Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Simba Rinoshandura reShoko raMwari
KUPFURIKIDZA nokubvuma kwake amene, iye aimbova “mumhuri waMwari kare, nomutambudzi.” (1 Timotio 1:13) Asi iye akachinja! Kushanduka kwomuapostora Pauro kwakanga kwakakura kwazvo zvokuti gare gare iye akakwanisa kuzivisa, kuti: “Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.”—1 VaKorinte 11:1.
Nhasi, mazana ezviuru zvavanamati vapachokwadi munyika yose ari kuita chinjo dzakafanana. Chii chinoagonesa kuita kudaro? Iwo ari kupinza zivo yeShoko raMwari uye ari kuishandisa kuupenyu hwawo. Chakaitika chinotevera chinosimbisa simba rinoshandura reShoko raMwari.
MuSlovenia varoorani vakura vaigara vari voga kunze kwomumwe musha. Murume wacho, Jože, akanga ava nemakore anenge 60 ezera uye akanga ane chinetso chakakomba noudhakwa. Kunyange zvakadaro, iye aitarisira mudzimai wake akanga achirwara, Ljudmila. Rimwe zuva Jože akasvikwa navazivisi voUmambo vaviri. Iye akakokera Zvapupu zvacho mumusha wake, umo vakasangana nomudzimai wake. Pakunzwa shoko roUmambo, misodzi yomufaro yakayerera pachiso chaLjudmila. Jožewo akafarikanya zvaakanzwa ndokubvunza mibvunzo yakawanda. Pashure pokugovera mabhuku eBhaibheri akati kuvaroorani vacho, Zvapupu zvakaenda.
Mwedzi mumwe gare gare Zvapupu zvakakwanisa kudzoka, uye zvakacherekedza bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano riri patafura. Apo akabvunzwa kwaakariwana, Jože akati: “Ndakaona imwe shambadziro papeji yokupedzisira yeimwe yemagazini amakandisiyira. Naizvozvo ndakanyorera hofisi yenyu muZagreb ndokukumbira bhuku racho.” Nemhaka yefariro yake, iye akakokwa kuti apinde Chirangaridzo chaisvika chorufu rwaKristu icho chakanga chichizoitirwa paHoro yoUmambo. Kumufaro weZvapupu, iye akauya!
Nokukurumidza fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye fambiro mberi yakanaka yakaitwa. Somuenzaniso, apo Jože akaratidzwa muBhaibheri kuti “usazviitira mufananidzo wakavezwa, . . . Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira,” pakarepo iye akaunganidza zvifananidzo zvose zvorudzidziso zvakanga zviri mumba, kubatanidza mifananidzo, uye akazvirasa.—Eksodho 20:4, 5.
Nyota yaJože yezvokwadi yomudzimu yakanga iri kupedzwa. Sezvineiwo, kunyange zvakadaro, iye akanga achine imwe nyota. Kwamakore 18, iye akanga anwa marita 7 ewaini zuva rimwe nerimwe. Nemhaka yechinetso chake chokunwa, iye haana kupa ngwariro huru kuchitarisiko chake chomunhu oga. Asi pashure pokudzidza murangariro waMwari wokushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka, iye akanga akatsunga kuchinja.
Iye akavavarira kukurira chinetso chake chokunwa zvishoma nezvishoma, achicherekedza kuti iye ainwa zvakawanda sei pahwaro hwezuva nezuva. Nokukurumidza akanga asichiri muranda kuwaini. Mufundo dzake dzeBhaibheri, iye akadzidzawo kuti vaKristu vechokwadi vanodikanirwa kuchengeta utsanana hwakanaka hwomunhu oga. Nokudaro, iye akapa Zvapupu zvacho mari ndokuti: “Eya, endai munotenga zvipfeko zvipi kana zvipi zvandinoda kuti ndiratidzike zvakanaka pamisangano yechiKristu uye mubasa romumunda!” Zvapupu zvacho zvakadzoka nezvipfeko zvomukati, masokisi, shangu, hembe, sutu, tayi, uye bhegi ramabhuku.
Pashure pokufunda Bhaibheri kwegore rimwe, Jože naLjudmila vakakwanirisa kuperekedza Zvapupu mubasa rokuparidza paimba neimba. Mwedzi mitatu gare gare ivo vakaratidzira tsauriro yavo kuna Mwari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura pakokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha. Pasinei hapo noukweguru uye utano husina kunaka, Jože akagoverana nguva dzose mukuparidza mashoko akanaka uye gare gare, kutozosvikira parufu rwake muna May wa1995, akabatira nenzira yokutendeka somubatiri anoshumira muungano. Zvibereko zvakananga zvakaberekwa muupenyu hwouyu murume anozvininipisa nomudzimai wake zvinopa chipupuriro chesimba rinoshandura reShoko raMwari!