‘Ndichapotera Muna Mwari’
MUIDZI “nguva dzokutambudzika,” miedzo nedzvinyiriro zviri kuramba zvichiwedzera. Kutendeseka kwedu, somuenzaniso, kungaedzwa pabasa. Rucheno rwedu rungaedzwa nevatinopinda navo chikoro. Uye perero yedu kazhinji kazhinji inoedzwa nenyika yakashata mutsika.—2 Timotio 3:1-5.
Munyori weBhaibheri Asafi akararamawo panguva apo uipi hwakanga hwakapararira. Vamwe vevakararama panguva yake vakatoganza pamusoro pemufambiro wavo usiri woumwari. “Kuzvikudza kwavo kwakafanana neruketani pamitsipa yavo,” akanyora kudaro Asafi. “Kumanikidza kunovafukidza senguo. Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; vanotaura vachizvikudza.” (Pisarema 73:6, 8) Ichi chimiro chendangariro chinoratidzika kuva chakarovedzeka here?
Nokuda kwaavo vanoshuva kuita zvakarurama, mufambiro wakadaro unotambudza zvikuru, kunyange kuodza mwoyo. “Ndakatambudzwa zuva rose,” Asafi akachema kudaro. “Zvakandiremera kwazvo.” (Pisarema 73:14, 16) Unganzwa nenzira yakafanana, asi usaora mwoyo! Asafi akakwanisa kugonana neuipi hwezuva rake, uye unogona kuita nenzira yakafanana. Asi sei?
Asafi akasvika pakuziva kuti ruramisiro yechokwadi inodokuva isingabviri kuwana mukutonga kusina kukwana kwemunhu. (Pisarema 146:3, 4; Zvirevo 17:23) Naizvozvo panzvimbo pekupambadza nguva yake inokosha, simba, uye pfuma achiedza kubvisa uipi hwose hwakanga hwakamupoteredza, akaisa ngwariro paukama hwake naMwari. Asafi akazivisa kuti: “Kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu.”—Pisarema 73:28.
Nhasi, avo vanoita miitiro yebhizimisi yakashata kazhinji kazhinji vanofarikanya betsero dzezvokunyama. Vakawanda vangatoganza nokuzvidza kwavo mitemo yaMwari yetsika. Asi havasati vachizobudirira nokusingaperi. “Zvirokwazvo munovaisa panotedza,” akadaro Asafi. “Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.”—Pisarema 73:18.
Hungu, munguva yaMwari yakafanira, unyengeri, masimba masimba, uye ushati, pamwe chete nemiitiro yose isiri youmwari iyo Vakristu vechokwadi vanofanira kudzivisa, zvichaparadzwa. Bhaibheri rinopikira kuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa, asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:9) Munguvayi, ngatidzokorerei mashoko ewezvemapisarema uyo akati: “Jehovha idombo rangu nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye.”—Pisarema 18:2.