RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/1 p. 7
  • Nei Zvichizviita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Zvichizviita?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kokorodzano Dzoruwa Nedzamarudzi Akawanda Dze“nzira yaMwari Youpenyu” dza1998
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Kokorodzano—Dzinosimbisa Ukama Hwedu Zvinofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/1 p. 7

Nei Zvichizviita?

GORE rimwe nerimwe Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoungana zviri zviuru pakokorodzano. Ipapo, zvinofarikanya kushamwaridzana uye zvinonzwa purogiramu yakaisvonaka yomurayiridzo weBhaibheri. Vamwe vanoita nhamburiko huru kuti vapinde kokorodzano idzi. Gore rapera, somuenzaniso, muMalawi vamwe varoorani vava namakore ari muma60, pamwe chete nomwanakomana wavo nomudzimai wake nomwana, vakafamba makiromita 80 nebhasikoro kuti vapinde kokorodzano. Vakabva pamusha pavo na6:00 mangwanani ndokusvika panhandare yekokorodzano maawa 15 gare gare.

MuMozambique, rimwe boka rakafamba mazuva matatu nebhasikoro kuti risvike kukokorodzano. Humwe usiku, sezvavakanga vakarara mumusasa, vakanzwa shumba dzichidzvova pedyo. Kunyange zvazvo vakakandira huni kwaibva mhuka dzacho, shumba dzacho dzakaramba dziripo kusvikira pamambakwedza. Chimwe chapupu chaienda kukokorodzano imwe cheteyo chakasanganidzana neshumba mumugwagwa. Akamira akanyarara asingafambi kusvikira shumba yaenda. Pakokorodzano izvi Zvapupu zvakataura zvichifara nzira yazvakanga zva“rwirwa [nayo] pamuromo weshumba.”—2 Timotio 4:17.

Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinoita nhamburiko huru kuti zvipinde kokorodzano kana kuti kunyange misangano yeungano yevhiki nevhiki nokuda kwokunamata. Nei? Nyaya dzinotevera dzichakubetsera kunzwisisa chikonzero nei kuungana pamwe chete kuchikosha kwazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe