‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
“Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana.” —VAKOROSE 3:13.
1. (a) Petro paakakarakadza kuti tikanganwire vamwe “kusvikira kanomwe,” nei angave akafunga kuti akanga ari kuva norupo? (b) Jesu airevei paakataura kuti tinofanira kukanganwira “kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe”?
“ISHE, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikanganwira? Kusvikira kanomwe here?” (Mateo 18:21) Petro angave akafunga kuti akanga ari kuva norupo zvikuru paakaita chikarakadzo chake. Panguva yacho, gamuchidzanwa ravanarabhi raiti munhu haafaniri kukanganwira mhosva imwe chete kanopfuura katatu.a Fungidzira kushamisika kwakaita Petro, ipapo, Jesu paakapindura kuti: “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe”! (Mateo 18:22) Kudzokororwa kwenhamba yokuti nomwe kwakanga kwakafanana nokuti “nokusingaperi.” Mukurangarira kwaJesu, panenge pasina muganhu wenhamba dzenguva idzo muKristu anofanira kukanganwira vamwe.
2, 3. (a) Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu angaratidzika kuva akaoma kukanganwira vamwe? (b) Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti zvinotibetsera kukanganwira vamwe?
2 Zvisinei, kushandisa zano iroro hakusi nyore nguva dzose. Ndiani wedu asati ambonzwa kurwadza kwokukuvara kusina ruramisiro? Zvichida mumwe munhu wawaivimba naye akataura chinhu chakavanzika. (Zvirevo 11:13) Kutaura kusina mufungo kweshamwari yapedyo kungava kwakaku‘baya somunondo.’ (Zvirevo 12:18) Kubatwa zvisina kufanira kunoitwa nomunhu wawaida kana kuti wawaivimba naye kungava kwakaparira maronda makuru. Zvinhu zvakadaro pazvinoitika, nenzira yomuzvarirwo tinowanzoshatirwa. Tingasada kutaura nomunhu atitadzira, tichitomudzivisa kana zvichibvira. Zvingaratidzika sokuti kumukanganwira, kungamubvumira kuti atirwadzise asingarangwi. Nepo, kupfurikidza nokuchengeta pfundepfunde, tinoguma tazvikuvadza isu pachedu.
3 Jesu nokudaro anotidzidzisa kukanganwira—“kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” Zvirokwazvo dzidziso dzake hadzingambotikuvadzi. Zvose zvaakadzidzisa zvakabva kuna Jehovha, ‘Uyo unotidzidzisa kuzvibetsera.’ (Isaya 48:17; Johane 7:16, 17) Nenzira ine mufungo, kukanganwira vamwe kunofanira kutibetsera. Tisati takurukura kuti nei tichifanira kukanganwira uye kuti tingazviita sei, zvingabetsera kuti titange tajekesa kuti kukanganwira chii uye zvakusiri. Murangariro wedu wokukanganwira ungatapura kukwanisa kwedu kukanganwira patinotadzirwa navamwe.
4. Kukanganwira vamwe hakurevi chii, asi kukanganwira kunorondedzerwa sei?
4 Kukanganwira vamwe mhosho dzomunhu oga hakurevi kuti tiri kupembedza kana kuti kudukupisa zvavakaita; uyewo hakurevi kurega vamwe vachitishandisa zvisina kunaka. Pashure pezvose, Jehovha paanotikanganwira, zvirokwazvo haasi kurerutsa zvivi zvedu, uye haazombobvumiri vanhu vanoita zvivi kuti vazvidze ngoni dzake. (VaHebheru 10:29) Maererano neInsight on the Scriptures, kukanganwira kunorondedzerwa se“chiito chokuregerera munhu atadza; kurega kumunzwira pfundepfunde nemhaka yechikanganiso chake uye kurega kurayira kuripwa.” (Vhoriyamu 1, peji 861)b Bhaibheri rinotigovera zvikonzero zvakanaka zvokukanganwira vamwe.
Nei Tichifanira Kukanganwira Vamwe?
5. Ndechipi chikonzero chinokosha chokukanganwira vamwe chinoratidzirwa pana VaEfeso 5:1?
5 Chikonzero chinokosha chokukanganwira vamwe chinoratidzirwa pana VaEfeso 5:1: “Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” Tinofanira kuva “vateveri vaMwari” murutivi rwupi? Shoko rokuti “naizvozvo” rinobatanidza kutaura kwacho nendima inotangira iyoyo, iyo inoti: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Hungu, kana toreva nezvokukanganwira, tinofanira kuva vateveri vaMwari. Sezvo kakomana kaduku kachiedza kuita sababa vako, isu, savanhu vanodiwa zvikuru naJehovha, tinofanira kuda kuva saBaba vedu vokudenga vanokanganwira. Zvinofanira kufadza mwoyo waJehovha zvikuru sei kutarira pasi ari kudenga ndokuona vana vake vapasi vachiedza kuva saiye mukukanganwirana!—Ruka 6:35, 36; enzanisa naMateo 5:44-48.
6. Pane musiyano mukuru munzirai pakati pokukanganwira kwaJehovha nokwedu?
6 Sezvinobvumwa, hatimbogoni kukanganwira mupfungwa yakakwana sezvinoita Jehovha. Asi ndicho chikonzero chokuwedzera nei tichifanira kukanganwirana. Rangarira: Pane musiyano mukuru pakati pokukanganwira kwaJehovha nokwedu. (Isaya 55:7-9) Patinokanganwira vanenge vatitadzira, kazhinji kazhinji tinoziva kuti nokukurumidza kana kuti gare gare tingada kuti vatiitire zvakafanana kupfurikidza nokutikanganwira. Kana vari vanhu, nguva dzose inhau yavatadzi vanokanganwira vatadzi. Kana ari Jehovha, zvisinei, ndiye anokanganwira nguva dzose. Anotikanganwira, asi hatizombofi takafanira kumukanganwira. Kana Jehovha, asingatadzi, achigona kutikanganwira nenzira yorudo kudaro uye zvakakwana, isu vanhu vasina kukwana hatifaniri kuedza kukanganwirana here?—Mateo 6:12.
7. Kana tikaramba kukanganwira vamwe patinenge tichifanira kuvanzwira ngoni, zvinogona sei kutapura ukama hwedu pachedu naJehovha?
7 Zvinotokosha zvikuru, kana tikaramba kukanganwira vamwe panenge pane chikonzero chengoni, zvinogona kutapura zvakasimba ukama hwedu pachedu naMwari. Jehovha haangotikumbiri kuti tikanganwirane; anotikarira kuita saizvozvo. Maererano naMagwaro, chimwe chinotisunda kukanganwira ndechokuti Jehovha atikanganwire kana kuti imhaka yokuti akatikanganwira. (Mateo 6:14; Marko 11:25; VaEfeso 4:32; 1 Johane 4:11) Ipapo, kana tisingadi kukanganwira vamwe panenge pane chikonzero chakanaka chokuita saizvozvo, tinogona chaizvoizvo kukarira kukanganwirwa kwakadaro kubva kuna Jehovha here?—Mateo 18:21-35.
8. Nei kukanganwira vamwe kuchitibetsera zvikuru?
8 Jehovha anodzidzisa vanhu vake “nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo.” (1 Madzimambo 8:36) Paanotirayira kukanganwirana, tinogona kuva nechivimbo chokuti anotifarira zvinobva pamwoyo. Nechikonzero chakanaka Bhaibheri rinotiudza kuti ti“dziurire kutsamwa.” (VaRoma 12:19) Pfundepfunde mutoro unorema kutakura muupenyu. Patinoichengeta, inodya mifungo yedu, inotitorera rugare rwedu, uye inovhiringidza mufaro wedu. Kutsamwa kunopfuurira, kufanana negodo, kunogona kukuvadza utano hwedu hwomuviri. (Zvirevo 14:30) Uye patinotambura zvose izvozvi, munhu atadza angava asingazivi kutambudzika kwedu! Musiki wedu ane rudo anoziva kuti tinofanira kukanganwira vamwe zvakananga kwete bedzi kuti vabetserwe asi kuti isuwo tibetserwe. Zano reBhaibheri rokukanganwira, zvirokwazvo, ‘inzira yakanaka yokufamba nayo.’
“Muitirane Mwoyo Murefu”
9, 10. (a) Ndeapi marudzi emamiriro ezvinhu asingadi zvawo kukanganwira kwakananga? (b) Chii chinokarakadzwa nokutaura kwokuti “muitirane mwoyo murefu”?
9 Kukuvara mumuviri kungabatanidza zvironda zviduku nezvironda zvikuru, uye zvose hazvidi mwero wakafanana wengwariro. Zvakafanana nemirangariro yakakuvadzwa—zvimwe zvironda zvikuru kupfuura zvimwe. Tinofanira chaizvoizvo kukakavara pamusoro pemhosho dzose duku dzingatigumbura muukama hwedu navamwe here? Kungogumburwa zvishoma, kushatiriswa, uye kufinhwa rutivi rwoupenyu uye hazvifaniri chaizvoizvo kukanganwirwa zvakananga. Kana tichizivikanwa semunhu anofuratira vamwe nemhaka yokungoodzwa mwoyo zvishoma uye ipapo anoomerera kuti vanofanira kukumbira ruregerero kuti tigobata navo zvakanaka, tingavamanikidza kuti vanyanyise kungwarira pavanenge vanesu—kana kuti vasanyanya kuva pedyo nesu!
10 Panzvimbo pezvo, zviri nani zvikuru ku“va nemukurumbira wokuva ane mufungo.” (VaFiripi 4:5, Phillips) Sezvisikwa zvisina kukwana zvinoshanda pamwe chete, tinogona kukarira nenzira ine mufungo kuti panguva nenguva hama dzedu dzingatitosvora, sokunge zvakadaro, uye tingaita zvakafanana kwadziri. VaKorose 3:13 inotipa zano rokuti: “Muitirane mwoyo murefu.” Kutaura ikoko kunokarakadza kuva anoshivirira vamwe, kushivirira zvinhu zvatisingadi mavari kana kuti mavara atingawana achishatirisa. Kushivirira kwakadaro uye kuzvidzora kungatibetsera kubata nemhosho duku dzatinoitirwa mukubata kwedu navamwe—pasina kudzongonyedza rugare rweungano.—1 VaKorinte 16:14.
Patinokuvadzwa Zvikuru
11. Vamwe pavanotitadzira, chii chinogona kutibetsera kuvakanganwira?
11 Zvisinei, zvakadini kana vamwe vakatitadzira, vachiparira chironda chinooneka? Kana chivi chacho chisina kunyanyokomba, zvingava nyore kuti tishandise zano reBhaibheri roku‘kanganwirana takasununguka.’ (VaEfeso 4:32) Kugadzirira kukanganwira kwakadaro kunotsinhirana namashoko akafuridzirwa aPetro okuti: “Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Kurangarira kuti isuwo tiri vatadzi kunotigonesa kubvumira mhosho dzavamwe. Nokudaro patinokanganwira, tinorega pfundepfunde panzvimbo pokuirera. Somugumisiro, ukama hwedu nomunhu atitadzira hungasakuvadzwa kwenguva refu, uyewo tinobetsera kuchengetedza rugare runokosha rweungano. (VaRoma 14:19) Pashure penguva yakati, kuyeuka zvaakaita kungapera.
12. (a) Tingada kutanga kuitei kuitira kuti tikanganwire mumwe munhu akatikuvadza zvikuru? (b) Mashoko aVaEfeso 4:26 anoratidza sei kuti tinofanira kugadzirisa nhau nokukurumidza?
12 Kunyange zvakadaro, zvakadini kana mumwe munhu akatitadzira nenzira yakakomba zvikuru, achitikuvadza zvikuru? Somuenzaniso, shamwari yaunovimba ingava yakataura imwe nhau yomunhu oga zvikuru yawakanga waitaurira. Unonzwa wakuvadzwa zvikuru, wanyadziswa, uye wanyengedzwa. Waedza kuzvikanganwa, asi nhau yacho haiperi. Muchiitiko chakadaro, ungafanira kutanga kuti ugadzirise chinetso chacho, zvichida kupfurikidza nokutaura nomunhu akutadzira. Kuchenjera kuita izvi nhau yacho isati yakura. Pauro akatirayira kuti: “Tsamwai, musingatadzi [ndiko kuti, kupfurikidza nokuchengeta kana kuti kuita zvinoda kutsamwa kwedu]; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Idi rokuti pakati pavaJudha, kuvira kwezuva kwaireva kupera kwerimwe zuva uye kutanga kwerimwe, rinowedzera revo kumashoko aPauro. Nokudaro, zano nderokuti: Gadzirisai nhau yacho nokukurumidza!—Mateo 5:23, 24.
13. Patinosvika mumwe munhu anenge atitadzira, ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu, uye ndezvipi zvikarakadzo zvingatibetsera kuchiita?
13 Unofanira kusvika sei munhu atadza wacho? “Tsvak[a] rugare, urutevere,” inodaro 1 Petro 3:11, (NW). Chinangwa chako, ipapoka, hachisi chokuratidza hasha asi chokuita rugare nehama yako. Kuti uite chinangwa ichocho, zvakanaka kudzivisa mashoko namajangariko zvakakasharara; iwaya angaita kuti mumwe munhu wacho adavidze nenzira yakafanana. (Zvirevo 15:18; 29:11) Mukuwedzera, dzivisa kutaura kwokuwedzerera kwakadai sokuti, “Unogara uchingo . . . !” kana kuti, “Haumbo . . . !” Tsinhiro dzokuwedzerera dzakadaro dzingangomuparira kuti ade kuzvidzivirira. Panzvimbo pezvo, ita kuti inzwi rako nechitarisiko chechiso zviratidze kuti unoda kupedza nhau yakakukuvadza zvikuru. Iva akananga mukutsanangura manzwire aunoita pamusoro pezvakaitika. Ipa mumwe munhu mukana wokutsanangura zviito zvake. Teerera zvaanoda kutaura. (Jakobho 1:19) Izvozvo zvichabetserei? Zvirevo 19:11 inotsanangura kuti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” Kunzwisisa mirangariro yomumwe munhu nezvikonzero zvezviito zvake zvingapedza mifungo isina kunaka nemirangariro yatinenge tinayo pamusoro pake. Patinonzvera mamiriro ezvinhu nevavariro yokuita rugare ndokuchengeta chimiro chendangariro ichocho, kazhinji kazhinji kusanzwisisa kupi nokupi kunogona kugadziriswa, kukumbira ruregerero kwakafanira kwoitwa, uye vanhu voregererana.
14. Patinokanganwira vamwe, tinofanira kukanganwa mupfungwai?
14 Kukanganwira vamwe kunoreva here kuti tinofanira kukanganwa chaizvoizvo zvakaitika? Yeuka muenzaniso waJehovha pachake munhau iyi, sezvakakurukurwa munyaya yapfuura. Bhaibheri parinotaura kuti Jehovha anokanganwira zvivi zvedu, izvi hazvirevi kuti haakwanisi kuzviyeuka. (Isaya 43:25) Panzvimbo pezvo, anokanganwa mupfungwa yokuti kana angokanganwira, haarangariri zvivi izvozvo pane imwe nguva yomunguva yemberi. (Ezekieri 33:14-16) Nenzira yakafanana, kukanganwira vanhu biyedu hakurevi hakwo kuti tichatadza kuyeuka zvavakaita. Zvisinei, tinogona kukanganwa mupfungwa yokuti hatizvichengeteri munhu atitadzira kana kuti kuzvitaurazve munguva yemberi. Sezvo nhau yacho inenge yagadziriswa, zvingava zvisina kufanira kuita makuhwa pamusoro payo; uyewo kungasava kuratidza rudo kudzivisa munhu atadza wacho zvakakwana, tichimubata sokunge kuti akadzingwa. (Zvirevo 17:9) Chokwadi, zvingatora nguva yakati kuti ukama hwedu naye hunake; tingasafarikanya ushamwari hwakafanana nepakutanga. Asi tichiri kumuda sehama yedu yechiKristu uye tinoita napatinogona napo kuti tichengete ukama hune rugare.—Enzanisa naRuka 17:3.
Pazvinenge Zvichiita Sezvisingabviri Kukanganwira
15, 16. (a) VaKristu vanofanira kukanganwira muiti wechakaipa asingapfidzi here? (b) Tinogona sei kushandisa zano reBhaibheri rinowanwa pana Pisarema 37:8?
15 Kunyange zvakadaro, zvakadini kana vamwe vakatitadzira munzira inokuvadza zvakakomba zvikurusa, nepo munhu atadza wacho asingabvumi chivi chake, asingapfidzi, uye asingakumbiri ruregerero? (Zvirevo 28:13) Magwaro anorondedzera zvakajeka kuti Jehovha haakanganwiri vatadzi vasingapfidzi, vakaoma mwoyo. (VaHebheru 6:4-6; 10:26, 27) Zvakadiniko nesu? Insight on the Scriptures rinoti: “VaKristu havafaniri kukanganwira avo vanoita zvivi zvakakomba, namaune vasingapfidzi. Vakadaro vanova vavengi vaMwari.” (Vhoriyamu 1, peji 862) Hapana muKristu akava nyajambwa wokubatwa zvisina kururama zvikuru, zvinonyangadza, kana kuti zvinotyisa anofanira kunzwa achimanikidzwa kukanganwira, kana kuti kuregerera, muiti wezvakaipa asingapfidzi.—Pisarema 139:21, 22.
16 Nenzira inonzwisisika, vaya vakava vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira kwoutsinye vanganzwa vakuvadzwa uye vane hasha. Zvisinei, yeuka kuti kuomerera pakutsamwa nepfundepfunde kunogona kutikuvadza zvikuru. Kana tikamirira kubvuma mhaka kana kuti kukumbirwa ruregerero rwusingambouyi, tingangoramba tichitsamwa. Kushushikana nokusaruramisira kungaita kuti tirambe tine hasha, nemigumisiro yakaipa pautano hwedu hwomudzimu, hwendangariro, uye hwomuviri. Kutaura idi, tinobvumira munhu akatikuvadza kuti apfuurire kutikuvadza. Nenzira yokuchenjera, Bhaibheri rinorayira kuti: “Rega kutsamwa, urashe hasha.” (Pisarema 37:8) Naizvozvo, vamwe vaKristu vakawana kuti pashure penguva yakati vakakwanisa kuita chisarudzo chokukanganwira mupfungwa yokurega kuchengeta pfundepfunde—vasingapembedzi zvakaitika kwavari, asi vachiramba kupedzwa nehasha. Vachisiya nhau yacho yose mumaoko aMwari weruramisiro, vakazorodzwa zvikuru uye vakakwanisa kupfuurira noupenyu hwavo.—Pisarema 37:28.
17. Ivimbisoi inonyaradza inogoverwa nechipikirwa chaJehovha chakanyorwa pana Zvakazarurwa 21:4?
17 Ronda parinenge riri guru zvikuru, tingasabudirira kuribvisa chose chose mundangariro yedu, chero bedzi tiri mutsika ino yezvinhu. Asi Jehovha anopikira nyika itsva maa“chapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Zvipi nezvipi zvatingayeuka panguva iyoyo hazvizopariri kukuvadzwa zvikuru, kana kuti marwadzo, izvo zvingaremera mwoyo yedu zvino.—Isaya 65:17, 18.
18. (a) Nei pane kudikanwa kwokukanganwirana mukubata kwedu nehama dzedu nehanzvadzi? (b) Vamwe pavanotitadzira, tinogona kukanganwira ndokukanganwa mupfungwai? (b) Izvi zvinotibetsera sei?
18 Munguvayi, tinofanira kurarama ndokushanda pamwe chete sehama nehanzvadzi dzisina kukwana, vanhu vanotadza. Tose tinoita mhosho. Panguva nenguva, tinoodzana mwoyo uye kunyange kukuvadzana. Jesu ainyatsoziva kuti tinofanira kukanganwira vamwe, “handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe”! (Mateo 18:22) Chokwadi, hatigoni kukanganwira zvakakwana sezvinoita Jehovha. Bva, muzviitiko zvakawanda hama dzedu padzinotitadzira, tinogona kukanganwira mupfungwa yokukurira pfundepfunde uye tinogona kukanganwa mupfungwa yokusarangarira nhau yacho zvachose munguva yemberi. Nokudaro patinoregerera ndokukanganwa, tinobetsera kuchengeta kwete bedzi rugare rweungano asiwo rugare rwedu chairwo rwendangariro nomwoyo. Kupfuura zvose, tichafarikanya rugare urwo Mwari wedu bedzi, Jehovha, anogona kugovera.—VaFiripi 4:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano neBabylonian Talmud, rimwe gamuchidzanwa ravanarabhi rakati: “Kana munhu akaita mhaka, kekutanga, kechipiri uye kechitatu anokanganwirwa, kechina haakanganwirwi.” (Yoma 86b) Izvi murutivi zvaiva zvakavakirwa pakusanzwisisa zvakanaka magwaro akadai saAmosi 1:3; 2:6; uye Jobho 33:29.
b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mibvunzo Yokuhwirudzura
◻ Nei tichifanira kudisa kukanganwira vamwe?
◻ Rudzii rwemamiriro ezvinhu anoda kuti ti“itirane mwoyo murefu”?
◻ Patinenge takuvadzwa zvikuru nezvivi zvavamwe, tinogona kuitei kuti tipedze nhau yacho nenzira yorugare?
◻ Patinokanganwira vamwe, tinofanira kukanganwa mupfungwai?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Patinochengeta pfundepfunde, munhu atadza angava asingazivi kutambura kwedu
[Mufananidzo uri papeji 17]
Paunokurukura nevamwe kuti muite rugare, kusanzwisisa kungabviswa nenzira iri nyore