RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/15 p. 32
  • Betsero Dzemwoyo Wakagadzikana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsero Dzemwoyo Wakagadzikana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/15 p. 32

Betsero Dzemwoyo Wakagadzikana

SAYENZI yezvokurapa yazvino uno yakaziva kwenguva refu kuti kushatirwa kusingadzorwi kune tapuro inokuvadza pamuviri womunhu. Anopfuura makore ane zana akapfuura, The Journal of the American Medical Association (JAMA) yakati: “Munhu anofa mukufufutirwa nehasha, uye kunonzi, zvichida, akanga ane mwoyo usina simba, usina kugona kutsungirira dzvinyiriro yakaiswa nechimiro chake chendangariro. Hakuna munhu anoratidzika kuva anofunga kuti ikoku kunongova zvako mugumo wenhevedzano refu yokufufutirwa kwakadaro, iko kumene kwakakonzera kusava nesimba kunotaurwa.”

Mashoko ari pamusoro apa haashamisi vadzidzi veShoko raMwari, Bhaibheri. Mazana emakore 29 JAMA isati yataura pamusoro pengozi dzehasha, Mambo Soromoni akafuridzirwa kunyora, kuti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Aya mashoko achiri echokwadi nhasi.

Kupfurikidza nokuchengeta chimiro chendangariro chakagadzikana, tinodzivirirwa pazvirwere zvakawanda izvo kazhinji kazhinji zvinoparirwa nefunganyo, zvakadai semwero weropa wakakwirira, kurwadza kwemusoro, uye zvinetso zvokufema. Mukuwedzera kuutano hwakanatswa, zvisinei, ukama hwedu nevamwe huchabetserekana kana tikavavarira ku“rega kutsamwa, [ku]rasha hasha.” (Pisarema 37:8) Vanhu vaikweverwa kuna Jesu nenzira yomuzvarirwo nemhaka yechimiro chake chinyoro uye kuvaitira hanya kwomwoyo. (Marko 6:31-34) Nenzira yakafanana, tichava manyuko ezorodzo kuvamwe kana tikasakurira mwoyo wakagadzikana.—Mateo 11:28-30.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe