Nei Idzi Nguva Dzakaipa Kwazvo?
APO unogara pasi kuti urave pepanhau kana kuti kuti utarire nhau dzomuTV kana kuti kuti uteerere nhau dzomunhepfenyuro, unokarira dzimwe nhau dzakaipa, haudaro here? Zvimwe hausi kushamiswa kuziva kuti hondo inopfuurira ichiri kurwiwa, kuti utsotsi hwamasimba masimba huchiri hwakapararira, kana kuti kuti nzara ichiri kuparadza simba renyika iri kubudirira.
Kana uchigara chinhambwe chakati neizvi zviitiko, zvimwe nguva dzose haunzwi uchinyanyotambudzwa nemishumo yakadaro. Pashure pezvose, ndiani anogona kutsunga kunzwira tsitsi vanhu vose ivavo vanotambura? Kunyange zvakadaro, kwakaoma zvikuru kuramba tisingatapurwi apo tinotarisana zvakananga nenzira iyo kutambura kunotapura nayo vanhu vamwe navamwe. Namamwe mashoko, nepo chiri chimwe chinhu kurava pamusoro pehondo ndokurangarira nhamba dzavakafa, ndechimwe chinhu zvikuru kurava pamusoro paAdnan muduku, mukomana ane makore mapfumbamwe okukura wokuBosnia ana mai vakaurawa apo bhomba rakaparadza musha wavo. Baba vaAdnan vakapfurwa ndokufa nomupfuri wapachivande mwedzi mishoma chete gare gare sezvavaifamba mumugwagwa pamwe chete. Hanzvadzi yake yakabuda ropa kusvikira yafa achiona mavhiki mashomanene gare gare, nyajambwa webhomba rakaputikira muchivanze chechikoro. Vanachiremba vakarapa Adnan kuvadziko vakawana kuti mukomana wacho akanga asingatapuriki, asina mirangariro yose—kunyange kuda kuziva. Kutya nokurangarira zvomushure zvakatambudza maawa ake okusarara; zviroto zvakaipa zvakamubira hope dzake kuti azorore. Adnan haasi wokufungidzira. Iye mwana ari kutambura; hatigoni kurega kumunzwira tsitsi.
Ndozvakwakaitawo nedzimwe hosha dzomunyika. Ndechimwe chinhu kurava pamusoro penzara; ndechimwe chinhu zvikuru kuona mufananidzo womusikana ane makore mashanu okukura ane dumbu guru nemakumbo nemaoko matete, nyajambwa ari kungoraramawo zvake wokuziya nenzara. Ndechimwe chinhu kurava nezvenhamba dzoutsotsi; ndechimwe chinhu zvikuru kunzwa nezvechirikadzi yakwegura yanga ichirohwa noutsinye, kupambwa, uye kubatwa chibharo. Ndechimwe chinhu kurava nezvokuderera kwemhuri; ndechimwe chinhu zvikuru kuziva kuti namaune mai vakaziyisa nenzara uye kukuvadza zvinotyisa vana vavo vamene.
Zvinorwadza kurava pamusoro pezvinhu zvakadaro. Asi zvakaipa zvikuru kwazvo sei apo rimwe raaya matambudziko omunyika rinotitambudza zvakananga! Apo iwe somunhu oga unotambura uipi, mamiriro ezvinhu omunyika anoratidzirwa nenhau dzenyika anogona kuva anotyisa. Zvinotyisa kutarisana neidi rokuti kutambura noutsotsi, hondo, nzara, uye hosha kuri kuwedzera pamwero usingaenzaniswi munhau yavanhu. Tapuro dzokubata nezvinhu chaizvoizvo zvezana rino ramakore rechi20 dzinogona kuva dzakakura zvirokwazvo—kukangaidzika, kutya, uye kuora mwoyo zvinozivikanwa navose.
Vanhu vamarudzidziso akawanda vari kutsvaka mhinduro kumibvunzo inonetsa yakadai seyokuti, Nei zvinhu zvakaipa kwazvo? Rudzi rwomunhu rwuri kunangepi?
Nenzira inosuruvarisa, marudzidziso nhasi haawanzogovera mhinduro dzinogutsa. Pawatanga kuona mubvunzo pabutiro remagazini ino, ungava wapanikira—chiito chinonzwisisika. Marudzidziso evanoomerera pane zvapakuvamba kazhinji kazhinji anoedza kutsanangura zvomuBhaibheri zvarisitongorina—zuva neawa zvimene zvokuparadzwa kwenyika ino. (Ona Mateo 24:36.) Vabudisi vemagazini ino vanoda kuita kuti Bhaibheri rizvitsanangure rimene. Ungashamiswa kuziva kuti kukurukurwa kweBhaibheri kwemazuva okupedzisira ndokwechokwadi uye kune mufungo. Uye Bhaibheri rinoita zvakawanda kupfuura kutsanangura kuti nei zvinhu zvakaipa kwazvo. Rinogoverawo tariro yenguva yemberi, iyo inonyaradza zvirokwazvo. Tinokukumbira kuti urangarire nyaya dzinotevera kuti uone kuti kwakadaro sei.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Jobard/Sipa Press