Shinga Sezvo Kununurwa Kunoswedera Pedyo
“Ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” —JEREMIA 1:19.
1, 2. Nei mhuri yomunhu ichida kununurwa?
KUNUNURWA! Ishoko rinonyaradza zvakadini! Kununurwa kunoreva kuponeswa, kusunungurwa mumamiriro ezvinhu akashata, asingafadzi. Ikoku kunobatanidza mufungo wokupinzwa mumumiriro wezvinhu uri nani zvikuru, unofadza zvikuru.
2 Mhuri yomunhu inoda zvikuru sei kununurwa kwakadaro panguva ino! Vanhu kwose kwose vanoremedzwa uye vanoodzwa mwoyo nezvinetso zvakaoma—zvemari, zvenzanga, zvemuviri, zvendangariro, uye zvemirangariro. Vazhinji zvikuru havagutswi uye vakaora mwoyo nenzira iyo nyika iri kufamba nayo uye vangada chinjo nokuda kwezviri nani.—Isaya 60:2; Mateo 9:36.
“Nguva Dzokutambudzika”
3, 4. Nei kune kudikanwa kukuru zvikuru kwokununurwa zvino?
3 Sezvo zana rino ramakore rechi20 ratambura zvikuru kupfuura rimwe ripi neripi, rine kudikanwa kukuru zvikuru kwokununurwa zvino kupfuura nakare kose. Nhasi, vanhu vanosanopfuura bhiriyoni vanorarama muurombo hunotyisa, uye nhamba iyoyo inowedzera neanenge mamiriyoni 25 gore negore. Gore rimwe nerimwe vana vanenge mamiriyoni 13 vanofa nemhaka yekushaya zvokudya zvinovaka muviri kana kuti zvimwe zvisakiso zvakabatanidzwa nourombo—vanopfuura 35 000 pazuva! Uye mamiriyoni evanhu vakwegura anokurumidza kufa nehosha dzakasiyana-siyana.—Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:8.
4 Hondo nenyongano dzevanhu vemo zvakasakisa kutambura kusingatauriki. Bhuku rinonzi Death by Government rinotaura kuti hondo, gakava redzinza nererudzidziso, uye kupondwa kwavazhinji kunoitwa nehurumende kwevagari vemo vadzo dzimene zvaka“uraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 203 muzana rino ramakore.” Rinotizve: “Vakafa vangagona kufungidzirwa kuva vanodokusvika mamiriyoni 360. Kwakaita sokunge kuti rudzi rwedu rwaparadzwa neBlack Plague yazvino uno. Uye zvirokwazvo rwakadaro, asi dambudziko reSimba, kwete utachiona.” Munyori Richard Harwood akati: “Hondo dzoutsinye dzemazana emakore akapfuura dzaive kurwa kusina maturo mukuenzaniswa.”—Mateo 24:6, 7; Zvakazarurwa 6:4.
5, 6. Chii chinoita kuti nguva yedu ive inorwadza kwazvo?
5 Zvinowedzera kumamiriro ezvinhu anotambudza emakore mashomanene apfuura iwedzero huru muutsotsi hwemasimba masimba, unzenza, uye kuputsika kwemhuri. Aichimbova Munyori wezveDzidzo weUnited States William Bennett akataura kuti mumakore 30 vagari veUnited States vakawedzera ne41 muzana, asi utsotsi hwamasimba masimba hwakawedzera ne560 muzana, kubereka kusiri pamutemo 400 muzana, kurambana 300 muzana, uye mwero wokuzviuraya kwevechiduku 200 muzana. Mumwe Purofesa weYunivhesiti yePrinceton John DiIulio, Jr., akanyevera nezvemapoka anowedzera e“zvikara zvine unyanzvi” zviduku, izvo zvino“ponda, zvinodenha, zvinobata chibharo, zvinoba, zvinopwanya dzimba uye zvinoparira nyongano dzemunzanga dzakakomba. Hazvityi kurwadza kwokusungwa, marwadzo ekuiswa mutorongo, kana kuti kutambudza kwehana.” Munyika iyoyo, kupondwa zvino ndiko chisakiso chikuru chechipiri cherufu pakati paavo vane makore 15 kusvikira ku19 ezera. Uye vana vazhinji vari pasi pezera ramakore mana vanofa nekubatwa zvisina kufanira kupfuura nehosha.
6 Utsotsi hwakadaro nemasimba masimba hazvina kuganhurirwa kunyika imwe. Nyika zhinjisa dzinoshuma miitiro yakafanana. Chinoparira ikoku ndiko kuwedzera kwokushandiswa kwemirimo inodhaka isiri pamutemo iyo inoshatsa mamiriyoni. Sydney Morning Herald yeAustralia yakati: “Kutengesa mirimo inodhaka kwemunyika dzakawanda kwazova bhizimisi rinobudirira zvikurusa rechipiri renyika pashure pekutengeswa kwezvombo.” Chimwe chinhu masimba masimba neunzenza izvo zvino zvinozadza terevhezheni. Munyika zhinji, panguva iyo mwana anosvika zera ramakore 18, aona makumi ezviuru ezviito zvamasimba masimba muTV nezvisingaverengeki zvounzenza. Iyoyo ipesvedzero inokosha inoshatsa, sezvo unhu hwedu huchiumbwa nezvatinodyisa ndangariro dzedu nguva dzose.—VaRoma 12:2; VaEfeso 5:3, 4.
7. Uporofita hweBhaibheri hwakafanotaura sei mamiriro ezvinhu aripo akashata?
7 Uporofita hweBhaibheri hwakafanotaura nenzira yakarurama uku kuitika kunotyisa kwezviitiko muzana redu ramakore. Hwakataura kuti kwaizova nehondo dzepasi rose, mirakatira yehosha, kuperevedza kwezvokudya, uye kuwedzera kwokusateerera mitemo. (Mateo 24:7-12; Ruka 21:10, 11) Uye apo tinorangarira uporofita hwakanyorwa pana 2 Timotio 3:1-5, kwakaita sokuteerera mishumo yenhau yezuva nezuva. Hunozivisa nhambo yedu se“mazuva okupedzisira” uye hunorondedzera vanhu se‘vanozvida vamene, vanoda mari, vasingateereri vabereki, vasina kuvimbika, vasina chidakadaka chomuzvarirwo, vasingazvidzori, vanotyisa, vanodada, vanoda mifarwa kupfuura kuda Mwari.’ Izvozvo ndizvo chaizvoizvo izvo nyika yakaita nhasi. Sokubvuma kwakaita William Bennett: “Kune zviratidzo zvakawanda chaizvo . . . zvekuora kweshambidziko.” Kwakambotaurwa kuti shambidziko yakaguma nehondo yenyika yokutanga.
8. Nei Mwari akaunza Mafashamo muzuva raNoa, uye izvozvi zvakafanana sei nezuva redu?
8 Mumiriro wezvinhu zvino wakatoipa zvikuru apo Mafashamo emuzuva raNoa akanga asati aitika, apo “pasi rakanga rakazadzwa nemasimba masimba, [NW].” Shure panguva iyoyo, vanhu vose zvavo vakaramba kupfidza nzira dzavo dzakashata. Nokudaro, Mwari akati: “Vakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndichavauraya pamwe chete nenyika.” Boporodzi rakagumisa nyika iyoyo yemasimba masimba.—Genesi 6:11, 13; 7:17-24.
Hakuna Kununurwa Navanhu
9, 10. Nei tisingafaniri kutarira kuvanhu kuti vagovere kununurwa?
9 Kuedza kwomunhu kunogona kutinunura mumamiriro ezvinhu iwaya akashata here? Shoko raMwari rinopindura kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” “Munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Pisarema 146:3; Jeremia 10:23) Zviuru zvamakore zvenhau zvakasimbisa zvokwadi idzodzo. Vanhu vakaedza muitiro uri wose unofungidzirika wezvematongerwe enyika, wemari, uye wemunzanga, asi mamiriro ezvinhu anoipa zvikuru. Kudai kwakanga kwave kune mhinduro yomunhu, ingadai yava pachena kusvikira panguva ino. Panzvimbo pezvo, chokwadi ndechekuti “munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9; Zvirevo 29:2; Jeremia 17:5, 6.
10 Makore mashomanene apfuura, aichimbova mupi wezano wechengeteko yenyika weUnited States Zbigniew Brzezinski akati: “Mhedziso isingadzivisiki yekunzverwa kupi nokupi kusina kwakwakarerekera yemiitiro yapasi ndeyekuti nyongano yemunzanga, kusagadzikana kwezvematongerwe enyika, nhamo dzemari, uye kupesana kwenyika dzakawanda sezvingabvira zvichava zvakapararira zvikuru.” Akawedzera kuti: “Tyisidziro iri kutarisana nerudzi rwomunhu [i]nyonga nyonga yepasi rose.” Kufungidzirwa ikoko kwemamiriro ezvinhu enyika kunotoshanda zvikuru nhasi. Ichitsinhira pamusoro peino nhambo yemasimba masimba akawedzerwa, imwe nyaya yemupepeti wepepanhau muNew Haven, Connecticut, Register yakazivisa kuti: “Tinoratidzika kuva tisingakwanisi kuudzora.” Aiwa, hakusati kuchizova nekumiswa kwekushata kwenyika ino, nokuti uporofita pamusoro peano “mazuva okupedzisira” hwakatiwo: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:13.
11. Nei mamiriro ezvinhu anoipa zvikurusa asati achizochinjwa nenhamburiko dzavanhu?
11 Vanhu havagoni kuchinja iyi miitiro nemhaka yokuti Satani ndiye “mwari wenyika ino.” (2 VaKorinte 4:4) Hungu, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19; onawo Johane 14:30.) Nenzira yakarurama Bhaibheri rinoti nezvezuva redu: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Satani anoziva kuti kutonga kwake nenyika yake zvodokuguma, naizvozvo akafanana ne“shumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.”—1 Petro 5:8.
Kununurwa Kwava Pedyo—Nokuda Kwavanaani?
12. Kununurwa kwoswedera pedyo nokuda kwavanaani?
12 Mamiriro ezvinhu anooma nenzira inowedzera pasi pano ufakazi hunoshamisa hwokuti chinjo huru—zvirokwazvo, kununurwa kukuru—kwava pedyo zvikuru! Nokuda kwavanaani? Kununurwa kuri kuswedera pedyo nokuda kwaavo vanoteerera zviratidzo zvinonyevera uye avo vanoita chiito chakakodzera. Johane Wokutanga 2:17 inoratidza chinofanira kuitwa: “Nyika [tsika yaSatani yezvinhu] inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—Onawo 2 Petro 3:10-13.
13, 14. Jesu akasimbisa sei kudikanwa kwokuramba takamuka?
13 Jesu akafanotaura kuti nzanga yakashata yanhasi ichakurumidza kuparadzwa munguva yekutambudzika “kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.” (Mateo 24:21) Ndicho chikonzero nei akanyevera kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa.”—Ruka 21:34-36.
14 Avo vano“chenjera” ndoku“rinda” vachatsvaka kuda kwaMwari ndokukuita. (Zvirevo 2:1-5; VaRoma 12:2) Ivava ndivo vacha“[gona] kupukunyuka” ruparadziko ruchakurumidza kuunzwa patsika yaSatani. Uye vanogona kuva nechivimbo chakakwana chokuti vachanunurwa.—Pisarema 34:15; Zvirevo 10:28-30.
Mununuri Mukuru
15, 16. Ndiani ari Mununuri mukuru, uye nei tine chokwadi chokuti marutongeso ake achava akarurama?
15 Kuti vabatiri vaMwari vanunurwe, Satani netsika yake yose yezvinhu yemunyika yose vanofanira kubviswa. Ikoku kunoda manyuko okununurwa ane simba zvikuru kupfuura vanhu. Manyuko iwayo ndiJehovha Mwari, Changamire Mukurusa, Musiki mukurusa wechisiko chose chinotyisa. Ndiye Mununuri mukuru: “Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.”—Isaya 43:11; Zvirevo 18:10.
16 Muna Jehovha mune mwero mukurusa wesimba, uchenjeri, ruramisiro, uye rudo. (Pisarema 147:5; Zvirevo 2:6; Isaya 61:8; 1 Johane 4:8) Naizvozvo apo anoita marutongeso ake, tinogona kuva nechokwadi chokuti zviito zvake zvichava zvakarurama. Abrahama akabvunza kuti: “Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” (Genesi 18:24-33) Pauro akakuwa kuti: “Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva!” (VaRoma 9:14) Johane akanyora kuti: “Hon’o, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama.”—Zvakazarurwa 16:7.
17. Vabatiri vaJehovha munguva dzakapfuura vakaratidzira sei chivimbo muzvipikirwa zvake?
17 Apo Jehovha anopikira kununurwa, pasina kukundikana achakuita. Joshua akati: “Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha . . . chakakona.” (Joshua 21:45) Soromoni akati: “Hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona.” (1 Madzimambo 8:56) Muapostora Pauro akataura kuti Abrahama “haana kunyunyuta nokusatenda, . . . achiziva kwazvo, kuti icho [Mwari] chaakapikira, wakanga ane simba rokuchiitawo.” Sara nenzira yakafanana “wakati iye [Mwari] wakamupikira wakatendeka.”—VaRoma 4:20, 21; VaHebheru 11:11.
18. Nei vabatiri vaJehovha nhasi vachigona kuva nechivimbo chokuti vachanunurwa?
18 Kusafanana navanhu, Jehovha akavimbika chose chose, akatendeka kushoko rake. “Jehovha wehondo wakapika, achiti: Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.” (Isaya 14:24) Naizvozvo apo Bhaibheri rinotaura kuti “Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurohwa kusvikira pazuva rokutongwa,” tinogona kuva nechivimbo chakazara chokuti ikoku kuchaitika. (2 Petro 2:9) Kunyange apo vanotyisidzirwa noruparadziko rwunoitwa navavengi vane simba, vabatiri vaJehovha vanoshinga nemhaka yechimiro chake chendangariro, chinoratidzirwa muchipikirwa chake kune mumwe wevaporofita vake: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 1:19; Pisarema 33:18, 19; Tito 1:2.
Kununurwa Munguva Dzakapfuura
19. Jehovha akanunura sei Roti, nefananoi yenguva yedu?
19 Tinogona kukurudzirwa zvikuru kwazvo nokurondedzera mamwe amabasa aJehovha okuponesa akapfuura. Somuenzaniso, Roti aka“fa neshungu” nemhaka yeuipi hweSodhoma neGomora. Asi Jehovha akacherekedza “kudanidzira” mukurwisana nemaguta iwayo. Panguva yakarurama, akatuma nhume kunokurudzira Roti nemhuri yake kubuda munharaunda iyoyo kamwe kamwe. Mugumisiro wacho? Jehovha “akanunura Roti wakanga akarurama,” “akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota.” (2 Petro 2:6-8; Genesi 18:20, 21) Nhasiwo, Jehovha anocherekedza kudanidzira kwenyunyuto pamusoro peuipi hwenyika ino hwakakomba. Apo nhume dzake dzomuzuva razvino uno dzinenge dzapedza basa radzo rinokosha rokupupura kusvikira kutambanuko yaanoda, achaita chiito mukurwisana nenyika ino ndokununura vabatiri vake sezvaakaita Roti.—Mateo 24:14.
20. Rondedzera kununura kwaJehovha Israeri wakare muEgipita.
20 MuEgipita yakare mamiriyoni avanhu vaMwari akanga akaiswa muuranda. Jehovha akati pamusoro pawo: “Ndikanzwa kudanidzira kwavo . . . Ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire.” (Eksodho 3:7, 8) Zvisinei, pashure pokurega vanhu vaMwari vachienda, Farao akachinja ndangariro yake ndokuvatevera neuto rake guru. VaIsraeri vairatidzika sevaiswa parumananzombe paGungwa Dzvuku. Bva Mosesi akati: “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi.” (Eksodho 14:8-14) Jehovha akakamura Gungwa Dzvuku, uye vaIsraeri vakapukunyuka. Mauto aFarao akavatevera, asi Jehovha akashandisa simba rake zvokuti “gungwa r[a]kavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.” Pashure pezvo, Mosesi akafara murwiyo kuna Jehovha: “Ndianiko wakafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?”—Eksodho 15:4-12, 19.
21. Vabatiri vaJehovha vakaponeswa sei pana Amoni, Moabhi, uye Seiri?
21 Pane chimwe chiitiko, marudzi aivenga eAmoni, Moabhi, uye Seiri (Edhomi) akatyisidzira vanhu vaJehovha noruparadziko. Jehovha akati: “Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava [vavengi] vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. . . . Imi hamungafaniri henyu kurwapo . . . murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha.” Jehovha akanunura vanhu vake kupfurikidza nokunyonganisa mapoka omuvengi zvokuti vakaurayana.—2 Makoronike 20:15-23.
22. Kununurwai kunoshamisa paAsiria uko Jehovha akagovera nokuda kwaIsraeri?
22 Apo Simba Renyika reAsiria rakarwisa Jerusarema, Mambo Sanheribhi akashora Jehovha kupfurikidza nokutaurira vanhu vaiva parusvingo kuti: “Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi [dzandakakunda] vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusarema paruoko rwangu?” Kuvabatiri vaMwari akati: “Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti: Jehovha uchatirwira.” Ipapo Hezekia akanyengetera zvakasimba kuna Jehovha nokuda kwokununurwa, “kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.” Jehovha akaparadza varwi veAsiria 185 000, uye vabatiri vaMwari vakanunurwa. Gare gare, sezvo Sanheribhi ainamata mwari wake wenhema, vanakomana vake vakamuponda.—Isaya, ganhuro 36 ne37.
23. Mibvunzoi inoda kupindura pamusoro pokununurwa nhasi?
23 Zvirokwazvo tinogona kushinga apo tinoona nzira iyo Jehovha munguva dzakapfuura akanunura nayo vanhu vake zvinoshamisa. Zvakadini nanhasi? Vabatiri vake vakatendeka vachakurumidza kupinda mumamiriroi ezvinhu ane ngozi ayo achada kununura kwake kunoshamisa? Nei amira kutozosvikira zvino kuti avanunure? Kuzadzikwai kuchavapo kwemashoko aJesu okuti: “Kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera”? (Ruka 21:28) Uye kununurwa kuchauya sei nokuda kwevabatiri vaMwari vakatofa? Nyaya inotevera ichanzvera mibvunzo iyoyi.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Nei kune kudikanwa kukuru kwokununurwa?
◻ Nei tisingafaniri kutarira kuvanhu nokuda kwokununurwa?
◻ Kununurwa kwava pedyo nokuda kwavanaani?
◻ Nei tichigona kuva nechivimbo chokununura kwaJehovha?
◻ Mienzanisoi yokununurwa kwomunguva yakapfuura inokurudzira?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Abrahama akanga ari pakati paavo vakanga vane chivimbo chakazara muna Jehovha