Mwoyo Wangu Unopfachukira Nokuonga
YAKATAURWA NAJOHN WYNN
Ndairamba kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha kazhinji sei! Ndainyepera kunzwa mudumbu kana kuti musoro—chinhu chipi nechipi kuti ndidzivise kuenda. Asi kushinga kwamai vangu nguva dzose kwaiita kuti zvirwere zvakadaro zvipere nokukurumidza, uye ndaizviwana ndava kufamba navo makiromita matatu kuenda kuHoro yoUmambo, ndichiteerera sezvavaitaura Shoko raMwari neimwe shamwari yakura.
IZVI zvakandidzidzisa chidzidzo chinokosha: Vabereki havambofaniri kurega kuva vakasimba, nenzira yorudo, nokuda kwezvakanaka mumeso aMwari. (Zvirevo 29:15, 17) Havambofaniri kukanganwa murayiro waMwari ‘wokusarega kuungana kwedu pamwe chete.’ (VaHebheru 10:25) Sezvandinotarira zvakaitika muupenyu hwangu, ndinofara sei kuti mai vangu vakaita kuti ndiite zvakandinakira zvikuru!
Ndinoonga Mienzaniso Yakaisvonaka
Kunyange zvazvo baba vangu vakanga vasingatendi, vakanga vachishivirira zvitendero zvamai pavakava Mudzidzi weBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Muna 1913 vakaenda kunonzwa hurukuro yaiti “Seri Kweguva,” yakapiwa naCharles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society. Zvisinei, vakanonoka kusvika, uye zvigaro zvose zvakanga zvagarwa. Naizvozvo vakakumbirwa kuti vagare navamwe vakanga vanonoka kuuya pedyo nechikuva, pedyo chaipo naPastor Russell. Hurukuro iyoyo yakavafadza zvikuru. Yakabudiswa zuva rakatevera racho mupepanhau romunzvimbomo, uye vakachengeta kopi yaro ndokuiverenga vaiverengazve.
Pashure pomusangano, Mai vakaendesa kapepa kaiva nezita ravo, uye nokukurumidza vakaonwa neMudzidzi weBhaibheri. Pashure penguva yakati, vakavamba kuendesa maturakiti paimba neimba mutaundi rokumusha kwedu reGloucester, England. Kubva panguva iyo hanzvadzi dzangu mbiri neni takanga tichiri vaduku zvikuru, takagoverana namai mubasa rokuparidza.
Apo Harry Francis, Mudzidzi weBhaibheri aishingaira, akatamira kuGloucester, Mai vakamugamuchira nomufaro. Nokukurumidza, akandifarira somunhu oga, uye kurudziro yake yakanga iri chinhu chikuru mukuva kwangu piyona gare gare, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara. Muenzaniso waHama Francis wakandidzidzisa chidzidzo chinokosha: Vanhu vakuru nguva dzose vanofanira kutsvaka nzira dzokukurudzira nadzo vaduku.
Apo mai vangu vakava Mudzidzi weBhaibheri, vamwe vaiva muGloucester vakaita zvimwe chetezvo. Zvisinei, vamwe vakuru vaiva muungano vakavamba kunyanyozvikoshesa, uye mitezo yeboka—sokudanwa kwaiitwa ungano panguva iyoyo—yakavamba kutevera vanhu. Pane mumwe musangano, vamwe vakaramba vachikwenya Mai vangu kumusana, vachivakurudzira kusimudza ruoko rwavo kuti vatsigire vakuru vakati. Asi Mai vaiziva kuti vakanga vasiri kugadza muenzaniso wakanaka, uye vakaramba kutyisidzirwa. Panguva iyoyo, mukupera kwama1920, vakawanda vakarega uye havana kuzofamba munzira yechokwadi. (2 Petro 2:2) Bva, Mai havana kumbotsauka pakutsigira sangano nenzira yokuvimbika, nokudaro vachindigadzira muenzaniso wakaisvonaka.
Kutsigira Kwangu Chokwadi
Pakupedzisira, muna June 1939, pandakanga ndine makore 18 okukura, ndakabhabhatidzwa muRwizi rwaSevern. Gore iroro ndakagadzwa somutarisiri wegudzanzwi. Mumazuva iwayo taishandisa muchina mukuru une mashoko akarekodwa uyo wakazivisa munzvimbo dzavose shoko rokuti “Rudzidziso Musungo uye Nyengedzo.” Simbiso panguva iyoyo yakanga iri pakufumura unhavatava nedzidziso dzenhema dzechiKristudhomu.
Pane imwe nguva ndakanga ndiri mberi kweboka raiva rakaita mudungwe rakanga rakatakura mucheka waiva wakanyorwa kune rumwe rutivi kuti “Rudzidziso Rwenhema Musungo uye Nyengedzo” uye kune rumwe “Batira Mwari naKristu Mambo.” Shure kwaiva nebhiza duku raitevera rakanga rine machira akanyorwa kumativi ose omusana waro aishambadzira hurukuro yavose. Mudungwe iwoyo unofanira kuva wakava chiono chinoshamisa muguta rorudzidziso zvikuru reGloucester!
Pasinei zvapo nekuoma kwezvemari pamusha, Mai vakandikurudzira kuva piyona. Nokudaro, muna September 1939, pakutanga kweHondo yeNyika II, ndakasvika pamugove wangu woupiyona wokutanga muLeamington, taundi duku muWarwickshire. Taundi racho raiva musha wavafundisi vakapedza basa vakawanda.
Taishandisa giramufomu raiva risingaremi mubasa redu rapaimba neimba, tichiridza hurukuro dzaJoseph F. Rutherford, akanga ari purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo. Pane rumwe rutivi, muchina wedu une mashoko akarekodwa (uyo waigona kushandiswa nokuda kwavateereri vakawanda) wairema zvikuru, uye takautakura nepurema, kana kuti chokutakura mwana. Pane dzimwe nguva vafundisi, vatsamwiswa namashoko aifumura rudzidziso rwenhema, vaitidzinga panzvimbo dzavo. Asi hatina kuodzwa mwoyo. Jehovha akakomborera basa redu, uye nhasi ungano ine Zvapupu zvinopfuura zana inogona kuwanwa muLeamington.
Muna 1941, sezvo Hondo Yenyika II yakapfuurira, ndakatamira kuWales, kwandakapayona ndiri mumataundi eHaverfordwest, Carmarthen, uye Wrexham. Somushumiri wenguva yakazara, ndakasunungurwa pabasa rehondo, asi vanhu havana kunzwisisa chimiro chedu chokusatora rutivi. Nokudaro, wandaishanda naye neni takanzi taiva vasori kana kuti vatsigiri vomuvengi. Humwe usiku, mapurisa akapoteredza imba yedu. Wandaishanda naye, uyo akanga achangodzoka kubasa rake rokufoshora marasha, akadongorera kuti aone kuti ndiani akanga aripo. Chiso chake chakanga chakafukidzwa neguruva ramarasha, uye kumapurisa akaratidzika sokuti akanga agadzirira kurwisa. Taifanira kutsanangura mamiriro acho ezvinhu!
Takakomborerwa zvikuru mumigove yedu. Pane imwe nguva, patakanga tiri muCarmarthen, John Barr aibva kuhofisi yebazu muLondon (zvino ava mutezo woMutumbi Unodzora) akatishanyira nenzira inokurudzira. Panguva yacho, makanga muchingova navaparidzi vashomanene bedzi muCarmarthen; pari zvino, mava nevanopfuura zana. Wrexham panguva ino ine ungano nhatu, uye munguva pfupi yapfuura ndakava neropafadzo yokutsaurira Horo yoUmambo yakaisvonaka muHaverfordwest.—1 VaKorinte 3:6.
Ndinoonga Ushumiri Hwangu
Patakanga tiri muSwansea, South Wales, wandaishanda naye, Don Rendell, akanzi aende kuhondo. Akaiswa mujeri pasinei zvapo nokutsanangura kuti akanga asingagoni kuenda kuhondo nenzira yokutungamirirwa nehana kunorwa navaKristu biyake vari mune dzimwe nyika. (Isaya 2:2-4; Johane 13:34, 35) Kuti ndimukurudzire, pamwe chete nokupupurira kuvavakidzani, ndakaisa muchina une mashoko akarekodwa pedyo ndokuridza hurukuro dzeBhaibheri.
Zvisinei, vakadzi vomunzvimbomo havana kuzvida uye vakaunganidza mari yokuti varipire varwi kuti varove shamwari yangu neni. Takatiza, tichimhanya sezvataigona—ndakanga ndichisundawo purema yakanga ine muchina wokudhinda—ndichitsvaka dziviriro yeHoro yoUmambo. Asi patakasvikapo, yakanga yakakiyiwa! Kupindira panguva yakakodzera kwamapurisa bedzi ndiko kwakatiponesa pakurohwa kwakakomba.
Chiitiko chacho sezviri pachena chakava chinozivikanwa. Pandakanga ndichiparidza munyika iri pedyo neSwansea gare gare, mumwe murume akandiudza kuti: “ChiKristu ndicho chamunotsigira, kufanana nejaya raiva muSwansea rakazivisa noushingi zvaraidavira uye raifanira kumhanyira kwakachengeteka.” Akashamiswa sei kuziva kuti ndini ndakanga ndiri jaya iroro!
Kupayona kwakanga kusiri nyore mumazuva iwayo ehondo. Takanga tisina zvinhu zvokunyama zvakawanda, asi zvatakanga tinazvo, taionga uye taifarikanya. Nguva dzose taigamuchira mugove wenguva dzose wezvokudya zvomudzimu, uye hatina kumbopotsa musangano, kunze kwepatakanga tichirwara. Ndakatenga bhasikoro rakare, uye takaita kuti mabhasikiti mahombe aiswe pamusoro paro kuti titakure giramufomu pamwe chete nemabhuku eBhaibheri. Pane dzimwe nguva ndaifamba makiromita 80 pazuva nebhasikoro! Ndakapayona kwamamwe makore manomwe uye ndinoyeuka nomufaro mazuva iwayo.
Muna 1946, pashure pokunge Hondo yeNyika II yaguma, ndakakokwa kuzoshanda paBheteri, sokudanwa kunoitwa nzvimbo dzeZvapupu zvaJehovha munyika dzadzo dzakasiyana-siyana. Bheteri yedu panguva iyoyo yakanga iri pa34 Craven Terrace, pakabatana neLondon Tabernacle. Ndakafarikanya songanirano navakura ikoko, vakadai saAlice Hart, ana baba vake Tom Hart, vanofungidzirwa kuva Chapupu chokutanga muEngland.
Kuwana Shamwari Yakatendeka
Muna 1956, ndakabva paBheteri kuti ndiroore Etty, mumwe piyona andakanga ndazivana naye paakauya achibva kuNetherlands achizoshanyira mukoma wake aigara muLondon panguva iyoyo. Nechokunopera kwehondo, Etty aidzidzisa kutaipa uye shorthand pakoreji yezvebhizimisi yaiva muTilburg, kumaodzanyemba kweNetherlands. Rimwe zuva mumwe mudzidzisi akakarakadza kuti vachovhe vose vachienda kumba kuti ave nechokwadi chokuti anosvika zvakakotsekana. Akanga ari muRoma Katurike. Paakasvika, pakava nekurukurirano navabereki vaEtty vaiva vaPurotesitendi. Ushamwari hwakatangwa, uye mudzidzisi wacho akava muenzi wenguva nenguva kumba kwavo.
Nokukurumidza pashure pehondo, uyu mudzidzisi akauya kumba kwaEtty, achidanidzira kuti, “Ndawana chokwadi!”
“Ndaifunga kuti wakati wakanga une chokwadi pawakanga uri muRoma Katurike!” baba vaEtty vakapindura kudaro.
“Aiwa!” akapindura achifara. “Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvine chokwadi!”
Manheru iwayo nemamwe akawanda akatevera akapedzerwa mukurukurirano yakakomba yeBhaibheri. Nokukurumidza pashure pacho Etty akava piyona. Muushumiri hwake akasanganawo nechishoro chakakasharara, chakabva muNetherlands kuChechi yeRoma Katurike. Vana, vachikurudzirwa navaprista, vaidzongonyedza kurukurirano dzake paakanga achienda paimba neimba, uye pane imwe nhambo vakavhuna bhasikoro rake. Akaendesa bhasikoro rake kumunhu anogadzira uyo akanga ambogamuchira bhukwana kubva kwaari. “Tarirai zvaitwa navana!” akadaro achichema.
“Zvino, usarega,” munhu wacho akapindura nenzira yomutsa. “Uri kuita basa rakaisvonaka. Ndichakugadzirira bhasikoro rako pachena.” Uye akadaro.
Etty akawana kuti vaprista vakanga vasina hanya nemapoka avo kusvikira atanga kufunda Bhaibheri navo. Ipapo vaprista namanani vaiuya ndokusekesa kutenda kwavanhu muzvose zviri zviviri Bhaibheri naJehovha. Pasinei zvapo naizvozvi, akafarikanya fundo dzeBhaibheri dzakawanda dzinobereka zvibereko.
Kuonga Upenyu Hwedu Pamwe Chete
Pashure pomuchato wedu, Etty neni takagoverwa basa rokufambira muEngland, uye kwaanoda kusvika makore mashanu, takashanyira ungano kuti tidzisimbise mumudzimu. Ipapo ndakagamuchira kokero yokupinda kirasi yechi36 yeGilead, yaiitirwa padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Kosi yemwedzi gumi, yakapedzwa muna November 1961, yakagadzirirwa zvikurukuru kurovedza varume kubata basa mumahofisi emapazu eZvapupu zvaJehovha. Pandakanga ndisipo, Etty akasara muEngland paBheteri yokuLondon. Pandakapedza, takagoverwa ikoko pamwe chete.
Kwamakore 16 akatevera, ndakashanda kubato rebasa, ndichibata nhau dzaiva nechokuita nemibato yeungano. Ipapo, muna 1978, apo mutariri weMusha weBheteri, Pryce Hughes, akafa, ndakagadzwa panzvimbo yake. Kutarisira garikano yemitezo yemhuri yedu yeBheteri yaikura—tava nevanopfuura 260 mumhuri yedu zvino—wave uri mugove unounza mubayiro mukati memakore aya akawanda.
Muna 1971 mai vangu vanodiwa vakafa vava namakore 85. Etty neni takadzokera kuGloucester kumariro, uko imwe hama yakaonesa zvakanaka tariro yokudenga yaiva naMai. (VaFiripi 3:14) Ndinofara nokuda kwokutarisira kworudo uko hanzvadzi dzangu, Doris naGrace, dzakagovera Mai muzera ravo roukweguru, nokudaro zvichigonesa Etty neni kupfuurira muushumiri hwenguva yakazara.
Etty neni tinowanzofunga nezvevabereki vedu nenzira yavakatirera nayo munzira yorudo, yakasimba kudaro. Tine chikwereti chikuru zvikuru kwavari! Mai vangu zvikurukuru vakagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwangu nehanzvadzi dzangu, vakavaka kuonga Jehovha nesangano rake matiri.
Zvirokwazvo, mwoyo yedu inopfachukira nomufaro sezvatinorangarira zuva rimwe nerimwe rebasa kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha. NdiMwari akaisvonaka, ane rudo zvakadini! Wezvamapisarema womuBhaibheri akataura mifungo yedu paakanyora kuti: “Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.”—Pisarema 145:1, 2.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Ndine mudzimai wangu, Etty