‘Vanorarama Maererano Nokurovedzwa Kwavo Kworudzidziso’
MUMWE mukadzi wokuMiami, Florida, U.S.A., akatumira tsamba inotevera kupepanhau romunzvimbomo: “Pana Dec. 10 chikwama chomwanakomana wangu chakabiwa pamusika wembatya tsaru. Chakanga chine rezenisi rake rokuchaira, kadhi reInishuwarenzi, nezvimwewo, pamwe chete ne$2 600.
“Pashure pokushuma kurasikirwa kwacho kuna maneja, akauya kumba. Mumanheru akagamuchira runhare kubva kumukadzi aitaura chiSpanish uyo, nomushandisi [worunhare] aiita somuturikiri, akamuudza kuti akanga awana chikwama chake.
“Akamupa kero yake. . . . Akamupa chikwama chacho, chakanga chakazara, kubatanidza $2 600.
“Akanga aona mbavha yacho ichiba chikwama chake ndokudanidzira. Mbavha yacho yakadonhedza chikwama chacho ndokumhanya. Panguva iyoyo akanga asingachagoni kuona mwanakomana wangu, naizvozvo akaenda nechikwama chacho kumba ndokuridza runhare.
“Iye nemhuri yake Zvapupu zvaJehovha. Sezvinobvira vanorarama maererano nokurovedzwa kwavo kworudzidziso.”
Zvapupu zvaJehovha hazviratidziri kuvimbika kuti zviwane rumbidzo kubva kuvanhu. (VaEfeso 6:7) Panzvimbo pezvo, zvinoshuva zvapachokwadi kuunza rumbidzo kuna Baba vazvo vokudenga, Jehovha. (1 VaKorinte 10:31) Kuda kwazvo Mwari nomuvakidzani kunozvisunda kuzivisa “mashoko akanaka” pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) Kupfurikidza noUmambo hwacho, Mwari anovimbisa kushandura pasi kuva paradhiso yakaisvonaka. Ipapo pasi richava nzvimbo kwete bedzi yorunako rwunooneka asiwo yokuisvonaka kwetsika apo kuvimbika kuchatekeshera nokusingaperi.—VaHebheru 13:18; 2 Petro 3:13.