RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 1/1 pp. 6-11
  • Vose Ngavarumbidze Jehovha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vose Ngavarumbidze Jehovha!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Jehovha Wehondo” Anotaura
  • Tembere Yomudzimu Ine Mbiri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ndinemi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Maoko Enyu Ngaasimbe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aHagai naZekariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 1/1 pp. 6-11

Vose Ngavarumbidze Jehovha!

“Rumbidzai Jehovha kumabvazuva.”—ISAYA 24:15.

1. Zita raJehovha rairangarirwa sei navaporofita vake, zvichipesana nechimiroi chendangariro chiri muchiKristudhomu nhasi?

JEHOVHA—zita rakakurumbira raMwari! Vaporofita vakatendeka vekare vakafara sei kutaura muzita iroro! Nomufaro vakarumbidza Changamire Ishe wavo, Jehovha, ane zita rinomuzivisa soMurongi Mukuru. (Isaya 40:5; Jeremia 10:6, 10; Ezekieri 36:23) Kunyange vanonzi vaporofita vaduku vakataura zvikurusa mukurumbidza Jehovha. Mumwe waivava aiva Hagai. Mubhuku raHagai, rinoumbwa nendima 38 chete, zita raMwari rinoshandiswa ka35. Uporofita hwakadaro hunonzwika husina upenyu apo zita rinokosha rokuti Jehovha rinotsiviwa nezita rokuremekedza rokuti “Ishe,” seizvo vaapostora vanoti vanopfuura vamwe vechiKristudhomu vanorishandura mushanduro dzavo dzeBhaibheri.—Enzanisa na2 VaKorinte 11:5.

2, 3. (a) Humwe uporofita hunoshamisa pamusoro pekudzorerwa kwaIsraeri hwakazadzikwa sei? (b) Vakasarira vechiJudha neshamwari dzavo vakagoverana mumufaroi?

2 Pana Isaya 12:2, zvimiro zviviri zvezita racho zvinoshandiswa.a Muporofita wacho anozivisa kuti: “Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti [Jah, NW], iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.” (Onawo Isaya 26:4, NW.) Nokudaro, makore 200 Israeri asati asunungurwa muutapwa hweBhabhironi, Jah Jehovha kupfurikidza nomuporofita wake Isaya akanga achipa vimbiso yokuti akanga ari Muponesi wavo ane simba. Utapwa ihwohwo hwakanga huchivambira muna 607 kusvikira kuna 537 B.C.E. Isaya akanyorawo kuti: “Ndini Jehovha, unoita zvinhu zvose, . . . iye unoti pamusoro paKoreshi: Ndiye mufudzi wangu, uchaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusarema: Richavakwa, uye pamusoro petembere: Nheyo dzako dzichateyiwa.” Ndiani aiva Koreshi uyu? Nenzira inoshamisa, akabvumikisa kuva Mambo Koreshi wePersia, uyo akakunda Bhabhironi muna 539 B.C.E.—Isaya 44:24, 28.

3 Maererano nemashoko aJehovha akanyorwa naIsaya, Koreshi akabudisa kuna Israeri akatapwa murayiro wokuti: “Zvino ani naani uripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusarema riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri, (ndiye Mwari), unogara Jerusarema.” Vakasarira vechiJudha vanofara zvikurusa pamwe chete navaNetinimi vaisava vaIsraeri navanakomana vevabatiri vaSoromoni vakadzokera kuJerusarema. Vakasvika nguva ichiripo kuti vachengete Mutambo Wamatumba muna 537 B.C.E. ndokuita zvibayiro kuna Jehovha paatari yake. Gore rakatevera racho, mumwedzi wechipiri, vakavaka fandesheni yetembere yechipiri, pakati pekudanidzira kukuru kwomufaro uye kwokurumbidza Jehovha.—Ezra 1:1-4; 2:1, 2, 43, 55; 3:1-6, 8, 10-13.

4. Isaya ganhuro 35 ne55 akava chaiwoiwo sei?

4 Uporofita hwaJehovha hwokudzorera hwakanga huchizozadzikwa zvine mbiri muna Israeri: “Renje nenyika yakawoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. . . . Vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.” “Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu . . . zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.”—Isaya 35:1, 2; 55:12, 13.

5. Nei mufaro waIsraeri wakava wechinguvana?

5 Zvisinei, mufaro iwoyo waiva wechinguvana. Marudzi akavakidzana akatsvaka kubatana mukutenda kwakavhengana nokuda kwokuvaka tembere. VaJudha pakutanga havana kutera, vachizivisa kuti: “Imi hamungatongobatsirani nesu pakuvakira Mwari wedu imba; asi isu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsraeri, sezvatakarairwa namambo Koreshi mambo wePersia.” Vavakidzani ivavo zvino vakava vashori vakakasharara. Vaka“shaisa maoko avanhu vaJudha simba, vakavatambudza pakuvaka.” Vakakwenengerawo mamiriro ezvinhu kumutsivi waKoreshi, Artashasta, uyo akabudisa kurambidzwa kwekuvakwa kwetembere. (Ezra 4:1-24) Kwemakore 17 basa rakamira. Nenzira isingafadzi, vaJudha vakapinda mumararamire okudisa zvenyika mukati menguva iyoyo.

“Jehovha Wehondo” Anotaura

6. (a) Jehovha akaita sei kumamiriro ezvinhu aiva muna Israeri? (b) Nei inoratidzika kuva revo yezita raHagai yakakodzera?

6 Kunyange zvakadaro, Jehovha akaratidzira ‘simba rake neumhare hwake’ nokuda kwaIsraeri kupfurikidza nokutumira vaporofita, zvikurukuru Hagai naZekaria, kuti vadzorere vaJudha kumabasa avo. Zita raHagai rakabatanidzwa nomutambo, nokuti rinoratidzika kuva rinoreva kuti “Akaberekwa paMutambo.” Nenzira yakakodzera, akavamba kuporofita pazuva rokutanga remwedzi weMutambo Wamatumba, panguva apo vaJudha vaidikanirwa ku“far[a] kwazvo.” (Dheuteronomio 16:15) Kupfurikidza naHagai, Jehovha akapa mashoko mana mukati menhambo yamazuva 112.—Hagai 1:1; 2:1, 10, 20.

7. Mashoko aHagai okuzarura anofanira kutikurudzira sei?

7 Achisuma uporofita hwake, Hagai akati: “Jehovha wehondo unotaura, achiti.” (Hagai 1:2a) “Hondo” idzodzo dzingava vanaani? Mapoka engirozi aJehovha, pane dzimwe nguva anonongedzerwa kwaari muBhaibheri semauto. (Jobho 1:6; 2:1; Pisarema 103:20, 21; Mateo 26:53) Hazvitikurudziri here nhasi kuti Changamire Ishe Jehovha amene ari kushandisa aya mauto okudenga asingakundwi kutungamirira basa redu rokudzorera kunamata kwechokwadi mupasi?—Enzanisa na2 Madzimambo 6:15-17.

8. Murangariroi wakanga watapura Israeri, uye nemugumisiroi?

8 Chii chaiva mushoko rokutanga raHagai? Vanhu vakanga vati: “Nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.” Kuvakwa kwetembere, kwaimirira kudzorerwa kwekunamatwa kwaMwari, kwakanga kusati kuchiri itiro hanya yavo yokutanga. Vakanga vatendeukira kukuzvivakira vamene misha yakaisvonaka. Murangariro wokudisa zvenyika wakanga waderedza kushingairira kwavo kunamatwa kwaJehovha. Somugumisiro, chikomborero chake chakanga chabviswa. Minda yavo yakanga isati ichabereka zvibereko, uye vakanga vasina zvipfeko zvenguva yechando yakanga yakakasharara. Muripo wavo wakanga wava mudukuduku, uye kwakanga kwakaita sokunonzi vakanga vachiisa mari muhomwe yakabooka.—Hagai 1:2b-6.

9. Izanoi rakasimba, rinovaka iro Jehovha akagovera?

9 Kaviri, Jehovha akapa zano rakasimba rokuti: “Cherekedzai zvamakaita.” Sezviri pachena, Zerubhabheri, gavhuna weJerusarema, uye muprista mukuru Joshuab vakaita chimwe chinhu ndokukurudzira noushingi vanhu vose ku“teerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuprofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.” Uyezve, “Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati: Ndinemi—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Hagai 1:5, 7-14.

10. Jehovha akashandisa sei simba rake nokuda kwaIsraeri?

10 Vamwe vakura vaiva muJerusarema vangave vakarangarira kuti mbiri yetembere yakavakwazve yaizove “pasina” mukuenzaniswa neiya yetembere yekare. Zvisinei, anenge mazuva 51 gare gare, Jehovha akasunda Hagai kuzivisa shoko rechipiri. Hagai akazivisa kuti: “Chiva nesimba, iwe Zerubhabheri—ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate—ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. . . . regai kutya.” Jehovha, uyo munguva yakafanira aizoshandisa simba rake gurusa ku‘zunungusa denga napasi,’ akava nechokwadi chokuti chishoro chose, kunyange kurambidza kwamambo, kwakakurirwa. Mukati memakore mashanu kuvakwa kwetembere kwakabudirira zvakaisvonaka.—Hagai 2:3-6.

11. Mwari akazadza sei tembere yechipiri ne‘mbiri huru zvikuru’?

11 Chipikirwa chinoshamisa ipapo chakazadzikwa: “Zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:7) “Zvinodikanwa” izvozvo zvakabvumikisa kuva vaisava vaIsraeri avo vakauya kuzonamatira patembere iyoyo, sezvayakaratidzira mbiri yekuvapo kwake kwakaisvonaka. Tembere iyi yakavakwazve yakaenzana sei neiya yakavakwa muzuva raSoromoni? Muporofita waMwari akazivisa kuti: “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:9) Mukuzadzikwa kwokutanga kweuporofita hwacho, tembere yakavakwazve yakagara nguva refu kupfuura imba yokutanga. Yakanga ichiripo apo Mesiya akaonekwa muna 29 C.E. Uyezve, vavengi vake vakaramba kutenda vasati vamupondesa muna 33 C.E., Mesiya amene akaiunzira mbiri apo akaparidza chokwadi imomo.

12. Tembere mbiri dzokutanga dzakabatira donzoi?

12 Tembere yokutanga neyechipiri dzaiva muJerusarema dzakabatira donzo rinokosha mukufanofananidzira mativi anokosha ebasa rouprista raMesiya uye mukuchengeta kunamatwa kwaJehovha kwakachena kwakasimba mupasi kutozosvikira kuvapo chaikoiko kwaMesiya.—VaHebheru 10:1.

Tembere Yomudzimu Ine Mbiri

13. (a) Zviitikoi zvine chokuita netembere yomudzimu zvakaitika kubvira muna 29 kusvikira kuna 33 C.E.? (b) Ibasai rinokosha iro chibayiro chaJesu chorudzikinuro chinoita muzviitiko izvozvi?

13 Uporofita hwaHagai hwekudzorerwa hune revo chaiyo yenguva dzapashure here? Zvirokwazvo hunayo! Tembere yakavakwazve yaiva muJerusarema yakava nzvimbo huru yokunamata kwose kwechokwadi pasi pano. Asi yakafananidzira tembere yomudzimu ine mbiri zvikuru kwazvo. Iyoyi yakavamba kushanda muna 29 C.E. apo, parubhabhatidzo rwaJesu muRwizi rwaJoridhani, Jehovha akazodza Jesu soMuprista Mukuru, mudzimu mutsvene uchiburuka pamusoro pake senjiva. (Mateo 3:16) Pashure pekunge Jesu apedza ushumiri hwake hwapasi murufu rwechibayiro, akamutsirwa kudenga, kwakafananidzirwa neNzvimbo Tsvenetsvene yetembere, uye ikoko akapa kuna Jehovha runako rwechibayiro chake. Irworwu rwakabatira serudzikinuro, rwuchifukidza zvivi zvevadzidzi vake, uye rwakazarura nzira yokuvazodza, pazuva rePentekosta ya33 C.E., sevaprista vaduku mutembere yaJehovha yomudzimu. Ushumiri hwavo hwokutendeka kusvikira kurufu muruvazhe rwetembere pasi pano hwaizotungamirira kurumuko rwokudenga rwomunguva yemberi, nokuda kwebasa rouprista rinopfuuridzirwa.

14. (a) Mufaroi wakaperekedza mubato wokushingaira weungano yechiKristu yapakuvamba? (b) Nei kufara uku kwakava kwechinguvana?

14 Zviuru zvevaJudha vanopfidza—uye gare gare Vamarudzi—zvakadirana kuungano iyoyo yechiKristu uye zvakagoverana mukuzivisa mashoko akanaka okutonga kwaMwari kwoUmambo pamusoro papasi. Pashure pemakore 30, muapostora Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka akanga aparidzirwa “zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Asi pashure porufu rwavaapostora, kuramba kutenda kukuru kwakavamba, uye chiedza chechokwadi chakavamba kupenya zvishoma. ChiKristu chechokwadi chakafukidzwa nemasekete echiKristudhomu, akavakirwa padzidziso dzechihedheni nouzivi.—Mabasa 20:29, 30.

15, 16. (a) Uporofita hwakazadzikwa sei muna 1914? (b) Kuunganidzwai kwakaratidzira kupera kwezana ramakore rechi19 nekuvamba kwerechi20?

15 Mazana amakore akapfuura. Ipapo muma1870, boka ravaKristu vapachokwadi rakavamba kupinda mufundo huru yeBhaibheri. MuMagwaro, vakakwanisa kuwana gore ra1914 serinoratidzira mugumo we“nguva dzavahedheni.” Paiva panguva iyoyo apo “nguva” nomwe dzokufananidzira (makore 2 520 okutonga kwomunhu kwakafanana nechikara) dzakaguma nekugadzwa pachigaro choumambo mudenga kwaKristu Jesu—Uyo ane “maruramiro” saMambo Mesiya wapasi. (Ruka 21:24; Dhanieri 4:25; Ezekieri 21:26, 27, NW) Zvikurukuru kubvira muna 1919 zvichienda mberi, ava Vadzidzi veBhaibheri, vanozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha, vave vakabatikana mukuparadzira zvakasimba mupasi rose mashoko akanaka oUmambo hunouya. Maive muna 1919 apo Zvapupu zviuru zvishomanene zvaivava zvakapindura danidzo yokuita chiito yakapiwa pakokorodzano muCedar Point, Ohio, U.S.A. Zvakawedzera munhamba kusvikira kugore ra1935 apo 56 153 vakashuma basa romumunda. Mugore iroro, 52 465 vakanga vadya zviratidzo zvechingwa newaini paChirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu, nokudaro vachiratidzira tariro yavo yokuva vaprista naKristu Jesu murutivi rwokudenga rwetembere huru yaJehovha yomudzimu. Vachabatirawo naye samadzimambo biyake muUmambo hwake hwaMesiya.—Ruka 22:29, 30; VaRoma 8:15-17.

16 Zvisinei, Zvakazarurwa 7:4-8 neZvak 14:1-4 inoratidza kuti hwerengedzo yeava vaKristu vakazodzwa yakaganhurirwa ku144 000, vazhinji vavo vakaunganidzwa mukati mezana ramakore rokutanga kuramba kutenda kukuru kusati kwavamba. Kubvira kumugumo kwezana ramakore rechi19 uye kupfuurira kupinda mune rechi20, Jehovha ave achipedzisa kuunganidzwa kweiri boka rinocheneswa nemvura yeShoko rake, rinoruramiswa kupfurikidza nokutenda chibayiro chaJesu chinoyananisa, uye pakupedzisira rinoiswa chisimbiso savaKristu vakazodzwa kuti riumbe nhamba yakazara ye144 000.

17. (a) Kuunganidzwai kwakapfuurira kubvira muma1930? (b) Nei Johane 3:30 iri yefariro pano? (Onawo Ruka 7:28.)

17 Chii chinotevera apo nhamba yose yavakazodzwa inenge yasarudzwa? Muna 1935, pane imwe kokorodzano inokosha yakaitirwa muWashington, D.C., U.S.A., kwakaziviswa kuti “vazhinjizhinji” vaZvakazarurwa 7:9-17 vaiva boka raizozivikanwa “pashure” pe144 000 uye vane nguva yemberi youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Pashure pekuzivisa zvakajeka Jesu akazodzwa, Johane Mubhabhatidzi, achamutsirwa pasi pano somumwe wa“mamwe makwai,” akati nezvaMesiya: “Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.” (Johane 1:29; 3:30; 10:16; Mateo 11:11) Basa raJohane mubhabhatidzi rekugadzirira vadzidzi nokuda kwaMesiya rakanga richiguma sezvo Jesu panguva iyoyo akatanga kudzora kusarudzwa kwenhamba inowedzera yaizova pakati pe144 000. Muma1930 zvakaitika nenzira yakasiyana. Nhamba inoderera yaka“danwa” kuva pakati pe144 000 nepo wedzero huru yakavamba munhamba ye“vazhinjizhinji” ve“mamwe makwai.” Iri boka guru rinopfuurira kuwedzera sezvo tsika yakaipa yenyika inoswedera pedyo nomugumo wayo paArmagedhoni.—Zvakazarurwa 17:14b.

18. (a) Nei tichigona kukarira nechivimbo kuti “mamiriyoni ari kurarama zvino haasati achizotongofa”? (b) Nei tichifanira kuteerera Hagai 2:4 nokushingaira?

18 Muma1920 apakuvamba, hurukuro yavose yakatanhamariswa yakapiwa neZvapupu zvaJehovha yaiva nomusoro unoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa.” Ikoku kungava kwakaratidzira kunyanyova netariro panguva iyoyo. Asi nhasi kutaura ikoko kunogona kuitwa nechivimbo chakazara. Zvose zviri zviviri chiedza chinowedzera pauporofita hweBhaibheri nenyongano yenyika ino yofa zvinoratidzira kuti mugumo wetsika yaSatani wava pedyo zvikuru kwazvo! Mushumo weChirangaridzo wa1996 unoratidza kuti 12 921 933 vakapinda, 8 757 vavo bedzi (,068 muzana) vakaratidzira tariro yavo yokudenga kupfurikidza nokudya zviratidzo. Kudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kunoswedera pedyo nomugumo. Asi ngatisatongorembedze ruoko mubasa iroro. Hungu, Hagai 2:4 inoti: “Nemi vanhu vose venyika, iva nesimba, mubate—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Ngatitsungei kuti hapana zvisaririra zvokudisa zvenyika kana kuti kuva venyika zvingazomboderedza kushingairira kwedu basa raJehovha!—1 Johane 2:15-17.

19. Tingagoverana sei mukuzadzikwa kwaHagai 2:6, 7?

19 Ropafadzo yedu yokugoverana mukuzadzikwa kwomuzuva razvino uno kwaHagai 2:6, 7 inofadza: “Zvanzi naJehovha wehondo: Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakawoma; ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Makaro, ushati, uye ruvengo zviri kupararira munyika ino yose yezana ramakore rechi20. Zvirokwazvo iri mumazuva ayo okupedzisira, uye Jehovha akatovamba kui“zunungusa” kupfurikidza nokuita kuti Zvapupu zvake ‘zvizivise zuva rake ramatsive.’ (Isaya 61:2) Uku kuzununguswa kwokutanga kuchaguma nekuparadzwa kwenyika paArmagedhoni, asi nguva iyoyo isati yasvika, Jehovha ari kuunganidza nokuda kwebasa rake “zvinodikanwa nendudzi dzose”—vanhu vanyoro, vakafanana namakwai vapasi. (Johane 6:44) Ava “vazhinjizhinji” zvino ‘vanoita basa rinoyera’ muvazhe yapasi yeimba yake yokunamatira.—Zvakazarurwa 7:9, 15.

20. Upfumi hunokosha zvikurusa hunowanikwepi?

20 Basa mutembere yaJehovha yomudzimu rinounza tuso inokosha zvikuru kupfuura upfumi hwokunyama hupi nohupi. (Zvirevo 2:1-6; 3:13, 14; Mateo 6:19-21) Uyezve, Hagai 2:9 inoti: “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Mashoko iwaya anorevei nokuda kwedu nhasi? Nyaya yedu inotevera ichataura.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutaura kwokuti “Jah Jehovha” kunoshandiswa nokuda kwesimbiso chaiyo. Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 1248.

b Jeshua muna Ezra nemamwe mabhuku eBhaibheri.

Mibvunzo Yehwirudzuro

◻ Muenzanisoi wevaporofita watinofanira kutevera pamusoro pezita raJehovha?

◻ Ikurudziroi yatinogamuchira mushoko raJehovha rine simba kuna Israeri akadzorerwa?

◻ Itemberei yomudzimu ine mbiri inoshanda nhasi?

◻ Kuunganidzwai kwakapfuurira munhevedzano mukati mezana ramakore rechi19 nerechi20, nekariroi huru inorangarirwa?

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mauto okudenga aJehovha anotungamirira nokutsigira Zvapupu zvake pasi pano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe