Kubatana Kwenyika—Kuchazomboitika Here?
“KANA tichifanira kubudirira mukati mezvizvarwa zvishomanene zviri kutevera mukushandura nyika yemarudzi akasununguka matinorarama kuva nzanga yechokwadi yamarudzi ose yakati, . . . ipapo tichava tabvisa nenzira inobudirira sangano rakare rehondowo . . . Kana tikakundikana, zvisinei, zvimwe pachava . . . pasina kubudirira.” Anodaro wezvenhau yehondo Gwynne Dyer mubhuku rake rine musoro unoti War.
Zvinyorwa zvenhau, anodaro Dyer, zvakazadzwa nenhoroondo dzemarudzi nemamwe mapoka ane simba akatendeukira kuhondo kuti agadzirise zvinetso zvawo. Kusabatana kwavo kwakaparadza upenyu hwamamiriyoni avanyajambwa. Kurondedzera kwaMambo Soromoni nezvenzira iyo izvi zvakatapura nayo vanhu muzuva rake kuchiri kushanda nhasi. Akanyora kuti: “Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.
Mazuva ano, sokutaura kunoita wezvenhau adudzwa pamusoro apa, kunze kwe“misodzi yavanomanikidzwa,” pane chikonzero chokuwedzera chokuwana nzira yokushandura nayo nyika dzakasununguka kuti dzive nzanga yemarudzi ose chaidzoidzo nenzira yakati: Kubudirira kwemararamiro kuri pangozi! Hondo dzazvino uno dzinovimbisa kuparadza rudzi rwose rwunotsamira padziri ndokusasiya vapukunyuki.
Kubatana Kwenyika Kwava Pedyo Here?
Ndedzipi dziri kariro dzokubatana kwenyika? Nzanga yavanhu inogona kukurira masimba anotyisidzira kupukunyuka kwenyika here? Vamwe vanofunga kudaro. Munyori wezvedziviriro weDaily Telegraph yokuBritain, John Keegan, anonyora kuti: “Pasinei zvapo nekuvhiringidzika uye kusava nechokwadi, zvinoratidzika kuva zvinobvira kuita seunoona nyika isina hondo.”
Chii chinomupa tariro iyi? Nei vakawanda vachiratidzika kuti vane tariro pasinei zvapo nenhau refu yavanhu yehondo nokusakwanisa kwomunhu kuzvitonga nenzira inobudirira? (Jeremia 10:23) ‘Rudzi rwomunhu rwuri kufambira mberi. Nhau inoratidza mutoo wokufambira mberi kunopfuurira,’ vamwe vakadaro pane imwe nguva. Kunyange nhasi, vakawanda vanodavira kuti nenzira yakati kunaka kwomunhu kuchakurira uipi. Itariro chaiyoiyo here? Kana kuti kunongovawo zvako kurota kuchatungamirira kukuodzwa mwoyo zvikuru? Mubhuku rake rinonzi Shorter History of the World, wezvenhau J. M. Roberts akanyora nenzira chaiyoiyo kuti: “Ramangwana renyika harigoni kunzi rakavimbika. Uyewo hapana kuguma kwokutambura kwavanhu zvino kuri kuoneka, kana kuti hwaro hupi nohupi hwokudavira kuti kunofanira kudaro.”
Pane zvikonzero zvechokwadi here zvokudavira kuti vanhu namarudzi vachakurira chaizvoizvo kusavimba kwavo uye misiyano? Kana kuti pane chimwe chinhu here chinopfuura vavariro dzavanhu chinodikanwa? Nyaya inotevera icharangarira mibvunzo iyi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Background globe on the cover: Mountain High Maps® Copyright © 1995 Digital Wisdom, Inc.