Yaiva Roorano Yavanhu Vasina Kurara Vose Here?
VACHIEDZA kugadzirisa kutaurwa kwoumhandara hwaMaria kunopfuurira mukuroorana kwake naJosefa, vanhu vanopenda vakawanda navanoveza matombo vakaratidzira Josefa somunhu akanga ati kwegurei. Vakarangarira kuti Josefa chaizvoizvo akanga akaita somutarisiri waMaria kwete murume. Asi Pope John Paul II nguva pfupi yapfuura akatsigira murangariro wakasiyana wenhau yacho. Anokarakadza kuti Josefa “akanga asiri munhu akanga akwegura panguva yacho.” Panzvimbo pezvo, “kukwana kwake kwomukati, chibereko chetsitsi, chakamutungamirira kuti ararame muroorano yake naMaria vasingarari vose.”
Kana Maria aida kuramba ari mhandara nokusingaperi, nei akavimbisa kuroorwa? “Zvingafungidzirwa,” anopindura kudaro papa, “kuti panguva yokuvimbisana kwavo pakanga pane ushamwari pakati paJosefa naMaria pamusoro perongedzero yokurarama semhandara.”
Zvisinei, Bhaibheri rinotaura nhau yacho nenzira yakasiyana. Nhoroondo yaMateo inotaura kuti Josefa “haana kurara naye kusvikira abereka mwanakomana.” (Mateo 1:25, Catholic New American Bible, kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Pashure pokuberekwa kwaJesu, roorano yaJosefa naMaria pasina mubvunzo yaisava yavanhu vasingarari vose. Chimwe chibvumikiso cheizvozvi ndechokuti gare gare munhoroondo yeEvhangeri, Jesu anoratidzwa kuti akanga ane vanin’ina nehanzvadzi.—Mateo 13:55, 56.
Nokudaro, apo Bhaibheri rinotaura kuti Maria akanga ari mhandara paakabereka Jesu, hapana hwaro hwokutaura kuti akaramba ari mhandara kwoupenyu hwake hwose naJosefa.