RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/15 pp. 23-26
  • Kuparadzira Zvokwadi yeBhaibheri muPortugal

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparadzira Zvokwadi yeBhaibheri muPortugal
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Kubetsera Vanoda Zvorudzidziso
  • Kugoverana Zvokwadi Nehama Dzokunyama
  • “Ndichavadzinga Nokubanha Neshamhu”
  • Mundima Inowanzoshandwa
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/15 pp. 23-26

Kuparadzira Zvokwadi yeBhaibheri muPortugal

KUBVA kuCaminha kuchamhembe kusvika kuVila Real de Santo Antônio kumaodzanyemba, zviuru zvezvikepe zvinoyevedza zvokuredza zvinozadza makiromita 800 eAtlantic Coast yePortugal. Varedzi vaka‘enda kugungwa vari muzvikepe zvavo’ kwezviuru zvamakore, vachiita kuti hove dzive kudya kukuru kwapatafura kwavagari vomuPortugal vakawanda.—Pisarema 107:3.

Kwamakore 70 apfuura, rumwe rudzi rwokuredza rwave rwuchiitika muPortugal. Zvapupu zvaJehovha zvave zvakabatikana kuendesa mashoko akanaka kumakumi ezviuru ehove dzokufananidzira. (Mateo 4:19) Muna May 1995 makanga mune chiverengero chapamusoro chavaparidzi voUmambo 44, 650—reshiyo ye1 kuvanenge vagari vemo 210. Mumamwe maguta reshiyo yacho ihafu yeiyoyo.

Nevashandi vakawanda vakadaro, ndima dzokupupurira munharaunda dzakawanda dzinofukidzwa inenge vhiki iri yose. Nokudaro zvapupu zvomuPortugal zvinodisa zvikuru kushandisa kusvika kwakasiyana-siyana kuti zvigoverane tariro yazvo yeBhaibheri nevamwe. Hungu, izvo zvinonzwisisa ukoshi hwokuzivisa zvokwadi yeBhaibheri munzira iri yose inobvira.—1 VaKorinte 9:20-23.

Kubetsera Vanoda Zvorudzidziso

Maererano nokuverengwa kwavanhu kwa1991, 70 muzana yeavo vane makore 18 ezera kana kuti kupfuura muPortugal vanoti vaRoma Katurike. Pasinei hapo naikoku, zivo yeBhaibheri yakaderera pakati pavanhu vacho. Pepanhau reJornal de Notícias rakati: “Iyi ndiyo yeimwe ngwavaira huru zvikuru yenyika yeKaturike: Kusaziva Bhaibheri!” Nei ikoku kwakadaro? Pepanhau rePortugal Expresso rinonongedzera kumhinduro yacho. Richishuma nezvomusangano wavaprista 500 muFátima, pepa racho rinoti: “Maererano nomukuru wavafundisi, kuri madikanwa kuti muprista azvisunungure amene mumibato yakati isingagumi kuitira kuti agogona kuwanazve chose chose nzvimbo yake so‘muzivisi.’ . . . Kana muprista akava womwoyo wose mukuparidza Evhangeri, iye haasati achizova nenguva yemimwe mibato ipi neipi.”

Mukupesana, Zvapupu zvaJehovha muPortugal zvakabatikana mukuzivisa zvokwadi yeBhaibheri munzira iri yose inobvira. Somugumisiro, vaKaturike vapachokwadi vakawanda vari kuwana zivo yeBhaibheri.

Carlota akanga ari muKaturike akazvipira uye mutezo weboka repwere munzanga yorudzidziso. Iye akanga ariwo mudzidzisi muchikoro chavaduku uko Antônio, Chapupu, aishanda. Sapiyona wenguva dzose, kana kuti mushumiri wenguva yakazara, António nguva dzose aivavarira kutaura kuvashandi biyake pamusoro peBhaibheri mukati meawa yokudya kwamasikati. Rimwe zuva Carlota akamubvunza pamusoro pechitendero muhero yomwoto uye chitendero chaMaria. Antônio akamuratidza icho Bhaibheri rinodzidzisa pamusoro peidzi nhau, uye ndiko kwakanga kuri kuvamba kwekurukurirano dzakawanda dzeBhaibheri. Apo Carlota akapinda musangano wake wokutanga paHoro yoUmambo yomunzvimbomo, iye akaororwa zvikuru. Zvisinei, nguva dzemisangano dzakabonderana neidzo dzenzanga yorudzidziso rwaaipinda. Akaziva kuti akanga achifanira kuita chisarudzo. Chii chaaizoita?

Carlota akaunganidza boka rose repwere ndokutsanangura kubva muBhaibheri nei akanga ava kurega. Vose vakatsoropodza chisarudzo chake, kunze kwomumwe musikana muduku anonzi Stela, uyo akateerera nenzira yokungwarira zvikuru. Apo Carlota akataura naye gare gare, Stela akabvunza mibvunzo yakawanda pamusoro pamavambo uye chinangwa choupenyu. Carlota akamupa bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?a ndokutanga fundo yeBhaibheri naye.

Munguvayi Carlota akaita fambiro mberi yomudzimu yakaisvonaka, akabhapatidzwa muna June 1991, uye akavamba kubatira sapiyona wenguva dzose mwedzi mitanhatu gare gare. Muna May 1992 iye naAntônio vakaroorana, vachipfuurira mubasa roupiyona pamwe chete muungano iri pedyo neyavo uko kune kushaiwa kukuru. Uye zvakadini naStela? Iye akabhapatidzwa muna May 1993 uye zvino anobatira sapiyona wenguva dzose.

Francisco muduku akanga ari worudzidziso zvikuru. Svondo iri yose iye aipinda Misa mumangwanani uye dzokororo dzoRusariro mumasikati. Iye aibatira somutariri wezvinhu zvinoyera, achibetsera muprista mukati meMisa. Iye akatonyengetera kuna Mwari kuti aitwe “musande” rimwe zuva!

Francisco aida chaizvoizvo kuva neBhaibheri, uye rimwe zuva shamwari yake yakamupa rimwe. Iye akashamiswa kuwana kuti Mwari ane zita, Jehovha. (Eksodho 6:3; Pisarema 83:18) Apo iye akarava pana Eksodho 20:4, 5 kuti Mwari anorambidza kushandiswa kwemifananidzo mukunamata, iye akatoshamiswa zvikuru! Achiona kuti chechi yakanga yakazara nezvifananidzo, iye akanyengetera zvakasimba kuna Mwari kuti amubetsere kunzwisisa iyi nyongano yose. Mazuva anoverengeka gare gare iye akasangana neaichimbova wokuchikoro biyake ndokumubvunza chikonzero nei akanga asiya chikoro chamanheru.

“Ndava kupinda chikoro chamanheru chiri nani zvino,” yakapindura kudaro shamwari yake.

“Ndechipi chikoro ichocho, uye chii chauri kufunda?” akabvunza kudaro Francisco. Iye akanga asina kutongogadzirira mhinduro yeshamwari yacho.

“Ndiri kufunda Bhaibheri paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha,” shamwari yacho yakamuudza kudaro. “Ungada kuuyawo here?”

Francisco aisatongogona kudavira izvo akaona pamusangano wake wokutanga—zviso zvinofara, zvinonyemwerera; vanhu vachitaura nomumwe nomumwe nomutoo unofadza, woushamwari; vana vakagara nevabereki vavo uye vachipa ngwariro kuzvaitaurwa.

“Hepano, muenzi chaiye, uye ndakanzwa sorutivi rwemhuri yacho!” akataura kudaro Francisco. Iye ave achipinda misangano nguva dzose chibvirocho. Zvino Francisco anobatira somukuru muungano, uye pamwe chete nomudzimai wake navana vaviri, iye anofarira zvipikirwa zvakaisvonaka zvoUmambo zviri muShoko raMwari.

Kugoverana Zvokwadi Nehama Dzokunyama

Manuela, piyona wenguva dzose munharaunda yeLisbon, akabata hove dzomudzimu dzakawanda nemhaka yokushivirira kwake mukupupura nenzira yomutsa kuna vose, kubatanidza hama dzokunyama. Pakati padzo pakanga pane hanzvadzi yake yokunyama, José Eduardo, uyo akarovedzwa muunyanzvi hwokurwa uye mukushandiswa kwezvombo. Iye akanga atyora mutemo kakawanda kwazvo zvokuti pakupedzisira iye akatongwa nokuda kwemhosva 22 ndokutongerwa makore 20 mutorongo. Iye akanga ane masimba masimba kwazvo zvokuti kunyange vomutorongo biyake vakanga vachimutya, uye akanga akachengetwa muchitokisi chakachengetedzwa zvikuru.

Kwamakore manomwe Manuela nenzira yokushivirira akashanyira José Eduardo, asi iye nguva dzose airamba shoko rake reBhaibheri. Pakupedzisira, apo bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakabudiswa, iye akarigamuchira, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Pakarepo akaita chinjo huru mumufambiro wake. Vhiki imwe gare gare iye akapa uchapupu hwomunhu oga kuvasungwa 200, uye vhiki yakatevera kuvamwe 600. Iye akatowana mvumo yokushanyira vasungwa biyake muzvimwe zvivako zvetorongo. Nemhaka yechinjo inoshamisa mumufambiro wake, mutongo wacho wakaderedzwa kuva makore 15. Pashure pokubatira makore 10, iye akasunungurwa achitarisirwa. Chibvirocho makore mashanu akapfuura, uye José Eduardo zvino Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha, achibatira somubatiri anoshumira muungano yomunzvimbomo. Zvirokwazvo inhau ye‘bere rinogara negwayana’!—Isaya 11:6.

Nemhaka yenhamburiko yake inopfuuridzirwa mukupupura kumhuri yake, Manuela akava nomufaro wokubetsera murume wake uye mimwe mitezo mina yemhuri yake kuva inoshingaira mubasa raJehovha. Murume wake zvino mubatiri anoshumira.

“Ndichavadzinga Nokubanha Neshamhu”

Maria do Carmo aigara musabhabhu reLisbon apo Zvapupu zvakamushanyira. Iye akada zvaakanzwa ndokukumbira murume wake, Antônio, kana aigona kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha. “Usatongofunga nezvako!” iye akapindura kudaro. “Kana ndikangowana Zvapupu zvaJehovha mumba medu, ndichazvidzinga nokubanha neshamhu.” Antônio, sezvineiwo, akanga ari murairidzi wekarate uye wechikamu chechitatu chounyanzvi hwokurwa. Naizvozvo Maria do Carmo akasarudza kuva nefundo yake yeBhaibheri kune imwe nzvimbo.

Gare gare, Antônio akanga achifanira kuenda kuEngland nokuda kwekosi yemazuva masere mukarate, uye Maria do Carmo nenzira yokungwarira akarongedza musutukezi yake chinyorwa chaBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.b Sezvo Antônio akanga ane nguva yakawanda parwendo rwake, iye akarava bhuku racho. Pakudzoka, dutu rakazunungusa ndege yacho nenzira inotyisa, uye yakava nechinetso chokumhara. Kwokutanga muupenyu hwake, Antônio akanyengetera kuna Jehovha.

Apo Antônio akasvika kumba, Chapupu chaiitisa mudzimai wake fundo chakamukoka kuti apinde musangano. Iye akagamuchira uye akawana munhu ari wose kuva anoushamwari zvikuru. Gadziriro dzakaitwa dzefundo yeBhaibheri, uye munguva pfupi, Antônio akaziva kuti aifanira kuita zvisarudzo zvakati. Mugumisiro wacho wakava wokuti iye akarega kudzidzisa karate ndokuvamba kudzidzisa vadzidzi vake nzira yokurarama nayo upenyu hune rugare zvino nokusingaperi. Mumwe wavo, aivawo nounyanzvi hwokurwa, zvino muKristu akabhapatidzwa.

Kana ari Antônio, iye akabhapatidzwa muna April 1991. Zuva rapashure porubhapatidzo rwake, iye akavamba kubatira sapiyona webetsero. Mwedzi mitanhatu gare gare iye akavamba kubatira sapiyona wenguva dzose, uye nokukurumidza akanga ava kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 12. Muna July 1993 iye akagadzwa somubatiri anoshumira muungano.

Mundima Inowanzoshandwa

Munharaunda dzakawanda dzenyika, ndima inoshandwa inenge vhiki iri yose. Zvapupu zvinopfuurira sei mumibato yazvo “yokuredza” nenzira inobudirira?

João anoedza kuonana nomunhu ari wose mumusha uri wose. Pakushanyira mumwe mukadzi, iye akabvunza kana pakanga pane vamwe vanogara mumusha wacho. Mukadzi wacho akapindura kuti murume wake navanakomana vaviri vaigarapo, asi kwaisazova nyore kuvawana sezvo vaishanda uye vaizova pamusha mumanheru bedzi. Naizvozvo João akapfuurira ndokushanyira vamwe munharaunda yacho. Inenge awa imwe nehafu gare gare, mumwe murume akamusvika.

“Wati wanga uchida kutaura neni,” murume wacho akadaro kuna João. “Ndapota ndiudze chaunoda.”

“Pamusoroi, asi handikuziviyi,” João akapindura kudaro, ashamiswa. “Ndimi ani?”

“Ndini Antônio, uye ndinogara pamusoro apa mumugwagwa uno. Waudza mai vangu kuti wanga uchida kutaura kuvasara vemhuri yose, naizvozvo ndauya kuzowana chawanga uchida.”

João akapa Antônio uchapupu hwakazara ndokutanga fundo yeBhaibheri naye. Pashure pefundo yechipiri, Antônio akabvunza kana fundo yacho yaigona kuitiswa kaviri pavhiki. Mumwedzi mina chete, iye akakumbanira João ndokuvamba kuparidza mashoko akanaka mumugwagwa wake amene. Mwedzi mitatu gare gare, iye akabhapatidzwa. Munguva pfupi yapfuura amai vakewo vakavamba kufunda Bhaibheri. Kunokosha sei kuedza kutaura nemitezo yose yemhuri muushumiri!

Zvakaitika zvinofadza zvakadaro zvinoratidza kuti kuchine kuredza kwomudzimu kukuru kunofanira kuitwa mumvura dzePortugal. Jehovha akakomborera Zvapupu zvinoshanda nesimba nezviuru zvefundo dzeBhaibheri dzinofambira mberi. Sezvo vanopfuurira kutsvaka nzira dzakawanda dzokuzivisa nadzo zvokwadi yeBhaibheri kuna vose, mashoko omuapostora Pauro kuvaKristu vomuFiripi zvirokwazvo ari kuzadzikwa muPortugal nhasi: “Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose.”—VaFiripi 1:18.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mepu iri papeji 23]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SPAIN

PORTUGAL

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Zvapupu muPortugal zvinoshandisa mukana uri wose kuzivisa zvokwadi yeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe