RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/15 p. 32
  • Kurera Vana Vane Tsika—Kuchiri Kubvira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Vana Vane Tsika—Kuchiri Kubvira Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/15 p. 32

Kurera Vana Vane Tsika—Kuchiri Kubvira Here?

“ZVINO tiri kurarama munzanga yakaoma zvikuru, vanhu vasiyana zvikuru mutsika, musina tsika,” anodaro Robert Glossop weVanier Institute for the Family muOttawa, Canada. Nemugumisiro upi? Mumwe mushumo wepepanhau reThe Toronto Star unoti: “Pamuviri pevechiduku, masimba masimba epwere uye kuzviuraya kwevechiduku zvose zviri kuwedzera.”

Chinetso chacho chinopfuura kuNorth America. Bill Damon, mutungamiriri weCenter for Human Development paBrown University muRhode Island, U.S.A., akafunda zvinetso izvozvi muBritain nedzimwe nyika dzeEurope, pamwe chete nomuAustralia, Israel, uye Japan. Anotaura nezvekuderera kwamachechi, zvikoro, uye mamwe masangano mukutungamirira vaduku. Tsika yedu, anodavira kudaro, “haichazivi zvinoda vana kuti vagova netsika nemano.” Achinokora mashoko enyanzvi dzokurera vana dzinodzidzisa kuti “chirango chinokanganisa utano hwavana negarikano,” Damon anotaura kuti izvozvi “zvinokonzera kurerwa kwavana vane misikanzwa, vasingateereri.”

Pwere dzanhasi dzinodei? Dzinoda kurovedzwa kune rudo kwenguva dzose uko kunoruramisa ndangariro nomwoyo. Pwere dzakasiyana-siyana dzinoda chirango chakasiyana. Pachinokuchidzirwa norudo, chirango chinowanzopiwa nokurangarira. Ndicho chikonzero nei tichiudzwa pana Zvirevo 8:33 ku“nzwa . . . kurayirira.” Vamwe, kunyange zvakadaro, hava“rayirirwi namashoko bedzi.” Kwavari, chirango chakakodzera nokuda kwokusateerera, chinoitwa kusvikira kumwero wakati, chingadikanwa. (Zvirevo 17:10; 23:13, 14; 29:19) Mukuita iyi rumbidzo, Bhaibheri harisi kubvumira kuzvambaradza kwokutsamwa kana kuti kuzvindikita, uko kungakuvadza mwana. (Zvirevo 16:32) Panzvimbo pezvo, mwana anofanira kunzwisisa chikonzero nei ari kururamiswa ndokunzwisisa kuti imhaka yokuti mubereki anaye, kurutivi rwake.—Enzanisa naVaHebheru 12:6, 11.

Zano rakadaro rinoshanda uye rakanaka reBhaibheri rinosimbiswa mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa weMhuri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe