RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/15 pp. 25-29
  • Mhoteredzo Yokukura muEquatorial Guinea

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhoteredzo Yokukura muEquatorial Guinea
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Kudyara Mbeu Mumazuva Apakuvamba
  • “Vanoziva Chinodikanwa Chavo Chomudzimu”
  • Kutsigira Kukura Kupfurikidza Nokuungana Pamwe Chete
  • Kudiridza Mbeu Nokushivirira
  • Kubetsera Vanhu Kunatsa Upenyu Hwavo
  • Kuva Varanda vaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/15 pp. 25-29

Mhoteredzo Yokukura muEquatorial Guinea

ZVINOKURA zvakasvibira ndiwo murangariro wokutanga mushanyi anowana apo ndege yake inomhara panhandare yendege yamarudzi akawanda yeEquatorial Guinea. Nzira yacho yakapoteredzwa nemiti mikuru, iyo inoita kuti zvivako zvepanhandare yendege zvive zviduku. Miti yakawanda inokura zvakanaka kubva pamhenderekedzo yegungwa kusvikira pamusoro pamakomo, ichinyandurwa nokunaya kukuru kwemvura uye tembiricha yegore rose iri mukati mama80.

Kukura kwakasimba kworumwe rudzi kuri kuitikawo muEquatorial Guinea, “kukura nokukurisa kwaMwari.” (VaKorose 2:19) Kufanana nomukuru mukuru weEtiopia akatsvaga betsero kuna Firipo, vakawanda kuno vanoda kunzwisisa Magwaro. (Mabasa 8:26-39) Hakusi kwechienzi kuti mumwe munhu asvike mumwe weZvapupu zvaJehovha mumugwagwa ndokukumbira fundo yeBhaibheri. Zvapupu zvinenge 325 zviri muEquatorial Guinea zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinopfuura chiuru.

Kudyara Mbeu Mumazuva Apakuvamba

Equatorial Guinea, nyika dukusa muAfrica, iri kumaodzanyemba kweNigeria neCameroon. (Ona mepu.) Mashoko akanaka akatanga kuunzwa muno neZvapupu zveNigeria zvakauya kuzotsvaga basa muminda yekoko. Kunyange zvazvo ungano dzinoverengeka dzinotaura chiNgezi dzakaumbwa, gare gare dzakaparara apo idzi hama dzaifanira kudzokera kuNigeria. Nokukurumidza pashure pokunge rusununguko rwapiwa kunyika yacho muna 1968, zvisinei, varoorani vatatu vaiva vafundisi veWatchtower vakagoverwa kuno. Vakanga vasingakwanisi kugara nguva yakareba nemhaka yezvinetso zvezvamatongerwe enyika, asi kupupura kwavo kwakabereka migumisiro yakaisvonaka.

Santiago, mumwe wavafundisi vacho, akasangana naBuenaventura, murume murefu, akasimba aizivikanwa navanhu vomunzvimbomo somunhu ane simba. Iye akanga ari munhu worudzidziso airemekedza Bhaibheri, bva akanga ane hasha dzamasimba masimba. Kunyomba kudukusa kwakanga kwakakwana kuti arove mumwe munhu. Apo aitsamwa ari mubhawa, vose vaivamo vaiparara, kunyange kukwira napamafafitera kuti vanzvenge tsiva dzake. Kutaura idi, sezvo aiteerera Santiago, akanga achida kumurova kudai akanga asingagoni kugovera chibvumikiso chinopwisa chapaMagwaro chezvaaitaura. ‘Hapana munhu upi noupi achanyengedza munhu ane simba,’ iye akazviudza amene. Iye akafadzwa nezvaakanzwa, zvikurukuru pamusoro petariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi pano, naizvozvo akabvuma fundo yeBhaibheri.

Sezvo fundo yacho yakapfuurira, chishuvo chaBuenaventura chokurarama nokusingaperi muParadhiso chakava chakasimba zvikuru, uye akadzidza kuti aizofanira kuwiriranisa upenyu hwake nemipimo yaMwari kuti awane mubayiro wakadaro. Achiziva kuti vaKristu vechokwadi havafaniri ku“dzorera chakaipa nechakaipa,” akavamba kuita nhamburiko yapachokwadi yokudzora hasha dzake.—VaRoma 12:17, NW.

Muedzo chaiwoiwo wakauya rimwe zuva apo netsaona akapunza girazi romumwe mutengi mubhawa. Murume wacho akatsamwa ndokumurova. Pakarepo, vamwe vaiva mubhawa vakaparara, vachikarira kurwa kutanga kuitika. Asi Buenaventura nenzira younyoro akaripira girazi rakanga rapwanyika, akatengera murume wacho chimwe chinwiwa, uye akakumbira ruregerero nokuda kwokusangwarira kwake. Apo vavakidzani vacho vakaona kuti fundo yeBhaibheri yakanga yaita chinjo dzakadaro maari, vanoverengeka vakadisa kufunda naye. Pakasvika nguva iyo Buenaventura akabhabhatidzwa, akanga ava kutoitisa fundo dzeBhaibheri shanu. Iye akabatira somukuru kwamakore mashanu okupedzisira, uye kunyange zvazvo vanhu vachiri kumudana kuti munhu ane simba, zvino vanodaro vachiita jee.

“Vanoziva Chinodikanwa Chavo Chomudzimu”

Mukati mema1970 Zvapupu zvishomanene zvomunzvimbomo zvakapfuurira kuparidza uye kusangana pamwe chete zvakanakisisa sezvazvaigona kuita. Gare gare, vafundisi vakaroorana vechiSpanish vakauya kuzobetsera. Andrés Botella, uyo abatira muEquatorial Guinea kwamakore 12, anoyeuka kuti nokukurumidza pashure pokunge asvika, akaororwa nenzira iyo vanhu vai“ziva [nayo zvirokwazvo] chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) “Wave uri mufaro chaiwoiwo kufunda Bhaibheri navanhu vanoonga vakadaro,” iye anodaro.

Mary, hanzvadzi yechiSpanish, yakanga ichifunda Bhaibheri nemhandara yainzi María iyo yakadudza kuti vabereki vayo, Francisco naFausta, vakanga vachifarirawo kufunda. Sezvo Mary akanga ari kuitisa fundo dzeBhaibheri 15 uye vabereki vaMaría vaigara kure, vhiki dzinoverengeka dzakapfuura asati akwanisa kuvashanyira.

Apo Mary nomurume wake, Serafín, pakupedzisira vakasangana navabereki vacho, vakanga vatova nebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Panoa neBhaibheri, uye vakanga vachidisa kutanga kufunda. Naizvozvo vakavamba pakarepo. Serafín akacherekedza kuti vabereki vaMaría vakanga vakarovedzana zvikuru nemashoko acho. Zvimwe chetezvo zvakaitika pashanyo yechipiri apo vakafukidza ganhuro rechipiri. “Kwakanga kwakadokufanana nokufunda neZvapupu zviviri zvakabhabhatidzwa,” Serafín anoyeuka kudaro. Pashanyo yechitatu, sezvo vakanga vachiratidzika kuva vanoziva mashoko acho zvakanaka kwazvo, Serafín akakarakadza rusando rwemibvunzo nemhinduro kuti awane kuti vakanga vachinzwisisa chaizvoizvo zvakawanda sei. Iye akawana kuti Francisco naFausta vakanga vafunda bhuku racho rose vari voga!

Zivo yavo yakanga ichangobva kuwanwa yakanga yavatapura sei? Mutsinhirano nezvavakanga vadzidza, vakanga vatorega kupinda misangano yokudavira midzimu uye vakanga vadambura batano neChechi yeKaturike. Kupfuurirazve, Francisco akanga arega kuputa, uye vakanga vasisiri kudya nyama yakanga isina kuchekwa nenzira yakafanira. Sezvo vakanga vashandisa sezviri pachena chinhu chiri chose chavakanga vadzidza, vakakurudzirwa kuvamba kugoverana zivo yavo nevamwe. Pakarepo vakatanga kuparidza kuvavakidzani vavo. Mumwedzi mitatu chete, vakakwanirisa nokuda kworubhabhatidzo. Francisco zvino mubatiri anoshumira, uye nemhaka yomuenzaniso wavo wakaisvonaka neshingairo mukuparidza, vatatu vevanasikana vavo zvino Zvapupu, vanakomana vaviri vanopinda misangano, uye dzimwe hama dzokunyama nhanhatu dziri kufunda.

Isati iri nguva refu pashure pokunge abhabhatidzwa, Francisco akasangana naPablo, muKaturike akazvipira uyo aibatira somutarisiri wezvinhu muchechi make. Pablo aiwanzopa mharidzo papi napapi apo muprista akanga asipo. Kana mutezo wechechi wakanga uchirwara, iye aishanyira; kana mumwe munhu asina kuuya kuchechi, Pablo aishanya kuti ape kurudziro; uye kana mumwe munhu akafa, aiita zvaaigona kuti anyaradze mhuri yacho. Nenzira inonzwisisika, Pablo aidiwa zvikuru navomuruwa rwose rwechechi.

Sezvo Pablo airemekedza Bhaibheri zvikuru, akabvuma nokudisa kukarakadza kwaFrancisco kuti afunde naye. Nokukurumidza Pablo akaona kuti shoko reBhaibheri raiva sei nomufungo, uye pashure pefundo shomanene, akasarudza kushandisa mamwe amagwaro aakanga adzidza paimwe ye“shanyo [dzake] dzokufudza” kumutezo wechechi wairwara. Nokukurumidza pashure pacho, muimwe yemharidzo dzake dzeSvondo, Pablo akatsanangura ukoshi hwokushandisa zita raMwari, Jehovha, uye chikonzero nei tisingafaniri kushandisa mifananidzo.

Sezvo akagamuchira chokwadi nokudisa kudaro, akakarira kuti mimwe mitezo yechechi yake yaizoita nenzira yakafanana. Asi pashure penhatu kana kuti ina dzeidzi mharidzo dzakavakirwa paBhaibheri, Pablo akacherekedza kuti vanhu vakanga vasiri kufara namashoko aakanga ari kupa. Naizvozvo akasarudza kurega chechi yacho ndokusonganirana nguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Mumwedzi mishomanene, akakwanirisa nokuda kworubhabhatidzo, uye zvino muparidzi anoshingaira wamashoko akanaka. Kunyange zvazvo asingakwanisi kuparidza nguva yakazara, zvino ari kuitisa fundo dzeBhaibheri gumi.

Kutsigira Kukura Kupfurikidza Nokuungana Pamwe Chete

Zvapupu zviri muEquatorial Guinea zvinorangarira nenzira yakakomba murayiro weBhaibheri wokusarega kuungana pamwe chete. (VaHebheru 10:25) Chibviro cha1994 apo basa racho rakazivikanwa zvakare zvapamutemo nehurumende, hama dzave dzichidisa kuwana Horo dzoUmambo dzakakodzera. Kutaura idi, dzakawanda zvikurusa dzeungano dzacho dzakavaka horo dzadzo dzimene kana kuti dziri kuita kudaro.

MuMongomo, umo vapindi vemisangano yeSvondo kazhinji kazhinji vanosvika kanopetwa kaviri nehafu nhamba yavaparidzi voUmambo, ungano yacho yave ichishanda zvakasimba kuti ivake nzvimbo yakakura yemisangano. Mamwe marudzidziso muMongomo kazhinji kazhinji anohaya vashandi kuti vavake chechi dzawo, naizvozvo mubato weZvapupu zvomunzvimbomo hauna kurega kucherekedzwa. Rimwe zuva mufudzi weIglesia Nueva Apostólica (Chechi Itsva Yavaapostora) akatsauka kuti abvunze mumwe wavakuru kuti aibhadhara marii ava vashandi vanoshanda zvakaoma. Mufudzi wacho akataura kuti kunyange zvazvo akanga apinza basa vamwe vavaki vakanga vari mitezo yechechi yake amene, basa racho rakanga riri kupfuurira mberi zvishomanene zvikuru. Iye akashamisika kana aigona kuhaya vashandi vakanga vari kuvaka Horo yoUmambo. Apo akaudzwa kuti Zvapupu zvose zvakanga zvichishanda pasina muripo, akafamba achienda akatyamadzwa.

Kupinda misangano kungada kuzvipira kwakati nokuda kwaavo vanogara kure neHoro yoUmambo. Juan, jaya rakabhabhatidzwa muna 1994, rakatarisana neaya mamiriro ezvinhu. Iro rakanzwa pamusoro pechokwadi muGabon, umo rakafunda hafu yokutanga yebhuku raKurarama Nokusingaperi. Ipapo rakadzokera kuEquatorial Guinea, kumusha kwarakaberekerwa anenge makiromita 100 kubva kuMongomo. Ikoku kwakapa denho yokuti ripfuurire nefundo yaro. Asi harina kudziviswa. Mwedzi uri wose, rakaita rwendo rwamaawa masere nebhasikoro kuenda kuMongomo, uko Santiago, mumwe wavakuru vomunzvimbomo, airiitisa fundo yeBhaibheri. Rakagara muMongomo kwamazuva mashomanene ndokufunda katatu kana kuti kana mukati mokugara kwacho. Muiyi nzira rakakwanisa kupedza fundo yaro ndokukwanirisa nokuda kworubhabhatidzo.

Juan anoramba akasimba mumudzimu sei nesonganiro shomanene kwazvo navamwe vaKristu? Kupfuura zvose, kupfurikidza nokuva muparidzi anoshingaira wamashoko akanaka. Iye akaparidza kuvanhu vose vaiva mumusha make, uye panguva yaakabhabhatidzwa, akanga ava kuitisa fundo dzeBhaibheri 13. Vatanhatu vevadzidzi vake vakamuperekedza kuzuva regungano chairo muMongomo kunopupurira rubhabhatidzo rwake. Zvino anoitisa Fundo yeNharireyomurindi navanofarira vari munharaunda make, uye kazhinji kazhinji vanenge 20 vanopinda.

Kudiridza Mbeu Nokushivirira

Hakusi kukura kwose kwomudzimu kunokurumidza. Pane dzimwe nguva shiviriro yakawanda zvikuru inodikanwa kuti uone mbeu yacho pakupedzisira ichibereka chibereko. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi naPaca, uyo akatanga kunzwa mashoko akanaka shure muna 1984 apo Edita, hanzvadzi piyona, yakapupura kwaari mumusika. Apo Edita akashanyira Paca mumusha make vhiki yakatevera yacho, Paca akabvuma fundo yeBhaibheri. Kunyange zvazvo akanga asiri kuita fambiro mberi huru, Edita akapfuurira nemhaka yokuti akacherekedza mavara akanaka muna Paca. “Airatidzika kuva munhu akafanana negwai,” anotsanangura kudaro Edita, “uye ndakanyengetera kuna Jehovha kuti avhure mwoyo wake.”

Paca akapfuuridzira fundo yake apo neapo kwamakore mana nehafu asi zvisinei nefambiro mberi duku zvikuru. Naizvozvo apo vakapedza bhuku raKurarama Nokusingaperi, Edita akava nekurukurirano yakajeka naPaca pamusoro poukoshi hwokurangarira chokwadi nenzira yakakomba. Mukuedza kwake kusvika mwoyo waPaca, Edita akatochema.

“Zano iroro romwoyo wose rakandisvika pamwoyo,” anoyeuka kudaro Paca. “Kubva ipapo zvichienda mberi ndakavamba kuita chinjo muupenyu hwangu. Ndakanyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, uye gore rimwe chetero ndakava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Zuva randakabhabhatidzwa pakupedzisira rakanga riri zuva romufaro mukurusa muupenyu hwangu!” Mbavarira yazvino yaPaca inopesana nokusakendenga kwake kwekare. Pari zvino ari kuitisa fundo dzeBhaibheri 13, uye chokwadika anoshivirira avo vasingaiti fambiro mberi yokukurumidza.

Kubetsera Vanhu Kunatsa Upenyu Hwavo

Kupfurikidza nokurarama maererano nemipimo yeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha muEquatorial Guinea zvakawana mukurumbira wokutendeseka nedzikamo. Mumwe murume, uyo sezvinooneka akanga aororwa nemufambiro wavo, akasvika mumwe mukuru weBata Ungano ndokubvunza, kuti: “Mune bhuku raKurangarira here?b Ndaneta nokuva munhu wenyika. Ndingada kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha!”

Antonio, mumwe mubatiri anoshumira muMalabo Ungano, muenzaniso chaiwoiwo womunhu wenyika akava Chapupu. Asati afunda Bhaibheri, akararama upenyu hwakaipa. Iye akapedzera yakawanda zvikurusa yemari yaaiwana somugadziri wewachi muzvinwiwa, uye airaramawo nenzira younzenza. Chii chakamubetsera kuchinja mararamiro ake? Iye akaororwa zvikuru nezvakanyorwa zvakasimba pana 1 VaKorinte 6:9, 10: “Musarashika; nokuti mhombwe, . . . kana vanosinwa doro, . . . havangagari nhaka youshe hwaMwari.” Iye akaziva kuti kuti awane nyasha dzaMwari, anofanira kuchinja mararamiro ake. Nokuda kwechinangwa ichocho akavamba kungwarira songaniro yake. (Zvirevo 13:20) Apo dzaichimbova shamwari dzakamukoka kuti vandonwa, iye akaramba kukokwa kwacho uye panzvimbo pezvo akapupura kwavari. Nokukurumidza vakarega kumunetsa.

Kwakanga kwakafanira nhamburiko yacho yose here? “Ndinofara zvikuru kuva ndakachinja mararamiro angu,” Antonio anotsanangura kudaro. “Utano hwangu huri nani zvikuru kunyange zvazvo zvino ndava mumakore angu 60, nepo dzaichimbova shamwari dzangu dzakafa kana kuti zvimwe dziri kutambura utano husina kunaka. Zvino ndine shamwari dzechokwadi panzvimbo peidzo dzinongoda muperekedzi anodisa kuripira chinwiwa chadzo chinotevera. Chinokosha zvikurusa kupfuura zvose, ndine ukama hwakanaka naMwari. Zvino ndiri kubatira sapiyona wenguva dzose, uye ndine fundo yeBhaibheri nomurume anewo chinetso chokunwa, naizvozvo ndinogona kushandisa ruzivo rwangu rwokuzviwanira kumubetsera.”

Kuva Varanda vaMwari

Makore 200 akapfuura, vanhu vaibva kumahombekombe kweEquatorial Guinea vakakombwa ndokutumirwa kunyika dzeAmerica savaranda. Nhasi, vakawanda vari kuva varanda nokuzvidira—varanda vaMwari. Ichi chimiro chouranda chakavaunzira rusununguko rwechokwadi, chichivasunungura mudzidziso dzeBhabhironi nemiitiro yokudavira midzimu. Chakavadzidzisawo nzira yokurarama nayo upenyu hunogutsa nohunobudirira. Vakasvika pakuwana icho Jesu akavimbisa, kuti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johane 8:32, NW.

Navane 1 937 vakapinda kuchengetwa kweChirangaridzo cha1995—inodokusvika katanhatu nhamba yavaparidzi vari munyika yacho—pane kariro dzakaisvonaka dzokumwe kukura kwomudzimu. Sezvo Zvapupu muEquatorial Guinea zvinopfuurira nokushingairira kusima nokudiridza mbeu yechokwadi, zvine chokwadi chokuti ‘Mwari achaita kuti irambe ichikura.’ (1 VaKorinte 3:6) Pasina kupanikira, mune mhoteredzo yakaisvonaka yokukura kwomudzimu muEquatorial Guinea!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe