RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 6/15 pp. 23-28
  • Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kure Zvikurusa Rwapasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kure Zvikurusa Rwapasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • ‘Tinogona Kuenda kuThule Rini?’
  • Kuenda kuThule
  • Denho Yakaoma
  • Kugamuchirwa Kwedu
  • Rwendo Runopedzwa
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 6/15 pp. 23-28

Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kure Zvikurusa Rwapasi

ETAH

THULE

GODHAVN

GODTHAB

JULIANEHAB

ANGMAGSSALIK

THULE rutivi rwezita raishandiswa kubvira munguva dzakare kurondedzera nharidzano yokupedzisira, yemunzvimbo yapasi kana kuti imwe. Nhasi Thule izita remumwe musha uri kure kuchamhembe kweGreeenland, chitsuwa chikurusa chenyika. Musha wacho wakatumidzwa kudaro muna 1910, apo munzveri weDenmark Knud Rasmussen akaushandisa senzvimbo yokuungana nokuda kwenzendo dzekunzvera rutivi rwuri kuchamhembe zvikurusa rwapasi. Kunyange zvino, kuenda kuThule rwendo rwokunzvera zvikuru kupfuura rwendo rwomufarwa.

Zvisinei, kune kudikanwa kwokukurumidzira kwenzendo dzokuThule. Mukupindura murayiro waJesu, wokuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kumugumo wenyika,” Zvapupu zvaJehovha zvinodisa kuendesa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kunzvimbo iyi, mumwe wemisha yavanhu yekuchamhembe zvikurusa pasi pano.—Mabasa 1:8; Mateo 24:14.

‘Tinogona Kuenda kuThule Rini?’

Muna 1955 Zvapupu zviviri zvechiDenmark izvo zvaida kugoverana mukuparidza “kusvikira kumugumo wenyika” zvakasvika muGreenland. Zvimwe zvakauya gare gare, uye pashoma napashoma basa razvo rokuparidza rakafukidza mhenderekedzo yegungwa yekumaodzanyemba neyekumadokero kusvikira kuMelville Bay uye pane imwe nzvimbo kumhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva. Asi mativi ari kure zvikuru seThule akasvikwa bedzi netsamba kana kuti runhare.

Rimwe zuva muna 1991, Bo nemudzimai wake, Helen, vashumiri vaviri venguva yakazara, vakanga vakamira pane rimwe dombo vachitarira Melville Bay. Vakatarira kuchamhembe vakarangarira kuti, ‘Ndirini patichakwanisa kukwira kuThule kuti tiendese mashoko akanaka eUmambo kuvanhu vari ikoko?’

Muna 1993, Werner, mumwe mushumiri wenguva yakazara, akashinga kuyambuka Melville Bay ari muigwa rake rine injini rakareba mamita 5,5 rinonzi Qaamaneq (Chiedza). Akanga atofamba neigwa makiromita 1 200 achibva kuGodthåb kusvikira kunharaunda yeUpernavik. Bva, kuyambuka Melville Bay—makiromita 400 emvura yeArctic—hakusi nyore zvikuru. Zhinjisa regore, bay yacho yakavharwa neaizi. Werner akabudirira mukuyambuka bay yacho, kunyange zvazvo akarasikirwa neinjini nemhaka yeaizi. Uye akakwanisa kuita basa rokuparidza asati afanira kudzokera.

Kuenda kuThule

Pashure perwendo irworwo, Werner akatanga kuita gadziriro itsva. Akataura naArne naKarin—avo vaivawo neigwa, rakareba mamita 7 raiva nenzvimbo dzokurara ina uye, pamusoro pezvose, raiva nezvekufambisa igwa zvazvino uno—pamusoro pekuita rwendo rwakabatana rwokuenda kuThule. Magwa acho aizogovera pokugara, uye nemagwa maviri achifamba pamwe chete, kuyambuka Melville Bay kwaizova kune ngozi zvishoma. Kuti vafukidze taundi guru navagari varo 600 nemisha mitanhatu iyo yaiva munhauraunda yacho, vaida imwe betsero. Naizvozvo vakakumbira Bo naHelen naJørgen naInge—vose vashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira vakarovedzana nokufamba munyika iyi—kuti vauye. Vashanu veboka iri vanotaurawo Greenlandic.

Vakatumira migove yamabhuku eBhaibheri mberi. Magwawo akazadzwa nemabhuku, pamwe chete nembuva dziri madikanwa dzezvokudya nemvura, peturu, injini yomuraudzo, uye chigwa cherabha. Ipapo, pana August 5, 1994, pashure pemwedzi yokugadzirira, boka racho rakaunganidzwa uye magwa ose ari maviri akanga akagadzirira uye akaiswa muchiteshi chezvikepe cheIlulissat. Rwendo rwokuenda kuchamhembe rwakatangwa. Werner, Bo, uye Helen vakafamba vari muduku ramagwa maviri acho. “Chinhu bedzi chawaigona kuita chakanga chiri kugara kana kuti kurara munzvimbo yako yokurara ndokubata chimwe chinhu,” anonyora kudaro Bo. Ngatiteverei zvikepe zvacho nokuda kwerwendo rwacho.

“Kwakanga kune zvinhambwe zvirefu zvegungwa rakaterama. Zviono zvinofadza zvakaoneka pamberi pedu—gungwa raivaima, mhute yakakora, zuva rakajeka nedenga rebhuruu, makomo eaizi nezvimiro zvinoshamisa zvikurusa nemavara, walrus shava ichidziya mushana paaizi, muganhu wemhenderekedzo yemateru amakomo akasvibira nemapani maduku—chinjo yechiono yakanga isingagumi.

“Rutivi rwaifadza zvikurusa, chokwadika, kwakanga kuri kushanyira misha munzira. Nguva dzose makanga mune vanhu, kazhinji kazhinji vana, pachiteshi kuti vaone kuti ndivanaani vakanga vari vashanyi uye kuvagamuchira. Takaparadzira mabhuku eBhaibheri ndokukweretesa vanhu vhidhiyo pamusoro pesangano redu. Vazhinji vakakwanisa kuiona tisati tafanira kuenda. KuSouth Upernavik, vanhu vanoverengeka vakauya nemagwa kumagwa edu tisati tatopinda. Naizvozvo kwemanheru ose, taiva nevaenzi mugwa uye takapindura mibvunzo mizhinji yeBhaibheri.”

Zvino, pashure pemakiromita 700 okutanga erwendo, magwa maviri akanga agadzirira kuyambuka Melville Bay.

Denho Yakaoma

“Urwu rwairangarirwa zvikuru serutivi rwakaoma rwerwendo rwacho. Uye taifanira kuyambuka pasina kumira nemhaka yokuti musha weSavissivik (uko ndima yacho inovamba uye uko taigona zvimwe kuwana pokugara) yakanga ichakavharwa neaizi.

“Naizvozvo takatanga kuyambuka. Sezvo pakanga pane aizi zhinji, takaendazve neigwa kugungwa risina chinhu. Sezvineiwo, mvura dzacho dzakanga dzakaterama. Maawa okutanga anoverengeka akanga asina zviitiko—tichipfuura makiromita mazhinji egungwa. Pakasvika manheru takaona Cape York uye zvishoma nezvishoma takatendeukira kuchamhembe, pedyo zvikuru nenyika. Zvino pakange pane aizi zvakare—yagara nguva refu, yakakora, uye aizi yaierera yaitsemuka kusvikira uko ziso raigona kuona. Takatevera muganhu weaizi yacho kwechinhambwe chirefu, pane dzimwe nguva tichipfuura nemumikoto mitete. Ipapo pakava nemhute, muto wakakora wakaita gireyi, wakanaka zvechienzi muzuva rovira. Uye mafungu! Mhute, mafungu, uye aizi zvose panguva imwe cheteyo—chimwe nechimwe chaizvozvi chinowanzova denho yakakwana.”

Kugamuchirwa Kwedu

“Takapinda mumvura dzakaterama zvikuru sezvatakasvika Pituffik. Chisiko chakatigamuchira zvikuru: Zuva riri pakakwirira mudenga rebhuruu zvikuru; pamberi pedu, mupata wakafara, unopenya, une makomo eaizi anoyangarika; uye kure mberi kune mumvuri unozivisa wedombo paDundas—Thule yekare!” Anenge makiromita 100 kuchamhembe, vashanyi vakasvika kunzvimbo yavo yokupedzisira.

Zvino vakanga vachidisa kuvamba kuparidza paimba neimba. Vaviri vavo vakapindurwa zvakashata pasuo ravo rokutanga. “Takarambwa sekunge kuti chaizvo taiva muDenmark,” vakadaro. “Asi vazhinjisa vakatigamuchira nomwoyo wose. Vanhu vacho vaiva nemufungo uye vaisanoziva. Vamwe vakataura kuti vakanga vanzwa nezvedu uye vakanga vachifara kuti pakupedzisira takanga tasvika. Takaona vanhu vanoshamisa, vakadai sevavhimi vemaseal avo vakanga vave vari panzendo dzokunzvera kuNorth Pole, uye vagari vemo, vaigutsikana uye vaingwarira vachiti panikirei pepuko yazvino uno.”

Mazuva mashomanene akatevera akaunza zviitiko zvakaisvonaka nokuda kwavose. Mabhuku eBhaibheri akagamuchirwa nekuonga kwose kwose. Mumisha inoverengeka Zvapupu zvakatanga fundo dzeBhaibheri pakarepo. Inge anorondedzera nezvemumwe musha umo akawana fariro: “Yakanga iri imba ine kamuri imwe yakachena uye yakanaka. Kwemazuva matatu akatevedzana, takashanyira murume munyoro uyo aigarapo uye takava tinomuda zvikuru. Akanga ari muvhimi wemaseal chaiyeiye, neigwa rake raiva kunze kwemba yake. Akanga apfura mapere mazhinji okuchamhembe kwekupedzisira kwepasi, mawalrus, uye, chokwadika, maseal. Pashanyo yedu yokupedzisira, takanyengetera naye, uye maziso ake akazadzwa nemisodzi. Zvino tinofanira kusiya chinhu chiri chose mumaoko aJehovha ndokukarira nguva nemukana zvekudzokera.”

Thule inoshanyirwa kazhinji kazhinji nevaEskimo veCanada. Inge anoshuma, kuti: “Helen neni takasangana navaEskimo vanoverengeka vanobva kuCanada. Kunofadza kuti vanogona kukurukura nevagari veGreenland; vanhu vemunharaunda yeArctic vanoratidzika kuva vanotaura mitauro inowirirana. Kunyange zvazvo vaEskimo veCanada vaine mutauro wavo vamene unonyorwa, vakakwanisa kurava mabhuku edu muGreenlandic. Ikoku kungazarura mikana inofadza nokuda kwavo.”

Misha iri kure namakiromita 50 kusvikira ku60 neigwa yakashanyirwawo. “Tichienda kumusha weQeqertat, takasanotevera muganhu wemhenderekedzo yegungwa, tichikarira kuwana vanhu vachivhima manarwhal. Zvechokwadiwo, pane rumwe ruware, takawana musasa wakaumbwa nemhuri nhatu kana kuti ina, dzakapfeka majasi emakushe, nematende avo nemagwa. Pfumo riri mumaoko, varume vakaita majana okugara padombo kuti vatarire manarwhal anoshuviwa zvikuru. Pashure pokumirira pasina kwamazuva anoverengeka, havana kufadzwa zvikuru nokutiona nemhaka yokuti tingavhundutsa whale dzacho! Vairatidzika chose chose kuva vari munyika yavo vamene. Vakadzi vakagamuchira mabhuku, asi yakanga isiri nguva yakarurama yeimwe kurukurirano. Pakupedzisira takasvika paQeqertat na11 kiroko mumanheru ndokupedza shanyo yedu yokupedzisira mumusha wacho na2 kiroko mumangwanani!”

“Pakupedzisira takasvika Siorapaluk, musha uri kuchamhembe zvikurusa muGreenland. Uri pane imwe mhenderekedzo ine jecha muzasi mematombo akasvibira, akafukidzwa neuswa mugwenga.” Zvapupu zvakasvika chaizvoizvo mativi ari kure apasi, kunenge kuchamhembe, mubasa razvo rokuparidza.

Rwendo Runopedzwa

Zvapupu zvakapedza basa razvo. Zvakaparidza paimba nemba uye patende netende, zvakagovera mabhuku, zvakawana kuzvinyoresa, zvakaratidza mavhidhiyo, zvakataura kuvagari vazhinji veGreenland, uye zvakaitisa fundo dzeBhaibheri. Zvino yava nguva yokuenda kumusha. “Patakapinda muchigwa chedu manheru iwayo kuti tikwasve tichibva mumusha weMoriusaq, vanhu vakati vakanga vari kumhenderekedzo yegungwa kuti vatione tichienda, vachivheyesa mabhuku kana kuti mabhurocha avakanga vawana.”

Gare gare, pane rumwe rutivi rwuri rwoga rwemhenderekedzo yegungwa, Zvapupu zvakakatyamadzwa kuona mumwe murume achivheyesa maoko ari padombo—ipapo pakati penzvimbo iri kure zvikuru! “Chokwadika, takaenda kumhenderekedzo yegungwa kundosangana naye. Akanga ari rimwe jaya rinobva kuBerlin, Germany, iro rakanga richifamba nomumhenderekedzo yegungwa mugwa raro uye rakanga rafamba kwemwedzi. MuGermany aishanyirwa nguva dzose neZvapupu zvaJehovha uye akanga aine anoverengeka emabhuku azvo. Takapedza maawa akati kuti tinaye, uye akaororwa zvirokwazvo kusangana neZvapupu panzvimbo yakadaro.”

Mumusha weSavissivik, uyo wakapfuurwa parwendo rwokubuda, vashumiri vanofambira vakagamuchirwa zvikuru. Vamwe ikoko vakanga vagamuchira ndokurava mabhuku gore rakapfuura racho, uye vakanga vane nzara yezvokudya zvomudzimu zvakawanda.

Kudzokera tichiyambuka Melville Bay kwakatora maawa 14. “Takaona kuvira kwezuva, uko kuri chinoitika chamaawa mazhinji kuno, nekuchinja kwenguva dzose kwemavara anoshamisa. Kubuda kwezuva, uko kunoteverawo nokukurumidza, kwakatorawo nguva refu. Nepo mwaranzi yezuva rinovira tsvuku neshava yaive ichakafukidza denga rokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva, zuva raibuda zvishoma chete kumaodzanyemba. Chiono chisingabviri kurondedzera—kana kuti kunyange kutora mufananidzo—zvakakwana.” Boka rakagara usiku hwose.

“Sezvatakasvika Kullorsuaq, takanga taneta zvikuru. Asi takanga tichifara uye tichigutswa. Takanga tapedza norubudiriro rwendo rwacho! Pane rwasara rwerwendo rwacho, takawana fariro huru mumataundi nemisha zviri mumhenderekedzo yegungwa. Mubvunzo waiwanzodzokororwa wokuti, ‘Nei vamwe venyu musingagoni kugara nesu? Tinosuruvara kukuonai muchienda nokukurumidza!’”

MuQaarsut imwe mhuri ine ushamwari yakakoka vashanu vevashanyi kuti vadye navo. “Mhuri yacho yaida kuti tigare usiku hwose. Asi sezvo kwakanga kune nzvimbo dziri nani dzokumisira igwa makiromita 40 kumberi, takaramba ndokupfuurira. Gare gare takanzwa kuti gomo guru reaizi rakanga ratsemuka mangwanani-ngwanani akatevera, uye fungu rakapidigura magwa maduku 14 apo takanga tave tiri!”

Pakupedzisira, boka rakanga radzoka kuIlulissat, rapedza rwendo rwaro rwekunzvera kuThule. Panenge panguva imwe cheteyo, vamwe vaparidzi vaviri vakanga vaenda kumativi ari oga pamhenderekedzo yegungwa yekumabvazuva yeGreenland. Panzendo mbiri idzodzo, vaparidzi vakaparadzira hwerengedzo yamabhuku 1 200, mabhurocha 2 199, uye magazini 4 224, uye vakawana kuzvinyoresa 152. Kurukurirano navazhinji vachangobva kufarira inochengetwa nerunhare netsamba.

Pasinei zvapo nenguva, simba, uye mari zvinobatanidzwa, Zvapupu zvaJehovha zvinowana mufaro mukuru mukuita murayiro waTenzi wazvo wo‘kuva zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi.’—Mabasa 1:8.

[Bhokisi riri papeji 28]

Pamhenderekedzo Yegungwa Yokumabvazuva yeGreenland

PANENGE panguva imwe cheteyo apo boka ravaparidzi rakasvika kuThule, varoorani vari Zvapupu, Viggo naSonja, vakaenda kune imwe ndima isingashandwi—Ittoqqortoormiit (Scoresbysund) pamhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeGreenland. Kuti vasvike ikoko vaifanira kuenda kuIceland, kuwana ndege yokudzokera kuConstable Point pamhenderekedzo yegungwa yeGreenland, uye ipapo kuenda neherikoputa.

“Ndiyo yakanga iri nguva yokutanga iyo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvauya kuno,” anorondedzera kudaro aya mapiyona maviri, ane rurimi rwaamai rwuri Greenlandic. “Pasinei zvapo nokuva kure kwavo, vanhu nenzira inoshamisa vaisanoziva. Zvisinei, vakafarawo kudzidza zvinhu zvitsva. Savatauri venhoroondo vane mano, nekudisa vakatitaurira nezvekuvhima maseal kwavo nezvimwe zvakaitika muzvinhu zvomusikirwo.” Vakadavidza sei kubasa

“Tichiparidza paimba neimba, takasangana naJ——, uyo ari mufundisi. ‘Ndinokuongai nokuda kwokundibatanidza pakati peshanyo dzenyu,’ akadaro. Takamuratidza mabhuku edu uye nzira yokuashandisa nayo. Zuva rakatevera akauya kwatiri uye aida kudzidza nezvezita rokuti Jehovha. Takamuratidza tsananguro mumashoko omuzasi muBhaibheri rake amene reGreenlandic. Apo takaenda, akaridzira runhare shamwari dzedu muNuuk kuti ataure kuonga kwake shanyo yedu. Tinofanira kuedza kupfuurira kubetsera murume uyu.

“Takasanganawo naO——, mumwe mudzidzisi anoziva nezveZvapupu zvaJehovha. Akatipa maawa maviri okutaura nekirasi yake yevane makore 14 kusvikira ku16 okukura. Naizvozvo takavaratidza vhidhiyo yedu ndokupindura mibvunzo yavo. Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshandaa uye mamwe mabhuku zvakakurumidza kugamuchirwa nokudisa. Takasangana nevatatu vevasikana vacho gare gare. Vakanga vane mibvunzo mizhinji, mumwe wavo achifarira zvikuru. Akabvunza kuti, ‘Munhu anova sei Chapupu? Zvirokwazvo kunofanira kuva kwakanaka kuva semi. Baba vangu vanokutsigirai.’ Takavimbisa kumunyorera.

“Mune mumwe wemisha yacho, takasangana nemumwe mufundisi, M——, uye takava nekurukurirano inofadza. Akazvipira kuti ave nechokwadi chokuti varume vakanga vaenda kundovhima vaizogamuchira mabhuku edu nokukurumidza pavanenge vangodzoka. Naizvozvo zvino ‘muparidzi’ wedu munzvimbo iyoyo iri kure.”

Kunyange zvazvo rwaiva rwendo runopoterera uye runorwadza, mapiyona maviri acho akanzwa kuti nhamburiko dzawo dzakatuswa zvikuru.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe