Mamiriyoni Ari Kuenda—Uri Kuenda Here?
Kuenda kupi? Kukuchengetwa kwegore negore kwerufu rwaJesu Kristu. Muna 1996 hwerengedzo yemunyika yose yevanosvika 12 921 933 vakapinda.
Nei vanhu vachienda? Nemhaka yeicho rufu rwaJesu rwunoreva nokuda kwerudzi rwomunhu. Rwunoreva rusununguko kubva muchirwere, kutambura, uye rufu. Kunyange vadiwa vakafa vachamutsirwa kuupenyu papasi richadzorerwa kuParadhiso.
Rufu rwaJesu Kristu rwunogona sei kuunza zvikomborero zvakadaro? Unokokwa kuti ucherechedze. Zvapupu zvaJehovha zvinokugamuchira kuti usangane nazvo mukati meichi chiitiko chinokosha.
Pinda paHoro yoUmambo iri pedyosa nemusha wako. Gore rino musi wacho iSvondo, March 23, pashure pekudoka kwezuva. Nzvera neZvapupu zvaJehovha zvomunzvimbomo nokuda kwenguva yacho chaiyoiyo.