RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 12/15 p. 32
  • Mhaka Yairwisana neZvapupu zvaJehovha Yakasarudzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhaka Yairwisana neZvapupu zvaJehovha Yakasarudzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 12/15 p. 32

Mhaka Yairwisana neZvapupu zvaJehovha Yakasarudzwa

PASHURE pokusundira mberi kwakadzokororwa kwadzokororwazve, Court of Appeals muThessalonica, Greece, pakupedzisira yakasangana pana June 8, 1995, kuti itonge mhaka yairwisana neZvapupu zvaJehovha zvina zvechikadzi. Chii chazvaipomerwa? Kutendeutsa, uko mutemo weGreece wakarambidza kwamakore anopfuura makumi mashanu.

Zvisinei, nguva apo dare rakaungana, chapupu chikuru chokuroverera mhaka—muprista uyo akanyandura mhaka yairwisana navakadzi vana—akanga asati achiri kurarama. Mumwe muprista akaedza kupupurira munzvimbo yake, asi dare harina kugamuchira chikumbiro chake. Nokudaro, hakushamisi kuti kutonga kwacho kwakapedza maminiti 15 bedzi! Mutongi akanzvera zvimwe zvapupu zvokuroverera mhaka ndokuwana vaikwirirwa vasina mhaka yokutendeutsa kusiri pamutemo. Chisarudzo ichi chinoratidzira kuti matare eGreece anodisa kuremekedza ndokugara maererano nechisarudzo chakasvikwa muna 1993 neEuropean Court of Human Rights.

Kwakanga kuchishamisa zvikuru kuona vakadzi vatatu avo vakapupurira kurovererwa kwemhaka vachisvika vakwirirwi Zvapupu, vachivakorokotedza nomwoyo wose. “Tinokumbira ruregerero nokuda kwezvinhu izvi zvose zvakaitika,” mumwe wavo akadaro. Akawedzera, kuti: “Yakanga isiri mhaka yedu. Muprista akatimanikidza kukurovererai mhaka. Zvino zvaasisiri kurarama, tinoda kuti muuye kumisha yedu uye kudzimba dzedu.”

Nokudaro, Jehovha akapa zvakare rukundo runoshamisa kuvanhu vake muGreece. Mitemo inorambidza kutendeutsa yakapiwa muGreece muna 1938 uye 1939. Muna 1993 European Court of Human Rights yakasarudza kuti kushandisa mutemo uyu kutambudza Zvapupu zvaJehovha kwakashata.—Ona Nharireyomurindi, September 1, 1993, mapeji 27-31.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe