Iwe Unoyeuka Here?
Wakaonga kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura zveNharireyomurindi here? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:
◻ Mashoko aJesu, “Vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa,” anoreva here kuti vaKristu vanogona kukanganwira zvivi? (Johane 20:23)
Hapana hwaro hwapaMagwaro hwokugumisa kuti vaKristu vose zvavo, kana kuti kunyange vakuru vakagadzwa muungano, vane chiremera choumwari chokukanganwira zvivi. Mashoko akapoteredza mashoko aJesu anoratidzika kuva anoratidza kuti vaapostora vakanga vagoverwa kupfurikidza nokushanda kwomudzimu chiremera chaicho chokukanganwira kana kuti kuchengeta zvivi. (Ona Mabasa 5:1-11; 2 VaKorinte 12:12.)—4/15, peji 28.
◻ Chii chakatanhamara pamusoro peshanduro yaJ. J. Stewart Perowne yebhuku reMapisarema, yakatanga kubudiswa muna 1864?
Mushanduro yake Perowne akaedza kunamatira “zvikuru kuchimiro chechiHebheru, mose muri muviri mumadimikira acho uye mukurongwa kwezvikamu zvamashoko.” Mukuita kudaro iye akada kudzorerwa kwezita raMwari muchimiro chokuti “Jehovha.”—4/15, peji 31.
◻ Inhungamiroi iyo Jesu akapa vateveri vake pamusoro pokubata kwavo nehurumende dzenyika
Jesu akati: “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” (Mateo 22:21) Iye akatiwo: “Ani naani unokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.” (Mateo 5:41) Jesu pano akanga achiratidzira nheyo yokuzviisa pasi kwokudisa pemirayiro yapamutemo, mungava muukama hwavanhu kana kuti muzvinodikanwa zvehurumende izvo zvinotsinhirana nomutemo waMwari. (Ruka 6:27-31; Johane 17:14, 15)—5/1, peji 12.
◻ ‘Kufamba muzvokwadi’ kunorevei? (Pisarema 86:11)
Ikoku kunobatanidza kuchengeta zvinodikanwa zvaMwari uye kumubatira nokutendeka nouchokwadi. (Pisarema 25:4, 5; Johane 4:23, 24)—5/15, peji 18.
◻ Chii chakaitwa nokutumira kwaJehovha Jona kuNinevhe?
Sezvo zvinhu zvakabvumikisa kuva, mubato wokuparidzira waJona muNinevhe wakaratidza musiyano pakati pavaNinevhe vanopfidza navaIsraeri vakaoma mitsipa, avo vakanga vasina kutenda zvikuru uye kuzvininipisa. (Enzanisa naDheuteronomio 9:6, 13; Jona 3:4-10.)—5/15, peji 28.
◻ Ndiani ari Nyoka uye ndiani ari “mukadzi” zvinonongedzerwa kwazviri pana Genesi 3:15?
Nyoka haisi nyoka yakaderera asi uyo akaishandisa, Satani Dhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 12:9) “Mukadzi” haasi Evha asi sangano raJehovha rokudenga, mai vevabatiri vake vakazodzwa nomudzimu vari pasi pano. (VaGaratia 4:26)—6/1, peji 9.
◻ Munhu anogona sei kubuda muBhabhironi Guru ndokuwana chengeteko? (Zvakazarurwa 18:4)
Iye anofanira kuzviparadzanisa amene chose chose nemasangano orudzidziso rwenhema uyewo netsika dzawo nomudzimu waanotanga, uye ipapo iye anofanira kuwana chengeteko mukati mesangano roubati ushe hwaMwari raJehovha. (VaEfeso 5:7-11)—6/1, peji 18.
◻ Nei gondo richiwanzodudzwa muMagwaro?
Vanyori veBhaibheri vakanongedzera kumavara egondo kuratidzira zvinhu zvakadai souchenjeri, dziviriro youmwari, uye kukurumidza.—6/15, peji 8.
◻ Vabatiri vaMwari nhasi avo vane tariro yapasi vane mudzimu waMwari wakawanda zvikuru sezvakaita vaKristu vakazodzwa nomudzimu here?
Zvikurukuru, mhinduro ndihungu. Mudzimu waMwari unowanika muzvikamu zvakaenzana kumapoka ose ari maviri, uye zivo nenzwisiso zvinowanikwa zvakaenzana neose ari maviri.—6/15, peji 31.
◻ Nei kuchibetsera kuti isu nhasi tinzvere basa rinoyera raiitwa navaprista vaIsraeri patembere muJerusarema?
Kupfurikidza nokuita kudaro tinogona kusvika pakunzwisisa zvizere zvikuru gadziriro yengoni iyo kupfurikidza nayo vanhu vanotadza nhasi vanoyananiswa naMwari. (VaHebheru 10:1-7)—7/1, peji 8.
◻ Tembere yechipiri yakavakwa paJerusarema yakawana sei mbiri huru zvikuru kupfuura iyo yakavakwa naSoromoni?
Tembere yechipiri yakagara makore 164 kupfuura tembere yaSoromoni. Vanamati vakawanda vaibva kunyika dzakawanda zvikuru vakadirana muvazhe dzayo. Zvinokosha zvikuru, iyi tembere yechipiri yakafarikanya musiyano mukuru wokuva noMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, achidzidzisa mukati mevazhe dzayo.—7/1, peji 12, 13.
◻ Mwari akabudisa tembere yake yomudzimu rini?
Imomu makanga muri muna 29 C.E. apo Mwari akaratidza tendero yake yomunyengetero waJesu worubhapatidzo. (Mateo 3:16, 17) Tendero yaMwari yokupiwa kwomuviri waJesu yakareva kuti, mupfungwa yomudzimu, atari huru zvikuru kupfuura iya yaiva mutembere yeJerusarema yakanga yava kushanda.—7/1, mapeji 14, 15.
◻ Nei tichifanira kuva vanokanganwira?
Kukanganwira mutadzi akumbira ruregerero kunokosha kana tichizochengeta chinzwano chechiKristu. Ruvengo uye kuchengeta mafi zvichatitorera rugare rwendangariro. Kana tisingakanganwiri, pane ngozi yokuti rimwe zuva Jehovha haasati achizokanganwirazve zvivi zvedu. (Mateo 6:14, 15)—7/15, peji 18.
◻ VaIsraeri vaigona sei kuva vatsvene?
Utsvene hwaibvira bedzi kupfurikidza nokuva kwavo noukama hwapedyo naJehovha, Mwari mutsvene, uye nokumunamata kwavo kwakachena. Ivo vaida zivo yakarurama yo“Mutsvene” kuitira kuti vamunamate muutsvene, murucheno rwomuviri uye rwomudzimu. (Zvirevo 2:1-6; 9:10)—8/1, peji 11.