Kutambura Kukuru Kwazvo
“NEI kune kutambura kwose uku kunotyisa kwemunhu oga uye kwevakawanda . . . ? Mwari anofanira kuve donzo rinotaurwa somunhu nyamba kune zvizhinji kwazvo zvisina donzo munyika ino, kutambura kukuru kwazvo kusina mufungo nechivi chisina revo. Mwari uyu ari zvichida izvo Nietzsche akamupomera kuva here: mudzvinyiriri, munyengeri, mukorovheri, kana kuti muurayi?”—On Being a Christian, rakanyorwa naHans Küng.
Unogona kuona kuti mufundisi weKaturike Hans Küng ari kungopa chinetso chinokahadzisa vazhinji—nei Mwari wamasimba ose, ane rudo achibvumira kutambura kukuru kwazvo? Hauna here kunzwa vanhu vachibvunza mubvunzo wakadaro? Munhu upi noupi ane tsitsi anotambudzika neizvo Küng anorondedzera se“rukova rwusingaperi rweropa, dikita nemisodzi, kurwadziwa, rusuruvaro nerutyo, kusurikirwa nerufu.” Kutaura idi, zvakafanana zvikuru nerwizi, mafashamo ezvinotyisa nenhamo izvo zvakaomesa upenyu hwemamiriyoni munhau yose.—Jobho 14:1.
Akazara Ne“kutambudzika Nenhamo”
Funga nezvekutambura kunobva muhondo, kurwadziwa kunonzwiwa kwete bedzi nevanyajambwa vanofa asiwo naavo vanosiyiwa vachitambudzika, vakadai sevabereki nehama dzokunyama dzevanyajambwa vari vana nevamwe vakaitirwa utsinye. “Mumakore 10 apfuura,” yakadaro Red Cross nguva pfupi yapfuura, “vana mamiriyoni 1,5 vakaurawa mukurwisana kune zvombo.” MuRwanda muna 1994, Red Cross inoshuma kuti, “mazana ezviuru evarume, vakadzi uye vana akanga aurawa nenzira youtsinye uye yakarongwa.”
Isuwo hatifaniri kufuratira kurwadziwa kunoparirwa nevanovata vana zvisina kufanira. Vamwe amai vaitambudzika, avo vakataura kuti mwanakomana wavo akazviuraya pashure pokubatwa zvisina kufanira nemumwe mushandi anotarisira vana vakati: “Murume akabata mwanakomana wangu zvisina kufanira . . . akamuparadza nevamwe vakomana vakati munzira yakarongwa, isina kufanira zvikurusa inofungidzirika.” Uye zvakadini nekutyisa kwekurwadziwa kunonzwiwa nevanyajambwa vemhondi dzisinganzwiri tsitsi kana kuti vanouraya zvakatevedzana, kufanana naavo vakabatwa muBritain avo vaka“pamba, vakabata chibharo, vakatambudza ndokuuraya vasingarangwi kwemakore 25”? Munhau yose kunoratidzika kuve kwave kusina ganhuriro kuizvo varume navakadzi vakaitirana nenzira yokurwadziwa uye kutambura.—Muparidzi 4:1-3.
Mukuwedzera kuna ikoku kutambura kunoparirwa nekurwara kwemundangariro nekwemuviri nekurwadziwa kunotyisa nenhamo inorovanya mhuri apo vadiwa vanofa nokukurumidza. Kunewo kupererwa nezano kunonzwika nevanyajambwa venzara kana kuti dzimwe dzinonzi ngwavaira dzomusikirwo. Vashomanene vachapikisa kutaura kwaMosesi kwokuti makore edu 70 kana kuti 80 akazara ne“kutambudzika nenhamo.”—Pisarema 90:10.
Rutivi Rwedonzo raMwari Here?
Kungava here kuti, seizvo vamwe vakataura, kuti uku kutambura kunopfuurira rutivi rwedonzo raMwari risinganzwisisiki here? Tinofanira kutambura zvino kuti tionge upenyu ‘munyika inotevera’ here? Ndekwechokwadi here, seizvo mumwe muzivi weFrance Teilhard de Chardin aidavira, kuti “kutambura uko kunouraya nokuodza, kuri madikanwa kumunhu kuitira kuti ararame ndokuva mudzimu”? (The Religion of Teilhard de Chardin; kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Zvirokwazvo kwete!
Mugadziri anoitira hanya vamwe aizogadzira noune mhoteredzo inouraya ipapo ndokutaura kuti ane tsitsi apo anonunura vanhu mutapuro dzayo here? Nyangwe! Nei Mwari ane rudo aizoita chinhu chakadaro? Naizvozvo nei Mwari achibvumidza kutambura? Kutambura kuchazomboguma here? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyoyi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
WHO photo by P. Almasy