RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/15 p. 31
  • “Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/15 p. 31

“Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”

NZOMBE mbiri dzakapikichwa pano dzine simba guru, rinodzigonesa kudhonza mitoro inorema zviri nyore. Asi ngatitii imwe yenzombe dzacho yakatsiviwa nembongoro. Sezvo mbongoro iri duku uye isina simba pane nzombe, sezvingabvira yaizopanduka kupfurikidza nokubanha dhazibhomu rakaibata mujoko iri risina kufanira. Nechikonzero chakanaka, ipapo, mutemo waMwari kuna Israeri waiti: “Usarima nenzombe nembongoro pamwe chete.”—Dheuteronomio 22:10.

Muapostora Pauro akanyora chimwe chinhu chakafanana nezvavanhu. Akati: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko navasingatendi.” (2 VaKorinte 6:14) Ikoku kunofanira kurangarirwa zvikuru pakusarudza mukwanyina weroorano. Roorano mubatanidzwa wechigarire, nokuti Jesu Kristu akati: “Izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” (Mateo 19:6) Kutambudzika kukuru kunovapo apo vakaroorana vanenge vasingagoverani zvitendero, nheyo, uye nharidzano. Kune mufungo bedzi naizvozvo kutevera zano reBhaibheri rokuroora “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Kuroorana nomumwe munhu asingagoverani kutenda kwako kworudzidziso kwaizopa chinetso chakatokura zvikuru kupfuura kusunga nzombe nembongoro pajoko.

Kusiyana muchitendero chorudzidziso chinongova chimwe chinhu chingagona kuparira vaviri kuva vakasungwa pajoko zvisina kufanira. Vakwanyina vanokarirwa—kunyange vokutenda kumwe cheteko—vaizoita zvakanaka kubvunza kuti, ‘Tinogoverana nharidzano dzimwe chetedzo here? Tichagarepi? Ndiani acharonga mari yokushandisa? Tose tiri vaviri tichashanda here? Zvakadini navana? Mutsa nokurangarira zvingadzora ukama hwacho here?’

Kusvikira kumwero wakati, mutoo uyo nhau dzakadaro dzinokurukurwa nawo unogona kuratidzira kana joko richava rakafanira kana kuti risina kufanira. Chokwadika, hakuna vanhu vaviri vanowirirana chose chose. Pamwe chete, zvisinei, kana vaviri vari kunyengana vachigona kutarisana ndokupedza zvinetso pamwe chete uye kana vachigona kuchengeta kurukurirano yakazaruka, kungabvira kuti havasati vachizosungwa zvisina kufanira pajoko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe