Rugare Runobvira Here?
“KUCHAVE kune hondo nguva dzose kune imwe nzvimbo. Ndiyo zvokwadi inosuruvarisa pamusoro porudzi rwomunhu.” Uyu murangariro usina tariro wakaoneka nguva pfupi yapfuura mune imwe tsamba yakabva kumuravi wemagazini yeNewsweek. Unobvumirana nawo here? Hondo haidzivisiki uye rugare harubviri here? Kana tikasarudza nenhau, kwakaoma kusapindura kuti hungu kuyose yeiyi mibvunzo. Chero bedzi zvinyorwa zvakachengetwa, rudzi rwomunhu rwakabatanidzwa muhondo imwe pashure peimwe, uye rwisano dzakava dzinoparadza zvikuru sezvo vanhu vakatanga nzira dzinobudirira zvikuru dzokuurayana.
Zana ramakore rechi20 harina kuva rinohesvurwa. Zvirokwazvo, rakapupurira hondo dzokudeura ropa dzakaipisisa kupfuura nakare kose, asi rakapupurirawo chimwe chinhu chitsva. Makore makumi mashanu apfuura United States yakatanga zera renyukireya kupfurikidza nokudonhedzera mabhomba maviri eatom muJapan. Mumakore makumi mashanu apfuura kubva panguva iyeyo, marudzi akaunganidza mirwi mikuru yezvombo zvenyukireya izvo zvingagona kuparadza rudzi rwomunhu kakawanda zvikuru. Kuvapo kwezvombo zvenyukireya pakupedzisira kuchadzivisa vanhu kurwa here? Maidi anozvitaurira amene. Kubvira muna 1945 mamiriyoni akawanda akafira muhondo—kunyange zvazvo kusvika panguva ino pasinazve mabhomba enyukireya akadonhedzwa.
Neiko rudzi rwomunhu rwakashongedzera kurwa kwazvo? Encyclopedia Americana inodudza mamwe mativi enzanga yavanhu ayo munhau akatungamirira kuhondo. Anobatanidza kusashivirira kworudzidziso, udzinza, kusiyana kwetsika, pfungwa dzinosiyana (dzakadai sechiKomonizimu negadziriro umo varidzi vanoregwa vachidzora pfuma yavo), urudzi nedzidziso youchangamire hwenyika, mamiriro ezvinhu ezvemari, uye kugamuchirwa kwakakurumbira kwekudzora kweboka ramauto. Apo unorava ndaza iyoyo, unoona chinhu chipi nechipi chingangochinja munguva pfupi iri mberi here? Marudzi achava akatsunga zvishoma kuchengetedza uchangamire hwawo here? Vanhu vachava vanosarura rudzi zvishoma here? Vanotsigira rudzidziso vachava vanonyanyisa zvishoma here? Ikoku hakungabviri zvikuru.
Ipapo, hakuna tariro here, yokuti rimwe zuva zvinhu zvichava zviri nani uye kuchava norugare runogarisa? Hungu, kune tariro. Pasinei zvapo nokusagadzikana kwenyika ino, kunobvira kunyange nhasi kuwana rugare. Mamiriyoni akaita kudaro. Rega tikutaurire pamusoro pavashomanene vavanhu ivava ndokuona kuti zvakaitika zvavo zvinogona kurevei kwauri.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Background cover and page 32: Reuters/Bettmann
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Reuters/Bettmann