Rusununguko Rworudzidziso Rwunotsigirwa muJapan
KWAMAKORE akawanda muJapan, vadzidzi vaduku vari Zvapupu zvaJehovha vakatarisana nechisarudzo chakaoma: Vanofanira kutevera hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri here, kana kuti vanofanira kutevera zvinofundwa zvechikoro izvo zvinoshatisa hana yavo. Nei chisarudzo chakanga chakaoma? Nemhaka yokuti unyanzvi hwamatsimba rutivi rwedzidzo yomuviri muzvikoro zvavo. Zvapupu zviduku zvakarangarira kuti unyanzvi hwakadaro hwakanga husingatsinhirani nenheyo dzeBhaibheri, dzakadai sedzinowanwa pana Isaya ganhuro 2, ndima 4. Iyoyi inorava, kuti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”
Zvisingadi kudzidza unyanzvi hwakafanana nohwehondo, hunobatanidza kukuvadza mumwe munhu, Zvapupu zvechiKristu zviduku zvakatsanangura kuvadzidzisi vazvo kuti zvakanga zvisingagoni nenzira yokutungamirirwa nehana kutora rutivi mumatsimba. Pashure pokuedza kunyengetedza ava vadzidzi kugamuchira zvinofundwa zvechikoro, vadzidzisi vakawanda vanonzwisisa pakupedzisira vakabvuma kuremekedza hana dzavadzidzi ndokugovera mimwe mibato.
Zvisinei, vamwe vadzidzisi vakashatirwa, uye zvimwe zvikoro zvakaramba kupa Zvapupu zviduku zvakafanira zvazvo zvedzidzo yomuviri. Muna 1993, zvinenge Zvapupu zvipfumbamwe zvakarambidzwa kupfuurira mberi nechikoro uye zvakamanikidzwa kurega chikoro kana kuti kudzingirwa kusatora rutivi mumatsimba.
Nenzira yakajeka, yakanga yava nguva yokudzivirira kodzero dzevaKristu vaduku dzokugamuchira dzidzo pasina kufanira kubvumiranisa pane zvisina kufanira hana yavo. Vadzidzi vashanu vakarambidzwa kuenda kugiredhi rechipiri paKobe Municipal Industrial Technical College (inodimurirwa kuti Kobe Tech) vakasarudza kutora chiito chapamutemo.
Chii Chakanga Chiri Nhau Yacho?
Muchirimo cha1990 apo vadzidzi vashanu vakapinda muKobe Tech, vakatsanangura kuvadzidzisi vacho kuti vakanga vasingagoni kutora rutivi mumitambo yekendo (unyanzvi hwechiJapan hwokushandisa munondo) nemhaka yemirangariro yavo yakavakirwa paBhaibheri. Bato redzidzo yokurovedza muviri rakanga richishora zvakasimba uye rakavarambidza chinotsiva chipi nechipi kuti vawane zvakafanira zvedzidzo yokurovedza muviri. Pakupedzisira, vadzidzi vakakundikana kirasi yedzidzo yokurovedza muviri uye somugumisiro vakanga vachifanira kudzokorora giredhi rokutanga (gore rokutanga rekosi yapakoreji). Muna April 1991 vakaendesa mhosva yacho paDare Roruwa rweKobe, vachitaura kuti chiito chechikoro chacho chakapesana nevimbiso yebumbiro remitemo yorusununguko rworudzidziso.a
Chikoro chacho chakataura kuti kugovera mibato inotsiva kwaizova kwakaenzana nokuratidza kuda rudzidziso rwakati uye nokudaro kwaizotyora mutemo wokusatora rutivi kwedzidzo yavose. Kunze kwezvo, vakataura kuti vakanga vasina zvivako kana kuti vanhu vokugovera purogiramu inotsiva yedzidzo yomuviri.
Chisarudzo Chedare Roruwa Chinonyandura Vanoziva
Nhau yacho payakanga iri kurangarirwa, vaviri vevadzidzi vashanu vakakundikana zvakare giredhi rokupasa redzidzo yomuviri, nepo vamwe vatatu vasina kana kupasa uye vakapfuurira kugiredhi rinotevera. Mitemo yechikoro chacho yaitaura kuti vadzidzi vaiva namabasa echikoro akashata uye vakadzokorora giredhi rimwe chetero kwamakore maviri api naapi akatevedzana vangagona kudzingwa. Nemhaka yaikoku, mumwe wavadzidzi vaviri akasarudza kurega chikoro asati adzingwa, asi mumwe wacho, Kunihito Kobayashi, akaramba kurega. Naizvozvo akadzingwa. Nenzira inofadza, avhareji yaKunihito yezvidzidzo zvose kubatanidza dzidzo yomuviri, yaakakundikana nezvibozwa 48, yakanga iri 90,2 mu100. Iye akanga ari wokutanga mukirasi yake yavadzidzi 42.
Pana February 22, 1993, Dare Roruwa rweKobe rakatonga richitsigira Kobe Tech ndokuti: “Zviito zvakaitwa nechikoro chacho hazvina kushatisa bumbiro remitemo,” kunyange zvazvo rakaziva kuti “hakugoni kurambwa kuti rusununguko rwavakwiriri rwokunamata rwakanga rwakati ganhurirwei nechinodikanwa chechikoro chokutora rutivi mumitambo yekendo.”
Kufanana nomuapostora Pauro muzana rokutanga ramakore, vakwiriri vakasarudza kukwirira kuzviremera zvapamusoro zvemutemo. (Mabasa 25:11, 12) Nhau yacho yakaenda kuDare Rapamusoro reOsaka.
Chimiro Chendangariro Chisiri Choudyire Chavakwiriri
Nyanzvi inozivikanwa, Purofesa Tetsuo Shimomura weTsukuba University, yakabvuma kupa chipupuriro sechapupu chine unyanzvi muDare Rapamusoro reOsaka. Senyanzvi mudzidzo nomumutemo, yakasimbisa kusarangarira uko zviito zvechikoro chacho zvakanga zviri mukubata navadzidzi. Kunihito Kobayashi akataura mirangariro yake ari mudare, uye chimiro chake chendangariro chapachokwadi chakasunda mwoyo yaavo vaiva mukamuri redare. Uyezve, pana February 22, 1994, Kobe Bar Association, ichizivisa kuti zviito zvechikoro chacho zvakapunza rusununguko rwaKunihito rwokunamata uye kodzero dzake dzokugamuchira dzidzo, yakarumbidza kuti chikoro chacho chimudzorere.
Sezvo nguva yakasvika yokuti chisarudzo chiitwe paDare Rapamusoro reOsaka, vaKristu vose vaduku vaibatanidzwa vakanga vachidisa kuva rutivi rwokutambura kwacho kusvikira kumugumo. Ivo vakarangarira kuti vakanga vachirwa hondo yapamutemo vachirwira zviuru zveZvapupu zviduku izvo zvinotarisana nenhau imwe cheteyo muzvikoro muJapan yose. Asi sezvo vakanga vasina kudzingwa pachikoro, kwaibvira zvikuru kuti dare raizorega nhau yavo. Uye vaigona kuona ikoko kana vakarega chichemo chavo, kusava nomufungo kwechikoro chacho mukudzinga Kunihito kwaizosimbiswa. Nokudaro, vadzidzi vose kunze kwaKunihito vakasarudza kurega nhau yacho.
Pana December 22, 1994, Mutongi Mukuru Reisuke Shimada weDare Rapamusoro reOsaka akaita chisarudzo chakachinja chisarudzo cheDare Roruwa reKobe. Dare racho rakawana kuti chikonzero chaKunihito chokuramba mitambo yekendo chakanga chiri chapachokwadi uye kuti chinetso kwaari nokuda kwechiito chake chakavakirwa parudaviro rwake rworudzidziso chakanga chiri chikuru zvikuru. Chikoro chacho, akadaro Mutongi Mukurusa Shimada, chinofanira kuva chakagovera mibato inotsiva. Ichi chisarudzo chakaisvonaka chakagamuchirwa zvinofadza mumwoyo yaavo vaiitira hanya kodzero dzavanhu. Chikoro chacho, zvisinei, chakakwidza nyaya yacho kuDare Rapamusoro Zvikurusa reJapan, chichirambidza Kunihito dzidzo kwerinopfuura rimwe gore.
Kudare Rapamusoro Zvikurusa
Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chaiva mupepanhau reKobe Shimbun gare gare chakati: “Kobe City School Board nechikoro chacho zvinofanira kunge zvakagamuchira VaKobayashi kuchikoro panhambo iyoyo [pashure pechisarudzo cheDare Rapamusoro reOsaka]. . . . Chimiro chavo chendangariro chenharo chisiri madikanwa chakatorera munhu nhambo inokosha youpwere hwake.” Pasinei hapo naikoko, Kobe Tech yakaita chisarudzo chakasimba munhau iyi. Somugumisiro, yakava musoro wemishumo yenhau yenyika yose. Vadzidzisi nezviremera zvechikoro munyika yose vakacherekedza, uye chisarudzo chakabva kudare rapamusoro zvikurusa munyika chaizomira somuenzaniso wakasimba zvikuru wapamutemo wenhau dzakafanana mune ramangwana.
Pana January 17, 1995, inenge vhiki imwe pashure pokunge chikoro chacho chakwidza nhau yacho kuDare Rapamusoro Zvikurusa, kudengenyeka kwapasi kweKobe kwakarovanya Guta reAshiya uko Kunihito nemhuri yake vaigara. Panenge pa5:30 mangwanani iwayo, maminiti mashomanene kudengenyeka kusati kwarovanya nharaunda yacho, Kunihito akabva pamba pake achienda kubasa rake renguva isina kuzara. Akanga achichovha nomumugwagwa uri pasi peHanshin Expressway, uye apo kudengenyeka kwakarovanya, akanga odokusvika chikamu chakawa. Nokukurumidza akadzokera kumba ndokuwana uriri hwokutanga hweimba yake hwaparadzwa chose chose. Kunihito akaona kuti aigona nenzira iri nyore kuve akarasikirwa noupenyu hwake mukudengenyeka uye akaonga Jehovha nokuda kwokumubvumidza kupukunyuka. Kudai akanga afa, sezvingabvira nhau yekendo ingadai yakaguma pasina chisarudzo cheDare Rapamusoro Zvikurusa.
Dare Rapamusoro Zvikurusa muJapan kazhinji kazhinji rinonzvera kukwirira pamapepa bedzi uye rinosarudza kana zvisarudzo zvematare akaderera zvakanga zvakarurama kana kuti kwete. Kutoti pane chikonzero chakakomba chokuchinja chisarudzo chedare rakaderera, hapana kutongwa kwenhau kunoitwa. Dare racho harizivisi vanhu vanobatanidzwa apo murangariro unofanira kupiwa. Naizvozvo Kunihito akashamiswa zvikuru pamangwanani aMarch 8, 1996, apo akaudzwa kuti chisarudzo chaizoitwa mangwanani iwayo. Kumufaro wake nomufarwa, akaziva kuti Dare Rapamusoro Zvikurusa rakanga ratsigira chisarudzo cheDare Rapamusoro reOsaka.
Vatongi vana, noMutongi Shinichi Kawai aitungamirira, vakasarudza vachibvumirana kuti “zviito zvairangarirwa zvinofanira kurangarirwa sezvisina kufanira zvikurusa munheyo dzinogamuchirwa munzanga, dzichibva pakodzero dzechisarudzo, uye nokudaro zvisiri pamutemo.” Dare racho rakabvuma uchokwadi hwokuramba kwaKunihito kuita mitambo yekendo uye rakati: “Chikonzero chomukwiriri wacho chokuramba kutora rutivi mumitambo yekendo chakanga chiri chapachokwadi uye chine chokuita zvikurusa nohwaro hwokutenda kwake.” Dare Rapamusoro Zvikurusa rakatonga kuti chikoro chacho chaigona kuva uye chinofanira kuva chakagovera mitoo yokutsiva kuitira kuti chitendero chorudzidziso chomukwiriri wacho chigoremekedzwa.
Tapuro Huru Zvikuru
Ichi chisarudzo pasina panikiro chichagadza muenzaniso wakaisvonaka mukutsigira rusununguko rworudzidziso muzvikoro. The Japan Times yakati: “Chisarudzo chacho ndechokutanga chakaitwa neDare Rapamusoro Zvikurusa panhau yedzidzo norusununguko rworudzidziso.” Chisarudzo chacho, zvisinei, hachibvisi mutoro womudzidzi muduku mumwe nomumwe wokuita chisarudzo chake amene chinotungamirirwa nehana pakutarisana nemiedzo yokutenda.
Purofesa Masayuki Uchino weTsukuba University akatsinhira kuti chimwe chezvinhu zvakasunda vatongi kupa rukundo kuna Kunihito chakanga chiri chokuti iye akanga ari “mudzidzi wapachokwadi ane basa rokudzidza rakatanhamara.” Bhaibheri rinopa iri zano kuvaKristu vanotarisana nemiedzo yokutenda kwavo: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.” (1 Petro 2:12) VaKristu vaduku vakatendeka vanogona kuratidza kuti chimiro chavo cheBhaibheri chakafanirwa nokuremekedzwa navanhu kupfurikidza nokurarama upenyu hwavo hwose maererano nemipimo yeBhaibheri.
Pashure pechisarudzo cheDare Rapamusoro Zvikurusa, Kunihito Kobayashi akagamuchirwazve muKobe Tech. Vakawanda zvikurusa vavadzidzi vakapinda chikoro naKunihito vakanga vatopedza kudzidza. Kunihito zvino ari kufunda navadzidzi vaduku kwaari namakore mashanu. Mumeso avanhu vakawanda venyika, makore mashanu anokosha oupwere hwake anoratidzika kuva akapambadzwa. Zvisinei, perero yaKunihito inokosha mumeso aJehovha Mwari, uye kuzvipira kwake zvirokwazvo hakusi pasina.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwoudzame, tapota ona mapeji 10 kusvikira ku14 echinyorwa cheMukai! yaOctober 8, 1995, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mifananidzo iri papeji 20]
Kuruboshwe: Musha waKunihito pashure pokudengenyeka kwapasi
Pasi: Kunihito nhasi