RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/1 pp. 21-24
  • Chengeta Chivimbo Chako Chakasimba Kusvikira Kumugumo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeta Chivimbo Chako Chakasimba Kusvikira Kumugumo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Kutenda Kwako
  • Kuvaka Chivimbo Kupfurikidza Nezvinoitika
  • Songaniro Dzinogona Kutitsausa
  • Simba Rinonyengera Repfuma
  • Kutenda Kunotsamira Pamwoyo Unogamuchira
  • Kutarira Kuna Mwari Woruponeso Rwedu
  • Une Kutenda Mumashoko Akanaka Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Gamuchira Zvipikirwa zvaMwari Kupfurikidza Nokushandisa Kutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/1 pp. 21-24

Chengeta Chivimbo Chako Chakasimba Kusvikira Kumugumo

FUNGIDZIRA ndege duku ichibhururuka ichipinda mumamiriro okunze akaoma. Mutyairi wacho haachagona kuona zviratidziro. Makore makobvu anomufukidza. Haagoni kuona kupfuura windisikirini yake, bva anonzwa aine chokwadi chokuti anogona kupedza rwendo rwake zvakakotsekana. Chii chiri chikonzero chechivimbo chake?

Ane zvishandiswa zvakarurama izvo zvinomugonesa kubhururuka nomumakore nenyika murima. Munzira yake, zvikurukuru pedyo nechiteshi chendege, mwenje yegetsi inomutungamirira, uye anogona kukurukura neredhiyo nevanodzora zvinofamba muchadenga vari pasi.

Nenzira yakaenzana, tinogona kutarisana neramangwana nechivimbo, kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu enyika anosviba zvikuru zuva nezuva. Rwendo rwedu mutsika ino yakaipa rungava ruchitora nguva refu kupfuura zvaikarira vamwe, asi tinogona kuva nechivimbo chokuti tiri munzira yakarurama uye panguva. Nei tichigona kuva nechokwadi kwazvo? Nemhaka yokuti tine nhungamiro iyo inotigonesa kuona zvisingagoni kuonwa nemunhu.

Shoko raMwari ‘chiedza kunzira yedu,’ uye “nde[ra]zvokwadi, [ri]nopa vasina mano njere.” (Pisarema 19:7; 119:105) Kufanana nemwenje yegetsi inoratidzira nzira yokubhururuka nayo yomutyairi wendege, Bhaibheri nenzira yakarurama rinoronga zviitiko zvemunguva yemberi uye rinotipa mirayiridzo yakajeka kuitira kuti tive nechokwadi chokuti tinosvika zvakakotsekana kwatiri kuenda. Kuti tibetserwe nenhungamiro youmwari, zvisinei, tinofanira kuivimba.

Mutsamba yake kuvaHebheru, Pauro akakurudzira vaKristu vechiJudha ku‘batisisa chivimbo chavo chavaiva nacho pakuvamba chakasimba kusvikira kumugumo.’ (VaHebheru 3:14) Chivimbo chingazununguswa kana kubata kwedu pachiri kukasa‘simbiswa.’ Naizvozvo mubvunzo unomuka, Tinogona sei kuchengeta chivimbo chedu muna Jehovha chakasimba kusvikira kumugumo?

Shandisa Kutenda Kwako

Mutyairi wendege asati agona kubhururuka asingaoni, achitsamira chose chose pazvishandiswa zvake nevanodzora vari pasi, anofanira kuva nerovedzo yakakwana nemaawa mazhinji enguva yekubhururuka. Nenzira yakafanana, muKristu anofanira kushandisa kutenda kwake nenzira inopfuurira kuitira kuti achengete chivimbo chake munhungamiro yaJehovha, zvikurukuru apo mamiriro ezvinhu akaoma anomuka. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvino zvatine mweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesuwo tinotenda, saka tinotaurawo.” (2 VaKorinte 4:13) Nokudaro, apo tinotaura pamusoro pemashoko akanaka aMwari, tiri kushandisa uye tiri kusimbisa kutenda kwedu.

Magdalena, uyo akapedzera makore mana mune mumwe musasa wechibharo mukati mehondo yenyika yechipiri, anotsanangura ukoshi hwemubato wokuparidza: “Amai vangu vakandidzidzisa kuti kuti ndichengete kutenda kwakasimba, kunokosha kuitira hanya garikano yomudzimu yavamwe. Ndinoyeuka chimwe chiitiko chinoratidzira nzira yatainzwa nayo. Pashure pokusunungurwa kwedu mumusasa wechibharo weRavensbrück, amai vangu neni takasvika kumusha kwedu paChishanu. Asi mazuva maviri gare gare, paSvondo, takakumbanira hama mukuparidza paimba neimba. Ndinodavira zvakasimba kuti kana tikanangidzira ngwariro pakubetsera vamwe kuvimba nezvipikirwa zvaMwari, zvipikirwa zvimwe chetezvo zvichava chaizvoizvo zvikuru kwatiri.”—Enzanisa naMabasa 5:42.

Kuchengeta chivimbo chedu chakasimba kusvikira kumugumo kunoda mubato womudzimu mune dzimwe nharaunda. Fundo yomunhu oga ndemumwe mubato wakaisvonaka unosimbisa kutenda. Kana tikatevedzera vagari veBherea ndokunzvera Magwaro nokushingaira zuva nezuva, kuchatibetsera kuva “netariro yakakwana kusvikira pakuguma.” (VaHebheru 6:11; Mabasa 17:11) Chokwadi, fundo yemunhu oga inoda nguva nekutsunga. Sezvinobvira, ndicho chikonzero nei Pauro akanyevera VaHebheru pamusoro pengozi yokuva “nousimbe,” kana kuti vane unyope, muzvinhu zvakadaro.—VaHebheru 6:12.

Chimiro chendangariro cheunyope chingave nemigumisiro yakashata munharaunda zhinji dzoupenyu. Soromoni akataura kuti “nokusabata kwamaoko imba inodonha.” (Muparidzi 10:18) Pakupedzisira mvura inotanga kubvinza napadenga risingatarisirwi. Kana tikarembedza maoko edu nenzira yomudzimu ndokukundikana kuchengeta kutenda kwedu, panikiro dzingapinda zvishoma nezvishoma. Pane rumwe rutivi, kufungisisa nguva dzose ndokufunda Shoko raMwari zvichakudza uye zvichadzivirira kutenda kwedu.—Pisarema 1:2, 3.

Kuvaka Chivimbo Kupfurikidza Nezvinoitika

Chokwadika, mutyairi wendege anodzidza kupfurikidza nezvinoitika pamwe chete nekufunda kuti zvishandiswa zvake zvinovimbika. Nenzira yakafanana, chivimbo chedu muna Jehovha chinokura apo isu muupenyu hwedu timene tinoona ufakazi hwetarisiro yake ine rudo. Joshua akawana ikoko, uye akayeuchidza vaIsraeri biyake, kuti: “Zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.

Josefina, imwe hanzvadzi yakaroorwa inobva kuPhilippines, akadzidza chidzidzo chimwe chetecho. Anotsanangura zvakanga zvakaita upenyu asati aziva zvokwadi: “Murume wangu aisinwa zvikuru, uye apo aidhakwa, aishatirwa ndokundirova. Roorano yedu isingafadzi yakanga ichitapurawo mwanakomana wedu. Murume wangu neni tose tiri vaviri takanga tichishanda, tichiwana mari yakawanda zvikuru, asi taibhejera zhinjisa yemiripo yedu. Murume wangu akanga aine shamwari dzakawanda, bva zhinjisa dzacho dzakatsvaka ushamwari hwake kuitira kuti abhadhare zvinwiwa, uye dzimwe dzakatoedza kumuita kuti adhakwe kuti dzingomuseka chete.

“Zvinhu zvakachinja apo takasvika pakuziva Jehovha ndokurangarira zvakakomba zano rake. Murume wangu haachanwa, takarega kubhejera, uye tine shamwari dzechokwadi idzo dzinotida nokutibetsera. Roorano yedu inofara, uye mwanakomana wedu ari kukura kuva jaya rakaisvonaka. Tinoshanda maawa mashoma zvikuru, asi tine mari yakawanda. Zvakaitika zvakatidzidzisa kuti Jehovha akafanana naBaba ane rudo, uyo nguva dzose anotitungamirira munzira yakarurama.”

Somugumisiro wemirayiridzo inotumirwa neredhiyo kana kuti wokunzvera chimwe chishandiswa, vatyairi vendege pane dzimwe nguva vanoziva kuti vanofanira kururamisa nzira yavo. Nenzira yakafanana tingafanira kuchinja nzira maererano nemurayiridzo waJehovha. “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Kupfurikidza neShoko rake uye kupfurikidza nesangano rake, tinogamuchira zano rinotichenjedza kungozi dzomudzimu. Imwe yaidzodzi ine chokuita nesonganiro.

Songaniro Dzinogona Kutitsausa

Ndege duku inogona kusatana kutsauswa kana ruramiso dzinodikanwa dzikasaitwa. Nenzira yakafanana, pesvedzero dzokunze nguva dzose dzinorovanya vaKristu nhasi. Tinogara munyika inofunga zvenyama umo vazhinji vanozvidza mipimo yomudzimu, vachikoshesa zvikuru kwazvo mufarwa. Pauro akanyevera Timotio kuti mazuva okupedzisira aizova “okutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) Vechiduku, avo vanopanga kugamuchirwa nemukurumbira, vari zvikurukuru vasingatani kutapurwa nesonganiro dzakashata.—2 Timotio 2:22.

Amanda, uyo ane makore 17 okukura, anotsanangura, kuti: “Kwechinguvana kutenda kwangu kwakaneteswa kusvikira kutambanuko yakati nevomukirasi biyangu. Vakaramba vachitaura kuti rudzidziso rwangu rwaiganhurira uye rwaisava nomufungo, uye ikoku kwakavamba kundiodza mwoyo. Vabereki vangu, zvisinei, vakandibetsera kunzwisisa kuti nhungamiro dzechiKristu dzinobatira kudzivirira panzvimbo pokuganhurira. Zvino ndinoziva kuti nheyo idzi dziri kundibetsera kuva neupenyu hunogutsa zvikuru kupfuura uhwo hwedzaichimbova shamwari dzangu dzokuchikoro. Ndakadzidza kuvimba avo vanondiitira hanya chaizvoizvo—vabereki vangu naJehovha—uye ndiri kufarikanya basa roupiyona.”

Ripi kana ripi ringava zera redu, tichasangana navanhu vanoita tsinhiro dzinozvidza pamusoro pezvitendero zvedu. Vangaratidzika kuva vanoziva, asi kuna Mwari ndevenyama, vasati vari vomudzimu. (1 VaKorinte 2:14) Rimwe boka raipesvedzera muKorinte yemuzuva raPauro raiva Vapanikiri vakachenjera mune zvenyika. Dzidziso dzavazivi ava sezvingabvira dzakatungamirira vamwe vaKristu veKorinte kurasikirwa nokutenda tariro yerumuko. (1 VaKorinte 15:12) “Musanyengerwa,” akanyevera kudaro muapostora Pauro. “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”—1 VaKorinte 15:33.

Pane rumwe rutivi, songaniro dzakanaka dzinotisimbisa mumudzimu. Mukati meungano yechiKristu, tine mukana wokuvhengana navanhu vanorarama upenyu hwokutenda. Norman, imwe hama yakadzidza zvokwadi muna 1939, achiri manyuko ekurudziro huru kuna vose. Chii chakachengeta murangariro wake womudzimu wakasimba? “Misangano neushamwari hwapedyo nehama dzakatendeka zvinokosha,” anopindura kudaro. “Rudzi urwu rwesonganiro rwakandibetsera kuona zvakajeka musiyano uri pakati pesangano raMwari neraSatani.”

Simba Rinonyengera Repfuma

Brian, mutyairi wendege ane ruzivo rwokuzviwanira, anotsanangura kuti “mutyairi wendege pane dzimwe nguva angakuwana kwakaoma kudavira zvishandiswa zvake—nemhaka bedzi yekuti chimiro chake chendangariro hachibvumirani. Vatyairi vendege dzemauto vane ruzivo rwokuzviwanira vakazivikanwa kuti vakabhururuka vakasunika nemhaka yemagetsi ari pasi airatidzika senyeredzi—kunyange zvazvo zvishandiswa zvavo zvaivaudza zvakapesana.”

Nenzira yakafanana, zvimiro zvedu zvendangariro zveudyire zvinogona kutitsausa mupfungwa yomudzimu. Jesu akataura kuti pfuma ino“nyengera,” uye Pauro akanyevera kuti ‘kuda mari kwakabvisa vazhinji pakutenda.’—Marko 4:19; 1 Timotio 6:10.

Kufanana nezviedza zvinonyengera zvinopenya, nharidzano dzokudisa zvenyika dzinogona kutinongedzera kunzira isina kururama. Panzvimbo pokufarira “zvinhu zvatinotarira,” tinogona kutsauswa nekuratidzirwa kwokuzvitutumadza kwenyika iri kupfuura. (VaHebheru 11:1; 1 Johane 2:16, 17) Kana tika“tsvaka” kuva nemararamire ekupfuma, sezvingabvira tichava nenguva shomanene inosara yokukura mumudzimu.—1 Timotio 6:9; Mateo 6:24; VaHebheru 13:5.

Mumwe murume muduku akaroora anonzi Patrick akabvuma kuti iye nomudzimai wake vakarega nharidzano dzomudzimu nokuda kwekufarikanya mararamire ari nani. Anotsanangura, kuti: “Takapesvedzerwa neavo vari muungano vane motokari dzinodhura nemisha yakaisvonaka. Kunyange zvazvo tisina kutongorasikirwa netariro yoUmambo, takanzwa kuti tingavawo noupenyu hwakanaka. Pakupedzisira, zvisinei, takaziva kuti mufaro wechokwadi unouya kupfurikidza nokubatira Jehovha uye mukukura mumudzimu. Zvino upenyu hwedu hwakapfava zvakare. Takaderedza maawa edu ekushanda, uye takava mapiyona enguva dzose.”

Kutenda Kunotsamira Pamwoyo Unogamuchira

Mwoyo unogamuchira unoitawo rutivi runokosha mukuvaka chivimbo muna Jehovha. Chokwadi, “kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu [kana kuti, “ufakazi hunopwisa,” NW mashoko omuzasi] zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” (VaHebheru 11:1) Asi kutoti tine mwoyo unogamuchira, hakungabviri kuti tichapwiswa. (Zvirevo 18:15; Mateo 5:6) Nokuda kwechikonzero ichi muapostora Pauro akataura kuti “havazi vose vanotenda.”—2 VaTesaronika 3:2.

Tinogona sei, ipapo, kuchengeta mwoyo yedu ichigamuchira ukafazi hwose hunopwisa hunowanika? Kupfurikidza nokusakurira mavara oumwari, mavara anosimbisa uye kunyandura kutenda. Petro anotikurudzira ku‘govera kukutenda kwedu kunaka, zivo, kuzvidzora, kutsungirira, kuzvipira kwoumwari, chidakadaka chouhama, uye rudo.’ (2 Petro 1:5-7; VaGaratia 5:22, 23) Pane rumwe rutivi, kana tikararama upenyu hwoudyire kana kuti kupa Jehovha basa shomanene bedzi, hatigoni nenzira ine mufungo kukarira kutenda kwedu kukura.

Ezra “akanga ashingaira nomwoyo wake” kurava Shoko raJehovha nokurishandisa. (Ezra 7:10) Mika nenzira yakafanana akanga aine mwoyo unogamuchira. “Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.”—Mika 7:7.

Magdalena, anokorwa mashoko pakuvamba, anomirirawo Jehovha nokushivirira. (Habhakuki 2:3) Anoti: “Tatova neparadhiso yomudzimu. Nhano yechipiri, Paradhiso yokunyama, ichauya nokukurumidza zvikuru. Panguva ino mazana ezviuru ari kukumbanira boka guru. Kunondifadza kuona vazhinji kwazvo vachidirana kusangano raMwari.”

Kutarira Kuna Mwari Woruponeso Rwedu

Kuchengeta chivimbo chedu chakasimba kusvikira kumugumo kunoda kuti tishandise kutenda kwedu uye kuteerera nokungwarira nhungamiro yatinogamuchira kuna Jehovha nesangano rake. Zvirokwazvo kwakafanira nhamburiko. Mutyairi wendege anonzwa kugutsikana kukuru apo pashure perwendo rurefu, rwakaoma, anodzika uye pakupedzisira anopfuura nomumakore akakora. Pamberi pake pane pasi rakamutambanukira—rakasvibira uye rinofadza. Mugwagwa wechiteshi chendege uri pasi, wakamirira kumugamuchira.

Chinoitika chinofadza chakatimirirawo. Nyika ino isingafadzi, yakaipa ichatsiviwa nepasi idzva rokururama. Kugamuchira kwoumwari kwakatimirira. Tinogona kusvika ikoko kana tikateerera mashoko owezvamapisarema, okuti: “Imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu. . . . Ndichasikurumbidzai.”—Pisarema 71:5, 6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe