Zvokudya Zvakawanda Zvenyika Zvinovimbiswa—Nemutooi?
“NHAMBURIKO dzedu dzakanakisisa dzingasakwana kuchengeta zvokudya zvakawanda zvatakaziva kwenguva yakawanda zvikurusa yezana rino remakore,” anotaura kudaro Lester Brown, purezidhendi weWorldwatch Institute muWashington, D.C. Maererano nemagazini yeNew Scientist, pakutanga kwa1995, matura ezvokudya zvenyika akaderera kupfuura nakare kose kusvika kumatani 255 miriyoni—anokwana kudyisa nyika kwemazuva 48 bedzi. Mumakore akapfuura apo matura akadzika kusvika pasi pezvokudya zvemazuva 60, mugove wacho wakakwanisa kudzokerazve. Asi zvino Worldwatch haina chokwadi chekukwanisa kwepasi kuwanazve kurasikirwa kwaro.
Pashure pemakore matatu ekukohwa kwakashata uye nyika dzakawanda dzichiri kubudirira dzichishandisa zviyo nokuda kwezvokudya zvezvipfuwo, kune zviyo zvishoma zvinowanika nokuda kwevarombo vanozvida sezvokudya zvikuru. New Scientist inonyevera kuti kana mamiriro ezvinhu akasatarisirwa nokukurumidza, vanhu vane bhiriyoni imwe vanoshandisa inenge 70 muzana yemari yavo pazvokudya vangavamba kuziya nenzara.
Bhaibheri rakafanotaura kuti vagari vepasi munguva yedu vaizotambura ne“nzara.” (Ruka 21:11) Bva Mwari haasi asingaitiri hanya chinetso chacho. Zvirokwazvo, kuitira hanya kwake mamiriro ezvinhu akaipa emunhu pakupedzisira kucharatidzwa apo Umambo hwake hunodzora zvinhu zvepasi. Panguva iyoyo “pasi pa[cha]bereka zvibereko zvapo.” “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; zvibereko zvazvo zvichawunga seRebhanoni.” (Pisarema 67:6; 72:16) Ipapo aya mashoko euporofita pamusoro peMusiki achazadzikwa: “Munoshanyira pasi, munopadiridza . . . Mipatawo yakafukidzwa nezviyo.”—Pisarema 65:9, 13.
Chipikirwa ichocho chinoshamisa chinokufadza here? Ungada kuziva kuti unogona sei kuva rutivi rwacho here? Ipapo kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikuudze zvakawanda pamusoro peiyi Paradhiso yakapikirwa nguva inotevera yazvinouya pasuo rako. Kana ungada kuti mumwe munhu ashanye pamusha wako kuti akuitise fundo yeBhaibheri yepachena, tapota nyorera kuWatch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Harare, kana kuti kukero yakafanira iri papeji 2.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Inset: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.