“Zvakasimba uye Zvinopwisa”
“KUBVIRA mangwana, ndicharishandisa mubasa rokuparidza, nokuti zvibvumikiso zvarinazvo zvakasimba chaizvoizvo uye zvinopwisa,” akanyora kudaro mumwe weZvapupu zvaJehovha wekuFrance. Chimwe Chapupu chekuUnited States chakanyora kuti: “Ndakarirava nokukurumidza uye handigoni kumirira kurishandisa muushumiri hwomumunda, sezvo tichisangana nevanhu vakawanda kwazvo vasingakendengi uye vasingavimbi neBhaibheri.” Vakanga vari kurondedzera chii? Bhurocha rine mapeji 32 rine musoro unoti A Book for All People, rakabudiswa neWatch Tower Society paKokorodzano Dzoruwa dzo“Kutenda Shoko raMwari” dzakaitwa muna 1997/98.
Chinyorwa ichi chakagadzirwa kuchirangarirwa zvikurukuru nezvevamwe vanhu—vangava vakadzidza asi vasingazivi zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Vanhu vakawanda vakadaro vane mirangariro chaiyo pamusoro peBhaibheri, kunyange zvazvo vasati vamborirava semunhu oga. Chinangwa chebhurocha racho ndechokupwisa muravi kuti, kunyange zvodini, Bhaibheri rakafanirwa nokunzverwa. Bhurocha racho harimanikidzi muravi kuti agamuchire murangariro wokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari. Panzvimbo pezvo, rinobvumira kuti maidi ataure oga. Harina mashoko okuda kuorora asi rakajeka uye rakananga.
Sezvinoratidza tsinhiro yanokorwa mashoko pamusoro apa, avo vakanga vari pakokorodzano dzacho vakanga vachidisa kushandisa bhurocha iri muushumiri hwavo hwomumunda. Somuenzaniso, muFrance nhimbe chaiyo yokupupura yakarongwa musi waAugust 23 na24 apo mazana ezviuru zvevashanyi vaduku vanobva munyika yose zvakaungana muParis nokuda kweWorld Youth Day. Zvapupu zvinenge 2 500 (zvikurukuru zviri pakati pemakore 16 kusvika ku30) zvakagovera makopi 18 000 ebhurocha racho muchiNgezi, chiFrench, chiGerman, chiTariyana, chiPolish, uye chiSpanish.
Nemitoo yose, ngatishandisei bhurocha iri, A Book for All People, muushumiri hwedu. Chinyorwa ichi ngachibvumikise kuva chinokosha mukupwisa vanhu vane mufungo kuti vanofanira kuzvinzverera Bhaibheri.