RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/15 p. 31
  • Kodzero Dzomurwere Dzakaremekedzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kodzero Dzomurwere Dzakaremekedzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu
    Mukai!—1991
  • Iwe Une Maruramiro Okusarudza
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/15 p. 31

Kodzero Dzomurwere Dzakaremekedzwa

‘Hapana nzira yandinogona kuita nayo uku kuvhiya pasina ropa. Kana uchida kuvhiyiwa, uchafanira kubvuma mutoo wangu wokurapa. Ukasadaro, uchatofanira kuwana mumwe chiremba.’

MASHOKO achiremba haana kuzunungusa kutenda kwaCheng Sae Joo, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara muThailand. Awanwa ane meningioma, rudzi rwebundu rinomera muuropi, Cheng aida zvikuru kuvhiyiwa. Asi akatsunga kuteerera murayiro weBhaibheri: “Regai . . . ropa.”—Mabasa 15:28, 29.

Cheng akashanyira zvimwe zvipatara zviviri, achida kurapirwa munyika yake amene kana zvaibvira. Kukuodzwa mwoyo kwake, vanachiremba ikoko vakarambawo kuvhiya kusina ropa. Pakupedzisira, Cheng akaendeswa kuNeurological Institute of the Tokyo Women’s Medical College neHospital Information Services (HIS) muThailand. Chipatara ichocho chakanga charapa varwere vanopfura 200 vaiva nechirwere chebundu rinomera muuropi vachishandisa gamma knife, imwe fambiro mberi zvikurusa mukurapa nokupisa.

Gadziriro dzakaitwa dzokuti Cheng agare neZvapupu zvemuJapan zvaigara pedyo nechipatara chacho. Boka rakasangana panhandare yendege, kubatanidza zviviri zveZvapupu zvaJehovha zvaitaura chiThai uye nemumiririri weHIS. Mushure meinenge vhiki yokuongororwa, Cheng akaiswa kuchipatara umo airapwa negamma knife. Muitiro wacho wakatora inenge awa imwe bedzi. Abuda muchipatara zuva rakatevera racho, Cheng akanga odzoka kuThailand mangwana acho.

“Handina kutongofungidzira kuti betsero huru kwazvo yaigona kugoverwa kupfurikidza neiyi gadziriro,” akadaro Cheng. “Ndakaororwa chaizvoizvo norudo rwamakaratidza pamwe chete pakati pamativi mazhinji aibatanidzwa.”

Mukushuma iyi nhau, pepanhau reJapan Mainichi Shimbun rakatsinhira, kuti: “Kusvikira zvino, zvikonzero zvorudzidziso zvokuramba kuisirwa ropa zvakasimbisirwa. Zvisinei, kuisirwa ropa kune migumisiro yakaipa yakadai seAIDS, ngozi yokutapurwa noutachiona hwakadai sehepatitis C, uye zvinotapura muviri. Nokuda kwechikonzero ichochi kune varwere vasingadi kuisirwa ropa pasinei zvapo nechitendero chorudzidziso rwavo.”

Pepanhau racho rakatizve: “Varwere vazhinji vakaramba kuisirwa ropa vakamanikidzirwa kuchinja zvipatara, asi kune dikanwo yokuchinja nzvimbo dzokurapwa kuenda kukuremekedza chisarudzo chomurwere. Kubvuma kwokuziva (murwere anotanga kugamuchira tsananguro yakazara yezvinobatanidzwa uye ipapo kubvuma kurapa kwacho) kunodikanwa, uye zviitiko zvokuisirwa ropa hazvisiyiwi. Kunofanira kuzivikanwa kuti iyi haisati iri nhau inobatanidza rudzidziso rwakati chete.”

Kufanana naCheng Sae   Joo, vazhinji vanoda kurapwa pasina ropa vanofanira kutamira kune zvimwe zvipatara. Kunyange zvakadaro, vanoonga nhamburiko dzavanachiremba vanodisa kuremekedza kodzero dzavarwere vavo.

Hospital Information Services yakavambwa neZvapupu zvaJehovha mumapazu eWatch Tower Society kuti vatsvake batira pamwe yavarapi vanoremekedza zvitendero zvavo. Munyika yose, HIS inovaka ukama hwokubatira pamwe nezvipatara, vanachiremba, vashandi vanotarisira utano, magweta, uye vatongi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe