa yezvakanga zvichizotevera.
Ndivanaani vakanga vari kuroorana? Vakanga vakawanda! Hungu, mapoka evaroorani. Ava vakanga vasiri rutivi rwomuchato wavakawanda wokuda kuorora vanhu. Mukupesana, vakanga vari varoorani vechokwadi uye vakasundwa zvakanaka avo kare vakanga vasingakwanisi kunyoresa michato yavo nemhaka yokuti vaigara munharaunda dziri kure nemahofisi okunyoresa. Varoorani ava vose vakaziva nezvemitemo yaMwari ine chokuita neroorano pavakafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakaziva kuti vaifanira kuroorana maererano nemitemo yenyika kuti vafadze Musiki wavo, Muvambi weroorano, sezvo Josefa naMaria vakawirirana nezvinodikanwa zvokunyoresa zvaiva munguva yokuberekwa kwaJesu.—Ruka 2:1-5.
Kugadzirira Chiitiko Chacho
Hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muMozambique yakasarudza kubetsera. Kutanga, MaMinistry of Justice and Interior ari mudzimbahwe renyika, Maputo, akasvikwa kuti kuzivikanwe kuti ndeipi miitiro yaidikanwa nomutemo. Tevere, vafundisi vari mudzimbahwe renharaunda yeTete vakataura nezviremera zvomunzvimbomo kuti vagadzirirezve. Musi wakarongwa wokuti vafundisi navakuru vakuru vaibva kwaMudzviti uye kuCivil Identification Department vaende kumusha weFíngoè. Munguva iyoyo, hofisi yebazu yakatumira tsamba yokutsanangura ichigovera murayiridzo kuungano dzose dzaibatanidzwa. Vose vari vaviri Zvapupu nevakuru vakuru vomunzvimbomo vakakarira nokudisa chiitiko chechienzi.
NeSvondo, May 18, 1997, vafundisi vatatu pamwe chete navakuru vakuru vehurumende vakasvika muFíngoè. Zviremera zvomunzvimbomo zvakanga zvagadzirira vakuru vakuru nzvimbo dzokugara dzakanaka pedyo nechivako chokutarisira. Zvisinei, vakuru vakuru vaishanya vakaororwa kwazvo nomutsa weZvapupu zvaJehovha zvokuti vakasarudza kugara navafundisi mudzimba dzakaderera. Vakashamisika kuziva kuti mumwe wavabiki akanga ari mukuru muungano yomunzvimbomo nomumwe mutariri anofambira vakanga vari pakati pavakazvipira vaiita mabasa akaderera zvikuru mukugadzirira muchato. Vakacherekedzawo kufara kwavafundisi, avo, pasina kunyunyuta, vakagara muimba yenhando uye vakageza vachishandisa gaba duku. Vakanga vasati vamboona chisungo chakasimba kudaro pakati pavanhu vemigariro yakasiyana-siyana kudaro. Zvisinei, chakavaorora zvikurusa kwakanga kuri kutenda kwakaratidzirwa mukurega zvakawanda kuti vave mutsinhirano nomutemo wenyika yacho uye negadziriro yaMwari.
Nhambo Inofadza
Sezvo varoorani vamwe navamwe vakasvika, vakakurumidza kugadzirira nhanho yokutanga yeroorano: kuwana gwaro rokuberekwa. Vose vakamirira nokushivirira vari mumutsetse pamberi peboka reCivil Registry kuti vagovere mashoko avo omunhu oga. Ipapo vakapfuurira kune mumwe mutsetse kuti vatorwe mapikicha, pashure pezvo vakaenda kuboka racho vachibva kuCivil Identification Department kuti vawane zvitupa zvavo. Tevere, vakadzokera kuboka reCivil Registry nokuda kwokugadzirirwa kwetsamba yomuchato yavakanga vachishuva zvikuru. Pashure pezvi, vakamira nokushivirira kuti mazita avo adanwe pagudzanzwi. Kugamuchidzwa kwetsamba dzomuchato chakanga chiri chiitiko chinofadza zvikuru. Pakanga pane mufaro mukuru sezvo varoorani vakasimudza tsamba dzavo dzomuchato semukombe unokosha.
Zvose izvi zvakaitika zuva richigocha zvikuru. Asi, mufaro wechiitiko chacho hauna kukanganiswa nokupisa neguruva.
Varume vakanga vakachena, vakawanda vane mabhachi nematai. Vakadzi vacho vakanga vakapfeka zvomunyika iyoyo, izvo zvaibatanidza mucheka murefu, une mavara akanaka unonzi capulana uri muzviuno zvavo. Vamwe vakanga vakatakura vana vakanga vakaputirwa mumucheka wakafanana.
Zvinhu zvakafamba zvakanaka, asi kwakanga kune vakawandisa zvokuti vaisakwanisa kugadzirirwa muzuva rimwe chete. Ava manheru, vakuru vakuru vehurumende nenzira yomutsa vakasarudza kupfuurira kuitira varoorani basa. Vakatsinhira kuti vakanga vasingagoni kusiya “hama dzedu” dzakamirira pashure pokunge idzodzi dzarega zvinhu zvakawanda kwazvo kuti dzivepo. Mudzimu uyu wokubatira pamwe uye wokuzvipira ucharamba uchiyeukwa.
Chando chakakomba chakauya usiku. Nepo vashomanene vakanga vachigara mudzimba, varoorani vazhinjisa vakanga vari panze, vakaungana pamoto. Izvi hazvina kuderedza mufaro wenhambo yacho. Kunzwika kwokuseka uye nziyo, dzaiimbwa mumativi mana aitsinhirana, zvaipfuura ruzha rwaiitwa nomoto. Vakawanda vakataurirana nyaya dzorwendo rwavo, vachibata zvakasimba magwaro avo achangobva kuwanwa.
Pamambakwedza vamwe vakapinda mumisha kuti vatengese huku dzavo, mbudzi, uye miriwo kuti vabetsere kuripira ndyiko yokunyoresa roorano dzavo. Zvirokwazvo vakawanda vaka“bayira” mhuka idzodzo, vachidzitengesa nemari shomanene zvikuru. Kuvarombo, mbudzi chinhu chinokosha uye chinodhura; asi vakanga vachidisa kuita chibayiro ichi kuti varoorane ndokufadza Musiki wavo.
Kuoma Kworwendo
Vamwe varoorani vakanga vafamba madaro marefu kuti vavepo. Izvi ndizvo zvakanga zvaita Chamboko nomudzimai wake, Nhakulira. Vakataura nhoroondo yavo pausiku hwechipiri hwechiitiko chacho pavakanga vachidziyisa tsoka dzavo pamoto. Kunyange zvazvo akanga ava namakore 77 okukura, ane ziso rimwe uye rimwe racho risingaoni zvakanaka, Chamboko akafamba asina shangu kwamazuva matatu achiperekedzwa neungano yake yose, nokuti akanga akatsunga kuti anyorese zviri pamutemo mubatanidzwa wake wamakore 52.
Anselmo Kembo, ane makore 72 ezera, akanga atogara naNeri kwamakore anenge 50. Mazuva mashomanene asati atanga rwendo, akatsika munzwa mukuru zvikuru paakanga achisakura munda wake. Akamhanyiswa kuchipatara chapedyosa kuti arapwe. Kunyange zvakadaro, akasarudza kufamba rwendo rwacho netsoka, achikamhina nzira yose kuenda kuFíngoè achirwadziwa. Zvakatora mazuva matatu. Anselmo akanga asingagoni kudzora mufaro wake sezvaakabata tsamba yake yomuchato muruoko rwake.
Mumwe achangobva kuchata akacherekedzwa akanga ari Evans Sinóia, aimbova mupariki. Paakadzidza chokwadi cheShoko raMwari, akasarudza kunyoresa zviri pamutemo mubatanidzwa wake nomudzimai wake wokutanga, asi akaramba, akamusiya ndokuroorwa nomumwe murume. Mudzimai wake wechipiri, uyo akangawo ave achifunda Bhaibheri, akabvuma kuroorwa naye. Vose vari vaviri vakafamba nomunzvimbo inotyisa inogara shumba nedzimwe mhuka dzomusango. Pashure porwendo rwamazuva matatu, ivowo vakabudirira kuroorana zviri pamutemo.
NeChishanu, mazuva mashanu pashure pokunge vafundisi navakuru vakuru vatanga kusvika, basa rakapedzwa. Mugumisiro wacho wakanga uri wokuti zvitupa 468 nemagwaro okuzvarwa 374 zvakapiwa. Nhamba yetsamba dzomuchato dzakapiwa yakanga iri 233! Mamiriro ezvinhu zvacho akanga ari omufaro. Pasinei zvapo nokuneta, vose vakabvuma kuti zvakanga zvakafanira. Pasina kupokana, chiitiko ichocho chicharamba chisingakanganwiki mundangariro nemwoyo zveavo vanobatanidzwa. Zvirokwazvo wakanga uri muchato chaiwo!