RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 11/1 pp. 3-6
  • Nyaradzo Nokuda Kwevanodzvinyirirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo Nokuda Kwevanodzvinyirirwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mudzidzi Wakare Wekudzvinyirirwa
  • Kudzvinyirirwa Kuchakurumidza Kuguma
  • Mumwe Munhu ane Hanya Chaizvoizvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nyaradzo Yechokwadi Ingawanikwa Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndiani Anganunura Vaya Vari Kuchemera Kubatsirwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 11/1 pp. 3-6

Nyaradzo Nokuda Kwevanodzvinyirirwa

WAKACHEREKEDZA here kuti munduramo yako yose mashoko akati akadzokororwa adzokororwazve mumisoro mikuru yenhau? Waneta nokurava mashoko akadai sokuti hondo, utsotsi, ngwavaira, nzara, uye kutambura here? Rimwe shoko, kunyange zvakadaro, rave risingaoneki nenzira yakajeka mumishumo yenhau. Bva, ishoko rinomirira chimwe chinhu icho rudzi rwomunhu rwunoda zvikuru. Shoko racho ndi“nyaradzo.”

“Kunyaradza” kunoreva “kupa simba netariro ku” uye “kunyevenutsa nhamo kana kuti chinetso che” mumwe munhu. Nenyongano yose iyo nyika yakapfuura mairi muzana ramakore rechi20, tariro nokunyevenutswa kwenhamo zvinodikanwa chose chose. Chokwadi, vamwe vedu nhasi vanofarikanya zvinhu zvakanaka zvizhinji kupfuura izvo madzitateguru edu asina kumbofungidzira kuva zvinobvira. Ikoku kuri zvikuru nemhaka yekufambira mberi mune zvesayenzi. Asi sayenzi neuzivi hwekugadzirwa kwezvinhu hazvina kutinyaradza mupfungwa yekubvisa zvisakiso zvose zvokutambura kubva kurudzi rwemunhu. Zvii zviri izvi zvisakiso?

Mazana amakore mazhinji akapfuura murume akachenjera Soromoni akataura nezvechisakiso chimwe chikuru chokutambura apo akati: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Sayenzi neruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu hazvina kukwanisa kuchinja kuda kwemunhu kudzora munhu biyake. Muzana ramakore rechi20, ikoku kwakatungamirira kuudzvinyiriri hunotambudza mukati menyika uye kuhondo dzinotyisa pakati penyika.

Kubvira muna 1914 vanhu vanopfuura mamiriyoni zana vakaurawa somugumisiro wehondo. Funga nezvenhamo yemunhu iyo nhamba iyoyi inomirira—mamiriyoni emhuri dzinochema anoda nyaradzo. Uye hondo dzinotungamirira kune mamwe marudzi ekutambura kunze kwerufu rwemasimba masimba. Pakupera kwehondo yenyika yechipiri, kwakanga kune vapoteri vanopfuura mamiriyoni 12 muEurope. Mumakore mashoma zvikuru apfuura, vanopfuura miriyoni imwe nehafu vakatiza nharaunda dzehondo kuSoutheast Asia. Hondo munyika dzeBalkan yakamanikidza vanopfuura mamiriyoni maviri kutiza misha yavo—muzviitiko zvizhinji kutiza “kuparadzwa kwedzinza.”

Vapoteri zvirokwazvo vanoda nyaradzo, zvikurukuru avo vanobva mumisha yavo vasina zvinopfuura zvinhu zvavanogona kutakura, vasingazivi kwokuenda kana kuti chine ramangwana nokuda kwavo nemhuri dzavo. Vanhu vakadaro vari pakati pevanyajambwa vanosiririsa zvikurusa vekudzvinyirirwa; vanoda nyaradzo.

Mune mativi ane rugare zvikuru epasi, mamiriyoni anorarama muhunodokuva uranda kugadziriro yenyika yezvemari. Chokwadi, vamwe vane zvinhu zvekunyama zvizhinji. Ruzhinji, kunyange zvakadaro, runotarisana nerwisano yezuva nezuva kuti vave nechekurarama nacho. Vazhinji vari kutsvaka dzimba dzakanaka. Nhamba dzinowedzera hadzina mabasa. “Nyika,” rinofanotaura kudaro rimwe pepanhau romuAfrica, “yakananga kunjodzi yekushayikwa kwemabasa kusina muenzaniso, nevanopfuura mabhiriyoni 1,3 vachitsvaka mabasa panosvika gore ra2020.” Zvirokwazvo vanodzvinyirirwa mune zvemari vanoda “simba netariro”—nyaradzo.

Mukuita chimwe chinhu kumamirire ezvinhu ekupererwa nezano, vamwe vanova matsotsi. Chokwadika, ikoku kunongoparira bedzi nhamo kuvanyajambwa vavo, uye mwero mukuru weutsotsi unowedzera pfungwa yekudzvinyirirwa. Mumwe musoro mukuru wenhau wenguva pfupi yapfuura waiva muThe Star, rimwe pepanhau reJohannesburg, South Africa, wakati: “Zuva muupenyu hwe‘nyika youmhondi zvikurusa munyika yose.’” Nyaya yacho yakarondedzera zuva chairoiro muJohannesburg nemakapoteredza. Pazuva rimwe iroro, vanhu vana vakapondwa uye vasere vakabirwa motokari dzavo. Kupazwa kwedzimba gumi nekunomwe kwakashumwa mune rimwe sabhabhu rakabudirira zviri pakati nepakati. Mukuwedzera, kwakanga kune ugororo hwevakanga vaine zvombo. Maererano nepepanhau racho, mapurisa akarondedzera irori sezuva “rakanyarara zvikuru.” Nenzira inonzwisisika, hama dzokunyama dzevanyajambwa vokupondwa naavo vanopazirwa dzimba uye vanobirwa motokari vanonzwa vadzvinyirirwa chose chose. Vanoda vimbiso netariro—nyaradzo.

Mune dzimwe nyika, kune vabereki vanotengesa vana vavo muupfambi. Imwe nyika yeAsia uko vashanyi vanodirana nokuda kwe“shanyo dzevatano” inoshumwa kuva ine pfambi mamiriyoni maviri, zhinji dzadzo dzakatengwa kana kuti kupambwa sevana. Kune vanhu vapi navapi vanodzvinyirirwa zvikuru kupfuura ava vanyajambwa vanosiririsa here? Ichikurukura uku kutengeserana kwakashata, magazini yeTime yakashuma kumwe kuungana kwa1991 kwemasangano evakadzi eSoutheast Asia. Ikoko, kwakafungidzirwa kuti “vakadzi vane mamiriyoni 30 vakanga vatengeswa munyika yose kubvira pakati pema1970.”

Chokwadika, vana havafaniri kutengeswa muupfambi kuti vave vanyajambwa. Nhamba inowedzera inobatwa zvisina kufanira mumuviri kana kuti kunyange kubatwa chibharo mumisha yavo vamene nevabereki nehama dzokunyama. Vana vakadaro vangava nemavanga emirangariro kwenguva refu. Zvirokwazvo, sevanyajambwa vengwavaira yekudzvinyirirwa, vanoda nyaradzo.

Mudzidzi Wakare Wekudzvinyirirwa

Mambo Soromoni akatyiswa neukuru hwekudzvinyirirwa kwevanhu. Akanyora, kuti: “Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.

Kana mambo akachenjera akaziva makore anopfuura 3 000 apfuura kuti vanodzvinyirirwa vaida zvikuru munyaradzi, aizotaurei nhasi? Kunyange zvakadaro, Soromoni aiziva kuti hapana munhu asina kukwana, iye amene achibatanidzwa, aigona kugovera nyaradzo yaidikanwa nerudzi rwemunhu. Mumwe munhu akakura zvikuru akanga achidikanwa kuti aparadze simba revadzvinyiriri. Kune munhu akadaro here?

MuBhaibheri, Pisarema 72 rinotaura nezvemunyaradzi mukuru wevanhu vose. Pisarema racho rakanyorwa nababa vaSoromoni, Mambo Dhavhidhi. Mashoko aro okurondedzera anorava, kuti: “Pamusoro paSoromoni, NW.” Sezviri pachena, rakanyorwa naMambo Dhavhidhi akanga akwegura pamusoro peUyo aizogara nhaka chigaro chake choumambo. Iyeyu, maererano nepisarema racho, aizounza rusununguko rwechigarire pakudzvinyirirwa. “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, . . . kusvikira kumigumo yapasi.”—Pisarema 72:7, 8.

Sezvingabvira, apo Dhavhidhi akanyora mashoko iwaya, akanga achifunga nezvemwanakomana wake Soromoni. Asi Soromoni akaziva kuti akanga asingazvigoni nesimba rake kubatira rudzi rwomunhu munzira inorondedzerwa mupisarema racho. Aigona kuzadzika mashoko episarema racho munzira duku bedzi uye nokuda kwerudzi rwaIsraeri, kwete nokuda kwekubetserwa kwepasi rose. Sezviri pachena, iri pisarema rouporofita rakafuridzirwa rakanongedzera kune mumwe munhu akakura zvikuru kupfuura Soromoni. Iyeye akanga ari ani? Aigona bedzi kuva Jesu Kristu.

Apo ngirozi yakazivisa kuberekwa kwaJesu, yakati: “Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi.” (Ruka 1:32) Uyezve, Jesu akanongedzera kwaari amene se“mukuru kuna Soromoni.” (Ruka 11:31) Kubvira pakumutsirwa kwaJesu kuruoko rworudyi rwaMwari, ave ari mudenga, munzvimbo yaanogona kuzadzika mashoko ePisarema 72 ari. Kupfuurirazve, akagamuchira simba nechiremera kuna Mwari zvokuparadza joko revadzvinyiriri vavanhu. (Pisarema 2:7-9; Dhanieri 2:44) Naizvozvo Jesu ndiye achazadzika mashoko ePisarema 72.

Kudzvinyirirwa Kuchakurumidza Kuguma

Ikoku kunorevei? Kunoreva kuti kusunungurwa muzvimiro zviri zvose zvekudzvinyirirwa kwemunhu kuchakurumidza kuva chaikoiko. Kutambura kusina muenzaniso nekudzvinyirirwa zvakapupurirwa mukati mezana rino ramakore rechi20 zvakafanotaurwa naJesu serutivi rwechiratidzo chaizoratidzira “kuguma kwenyika.” (Mateo 24:3) Pakati pezvimwe zvinhu, akafanotaura, kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe.” (Mateo 24:7) Rutivi irworwo rweuporofita rwakavamba kuzadzikwa kwarwo panenge panguva iyo hondo yenyika yokutanga yakavamba muna 1914. “Rudo rwavazhinji ruchatonhora,” Jesu akawedzera kudaro, “nokuti kusarurama kuchawanda.” (Mateo 24:12) Kusateerera mutemo uye kushayikwa kwerudo kwakaparira chizvarwa chakaipa uye chinodzvinyirira. Nokudaro, nguva inofanira kuva pedyo yokuti Jesu Kristu apindire saMambo mutsva wapasi. (Mateo 24:32-34) Ikoko kucharevei nokuda kwavanhu vanodzvinyirirwa avo vanotenda Jesu Kristu uye vanotarira kwaari seMunyaradzi akagadzwa naMwari werudzi rwemunhu?

Nokuda kwemhinduro kumubvunzo iwowo, ngatiravei mashoko okuwedzera ePisarema 72 ayo anozadzikwa muna Kristu Jesu: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” (Pisarema 72:12-14) Nokudaro Mambo waMwari akagadzwa, Jesu Kristu, achava nechokwadi chokuti hapana munhu anofanira kutambura nemhaka yekudzvinyirirwa. Ane simba rokugumisa zvimiro zviri zvose zvekusaruramisira.

‘Ikoko kunonzwika sekunoshamisa,’ mumwe munhu angadaro, ‘asi zvakadini nazvino? Inyaradzoi iripo nokuda kwaavo vari kutambura zvino chaiye?’ Kutaura idi, kune nyaradzo nokuda kwavakadzvinyirirwa. Nyaya mbiri dzinotevera dziri mumagazini ino dzicharatidza nzira iyo mamiriyoni ari kutowana nayo nyaradzo kupfurikidza nokusakurira ukama hwapedyo naMwari wechokwadi, Jehovha, uye neMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu. Ukama hwakadaro hunogona kutinyaradza mukati menguva dzino dzinodzvinyirira uye hunogona kutungamirira munhu kuupenyu husingaperi husina kudzvinyirirwa. Jesu akati mumunyengetero kuna Mwari: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei, imi Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Hakuna munhu achadzvinyirira mumwe munyika itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe