Mushumo Wavazivisi voUmambo
Akawana “Parera Rimwe Rine Mutengo Mukuru”
“USHE hwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” Naaya mashoko, Jesu akaenzanisira ukoshi hwakakura hwoUmambo hwaMwari. (Mateo 13:45, 46) Avo vanoziva ukoshi hwoUmambo kazhinji kazhinji vanoita zvibayiro zvikuru zvomunhu oga kuitira kuti vahuwane. Izvozvi zvinoratidzirwa nechiitiko chinotevera chokuPingtung County, Taiwan.
Muna 1991, Baba naMai Lin vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Apo mumwe mufundisi womunzvimbomo akazviziva, akaedza kuvaita kuti vakumbanire chechi yake. Sezvo vanaLin vakanga vane bhizimisi rokutengesa ropa renguruve neremadhadha pamusika womunzvimbomo, vakasarudza kubvunza murangariro womufundisi pamusoro penhau yacho. “Chinhu chose chakaitwa naMwari chinogona kushanda sechokudya chomunhu,” akapindura kudaro. Zvapupu zvacho, pane rumwe rutivi, zvakavakurudzira kurangarira zvinotaurwa neShoko raMwari. Vakadzidza kuti Jehovha Mwari anorangarira ropa serinoyera, nokuti “upenyu hwechisikwa iropa.” (Revhitiko 17:10, 11, The New English Bible) Naizvozvo vaKristu vechokwadi vanofanira ku“reg[a] . . . ropa.” (Mabasa 15:20) Somugumisiro wokunzvera Magwaro panhau iyi, vanaLin vakasarudza kurega kutengesa ropa, kunyange zvazvo akanga ari manyuko makuru emari yavo. Mukati menguva pfupi, zvisinei, vakatarisana noumwezve muedzo mukuru zvikuru.
Vasati vadzidza chokwadi, vanaLin vakanga vadyara miti 1 300 yebetel nut mumusha mavo. Kunyange zvazvo zvaizotora makore mashanu kuti miti yacho iunze mari, yangotanga chete kubereka, vanaLin vaigona kukarira kuita mari inenge $877 000 pagore. Sezvo nguva yokukohwa kwokutanga yakasvika, vanaLin vaifanira kuita chisarudzo chinokosha. Vakanga vadzidza kupfurikidza nefundo yavo yeBhaibheri kuti vaKristu vanofanira kuzvichenesa ‘patsvina dzose dzenyama nedzomweya,’ kupfurikidza nokudzivisa kushandiswa, kana kuti kutsigirwa, kwemiitiro isina kuchena yakadai sokusvuta fodya, kushandisa zvisina kunaka mirimo, uye kutsenga betel nut. (2 VaKorinte 7:1) Vaizoitei?
Vachidzvinyirirwa nehana yainetseka, VaLin vakasarudza kurega fundo yavo. Munguvayi, Amai Lin vakatengesa betel nut kubva pane mimwe miti yavo yekare ndokuita mhindu yemari inopfuura $34 200. Iyi yakanga iri kariro chete yezvaizokurumidza kuuya kana vakachengeta miti yavo. Zvisinei, hana yaVaLin yakapfuurira kuvanetsa.
Vakatambura nenhau yacho kutozosvikira, rimwe zuva vakumbira Zvapupu zvomunzvimbomo kuti zvivatemere miti yavo yebetel. Zvapupu zvacho zvakatsanangura kuti vakanga vachifanira kuita chisarudzo chavo; naizvozvo, vaifanira ku‘takura mutoro wavo’ ndokutema miti yacho pachavo. (VaGaratia 6:4, 5) Vakavakurudzira kuyeuka chipikirwa chiri pana 1 VaKorinte 10:13, chinoti: “Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” Zvapupu zvacho zvakarangarirawo navo, zvichiti: “Kana tikakutemerai miti yenyu, mungazozvidemba ndokutipomera nokurasikirwa kwenyu.” Nguva pfupi gare gare, Amai Lin vakamuka vachinzwa kucheka kwesaha. Murume wavo navana vakanga vachitema miti yebetel!
VaLin vakawana kuti Jehovha ndewechokwadi kuchipikirwa Chake. Vakawana basa rakavasiya vane hana yakachena, richivagonesa kuva murumbidzi waJehovha. Vakabhabhatidzwa pagungano redunhu reZvapupu zvaJehovha muna April 1996.
Hungu, VaLin chaizvoizvo vaka“tengesa zvose zva[v]akanga [v]anazvo” ndokutenga “parera rimwe rine mutengo mukuru.” Zvino vane ropafadzo isingaenzaniswi yokuva noukama hwomunhu oga naJehovha Mwari uye kubatira fariro Dzake dzoUmambo.