RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/15 pp. 10-15
  • Vose Vanofanira Kuzvidavirira Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vose Vanofanira Kuzvidavirira Kuna Mwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngirozi Dzinozvidavirira
  • Mwanakomana waMwari Anozvidavirira
  • Kuzvidavirira Samarudzi
  • Mienzaniso Yekuzvidavirira Kwemunhu Oga
  • Kuzvidavirira Muungano yechiKristu
  • Jehovha Ngaafarire Kuzvidavirira Kwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • VaKristu Vanoda Rubatsiro Rwomumwe Nomumwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mwari Ave Achiitei?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/15 pp. 10-15

Vose Vanofanira Kuzvidavirira Kuna Mwari

“Mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.”—VAROMA 14:12.

1. Iganhuriroi dzakaiswa parusununguko rwaAdhama naEvha?

JEHOVHA MWARI akasika vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, sevanhu vaiita zvavanoda. Kunyange zvazvo vakanga vakaderera pane ngirozi, vakanga vari zvisikwa zvakangwara zvaikwanisa kuita zvisarudzo zvokuchenjera. (Pisarema 8:4, 5) Bva, rusununguko irworwo rwakapiwa naMwari rwakanga rwusiri mvumo yekuita madiro. Vakanga vachizvidavirira kuMusiki wavo, uye kuzvidavirira uku kwakatambanukira kuvazukuru vavo vose.

2. Jehovha achakurumidza kuita kuzvidavirirai, uye nei?

2 Zvino zvatava kuswedera pedyo nemugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu, Jehovha achaita kuzvidavirira papasi rino. (Enzanisa naVaRoma 9:28.) Nokukurumidza, vanhu vasina umwari vachafanira kuzvidavirira kuna Jehovha Mwari nokuda kwekuparadza zviwanikwa zvapasi, kuparadzwa kweupenyu hwemunhu, uye zvikurukuru kutambudzwa kwevabatiri vake.—Zvakazarurwa 6:10; 11:18.

3. Ticharangarira mibvunzoi?

3 Tatarisana neiyi kariro yakakomba, kunobetsera kuti tirangarire kubata kwaJehovha kwakarurama nezvisikwa zvake munguva dzakapfuura. Magwaro anogona sei kutibetsera, somunhu oga, kupa kuzvidavirira kunogamuchirika kuMusiki wedu? Mienzanisoi ingabetsera, uye ndeipi yatinofanira kudzivisa kutevedzera?

Ngirozi Dzinozvidavirira

4. Tinoziva sei kuti Mwari anoita kuti ngirozi dzizvidavirire nokuda kwezviito zvadzo?

4 Zvisikwa zvaJehovha zviri ngirozi mumatenga zvinozvidavirira kwaari sezvatinongoita. Mafashamo ezuva raNoa asati aitika, dzimwe ngirozi nokusateerera dzakapfeka miviri yenyama kuitira kuti dzivatane nevakadzi. Sezvo zvichiita zvazvinoda, izvi zvisikwa zvomudzimu zvaigona kuita chisarudzo ichi, asi Mwari akaita kuti zvizvidavirire. Apo ngirozi dzisingateereri dzakadzokera kunzvimbo yemidzimu, Jehovha haana kudzibvumidza kuwanazve nzvimbo yadzo yapakuvamba. Mudzidzi Judhasi anotiudza kuti dzaka“chenget[w]a muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru.”—Judhasi 6.

5. Kuwai kwakava naSatani nemadhemoni ake, uye kuzvidavirira kwokupandukira kwavo kuchapedzwa sei?

5 Idzi ngirozi dzisingateereri, kana kuti madhemoni, dzinotongwa naSatani Dhiyabhorosi. (Mateo 12:24-26) Iyi ngirozi yakaipa yakapandukira Musiki wayo ndokudenha ururami hweuchangamire hwaJehovha. Satani akapinza vabereki vedu vokutanga muchivi, uye ikoku kwakaguma nerufu rwavo pakupedzisira. (Genesi 3:1-7, 17-19) Kunyange zvazvo Jehovha akabvumidza Satani kupinda munzvimbo dzokudenga kwenhambo yakati pashure paikoko, bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rakafanotaura kuti munguva yaMwari yakafanira, akaipa uyu aizokandirwa kunharaunda yepasi. Ufakazi hunoratidzira kuti ikoku kwakaitika nokukurumidza pashure pekunge Jesu Kristu agamuchira simba roUmambo muna 1914. Pakupedzisira, Dhiyabhorosi nemadhemoni ake vachapinda muruparadziko rusingaperi. Nhau yeuchangamire yapedzwa pakupedzisira, kuzvidavirira kwokupandukira ipapo kuchave kwapedzwa zvakarurama.—Jobho 1:6-12; 2:1-7; Zvakazarurwa 12:7-9; 20:10.

Mwanakomana waMwari Anozvidavirira

6. Jesu anorangarira sei kuzvidavirira kwake amene kuna Baba vake?

6 Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wakagadzwa neMwanakomana waMwari, Jesu Kristu! Somunhu akakwana akaenzana naAdhama, Jesu akafara kuita kuda kwaMwari. Akanga achifarawo kuva anozvidavirira nokuda kwekuwirirana nemutemo waJehovha. Pamusoro pake, wezvamapisarema nenzira yakakodzera akaporofita, kuti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.”—Pisarema 40:8; VaHebheru 10:6-9.

7. Pakunyengetera pausiku hwerufu rwake, nei Jesu aigona kutaura mashoko akanyorwa pana Johane 17:4, 5?

7 Pasinei zvapo nechishoro cheruvengo icho Jesu akava nacho, akaita kuda kwaMwari ndokuchengeta kuperera kusvikira kurufu padanda rokutambudzira. Nenzira iyoyo akabhadhara muripo werudzikinuro kuti adzikinure rudzi rwemunhu mumigumisiro inouraya yechivi chaAdhama. (Mateo 20:28) Nokudaro, pausiku hwerufu rwake, Jesu aigona kunyengetera nechivimbo, kuti: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite. Zvino imi Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.” (Johane 17:4, 5) Jesu aigona kutaura mashoko iwayo kuna Baba vake vokudenga nemhaka yekuti akanga achikunda nokubudirira muedzo wekuzvidavirira uye aigamuchirika kuna Mwari.

8. (a) Pauro akaratidza sei kuti tinofanira kupa kuzvidavirira kwedu timene kuna Jehovha Mwari? (b) Chii chichatibetsera kugamuchirwa naMwari?

8 Kusafanana nemunhu akakwana Jesu Kristu, hatina kukwana. Bva, tinozvidavirira kuna Mwari. Muapostora Pauro akati: “Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Noupenyu hwangu—ndizvo zvinoreva Ishe—ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari. Naizvozvo mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:10-12) Kuitira kuti tiite saizvozvo ndokugamuchirwa naJehovha, akatipa nerudo zvose zviri zviviri hana neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri, kuti atitungamirire mune zvatinotaura nezvatinoita. (VaRoma 2:14, 15; 2 Timotio 3:16, 17) Kushandisa zvakazara gadziriro dzaJehovha dzomudzimu uye kutevera hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri kuchatibetsera kugamuchirwa naMwari. (Mateo 24:45-47) Mudzimu mutsvene waJehovha, kana kuti simba rinobata basa, manyuko akawedzerwa esimba nenhungamiro. Kana tikaita mutsinhirano nenhungamiro yemudzimu uye kutungamirira kwehana yedu yakarovedzwa neBhaibheri, tinoratidza kuti hati‘zvidzi Mwari,’ uyo tinofanira kuzvidavirira kwaari nokuda kwezviito zvedu zvose.—1 VaTesaronika 4:3-8; 1 Petro 3:16, 21.

Kuzvidavirira Samarudzi

9. Ndivanaani vakanga vari vaEdhomi, uye chii chakaitika kwavari nemhaka yekubata kwavo Israeri?

9 Jehovha anoita kuti marudzi azvidavirire. (Jeremia 25:12-14; Zefania 3:6, 7) Rangarira umambo hwakare hwaEdhomi, hwaiva kumaodzanyemba kweGungwa Rakafa uye kuchamhambe kweGulf of Aqaba. VaEdhomi vakanga vari vanhu vechiJudha, vakasanobatanidzwa nevaIsraeri. Kunyange zvazvo tateguru wevaEdhomi akanga ari muzukuru waAbrahama Esau, vaIsraeri vakarambidzwa kufamba nomuEdhomi pa“nzira huru yamambo” vachienda kuNyika Yakapikirwa. (Numeri 20:14-21) Mumazana amakore ruvengo rwaEdhomi rwakava ruvengo rusina ngoni nokuda kwaIsraeri. Pakupedzisira, vaEdhomi vaifanira kuzvidavirira nokuda kwekukurudzira kwavo vaBhabhironi kuparadza Jerusarema muna 607 B.C.E. (Pisarema 137:7) Muzana ramakore rechitanhatu B.C.E., mauto eBhabhironi achitungamirirwa naMambo Nabonidus akakunda Edhomi, uye yakava dongo, sezvo Jehovha akanga arayira.—Jeremia 49:20; Obhadhiya 9-11.

10. VaMoabhi vakaita sei kuvaIsraeri, uye Mwari akaita kuti Moabhi azvidavirire sei?

10 Moabhi haina kuita zviri nani. Umambo hweMoabhi hwakanga huri kuchamhembe kweEdhomi uye kumabvazuva kweGungwa Rakafa. VaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, vaMoabhi havana kuita nenzira yomutsa kwavari, sezviri pachena vachivagovera chingwa nemvura bedzi nokuda kwemhindu yemari. (Dheuteronomio 23:3, 4) Mambo waMoabhi Bharaki akatenga muporofita Bharami kuti atuke Israeri, uye vakadzi veMoabhi vakashandiswa kunyengera varume veIsraeri kupinda muunzenza nekunamata zvidhori. (Numeri 22:2-8; 25:1-9) Zvisinei, Jehovha haana kurega kuvenga Israeri kweMoabhi kusingacherekedzwi. Sezvakaporofitwa, Moabhi yakatambura kuparadzwa nevaBhabhironi. (Jeremia 9:25, 26; Zefania 2:8-11) Hungu, Mwari akaita kuti vaMoabhi vazvidavirire.

11. Moabhi naAmoni vakava semaguta api, uye uporofita hweBhaibheri hunoratidzirei pamusoro petsika yakaipa yazvino yezvinhu?

11 Handi Moabhi bedzi asiwo Amoni yaifanira kupa kuzvidavirira kuna Mwari. Jehovha akanga afanotaura, kuti: “Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi.” (Zefania 2:9) Nyika dzeMoabhi neAmoni dzakaparadzwa, kunyange seizvo Mwari akanga aparadza maguta eSodhoma neGomora. Maererano neGeological Society of London, vanzveri vanotaura kuva vakawana nzvimbo dzeSodhoma neGomora zvakaitwa matongo pamhenderekedzo yegungwa yekumabvazuva yeGungwa Rakafa. Ufakazi hupi nohupi hunovimbika huchigere kuwanikwa muna ikoku hunogona bedzi kutsigira uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti tsika yakaipa iripo yezvinhu ichazvidavirirawo kuna Jehovha Mwari.—2 Petro 3:6-12.

12. Kunyange zvazvo Israeri aifanira kupa kuzvidavirira kuna Mwari nokuda kwezvivi zvake, chii chakanga chafanotaurwa pamusoro pevakasarira vechiJudha?

12 Kunyange zvazvo Israeri akanga anzwirwa nyasha zvikuru naJehovha, aifanira kuzvidavirira kuna Mwari nokuda kwezvivi zvake. Apo Jesu Kristu akauya kurudzi rwaIsraeri, ruzhinji rwakamuramba. Vakasarira bedzi vakashandisa kutenda ndokuva vateveri vake. Pauro akashandisa uporofita hwakati kuvakasarira ava vechiJudha apo akanyora, kuti: “Isaya unodana pamusoro pavaIsraeri, achiti: Kana kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa; nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza. Sezvaakamboreva Isayawo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.” (VaRoma 9:27-29; Isaya 1:9; 10:22, 23) Muapostora akadudza muenzaniso we7 000 vomunguva yaEria avo vakanga vasina kukotamira Bhaari, uye ipapo akati: “Zvino, saizvozvo nenguva inowo variko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.” (VaRoma 11:5) Vakasarira ivavo vakanga vakaumbwa nevanhu vaizvidavirira somunhu oga kuna Mwari.

Mienzaniso Yekuzvidavirira Kwemunhu Oga

13. Chii chakaitika kuna Kaini apo Mwari akamuita kuti azvidavirire nokuda kwokuponda munun’una wake Abheri?

13 Bhaibheri rinodudza zviitiko zvizhinji zvekuzvidavirira kwemunhu oga kuna Jehovha Mwari. Rangarira mwanakomana wedangwe waAdhama, Kaini, somuenzaniso. Vose vari vaviri iye nemunun’una wake Abheri vakapa zvibayiro kuna Jehovha. Chibayiro chaAbheri chakagamuchirika kuna Mwari, asi chaKaini hachina. Apo akaitwa kuti azvidavirire nokuda kwekuponda noutsinye munun’una wake, Kaini nekusakendenga akaudza Mwari, kuti: “Ndini mufudzi womunun’una wangu kanhi?” Nokuda kwechivi chake, Kaini akadzingirwa “panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.” Haana kuratidza kupfidza kwepachokwadi nokuda kwemhosva yake, achidemba bedzi chirango chake chakarurama.—Genesi 4:3-16.

14. Kuzvidavirira kwemunhu oga kuna Mwari kwakaratidzirwa sei muchiitiko chomuprista mukuru Eri navanakomana vake?

14 Kuzvidavirira kwemunhu oga kuna Mwari kunoratidzirwawo muchiitiko chemuprista mukuru waIsraeri Eri. Vanakomana vake, Hofni naPinehasi, vaibatira savaprista vanotungamirira asi “vakanga vane mhaka yekusaruramisira vanhu, uye yekusachena kuna Mwari, uye vaisarega rudzi rupi nerupi rweuipi,” anodaro wezvenhau Josephus. Ava “vanhu vakaisvoipa” havana kubvuma Jehovha, vakapinda mumufambiro wakaipa, uye vakanga vane mhaka yeunzenza hwakakomba. (1 Samueri 1:3; 2:12-17, 22-25) Sababa vavo uye muprista mukuru waIsraeri, Eri akanga ane basa rokuvaranga, asi aingovatsiura zvake nounyoro. Eri ‘akaramba achikudza vanakomana vake zvikuru kupfuura Jehovha.’ (1 Samueri 2:29) Chirango chakauya paimba yaEri. Vanakomana vose vari vaviri vakafa zuva rimwe chetero sababa vavo, uye mutsara wavo weuprista pakupedzisira wakagurwa chose chose. Nokudaro kuzvidavirira kwacho kwakapedzwa.—1 Samueri 3:13, 14; 4:11, 17, 18.

15. Nei Mwanakomana waMambo Sauro Jonatani akatuswa?

15 Muenzaniso wakasiyana chose chose wakagadzwa nemwanakomana waMambo Sauro Jonatani. Nokukurumidza pashure pekunge Dhavhidhi auraya Goriati, “mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi,” uye vakaita sungano yeushamwari. (1 Samueri 18:1, 3) Sezvingabvira, Jonatani akaziva kuti mudzimu waMwari wakanga wasiya Sauro, asi kushingairira kwake amene kunamata kwechokwadi kwakaramba kusina kuderera. (1 Samueri 16:14) Kunzwisisa kwaJonatani chiremera chaDhavhidhi chakapiwa naMwari hakuna kutongoderera. Jonatani akaziva kuzvidavirira kwake kuna Mwari, uye Jehovha akamutusa nokuda kwenzira yake inokudzwa kupfurikidza nokuva nechokwadi chokuti mutsara wemhuri yake waizopfuurira kwezvizvarwa.—1 Makoronike 8:33-40.

Kuzvidavirira Muungano yechiKristu

16. Tito aive ani, uye nei kuchigona kutaurwa kuti akapa kuzvidavirira kwakanaka kwake amene kuna Mwari?

16 Magwaro echiKristu echiGiriki anotaura zvakanaka nezvevarume nevakadzi vazhinji avo vakapa kuzvidavirira kwakanaka kwavo vamene. Somuenzaniso, kwakanga kune muKristu wechiGiriki ainzi Tito. Kwakakarakadzwa kuti akava muKristu mukati merwendo rwekutanga rwaPauro rweufundisi rwekuKupro. Sezvo vaJudha nevatendeuki vaibva Kupro vangave vaive muJerusarema mukati mePentekosta ya33 C.E., chiKristu chingave chakasvika chitsuwa chacho nokukurumidza pashure paikoko. (Mabasa 11:19) Kunyange zvazvo zvakadaro, Tito akabvumikisa kuva mumwe wevashandi biyake vaPauro vakatendeka. Akaperekedza Pauro naBhanabhasi parwendo rwekuJerusarema munenge muna 49 C.E., apo nhau inokosha yekudzingiswa yakapedzwa. Idi rokuti Tito akanga asina kudzingiswa rakasimbisa kutaura kwaPauro kwokuti vatendeukiri kuchiKristu havafaniri kuva pasi poMutemo waMosesi. (VaGaratia 2:1-3) Ushumiri hwakaisvonaka hwaTito hunopupurirwa muMagwaro, uye Pauro akatotumira tsamba yakafuridzirwa naMwari kwaari. (2 VaKorinte 7:6; Tito 1:1-4) Sezviri pachena kusvikira kumugumo kumene kweupenyu hwake hwapasi, Tito akapfuurira kupa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene kuna Mwari.

17. Timotio akapa kuzvidavirirai, uye muenzaniso iwoyu unogona sei kutitapura?

17 Timotio akanga ari mumwe munhu aishingaira uyo akazvidavirira amene zvinogamuchirwa naJehovha Mwari. Kunyange zvazvo Timotio akanga aine zvinetso zvakati zveutano, akaratidzira ‘kutenda pasina kunyengera kupi nokupi’ uye ‘akabata naPauro mukupfuuridzirwa kwemashoko akanaka.’ Muapostora naizvozvo aigona kuudza vaKristu biyake muFiripi, kuti: “Handina mumwe munhu unemwoyo wakaita sowa[Timotio], uchava nehanya kwazvo nezvenyu.” (2 Timotio 1:5; VaFiripi 2:20, 22; 1 Timotio 5:23) Mukutarisana neutera hwemunhu nemimwe miedzo, isuwo tinogona kuva nekutenda kusinganyengeri uye tinogona kupa kuzvidavirira kwedu timene kunogamuchirwa naMwari.

18. Ridhia akanga ari ani, uye akaratidzira mudzimui?

18 Ridhia akanga ari mukadzi weumwari uyo sezviri pachena akapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene Mwari. Iye nemhuri yake vakanga vari pakati pevanhu vekutanga muEurope kugamuchira chiKristu nemhaka yemubato waPauro muFiripi munenge muna 50 C.E. Mugari akaberekerwamo weTiatira, Ridhia zvimwe akanga ari mutendeuki wechiJudha, asi kungave kwakanga kwave kune vaJudha vashomanene uye musina sinagoge muFiripi. Iye nevamwe vakadzi vapachokwadi vakanga vachisangana pane rumwe rwizi apo Pauro akataura kwavari. Somugumisiro, Ridhia akava muKristu uye akakurira Pauro nevasonganiri vake kugara naye. (Mabasa 16:12-15) Mutsa uyo Ridhia akaratidza unoramba uri vara rinosiyanisa revaKristu vechokwadi.

19. Dorkasi akapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene kuna Mwari nezviitoi zvakanaka?

19 Dorkasi akanga ari mumwe mukadzi akapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene kuna Jehovha Mwari. Apo akafa, Petro akaenda kuJopa achipindura chikumbiro chakaitwa nevadzidzi vaigarako. Varume vaviri vakasangana naPetro “vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.” Dorkasi akadzorerwa kuupenyu. Asi anofanira kuyeukwa chete chete nokuda kwemudzimu wake werupo here? Aiwa. Akanga ari “mudzidzi” uye zvirokwazvo akabatikana mubasa rokuita vadzidzi iye amene. Vakadzi vechiKristu nhasi nenzira yakafanana ‘vane mabasa akanaka mazhinji nezvipo zvengoni.’ Vanofarawo kuva negoverano yekushingaira mukuzivisa mashoko akanaka eUmambo uye kuita vadzidzi.—Mabasa 9:36-42; Mateo 24:14; 28:19, 20.

20. Tingazvibvunza timene mibvunzoi?

20 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti marudzi nevanhu vanofanira kupa kuzvidavirira kuna Changamire Ishe Jehovha. (Zefania 1:7) Kana takazvitsaurira kuna Mwari, naizvozvo tingazvibvunza timene kuti, ‘Ndinorangarira sei ropafadzo dzangu nemutoro zvakapiwa naMwari? Rudzii rwekuzvidavirira rwandiri kupa ndimene kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu?’

Mhinduro Dzako Ndedzipi?

◻ Ungabvumikisa sei kuti ngirozi neMwanakomana waMwari vanozvidavirira kuna Jehovha?

◻ Mienzanisoi yeBhaibheri iripo yokuratidza kuti Mwari anoita kuti marudzi azvidavirire?

◻ Bhaibheri rinotii pamusoro pekuzvidavirira kwemunhu oga kuna Mwari?

◻ Ndivanaani vakanga vari vamwe vanhu vechinyorwa cheBhaibheri vakapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kuna Jehovha Mwari?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jesu Kristu akapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene kuna Baba vake vokudenga

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kufanana naDorkasi, vakadzi vechiKristu nhasi vanopa kuzvidavirira kwakanaka kwavo vamene kuna Jehovha Mwari

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Rufu rwaAbheri/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe