Uchava Akatendeka saEria Here?
“Ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.” —MARAKI 4:5.
1. Ingwavaira ipi inoitika pashure pokunge Israeri ava muNyika Yakapikirwa kwamakore anenge 500?
“NYIKA inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:7, 8) Ndizvo izvo Jehovha Mwari akapa vaIsraeri pashure pokuvasunungura muusungwa hweEgipita muzana ramakore rechi16 B.C.E. Asi tarira! Mazana mashanu amakore akapfuura, uye zvino umambo hwendudzi gumi dzaIsraeri huri munzara yakakomba. Zvakaoma kuwana uswa hupi nohupi hwakasvibira. Mhuka dziri kufa, uye mvura haina kunaya kwamakore matatu nehafu. (1 Madzimambo 18:5; Ruka 4:25) Chii chiri kuparira ngwavaira iyi?
2. Chii chinoparira ngwavaira yorudzi rwaIsraeri?
2 Kuramba kutenda kwakaparira njodzi iyi. Achiputsa Mutemo waMwari, Mambo Ahabhi akaroora mambokadzi wokuKanani Jezebheri uye akamubvumira kuti apinze kunamatwa kwaBhaari muna Israeri. Zvakatoipa zvikuru, akavakira uyu mwari wenhema tembere muSamaria, guta guru racho. Chokwadi, vaIsraeri vakanyengedzwa kuti vadavire kuti kunamata Bhaari kuchavaunzira mbesa dzakawanda! Sokunyevera kwakaita Jehovha, zvisinei, zvino vari mungozi yoku‘paradzwa panyika yavo yakanaka.’—Dheuteronomio 7:3, 4; 11:16, 17; 1 Madzimambo 16:30-33.
Muedzo Unoshamisa Wokuti Mwari Ndiani
3. Muporofita Eria anonangidzira ngwariro sei pachinetso chaichoicho chaIsraeri?
3 Nzara painovamba, muporofita akatendeka waMwari Eria anoudza Mambo Ahabhi kuti: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” (1 Madzimambo 17:1) Pashure pokuona kuzadzika kunotyisa kwouku kuzivisa, mambo anopa mhaka Eria nokuda kwokuunza dambudziko pana Israeri. Asi Eria anopindura kuti Ahabhi neimba yake ndivo vane mhaka nemhaka yokuramba kutenda kwavo savanamati vaBhaari. Kuti apedze nhau yacho, muporofita waJehovha anokurudzira Mambo Ahabhi kuti aunganidze Israeri wose kuGomo reKarmeri nevaporofita 450 vaBhaari uye vaporofita 400 vedanda rinoyera. Ahabhi nevanhu vake vanoungana ipapo, zvichida vachikarira kuti nhambo yacho ichagumisa kusanaya kwemvura. Asi Eria anonangidzira ngwariro yake panhau yakakomba zvikuru. “Mucharamba muchifunga mifungo miviri,” anobvunza kudaro, “kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” VaIsraeri vanoshayiwa neromuromo.—1 Madzimambo 18:18-21.
4. Kuti apedze nhau yokuti Mwari ndiani, Eria anokarakadzei?
4 Kwamakore vaIsraeri vakaedza kusanganisa kunamatwa kwaJehovha nokwaBhaari. Kuti apedze nhau yokuti Mwari ndiani, Eria zvino anokarakadza makwikwi. Achagadzirira nzombe imwe duku nokuda kwechibayiro, uye imwe ichagadzirirwa nevaporofita vaBhaari. Ipapo Eria anoti: “Imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari.” (1 Madzimambo 18:23, 24) Fungidzira moto uchibva kudenga kuti upindure munyengetero!
5. Kusabatsira kwokunamata Bhaari kunofumurwa sei?
5 Eria anokumbira vaporofita vaBhaari kuti vatange. Vanogadzirira nzombe yokubayira ndokuiisa paatari. Ipapo vanokamhina vachitenderera atari, vachinyengetera kuti: “Bhaari tinzwei!” Izvi zvinopfuurira “kubva mangwanani kusvikira masikati makuru.” “Danidzirai kwazvo,” anodaro Eria achivaseka. Bhaari anofanira kuva akabatikana nenhau yekukurumidzira, kana kuti “zvimwe uvete hake, unofanira kumutswa.” Nokukurumidza vaporofita vaBhaari vave kuita savanopenga. Tarira! Vari kuzvicheka nemapanga, uye ropa riri kuyerera pamaronda avo. Uye pane ruzha zvikuru sezvo vose vane 450 vanodanidzira nenzwi ravo rose! Asi hapana mhinduro.—1 Madzimambo 18:26-29.
6. Eria anoita gadziriroi nokuda kwomuedzo wokuti Mwari ndiani?
6 Zvino rava jana raEria. Anovakazve artari yaJehovha, anochera gomba rakaipoteredza, uye anoronga chibayiro chacho. Ipapo anoita kuti mvura idirwe pahuni nepachipiriso. Zvirongo gumi nezviviri zvemvura zvinodirwa paartari kusvikira gomba racho chairo razara. Fungidzira kusagadzikana kunovapo sezvo Eria anonyengetera kuti: “Jehovha, Mwari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ngakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati paIsraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarayirwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.”—1 Madzimambo 18:30-37.
7, 8. (a) Jehovha anopindura sei munyengetero waEria? (b) Chii chinoitwa nezviitiko zvapaGomo reKarmeri?
7 Kupindura munyengetero waEria, ‘moto waJehovha unobva kudenga uye unopisa chipiriso chake, huni, mabwe, uye guruva, uye unonwa mvura iri mugoronga.’ Vanhu vanowira pasi nezviso zvavo ndokuti: “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!” (1 Madzimambo 18:38, 39) Eria zvino anoita chiito chakasimba. Anorayira kuti: “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo.” Pashure pokunge vaurawa mumupata weKishoni, makore akasviba anofukidza denga. Pakupedzisira, mvura yakasimba inogumisa nzara.—1 Madzimambo 18:40-45; enzanisa naDheuteronomio 13:1-5.
8 Izuva guru sei! Jehovha anokurira muedzo uyu unoshamisa wokuti Mwari ndiani. Uyezve, zviitiko izvi zvinodzorera mwoyo yavaIsraeri vakawanda kuna Mwari. Muiyi nedzimwe nzira, Eria anobvumikisa kuva akatendeka somuporofita, uye iye pachake anoita basa rokuporofita.
“Muporofita Eria” Haasati Auya Here?
9. Chii chakaporofitwa pana Maraki 4:5, 6?
9 Gare gare, kupfurikidza naMaraki, Mwari akafanotaura kuti: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. Iye uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.” (Maraki 4:5, 6) Eria akararama makore anenge 500 mashoko iwayo asati ataurwa. Sezvo uhu hwakanga huri uporofita, vaJudha vomuzana rokutanga ramakore C.E. vaikarira kuti kuuya kwaEria kuhuzadzike.—Mateo 17:10.
10. Ndiani akanga ari Eria akafanotaurwa, uye tinoziva sei?
10 Ipapoka, ndiani akanga ari uyu Eria aiuya? Kuzivikanwa kwake kwakaziviswa apo Jesu Kristu akati: “Kubva pamazuva aJohane Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwokudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomurayiro vakaporofita kusvikira kuna Johane. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria wakanga achinzi unouya.” Hungu, Johane Mubhabhatidzi ndiye akafanana naEria akanga afanotaurwa. (Mateo 11:12-14; Marko 9:11-13) Imwe ngirozi yakanga yaudza baba vaJohane, Zekaria, kuti Johane aizova no“Mweya nesimba raEria” uye aizo“gadzirir[a] Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” (Ruka 1:17) Kubhabhatidza kwaiitwa naJohane kwakanga kuri chiratidzo chapachena chokupfidza kwomunhu zvivi zvake mukupesana noMutemo, waifanira kutungamirira vaJudha kuna Kristu. (Ruka 3:3-6; VaGaratia 3:24) Basa raJohane nokudaro ‘rakaita kuti vanhu vagadzirire Jehovha.’—Ruka 3:6.
11. PaPentekosta, Petro akatii pamusoro pe“zuva ra[Jehovha, NW]” uye rakaitika rini?
11 Basa raJohane Mubhabhatidzi sa“Eria” rakaratidza kuti “zuva raJehovha” rakanga rava pedyo. Kuva pedyo kwezuva iroro apo Mwari aizorwisana nevavengi vake ndokuchengeta vanhu vake kwakaratidzirwawo nomuapostora Petro. Akataura kuti zviitiko zvinoshamisa zvakaitika paPentekosta ya33 C.E. zvaiva kuzadzika kwouporofita hwaJoere pamusoro pokudururwa kwomudzimu waMwari. Petro akaratidza kuti izvi zvaifanira kuitika “zuva guru raShe rinobwinya” risati rasvika. (Mabasa 2:16-21; Joere 2:28-32) Makanga muri muna 70 C.E. umo Jehovha akazadzika Shoko rake kupfurikidza nokuparira kuti mauto eRoma aite rutongeso rwaMwari parudzi rwacho rwakaramba Mwanakomana wake.—Dhanieri 9:24-27; Johane 19:15.
12. (a) Pauro naPetro vakatii pamusoro pokuuya kwe“zuva ra[Jehovha, NW]”? (b) Nei chimwe chinhu chaifanira kuitika zvechokwadi sechaimirirwa nebasa raEria?
12 Asi pane zvakawanda zvaifanira kuitika pashure pa70 C.E. Muapostora Pauro akabatanidza “zuva raShe” raiuya nokuvapo kwaJesu Kristu. Uyezve, muapostora Petro akataura nezvezuva iroro maererano ne“denga idzva nenyika itsva” zvakanga zvichiri mberi. (2 VaTesaronika 2:1, 2; 2 Petro 3:10-13) Yeuka kuti Johane Mubhabhatidzi akaita basa rakafanana neraEria “zuva raShe” risati rauya muna 70 C.E. Izvi zvose zvabatanidzwa zvakaratidzira kuti chimwe chinhu chokuwedzera chaizoitika sezvaimirirwa nebasa rakanga raitwa naEria. Chii ichocho?
Vane Mudzimu waEria
13, 14. (a) Ndokupi kufanana kuripo pakati pemibato yaEria neiyo yevaKristu vakazodzwa vomuzuva ranhasi? (b) Vakaramba kutenda vechiKristudhomu vakaitei?
13 Basa raEria harina kungova rakafanana nemibato yaJohane Mubhabhatidzi bedzi asiwo rakafanana neriya ravaKristu vakazodzwa munhambo ino yakaoma inotungamirira kukuuya kwe“zuva raShe.” (2 Timotio 3:1-5) Nomudzimu waEria nesimba, vatsigiri vakasimba vokunamata kwechokwadi. Uye izvi zvinodikanwa zvikuru! Pashure porufu rwavaapostora vaKristu, pakanga pane kuramba kutenda kubva muchiKristu chechokwadi, kunyange sezvo kunamata Bhaari kwaiva kwakazara muna Israeri womuzuva raEria. (2 Petro 2:1) Vaizviti vaKristu vakavamba kusanganisa chiKristu nedzidziso dzenhema dzorudzidziso nemiitiro. Somuenzaniso, vakagamuchira dzidziso yechihedheni uye isiri yomuMagwaro yokuti munhu ane mweya usingafi. (Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Vakaramba kutenda vechiKristudhomu vakarega kushandisa zita raMwari mumwe wechokwadi, Jehovha. Panzvimbo pezvo, vari kunamata Utatu. Vakagamuchirawo muitiro wakafanana nowaBhaari wokupfugamira zvifananidzo zvaJesu namai vake, Maria. (VaRoma 1:23; 1 Johane 5:21) Asi hazvisi izvozvo chete.
14 Kubva muzana ramakore rechi19 zvichienda mberi, vatungamiriri vemachechi echiKristudhomu vakavamba kutaura kusava nechokwadi kwavo nemativi akawanda eBhaibheri. Somuenzaniso, vakaramba nhoroondo yaGenesi yechisiko ndokurumbidza dzidziso yemhindumupindu, vachiiti “ndeyesayenzi.” Izvi zvakapesana zvakananga nedzidziso dzaJesu Kristu navaapostora vake. (Mateo 19:4, 5; 1 VaKorinte 15:47) Kufanana naJesu navateveri vake vapakuvamba, zvisinei, vaKristu vakazodzwa nomudzimu nhasi vanotsigira nhoroondo yeBhaibheri yechisiko.—Genesi 1:27.
15, 16. Mukusiyana nechiKristudhomu, ndivanaani vakafarikanya migove yenguva dzose yezvokudya zvomudzimu, uye nemitooi?
15 Sezvo nyika yakapinda “nguva yokupedzisira,” nzara yomudzimu yakabata chiKristudhomu. (Dhanieri 12:4; Amosi 8:11, 12) Asi boka duku ravaKristu vakazodzwa rakafarikanya migove yenguva dzose yezvokudya zvomudzimu zvakapiwa naMwari “nenguva yakafanira,” sezvo Jehovha akaona kuti Eria apiwa zvokudya mukati menzara yezuva rake. (Mateo 24:45; 1 Madzimambo 17:6, 13-16) Vaichimbozivikanwa seVadzidzi veBhaibheri Vomunyika Yose, ava vabatiri vakatendeka vaMwari gare gare vakagamuchira zita romuMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10.
16 Eria akararama mukuwirirana nezita rake, rinoreva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.” Semagazini inotenderwa yevabatiri vaJehovha vapasi, Nharireyomurindi nguva dzose yakashandisa zita raMwari. Kutaura idi, chinyorwa chayo chechipiri (August 1879) chakataura nechivimbo kuti magazini yacho yakanga ichitsigirwa naJehovha. Magazini iyi nezvimwe zvinyorwa zveWatch Tower Society zvinofumura dzidziso dzisiri dzomuMagwaro dzechiKristudhomu neBhabhironi Guru rose, umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema, nepo zvichitsigira kuva rechokwadi kweShoko raMwari, Bhaibheri.—2 Timotio 3:16, 17; Zvakazarurwa 18:1-5.
Kutendeka Mumuedzo
17, 18. Jezebheri akaita sei pakaurawa vaporofita vaBhaari, asi Eria akabetserwa sei?
17 Kuita kwevafundisi kukufumurwa kwakanga kwakafanana nokuya kwaJezebheri paakaziva kuti Eria akanga auraya vaporofita vaBhaari. Akatumira shoko kumuporofita akatendeka waJehovha, achipikira kuti aizoita kuti aurawe. Uku kwakanga kusiri kungotyisidzirawo zvako, nokuti Jezebheri akanga atoponda vaporofita vaMwari vakawanda. Achitya, Eria akatizira kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweBheeri-Sheba. Achisiya murindiri wake ikoko, akaenda nechokure, murenje, achinyengetera kuti afe. Asi Jehovha akanga asina kusiya muporofita wake. Ngirozi yakaoneka kuna Eria kuti imugadzirire rwendo rwurefu rwokuenda kuGomo reHorebhi. Nokudaro akagamuchira chokurarama nacho nokuda kworwendo rwamazuva 40 rwemakiromita anopfuura 300. PaHorebhi, Mwari akataura naye pashure pokuratidzirwa kunotyisa kwesimba mumhepo huru, kudengenyeka kwapasi, uye moto. Jehovha akanga asiri muzviratidzo izvi. Zvakanga zviri zviratidzo zvomudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinobata basa. Ipapo Jehovha akataura nomuporofita wake. Fungidzira kuti ichi chiitiko chakasimbisa Eria sei. (1 Madzimambo 19:1-12) Zvakadini kana isu, kufanana naEria, tikava vanotya patinotyisidzirwa nevavengi vokunamata kwechokwadi? Chiitiko chake chinofanira kutibetsera kuziva kuti Jehovha haasiyi vanhu vake.—1 Samueri 12:22.
18 Mwari akajekesa kuti Eria akanga achine basa rokuita somuporofita. Uyezve, kunyange zvazvo Eria aifunga kuti ndiye oga akanga ari munamati waMwari wechokwadi muna Israeri, Jehovha akamuratidza kuti vane 7 000 vakanga vasina kupfugamira Bhaari. Ipapo Mwari akadzorera Eria kumugove wake. (1 Madzimambo 19:13-18) Kufanana naEria, tingarondwa navavengi vokunamata kwechokwadi. Tingava vanhu vanotambudzwa zvakakomba, sezvakafanotaurwa naJesu. (Johane 15:17-20) Padzimwe nguva, tingava vanotya. Zvisinei, tinogona kuva saEria, uyo akagamuchira vimbiso dzaMwari uye ipapo akatsungirira nokutendeka mubasa raJehovha.
19. Chii chakaitika kuvaKristu vakazodzwa mukati menhambo yeHondo yeNyika I?
19 Nemhaka yekutambudzwa zvakakomba mukati meHondo yeNyika I, vamwe vaKristu vakazodzwa vakatera kukutya uye vakarega kuparidza. Vakakanganisa kufunga kuti basa ravo pasi pano rakanga raguma. Asi Mwari haana kuvasiya. Panzvimbo pezvo, akavatsigira nomutsa, kunyange sezvaakagovera zvokudya zvaEria. Kufanana naEria, vakazodzwa vakatendeka vakabvuma kururamiswa naMwari ndokutanga kushandazve. Meso avo akavhurirwa ropafadzo yakaisvonaka yokuparidza shoko roUmambo.
20. Nhasi, iropafadzoi inopiwa avo vakatendeka saEria?
20 Muuporofita hwake pamusoro pokuvapo kwake, Jesu akaonesa basa renyika yose raizopedzwa mugumo wetsika ino yezvinhu yakaipa usati wasvika. (Mateo 24:14) Nhasi, basa iri riri kuitwa navaKristu vakazodzwa uye mamiriyoni eshamwari dzavo ayo anokarira upenyu muparadhiso yapasi. Kuita basa rokuparidza Umambo kusvikira rapedzwa iropafadzo inopiwa avo bedzi vakatendeka saEria.
Iva Akatendeka saEria
21, 22. (a) VaKristu vakazodzwa vari kutungamirira basai nhasi? (b) Basa rokuparidza riri kuitwa nebetseroi, uye nei ichidikanwa?
21 Neshingairo yakafanana neyaEria, vakasarira vashoma vevaKristu vakazodzwa vechokwadi vakaita basa ravo rokutarisira fariro dzapasi dzaMambo akagadzwa, Jesu Kristu. (Mateo 24:47) Uye kwamakore anopfuura 60 zvino, Mwari ave achishandisa ava vakazodzwa kufambisira mberi basa rokuita vadzidzi vavanhu vaakapa tariro yakaisvonaka youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi. (Mateo 28:19, 20) Aya mamiriyoni anogona kufara zvikuru sei kuti vakazodzwa vashomanene vasara vari kutarisira nokushingaira uye nokutendeka mabasa avo!
22 Basa iri rokuparidza Umambo rave richiitwa navanhu vasina kukwana uye musimba bedzi iro Jehovha anopa vanotsamira paari nomunyengetero. “Eria wakanga ari munhu wakaita sesu,” akadaro mudzidzi Jakobho paakataura muenzaniso womuporofita wacho wokunyengetera kuti aratidze simba romunyengetero womunhu akarurama. (Jakobho 5:16-18) Eria akanga asingaporofiti nguva dzose kana kuti kuita zvishamiso. Aiva nemirangariro mimwe cheteyo yavanhu uye utera zvatinazvo, asi akabatira Mwari nokutendeka. Sezvo isuwo tine betsero yaMwari uye achitisimbisa, tinogona kuva vakatendeka saEria.
23. Nei tine chikonzero chakanaka chokutendeka nokuva netariro?
23 Tine chikonzero chakanaka chokutendeka nokuva netariro. Yeuka kuti Johane Mubhabhatidzi akaita basa rakafanana neraEria “zuva raJehovha” risati rasvika muna 70 C.E. Nomudzimu waEria nesimba, vaKristu vakazodzwa vakaita basa rakafanana ravakapiwa naMwari mupasi rose. Izvi zvinobvumikisa zvakajeka kuti “zuva raJehovha” rava pedyo.
Ungapindura Sei?
◻ Kuti Jehovha ndiMwari kwakabvumikiswa sei paGomo reKarmeri?
◻ Ndiani akanga ari ‘Eria aizouya,’ uye akaitei?
◻ VaKristu vakazodzwa vomuzuva ranhasi vakaratidza sei kuti vane mudzimu waEria?
◻ Nei zvichibvira kuti tive vakatendeka saEria?
[Bhokisi riri papeji 15]
Eria Akaenda Kudenga Ripi?
“ZVINO vakati vachifamba [Eria naErisha], vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.”—2 Madzimambo 2:11.
Chii chinorehwa neshoko rokuti “denga” munhau ino? Shoko racho pane dzimwe nguva rinoreva nzvimbo yomudzimu yokugara yaMwari nevanakomana vake vari ngirozi. (Mateo 6:9; 18:10) “Denga” ringarevawo chisiko chose chapasi. (Dheuteronomio 4:19) Uye Bhaibheri rinoshandisa shoko iri kunongedzera kunzvimbo yomumhepo nechapamusoro papasi, uko shiri dzinobhururuka uye mhepo dzinovhuvhuta.—Pisarema 78:26; Mateo 6:26.
Muporofita Eria akakwira kune ripi ramatenga aya? Sezviri pachena, akatamiswa nomuchadenga ndokuendeswa kudivi rakasiyana renyika. Eria akanga achiri pasi pano makore akawanda gare gare, nokuti akanyora tsamba kuna Mambo Jehorami waJudha. (2 Makoronike 21:1, 12-15) Kuti Eria haana kukwira kunzvimbo yokugara yomudzimu yaJehovha Mwari kwakasimbiswa gare gare naJesu Kristu, uyo akazivisa kuti: “Hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu,” ndiko kuti Jesu pachake. (Johane 3:13) Nzira yokuupenyu hwokudenga yakatanga kuzarurirwa vanhu vasina kukwana pashure porufu, rumuko, uye kukwira kudenga kwaJesu Kristu.—Johane 14:2, 3; VaHebheru 9:24; 10:19, 20.