Unogona Kudavira Mwari Chaiye Here?
“HAUFANIRI kudavira Mwari kuti uve muKristu . . . Mafungiro edu pamusoro perudzidziso ari kuchinja zvizere zvino, asi muzana ramakore rechi21 chechi ichava isina Mwari mupfungwa yegamuchidzanwa,” akatsanangura kudaro mumwe mudzidzi wekuBritain wepayunivhesiti. Akanga achitaura nokuda kweboka reSea of Faith iro rinotsigirwa navaprista vanosvika zana veBritain. Ava “vaKristu vasingatendi kuvapo kwaMwari” vanotaura kuti rudzidziso rwakavamba navanhu uye kuti, sokutaura kwakaita mumwe mutezo wacho, Mwari anongovawo “pfungwa” zvayo. Mwari ane simba guru haachatsinhirani nokufunga kwavo.
Kutaura kwokuti “Mwari akafa” kwaiva kwakakurumbira muma1960. Kwairatidzira mirangariro yomuzivi wezana ramakore rechi19 weGermany Friedrich Nietzsche uye kwakapa vanhu vaduku vakawanda chikonzero chavaida chokuti vaite zvavaida, kuti vaite zvokubika mapoto nokushandisa zvinodhaka vasingarambidzwi. Asi rusununguko rwakadaro rwakatungamirira here vana vanoda mafaro, sezvavanozivikanwa, kuupenyu hunogutsa zvikuru hwomufarwa?
Makore gumi asati apfuura, bhishopi weAnglican John A. T. Robinson akabudisa bhuku rake Honest to God. Vamwe vafundisi vakawanda vakamutsoropodza nemhaka yokufunga nezvaMwari “seanongova zvake rutivi rwezvakaitika muupenyu hwevanhu.” Purofesa wezverudzidziso Keith Ward akabvunza kuti: “Kudavira muna Mwari itsika yekare, zvino yava kuraswa navakachenjera here?” Achizvipindura mubvunzo wake, akati: “Hapana chinhu chinokosha zvikuru murudzidziso nhasi kupfuura kuwana zivo yepfungwa yegamuchidzanwa yaMwari.”
Kugamuchira Kutambura uye Mwari Chaiye
Vakawanda vanodavira muna Mwari chaiye vanozviwana zvakaoma kurondedzera zvavanodavira pamusoro pengwavaira nokutambura zvavanoona. Somuenzaniso, muna March 1996, vana vaduku 16, pamwe chete nomudzidzisi wavo, vakapfurwa ndokuurawa muDunblane, Scotland. “Handimbonzwisisi zvinoda Mwari,” akadaro mumwe mudzimai akanga achitambura. Kusuruvara kwenhamo yacho kwakaratidzwa pakadhi nemaruva zvakasiyiwa kunze kwechikoro chavana vacho. Raiva neshoko rimwe, “NEI?” Achipindura mufundisi weDunblane Cathedral akati: “Hazvitsananguriki. Hatigoni kupindura kuti nei izvi zvaifanira kuitika.”
Gare gare gore rimwe chetero, mumwe mufundisi muduku akakurumbira weChurch of England akaurawa nenzira youtsinye. Church Times yakashuma kuti ungano yakakatyamadzwa yakanzwa mudhikoni mukuru weLiverpool achitaura nezvoku“gogodza zvine simba pasuo raMwari nemibvunzo yokuti nei? nei?” Uyu mufundisi akanga asinawo mashoko okunyaradza anobva kuna Mwari chaiye.
Chii, ipapoka, chatinofanira kudavira? Zvine mufungo kudavira muna Mwari chaiye. Ndicho chinokosha chokupindura mibvunzo inonetsa yabvunzwa pamusoro apa. Tinokukumbira kurangarira ufakazi hunopiwa munyaya inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kadhi racho raiva nemubvunzo waiti “Nei?”
[Kwazvakatorwa]
NEWSTEAM No. 278468/Sipa Press