RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 pp. 17-22
  • Nzwisiso Ngaikutavirire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Ngaikutavirire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudikanwa Chaiko Kwenzwisiso
  • Zvakadiniko Nemari Inoshandiswa Kuwana Chimuko?
  • Apo Gadziriro Dzemabhizimisi Dzinobhuroka
  • Zvakadini Kana Pane Kukorovhera?
  • Nzwisiso Nokuita Zvisarudzo
  • Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Unogona Kusakurira Kunzwisisa Kukuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Bhizimisi Rako Richakuparira Kurasikirwa Nei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 pp. 17-22

Nzwisiso Ngaikutavirire

“Kungwara kuchakurindira, [nzwisiso ichakuchengeta, NW].”—ZVIREVO 2:11.

1. Nzwisiso inogona kutitavirira pachii?

JEHOVHA anoda kuti ushandise nzwisiso. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti anoziva kuti ichakutavirira pangozi dzakasiyana-siyana. Zvirevo 2:10-19 inovamba nokuti: “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, [nzwisiso ichakuchengeta, NW].” Kukutavirira pachii? Pazvinhu zvakadai se“nzira yezvakaipa,” avo vanosiya nzira dzakarurama, uye vanhu vanonyengetera mumufambiro wavo wose.

2. Nzwisiso chii, uye rudzii urwo vaKristu vanoshuva zvikuru?

2 Sezvingabvira uchayeuka kuti nzwisiso mano endangariro ayo inosiyanisa nawo chimwe chinhu nechimwe. Munhu ane nzwisiso anonzwisisa misiyano yepfungwa kana kuti yezvinhu uye ane chisarudzo chakanaka. SavaKristu, tinoshuva zvikuru nzwisiso yomudzimu yakavakirwa pazivo yakarurama yeShoko raMwari. Apo tinofunda Magwaro, kwakaita sokunge kuti tiri kuchera mabhuroko okuvakisa enzwisiso yomudzimu. Zvatinodzidza zvinogona kutibetsera kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha.

3. Tinogona sei kuwana nzwisiso yomudzimu?

3 Apo Mwari akabvunza Mambo waIsraeri Soromoni chikomborero chaaida, mutongi muduku akati: “Ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa.” Soromoni akakumbira nzwisiso, uye Jehovha akamupa iyo kusvikira kumwero usiri wenguva dzose. (1 Madzimambo 3:9; 4:30) Kuti tiwane nzwisiso, tinofanira kunyengetera, uye tinofanira kufunda Shoko raMwari nebetsero yezvinyorwa zvinojekesa zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Ikoku kuchatibetsera kutanga nzwisiso yomudzimu kusvikira kuukuru hwokuti tinova “vakuru [zvakazara] mumasimba okunzwisisa,” tichikwanisa “kusiyanisa [kana kuti, kunzwisisa] zvose zviri zviviri zvakarurama nezvakaipa.”—1 VaKorinte 14:20; VaHebheru 5:14, NW.

Kudikanwa Chaiko Kwenzwisiso

4. Kuva neziso “rakanaka” kunorevei, uye rinogona sei kutibetsera?

4 Tine nzwisiso yakafanira, tinogona kuita mutsinhirano namashoko aJesu Kristu okuti: “Tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama [kwaMwari]; izvozvi zvose [zvokunyama] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Jesu akatiwo: “Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.” (Ruka 11:34) Ziso mwenje wokufananidzira. Ziso “rakanaka” nderapachokwadi, rakanangidzirwa. Tine ziso rakadaro, tinogona kuratidza nzwisiso ndokufamba tisingagumburwi mumudzimu.

5. Pamusoro pezvinhu zvemabhizimisi, chii chatinofanira kuyeuka pamusoro pedonzo reungano yechiKristu?

5 Panzvimbo pokuchengeta ziso ravo rakanaka, vamwe vakaomesa upenyu hwavo uye upenyu hwavamwe nemabhizimisi anonyengera. Asi tinofanira kuyeuka kuti ungano yechiKristu i“mbiru nechitsigiro chezvokwadi.” (1 Timotio 3:15) Semakoramu ezvivako, ungano inotsigira chokwadi chaMwari, kwete bhizimisi romunhu upi noupi. Ungano dzeZvapupu zvaJehovha hadzina kutangwa senzvimbo dzokutsigira fariro dzezvokutengeserana, dzezvinhu, kana kuti mabasa. Tinofanira kurega kuronda mabhizimisi omunhu oga muHoro yoUmambo. Nzwisiso inotibetsera kuona kuti Horo dzoUmambo, Fundo dzeBhuku dzeUngano, magungano, uye kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha inzvimbo dzokusonganirana kwechiKristu nekurukurirano yomudzimu. Kana tikashandisa ukama hwomudzimu kutsigira rudzi rwupi norwupi rwezvokutengeserana, ikoku hakungaratidzi kushayikwa kwakati kwokuonga zvinokosha zvomudzimu here? Vazivikanwi vomuungano havatongofaniri kushandiswa nokuda kwokuwanwa kwemari.

6. Nei zvinhu zvokutengeserana uye mabasa zvisingafaniri kutengeswa kana kuti kutsigirwa pamisangano yeungano?

6 Vamwe vakashandisa vazivikanwi voubati ushe hwaMwari kuti vatengese mishonga youtano kana kuti yorunako, zvine mavhitamini, runhare, zvokuvakisa, rongedzero dzezvokufambisa, mapurogiramu ekombiyuta nezvinoshandiswa, uye zvichingunodaro. Zvisinei, misangano yeungano haisi nzvimbo yokutengesa kana kuti kutsigira zvinhu zvokutengesa kana kuti betsero. Tinogona kunzwisisa nheyo huru kana tikayeuka kuti Jesu “akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.”—Johane 2:15, 16.

Zvakadiniko Nemari Inoshandiswa Kuwana Chimuko?

7. Nei nzwisiso nokungwarira zvichidikanwa pamusoro pemari inoshandiswa kuwana chimuko?

7 Zvose zviri zviviri nzwisiso nokungwarira zvinodikanwa pakurangarira mari inoshandiswa kuwana chimuko mubhizimisi. Ngatitii mumwe munhu anoda kukukwereta mari ndokuita vimbiso dzakafanana neidzi: “Ndinovimbisa kuti uchaita mari.” “Haugoni kukundikana. Iyoyi chinhu chechokwadi.” Unongwarira apo munhu upi noupi anopa vimbiso dzakadaro. Haasi kuva wapachokwadi kana kuti zvimwe haana kutendeseka, nokuti kushandisa mari kuwana chimuko hakuwanzova chinhu chechokwadi. Kutaura idi, vamwe vanhu vanobata kumeso, vanonyengera vakarozva mitezo yeungano. Ikoku kunoyeuchidza “vasingadi Mwari” vakaverevedza muungano yomuzana rokutanga ramakore ndoku‘shandura mutsa usakafanirwa waMwari kuva pembedzo yokusazvibata.’ Vakanga vakafanana nemabwe akapinza ari pasi pemvura aigona kubvarura ndokuuraya vashambiri. (Judhasi 4, 12) Chokwadi, vavariro dzevanyengedzi dzakasiyana, asi ivowo vanoita vananyajambwa mitezo yeungano.

8. Chii chakaitika pamusoro pegadziriro dzemabhizimisi dzairatidzika kuva dzine chimuko?

8 Kunyange vaKristu vane vavariro dzakanaka vakagoverana mashoko pamusoro pamabasa anoratidzika kuva ane chimuko, vachizongowana bedzi kuti ivo neavo vanotevera muenzaniso wavo vakarasikirwa nemari yavakashandisa kuwana chimuko. Somugumisiro, vaKristu vakati vakarasikirwa neropafadzo muungano. Apo gadziriro dzokukurumidza kupfuma dzinobvumikisa kuva zvirongwa zvokukorovhera, munhu bedzi anowana chimuko munyengedzi, uyo kazhinji kazhinji anonyangarika nokukurumidza. Nzwisiso inogona sei kubetsera munhu kudzivisa mamiriro ezvinhu akadaro?

9. Nei nzwisiso ichidikanwa kuyera kutaura pamusoro pokushandisa mari kuwana chimuko?

9 Nzwisiso ine mufungo wokukwanisa kunzwisisa zvisina kujeka. Aya mano anodikanwa kuyera kutaura pamusoro pemari inoshandiswa kuwana chimuko. VaKristu vanovimbana, uye vamwe vangarangarira kuti hama dzavo nehanzvadzi dzomudzimu dzingabatanidzwa mugadziriro dzingaisa pangozi zvinhu zvavatendi biyavo. Asi idi rokuti muzvinabhizimisi muKristu harivimbisi kuti iye anoita zvakanaka muzvinhu zvebhizimisi kana kuti bhizimisi rake richabudirira.

10. Nei vamwe vaKristu vachitsvaka zvikwereti zvemabhizimisi kuvatendi biyavo, uye chii chingagona kuitika kumari yakadaro inoshandiswa kuwana chimuko?

10 Vamwe vaKristu vanotsvaka zvikwereti zvebhizimisi kuvatendi biyavo nemhaka yokuti masangano ane mukurumbira wokukweretesa haatongokweretesi mari nokuda kwemabhizimisi avo ane ngozi. Vakawanda vakanyengedzwa kuti vadavire kuti kupfurikidza chete nokushandisa mari yavo inoshandiswa kuti vawane chimuko, vaigona kuita mari nokukurumidza pasina kuita basa rakawanda kana kuti zvichida vasina kutongoita basa. Vamwe vanokwezva nokushandisa mari kuti vawane chimuko nemhaka yokufara kunobatanidzwa nako, vachizongorasikirwa bedzi nemari yavo youpenyu hwose! Mumwe muKristu akashandisa mari inoshandiswa yakawanda kuti awane chimuko, achikarira kuwana chimuko che25 muzana mumavhiki maviri chete. Akarasikirwa nemari yose iyoyo apo kubhuroka kwakaziviswa. Mune imwe gadziriro, anotenga nzvimbo ndokuvakapo zvivako zvokutengesa akakwereta mari dzakawanda kuvamwe muungano. Akavimbisa zvimuko zvakakwirira zvisina mufungo asi akabhuroka ndokurasikirwa nemari dzakakweretwa.

Apo Gadziriro Dzemabhizimisi Dzinobhuroka

11. Izanoi iro Pauro akapa pamusoro pemakaro nokuda mari?

11 Kubhuroka kwemabhizimisi kwakatungamirira kukuodzwa mwoyo uye kunyange kukurasikirwa noumudzimu kwavamwe vaKristu vakapinda mugadziriro dzisina kunaka. Nhamo nokukasharara zvakabva mukukundikana kuita kuti nzwisiso iite sechitaviriro. Makaro akabata vakawanda. “Asi . . . kuchiva, nga[ku]rege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene,” akanyora kudaro Pauro. (VaEfeso 5:3) Uye akanyevera kuti: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10.

12. Kana vaKristu vachiita bhizimisi nomumwe nomumwe, vanofanira kuyeukei zvikuru?

12 Kana muKristu akatanga kuda mari, angazviparira amene kuvadziko huru yomudzimu. VaFarise vakanga vari vadi vemari, uye iri ivara ravakawanda mumazuva ano okupedzisira. (Ruka 16:14; 2 Timotio 3:1, 2) Mukupesana, muraramiro womuKristu unofanira kuva woku“sakarira mari.” (VaHebheru 13:5) Chokwadika, vaKristu vanogona kuita bhizimisi nomumwe nomumwe kana kuti kutanga mabhizimisi pamwe chete. Kana vakaita kudaro, zvisinei, kurukurirano nekutaurirana zvinofanira kuchengetwa zvakaparadzana nezvinhu zveungano. Uye yeuka: Kunyange pakati pehama dzomudzimu, nguva dzose nyorai zvibvumirano zvebhizimisi. Inobetsera muna ikoku inyaya inoti “Put It in Writing!,” yakabudiswa muMukai! yechiNgezi yaFebruary 8, 1983, mapeji 13 kusvikira ku15.

13. Ungashandisa sei Zvirevo 22:7 kugadziriro dzemabhizimisi?

13 Zvirevo 22:7 inotiudza kuti: “Unotora chikwereti muranda wowakamupa chikwereti.” Kazhinji kazhinji hakusi kuchenjera kuti tizviise timene kana kuti hama yedu munzvimbo yomuranda akadaro. Apo munhu upi noupi anotikumbira kumukweretesa mari nokuda kwegadziriro yebhizimisi, kungava kune mufungo kurangarira kukwanisa kwake kudzorera chitsama chacho. Anozivikanwa kuva akavimbika uye akatendeseka here? Chokwadika, tinofanira kuziva kuti kuita chikwereti chakadaro kungagona kureva kurasikirwa nemari yacho nemhaka yokuti gadziriro dzakawanda dzemabhizimisi dzinokundikana. Chibvumirano machiri chimene hachivimbisi gadziriro inobudirira. Uye zvirokwazvo hakusi kungwara kuti munhu upi noupi aise yakawanda mungozi mugadziriro inopfuura yaanogona kutsunga kurasikirwa nayo.

14. Nei tichifanira kuratidza nzwisiso kana takweretesa mari kumuKristu biyedu ane bhizimisi rinokundikana?

14 Tinofanira kuratidza nzwisiso kana takakweretesa mari kumuKristu nokuda kwemadonzo ebhizimisi uye mari yacho arasikirwa nayo, kunyange zvazvo pasina miitiro yokutendeseka yakabatanidzwa. Kana kubhuroka kwebhizimisi kwakanga kusiri mhaka yomutendi biyedu akakumbira mari yacho, tinogona here kutaura kuti takakanganisirwa? Aiwa, nemhaka yokuti takakweretesa nokuzvidira, zvimwe tave tichiwana chimuko mairi, uye hapana chinhu chokusatendeseka chakaitika. Sezvo pakanga pasina kusatendeseka, hatina chikonzero chechiito chapamutemo pamukwereti. Zvaizobetserei kumhangarira muKristu biyedu akatendeseka akanga achifanira kunyoresa kubhuroka nemhaka yokuti gadziriro yaiva nevavariro yakanaka yakabhuroka?—1 VaKorinte 6:1.

15. Zvinhui zvinoda kurangarirwa kana kubhuroka kukaziviswa?

15 Avo vakabhurokerwa nemabhizimisi pane dzimwe nguva vanotsvaka ruyamuro kupfurikidza nokuzivisa kubhuroka. Sezvo vaKristu vasiri vasingaregeredzi kuva nechikwereti, kunyange pashure pokusunungurwa pamutemo muzvikwereti zvakati, vamwe vakanzwa vachisungirwa kuedza kuripira zvitsama zvakakanzurwa kana vakweretesi vachizobvuma kubhadharwa. Asi zvakadiniko kana mukwereti akarasikirwa nemari yehama yake ipapo ndokurarama nomutoo woumbozha? Kana kuti zvakadiniko kana mukwereti akawana mari dzakakwana kubhadhara dzaakakwereta asi akafuratira musengwa wetsika waangava nawo wokubhadhara hama yake? Ipapo kungava nemibvunzo pamusoro pezvikwaniriso zvomukwereti kuti abatire munzvimbo yokuvimbika muungano.—1 Timotio 3:3, 8; ona Nharireyomurindi, September 15, 1994, mapeji 30-1.

Zvakadini Kana Pane Kukorovhera?

16. Matanhoi angaitwa kana tichiratidzika kuva vanyajambwa vokukorovherwa mubhizimisi?

16 Nzwisiso inotibetsera kuziva kuti zvimuko hazvibvi mumari yose inoshandiswa kuwana chimuko. Bva, zvakadiniko kana kukorovhera kuchibatanidzwa? Kukorovhera “kushandiswa kwamaune kwenyengedzo, kwoujarijari, kana kuti kushatiswa kwechokwadi nokuda kwedonzo rokufurira mumwe kurasikirwa nechinhu chinokosha chiri chake kana kuti kurega kodzero yapamutemo.” Jesu Kristu akaronga matanho angaitwa apo munhu anofunga kuti arozviwa nomunamati biyake. Maererano naMateo 18:15-17, Jesu akati: “Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.” Muenzaniso uyo Jesu akapa gare gare unoratidzira kuti akanga achirangarira zvivi zvakadai seizvo zvinobatanidza nhau dzemari, kubatanidza kukorovhera.—Mateo 18:23-35.

17, 18. Kana anoti muKristu akatirozva, nzwisiso inogona sei kutitavirira?

17 Chokwadika, hapangavi nohwaro hwaMagwaro hwokuita matanho akarongwa pana Mateo 18:15-17 kana pasina ufakazi kana kuti kunyange chikarakadzo chokukorovhera. Bva, zvakadiniko kana anoti muKristu akatirozva chaizvoizvo? Nzwisiso inogona kutitavirira pakuita chiito chingaipisa mukurumbira weungano. Pauro akapa zano vaKristu biyake kuti vazvirege vamene vachikanganisirwa uye kunyange kurozviwa panzvimbo pokuendesa hama kudare.—1 VaKorinte 6:7.

18 Hama dzedu nehanzvadzi dzapachokwadi hadzina ku‘zara nokurozva nokuita zvakaipa,’ kufanana nomuroyi Bari-Jesu. (Mabasa 13:6-12) Naizvozvo ngatishandisei nzwisiso apo mari inorasika muzvirongwa zvemabhizimisi zvinobatanidza vatendi biyedu. Kana tiri kufunga nezvokuita chiito chapamutemo, tinofanira kurangarira migumisiro inobvira patiri somunhu oga, pane mumwe munhu kana kuti vanhu, paungano, kana kuti pavokunze. Kuronda muripo kungagona kupedza yakawanda yenguva yedu, simba, uye zvimwe zvinhu. Kungaguma bedzi nokupfumisa magweta nedzimwe nyanzvi. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vaKristu vakarega ropafadzo dzoubati ushe hwaMwari nemhaka yokuva vanobatanidzwa zvikuru muzvinhu izvi. Kuva kwedu vanotsauswa nouyu mutoo kunofanira kuita kuti Satani afare, asi tinoda kuita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Pane rumwe rutivi, kubvuma kurasikirwa kungatidzivisira nhamo ndokutichengetera nguva yakawanda neyavakuru. Kuchabetsera kuchengeta rugare rweungano uye kuchatigonesa kuramba tichitanga kutsvaka Umambo.

Nzwisiso Nokuita Zvisarudzo

19. Nzwisiso yomudzimu nomunyengetero zvinogona kutiitirei apo tinenge tichiita zvisarudzo zvakaoma?

19 Kuita zvisarudzo pamusoro penhau dzemari kana kuti dzemabhizimisi kunogona kuva kunonetsa zvikuru. Asi nzwisiso yomudzimu inogona kutibetsera kurangarira zvinhu ndokuita zvisarudzo zvokuchenjera. Uyezve, kuvimba kwokunyengetera kuna Jehovha kunogona kutiunzira “rugare rwaMwari.” (VaFiripi 4:6, 7) Irwo kuterama norunyararo zvinobva muukama hwomunhu oga hwapedyo naJehovha. Zvirokwazvo, rugare rwakadaro rwunogona kutibetsera kuchengeta dzikamo yedu apo tinenge tatarisana nezvisarudzo zvakaoma.

20. Tinofanira kutsunga kuitei kana toreva nezvenhau dzemabhizimisi neungano?

20 Ngatitsungei kusarega magakava ebhizimisi achiparadza rugare rwedu kana kuti urwo rweungano. Tinofanira kuyeuka kuti ungano yechiKristu inoshanda kutibetsera mumudzimu, kwete kubatira senzvimbo yezvirondwa zvokutengeserana. Nhau dzebhizimisi nguva dzose dzinofanira kuchengetwa dzakasiyana nemibato yeungano. Tinofanira kushandisa nzwisiso uye kungwarira pakutanga gadziriro dzemabhizimisi. Uye nguva dzose ngatichengetei murangariro wakadzikama wenhau dzakadaro, tichitanga kutsvaka fariro dzoUmambo. Kana gadziriro yemabhizimisi inobatanidza vanamati biyedu ikafanira kukundikana, ngatitsvakei zvakanakisisa nokuda kwavose vanobatanidzwa.

21. Tinogona sei kushandisa nzwisiso ndokuita mutsinhirano naVaFiripi 1:9-11?

21 Panzvimbo pokunyanyoitira hanya pamusoro penhau dzemari uye zvimwe zvinhu zvisingakoshi zvikuru, tose zvedu ngatirerekerei mwoyo yedu kunzwisiso, kunyengeterera nhungamiro yaMwari, uye kuchengeta fariro dzoUmambo dziri pakutanga. Mutsinhirano nomunyengetero waPauro, ‘rudo rwedu ngaruwande nezivo yakarurama uye nzwisiso yakazara kuitira kuti tigova nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru ndokusagumbura vamwe’ kana kuti isu timene. Zvino izvo sezvo Kristu Mambo ari pachigaro chake choumambo chokudenga, ngatiratidzei nzwisiso yomudzimu murutivi rwuri rwose rwoupenyu. Uye ‘ngatizadzwei nechibereko chokururama kupfurikidza naJesu Kristu, kumbiri nokurumbidzwa kwaMwari wedu,’ Changamire Ishe Jehovha.—VaFiripi 1:9-11.

Ungapindura Sei?

◻ Nzwisiso chii?

◻ Nei pane kudikanwa chaikwo kwokuratidza nzwisiso pamusoro penhau dzemabhizimisi pakati pavaKristu?

◻ Nzwisiso inogona sei kutibetsera kana tichirangarira kuti mutendi biyedu atirozva?

◻ Ibasai iro nzwisiso inofanira kuita mukuita zvisarudzo?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nzwisiso ichatibetsera kushandisa zano raJesu rokuramba tichitanga kutsvaka Umambo

[Mifananidzo iri papeji 20]

Nguva dzose nyorai zvibvumirano zvemabhizimisi nokunyorerana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe