RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/15 pp. 8-9
  • Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ushingi Hwokutaura Norusununguko
  • Kuporeswa kwaNaamani
  • Zvidzidzo Nokuda Kwedu
  • Aida Kubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/15 pp. 8-9

Vakaita Kuda KwaJehovha

Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi

MUKATI mezana ramakore rechigumi B.C.E., ukama pakati peIsraeri neSiria hwakanga hwaipiswa. Kutanga kwokurwa kwakanga kuchizivikanwa kwazvo navose zvokuti apo makore akapera pasina masimba masimba, yakanga iri nhau yechinyorwa chenhau.—1 Madzimambo 22:1.

Aityisidzira zvikuru munguva idzodzo akanga ari mapoka amakororo eSiria, mamwe achiva nemazana avarwi. Varwi ava vaivhozhokera ndokupamba vaIsraeri, vachitora uye vachiita vazhinji varanda—kunyange vana.

Mukati mekumwe kupamba, mumwe “musikana muduku” akaparadzaniswa nenzira isina ngoni nemhuri yake yaitya Mwari. (2 Madzimambo 5:2) Aendeswa kuSiria, akamanikidzwa kugara pakati paavo vaangadai akawana kuva vanotyisa uye vechienzi—rudzi rwainamata zuva, mwedzi, nyeredzi, miti, zvirimwa, uye kunyange matombo. Vakanga vakasiyana sei nemhuri yake neshamwari, avo vainamata Mwari mumwe wechokwadi, Jehovha! Kunyange munharaunda iyi yekumwe, zvisinei, musikana uyu akaratidzira ushingi hwakatanhamara pamusoro pokunamatwa kwaJehovha. Somugumisiro, akachinja upenyu hwemumwe mukuru mukuru akatanhamara aibatira pasi pamambo weSiria. Ngationei kuti sei.

Ushingi Hwokutaura Norusununguko

Musikana muduku wacho haadudzwi zita munhoroondo yeBhaibheri. Akava murandakadzi wemudzimai waNaamani, mukuru mukuru aiva nesimba wehondo pasi paMambo Beni-hadhadhi II. (2 Madzimambo 5:1) Kunyange zvazvo airemekedzwa zvikuru, Naamani akanga aine chirwere chinosemesa chemaperembudzi.

Zvichida mutoo womusikana wacho wokuremekedza wakasunda mudzimai waNaamani kumuvimba. Mukadzi wacho angava akabvunza musikana wacho kuti, ‘Chii chinoitirwa vane maperembudzi muna Israeri?’ Uyu musikana wechiIsraeri haana kunyara kutaura noushingi, kuti: “Dai ishe wangu aiva kumuporofita uri paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake.”—2 Madzimambo 5:3.

Mashoko omusikana uyu haana kurambwa sefungidziro youhwana. Mukupesana, akashumwa kuna Mambo Beni-hadhadhi, uyo akatuma Naamani nevamwe parwendo rwamakiromita 150 kuenda kuSamaria kundotsvaka muporofita uyu.—2 Madzimambo 5:4, 5.

Kuporeswa kwaNaamani

Naamani navanhu vake vakaenda kuna Mambo Jehorami weIsraeri, vaine tsamba yekusuma yakabva kuna Beni-hadhadhi nechipo chikuru chemari. Nenzira isingashamisi, Mambo Jehorami ainamata mhuru haana kuratidzira kutenda muporofita waMwari uko musikana aiva muranda akaita. Panzvimbo pezvo, akafunga kuti Naamani akanga auya kuzotsvaka bopoto. Apo Muporofita waMwari Erisha akanzwa nezvekutya kwaJehorami, nokukurumidza akatumira shoko achikumbira kuti mambo atume Naamani kumba kwake.—2 Madzimambo 5:6-8.

Apo Naamani akasvika kumba kwaErisha, muporofita wacho akatuma nhume iyo yakamuudza, kuti: “Enda, undoshamba kanomwe muna Joridhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.” (2 Madzimambo 5:9, 10) Naamani akatsamwiswa. Achikarira kuratidzirwa kunoshamisa uye kunoorora vaoni, akabvunza, kuti: “Ko Abhana neFarpari, idzo nzizi dzeDhamasko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Naamani akabva pamba paErisha ane hasha. Asi apo vabatiri vaNaamani vakarangarira naye, pakupedzisira akabvuma. Pashure pokushamba kanomwe muRwizi rweJoridhani, “nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.”—2 Madzimambo 5:11-14.

Achidzokera kuna Erisha, Naamani akati: “Tarirai, zvino ndoziva kuti hapana Mwari pasi pose, asi pakati paIsraeri.” Naamani akapika kuti haaizo“bayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.”—2 Madzimambo 5:15-17.

Zvidzidzo Nokuda Kwedu

Naamani angadai asina kuenda kumuporofita Erisha kudai musikana muduku mubatiri akanga asina kutaura neushingi. Nhasi, pwere zhinji dziri kuita nenzira yakafanana. Kuchikoro, dzingakomberedzwa navadzidzi vasingafariri kubatira Mwari. Kunyange zvakadaro, dzinotaura norusununguko pamusoro pezvadzinodavira. Dzimwe dzinovamba kuita saizvozvo pazera duku rinoshamisa.

Rangarira Alexandra, mumwe musikana ane makore mashanu okukura muAustralia. Apo akatanga chikoro, amai vake vakaita rangano yokutsanangura zvitendero zveZvapupu zvaJehovha kumudzidzisi wacho. Asi amai vaAlexandra vakashamiswa. “Ndakatorovedzana nezvitendero zvenyu zvakati, pamwe chete neizvo Alexandra achaita nezvaasati achizoita kuchikoro,” mudzidzisi wacho akadaro. Amai vaAlexandra vakakatyamadzwa, sezvo pakanga pasina vamwe vana Zvapupu pachikoro chacho. “Alexandra akatitaurira,” mudzidzisi wacho akatsanangura kudaro. Hungu, musikana uyu muduku akanga atova nekurukurirano yokungwarira nemudzidzisi wake.

Vaduku vakadaro vanotaura noushingi. Nokudaro vanoita mutsinhirano nePisarema 148:12, 13, rinoti: “Majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe